RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 68 p. 162-p. 163
  • Erizabheti Anova Nemwana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Erizabheti Anova Nemwana
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Munhu Achagadzira Nzira Anozvarwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Vakatuswa nokuda Kwokufamba Vasina Chavanopomerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ngirozi yaMwari Inotumwa Nemashoko
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 68 p. 162-p. 163
Zekariya ari kuratidza hama neshamwari kuti mwanakomana wake achanzi Johani

CHIDZIDZO 68

Erizabheti Anova Nemwana

Papfuura makore 400 kubva pakavakwazve masvingo eJerusarema, mumwe mupristi ainzi Zekariya nemudzimai wake Erizabheti vaigara pedyo neguta racho. Vakanga vava nemakore akawanda varoorana asi vasina kana mwana. Rimwe zuva Zekariya paakanga achipisa rusenzi munzvimbo tsvene yetemberi, ngirozi inonzi Gabrieri yakauya kwaari. Zekariya akatya, asi Gabrieri akati kwaari: ‘Usatya. Ndauya nemashoko akanaka abva kuna Jehovha. Mudzimai wako Erizabheti achava nemwanakomana, uyo achanzi Johani. Jehovha asarudza Johani kuti azoita basa rinokosha chaizvo.’ Zekariya akabvunza kuti: ‘Ndingava sei nechokwadi nazvo? Ini nemudzimai wangu tachembera chaizvo zvekuti hatichakwanisi kuva nemwana.’ Gabrieri akati: ‘Ndatumwa naMwari kuti ndikuudze mashoko aya. Sezvo usina kubvuma zvandataura, uchava chimumumu kusvikira mwana wacho aberekwa.’

Zekariya akatora nguva yakareba ari munzvimbo tsvene kupfuura zvaaigara achiita. Saka paakazobuda, vanhu vakanga vasara vakamira kunze kwenzvimbo tsvene vaida kuziva kuti chii chakanga chaitika. Zekariya akanga asingachakwanisi kutaura. Aingokwanisa kuita masaini nemaoko ake. Ipapo vanhu vakabva vaziva kuti Zekariya aiva nemashoko aakanga audzwa naMwari.

Nekufamba kwenguva, Erizabheti akava nepamuviri uye akazobereka mwana mukomana sezvakanga zvataurwa nengirozi. Hama neshamwari dzake dzakauya kuzoona mwana wacho. Vakafara chaizvo. Erizabheti akati: ‘Zita rake achanzi Johani.’ Ivo vakati: ‘Pahama dzako hapana munhu ane zita rekuti Johani. Unofanira kumupa zita rababa vake rekuti Zekariya.’ Asi Zekariya akabva anyora mashoko ekuti: ‘Johani ndiro zita rake.’ Panguva iyoyo, Zekariya akabva atangazve kutaura! MuJudhiya mese vanhu vaingotaura nezvemwana wacho uye vainetseka kuti: ‘Mwana uyu achava munhu akaita sei?’

Zekariya akabva azadzwa nemweya mutsvene. Akaprofita achiti: ‘Jehovha ngaarumbidzwe. Akavimbisa Abrahamu kuti achatumira Mesiya, muponesi, kuti azotinunura. Johani achava muprofita uye achagadzirira Mesiya nzira.’

Pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitikawo kuna Mariya hama yaErizabheti. Ngatinzwei nezvacho muchidzidzo chinotevera.

“Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:26

Mibvunzo: Gabrieri akaudza Zekariya kuti chii? Johani aizoita basa ripi rinokosha?

Mateu 11:7-14; Ruka 1:5-25, 57-79; Isaya 40:3; Maraki 3:1

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe