RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 3 p. 14-p. 15 ndim. 2
  • Munhu Achagadzira Nzira Anozvarwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Achagadzira Nzira Anozvarwa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Erizabheti Anova Nemwana
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vakatuswa nokuda Kwokufamba Vasina Chavanopomerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ngirozi yaMwari Inotumwa Nemashoko
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 3 p. 14-p. 15 ndim. 2
Erizabheti anoratidza vamwe mwana wake mucheche

CHITSAUKO 3

Munhu Achagadzira Nzira Anozvarwa

RUKA 1:57-79

  • JOHANI MUBHABHATIDZI ANOZVARWA UYE ANOPIWA ZITA

  • ZEKARIYA ANOTAURA BASA RICHAZOITWA NAJOHANI

Erizabheti ava pedyo nokusununguka. Hama yake Mariya yaita mwedzi mitatu ichigara naye. Iye zvino yasvika nguva yokuti Mariya aite rwendo rurefu kudzokera kumusha kwake kuNazareta. Pashure pemwedzi inenge mitanhatu iyewo achava nemwanakomana.

Mariya achingoenda, Erizabheti anosara achisununguka. Zvinofadza zvikuru kuti anobatsirwa pasina dambudziko, uye anosara ari mutano, iye nemwana wake. Erizabheti paanoratidza vavakidzani vake nehama dzake kamwana kake, vanomukorokotedza.

Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari waiti kana mwana mukomana azvarwa, pazuva rechisere anofanira kudzingiswa kana kuti kuchecheudzwa uye anobva apiwawo zita. (Revhitiko 12:2, 3) Vamwe vane pfungwa yokupa mwana wacho zita rababa vake rokuti Zekariya. Asi Erizabheti anozviramba, achiti: “Aiwa, hazviiti! . . . achanzi Johani.” (Ruka 1:60) Uchiri kuyeuka here kuti ngirozi Gabrieri yakati mwana wacho aifanira kuzonzi Johani?

Hama nevavakidzani vanotsika madziro vachiti: “Pahama dzako hapana munhu ane zita irori.” (Ruka 1:61) Vachishandisa zviratidzo, vanobvunza Zekariya kuti anoda kuti mwanakomana wake apiwe zita rokutii. Zekariya anokumbira pokunyorera, onyora mhinduro yake yokuti: “Johani ndiro zita rake.”—Ruka 1:63.

Zekariya anonyora pahwendefa; Zekariya anokwanisazve kutaura uye anoprofita

Paanongonyora kudaro, inzwi rake rinobva radzoka. Kana uchiri kuyeuka, Zekariya anga asisagoni kutaura kubvira paakaratidza kusatenda zvakanga zvataurwa nengirozi kuti Erizabheti aizova nemwanakomana. Saka Zekariya paanotanga kutaura, vavakidzani vake vanoshamiswa vobvunzana kuti: “Chokwadi mwana uyu muduku achavei?” (Ruka 1:66) Vari kuona simba raMwari pamatumidzirwo aitwa Johani zita rake.

Azadzwa nomudzimu mutsvene Zekariya anozivisa kuti: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, nokuti afunga nezvevanhu vake uye avanunura. Atimutsira nyanga yoruponeso mumba momushandi wake Dhavhidhi.” (Ruka 1:68, 69) Waari kuti “nyanga yoruponeso” ndiIshe Jesu, uyo asati aberekwa. Zekariya anoti Jesu achashandiswa naMwari “kuti, pashure pokunge tanunurwa pamaoko evavengi, atipe ropafadzo yokumuitira basa dzvene nokusatya nokuvimbika nokururama pamberi pake mazuva edu ose.”—Ruka 1:74, 75.

Zekariya anoti nezvemwanakomana wake: “Asi kana uri iwe, mwana muduku, uchanzi muprofita weWokumusorosoro, nokuti uchafanotungamira pamberi paJehovha kuti ugadzirire nzira dzake, kuti upe vanhu vake zivo inoponesa nokukanganwirwa zvivi zvavo, nokuda kwetsitsi huru dzaMwari wedu. Neidzi tsitsi mambakwedza achatishanyira achibva kumusoro, kuzovhenekera vaya vakagara murima nomumumvuri worufu, kuzotungamirira tsoka dzedu nokubudirira munzira yorugare.” (Ruka 1:76-79) Uprofita ihwohwo hunozokurudzira!

Pari zvino Mariya, anofanira kunge asvika kuNazareta. Achaita sei pazvichazivikanwa kuti ava nepamuviri sezvo asati aroorwa?

  • Johani naJesu vakasiyana zvakadini pazera?

  • Chii chinoitika Johani ava nemazuva masere azvarwa?

  • Johani achapiwa basa rei naMwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe