Vakatuswa nokuda Kwokufamba Vasina Chavanopomerwa
JEHOVHA anokomborera uye anotusa vabatiri vake vakatendeka. Vangafanira kumirira kwenguva yakati kuti vaone kuitwa kwamadonzo aMwari, asi mufaro wakadini apo chikomborero chake chinowanwa!
Ikoku kwakasanoratidzirwa zviuru zviviri zvamakore zvapfuura muchinoitika chomuprista wechiJudha Zakaria nomudzimai wake, Erisabhete, vose vari vaviri vemhuri yaAroni. Mwari akanga apikira kukomborera vaIsraeri nevana kana vakamubatira nokutendeka. Akataura kuti vana ituso. (Revhitiko 26:9; Pisarema 127:3) Zvisinei, Zakaria naErisabhete vakanga vasina mwana uye vakwegura zvikuru.—Ruka 1:1-7.
Magwaro anotaura kuti Zakaria naErisabhete “vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaShe, vasina chavangapomerwa.” (Ruka 1:6) Vaida Mwari zvikuru kwazvo zvokuti kwaisava mutoro kuti varonde nzira yakarurama uye kuchengeta mirairo yake.—1 Johane 5:3.
Zvikomborero Zvisingakarirwi
Ngatidzokerei kukupera kwechirimo kana kuti kukutanga kwezhizha kwegore ra 3 P.N.V. Herodhe Mukuru ari kutonga samambo muJudhea. Rimwe zuva, muprista Zakaria anopinda munzvimbo Tsvene yetembere muJerusarema. Apo vanhu vakanga vakaungana vachinyengetera kunze kwenzvimbo tsvene, anopisa zvinonhuwira paatari yendarama. Zvimwe kunorangarirwa kuva rinokudzwa zvikurusa ramabasa ezuva nezuva, ikoku kunoitwa pashure pokunge chibayiro chapiwa. Muprista angava akava neiyi ropafadzo kamwe bedzi munduramo yake.
Zakaria haagoni kudavira zvaari kuona. Chokwadi, ngirozi yaJehovha yakamira kurudyi rweatari yezvinonhuwira! Muprista akwegura anonetseka uye anotya. Asi ngirozi inoti: “Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwika, mukadzi wako Erisabhete uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.” Hungu, Jehovha anzwa minyengetero yapachokwadi yaErisabhete naZakaria.—Ruka 1:8-13.
Ngirozi inowedzera, kuti: “Uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongonwi waini nezvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.” Johane achava muNaziri kwoupenyu hwose akazadzwa nomudzimu mutsvene waJehovha. Ngirozi inopfuurira, kuti: “Uchadzorera vazhinji vavana vaIsraeri kunaShe, Mwari wavo. Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.”—Ruka 1:14-17.
Zakaria anobvunza, kuti: “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava mutana, nomukadzi wangu wachembera.” Ngirozi inopindura, kuti: “Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.” Apo Zakaria anobuda munzvimbo tsvene, haagoni kutaura, uye vanhu vanoziva kuti aona chiono chine simba rinopfuura romusikirwo. Icho anogona kuita bedzi kuita zviratidzo, achishandisa majangariko kupa mifungo yake. Apo basa rake ravose rinopera, anodzoka kumusha.—Ruka 1:18-23.
Chisakiso Chomufaro
Sezvakapikirwa, Erisabhete anokurumidza kuva nechikonzero chokufara. Anova nemimba, kuchibvisa ruzvidzo rwokusabereka. Hama yake yokunyama Maria anovawo anofara, nokuti ngirozi imwe cheteyo, Gabrieri, inomuudza, kuti: “Tarira, uchava nemimba, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro; Ishe Mwari uchamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi.” Maria anoda kuita rutivi rwo“mushandiri waShe.”—Ruka 1:24-38.
Maria anokurumidza kuenda kumusha kwaZakaria naErisabhete muguta renyika ina makomo yaJudha. Pakunzwika kwekwaziso yaMaria, mwana ari mudumbu raErisabhete anokwakuka. Mupesvedzero yomudzimu mutsvene waMwari, Erisabhete anodanidzira zvinonzwika, achiti: “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaShe wangu? Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti zvakataurwa naShe kwaari zvichaitika.” Maria anopindura nomufaro mukuru. Kugara kwake naErisabhete kunopedza inenge mwedzi mitatu.—Ruka 1:39-56.
Johane Anoberekwa
Munguva yakafanira mwanakomana anoberekerwa Erisabhete naZakaria vakwegura. Pazuva rechisere, mwana anodzingiswa. Hama dzokunyama dzinoda kudana mukomana kuti Zakaria, asi Erisabhete anoti: “Kwete uchatumidzwa Johane.” Ko murume wake achiri asingatauri anobvuma here? Paibwe rokunyorera anonyora, kuti: “Johane, ndiro zita rake.” Pakarepo, rurimi rwaZakaria runosunungurwa, uye anovamba kutaura, achirumbidza Jehovha.—Ruka 1:57-66.
Azadzwa nomudzimu mutsvene, muprista anofara anoporofita. Anotaura sokunge Mununuri akapikirwa—‘nyanga yoruponeso muimba yaDhavhidhi’—yatomutswa mutsinhirano nesungano yaAbrahama pamusoro peMbeu yokukomborerwa kwamarudzi ose. (Genesi 22:15-18) Somutangiri waMesia, mwanakomana aberekwa nenzira yenenji waZakaria amene acha‘enda pamberi paJehovha kundopa vanhu zivo yoruponeso.’ Sezvo makore akapfuura, Johane akaramba achikura uye achiva akasimba mumudzimu.—Ruka 1:67-80.
Vakatuswa Zvikuru
Zakaria naErisabhete vakanga vari mienzaniso yakaisvonaka yokutenda uye shiviriro. Vakapfuurira kubatira Jehovha nokutendeka kunyange zvazvo vaifanira kumirira Mwari, uye zvikomborero zvavo zvikurusa zvakauya bedzi apo vakanga vakwegura zvikuru.
Bva, zvikomborero zvakadini izvo Erisabhete naZakaria vakafarikanya! Mupesvedzero yomudzimu waMwari, vose vari vaviri vakaporofita. Vakaropafadzwa kuva vabereki uye varairidzi vomutangiri waMesia, Johane Mubhapatidzi. Uyezve, Mwari akavarangarira savakarurama. Nenzira yakafanana, avo nhasi vanoronda nzira youmwari vanogona kuva nechimiro chakarurama naMwari uye vachagamuchira tuso dzakakomborerwa dzakawanda nokuda kwokufamba vasina chavanopomerwa mumirairo yaJehovha.