RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 6/15 pp. 12-17
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kubata Vanhu Vari Vapenyu”
  • Varedzi Vavanhu
  • Kuredza Mugungwa Rorudzi Rwomunhu
  • Kuredza Vanhu mu“Zuva raShe”
  • Vadzidzi Vana Vachava Vabati Vevanhu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kuredza Vanhu Mumvura Dzenyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuredza Hove Mugungwa reGarireya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 6/15 pp. 12-17

Kubatira Savaredzi Vavanhu

“Jesu akati kuna Simoni: ‘Usatya. Kubva zvino zvichienda mberi uchave uchibata vanhu vari vapenyu.’”—RUKA 5:10, NW.

1, 2. (a) Rutivii urwo kuredza kwakaita munhau yorudzi rwomunhu? (b) Rudzii rutsva rwokuredza rwakasumwa makore anodokusvika 2 000 akapfuura?

KWEZVIURU zvamakore, rudzi rwomunhu rwakaredza nokuda kwezvokudya mumakungwa apasi, nyanza, uye nzizi. Hove dzomuNire dzakanga dziri rutivi runokosha rwezvokudya muEgipita yekare. Apo mvura dzeNire dzakachinjwa kuva ropa muzuva raMosesi, vaEgipita vakatambura kwete bedzi nemhaka yokuti pakava neperevedzo yemvura asiwo nemhaka yokuti hove dzakafa, kuchitapura mugove wavo wezvokudya. Gare gare, paSinai, apo Jehovha akapa Israeri Mutemo, iye akavaudza kuti hove dzakati dzaigona kudyiwa asi kuti dzimwe dzakanga dzisina kuchena, dzaisafanira kudyiwa. Ikoku kwakaratidzira kuti vaIsraeri vaizodya hove pavakasvika muNyika Yakapikirwa, naizvozvo vamwe vavo vaizova varedzi.—Eksodho 7:20, 21; Revhitiko 11:9-12.

2 Zvisinei, anenge makore 2 000 akapfuura, rumwe rudzi rwokuredza rwakasumwa kurudzi rwomunhu. Urwu rwakanga rwuri rudzi rwomudzimu rwokuredza urwo rwaizobetsera kwete bedzi varedzi asiwo hove dzacho! Urwu rudzi rwokuredza ruchiri kushandiswa nhasi, nebetsero huru kumamirioni munyika yose.

“Kubata Vanhu Vari Vapenyu”

3, 4. Varedzi vapi vaviri vakaratidza fariro huru muna Jesu Kristu?

3 Mugore ra 29 N.V., Jesu, Uyo aizosuma ichi chimiro chitsva chokuredza, akabhapatidzwa murwizi rwaJoridhani naJohane Mubhapatidzi. Mavhiki mashomanene gare gare, Johane akanongedzera Jesu kuvaviri vavadzidzi vake ndokuti: “Tarirai, Gwaiana raMwari!” Mumwe waava vadzidzi, uyo aiva nezita rinonzi Andrea, akakurumidza kuudza mukoma wake Simoni Petro, kuti: “Tawana Mesia”! Nenzira inofadza, vose vari vaviri Andrea naSimoni vakanga vari varedzi nokuda kwebasa.—Johane 1:35, 36, 40, 41; Mateo 4:18.

4 Nguva yakati gare gare, Jesu akanga achiparidzira kumapoka parutivi peGungwa reGarirea, kusati kuri kure nouko Petro naAndrea vaigara. Akanga achiudza vanhu, kuti: “Pfidzai, imi vanhu, nokuti umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 4:13, 17, NW) Tinogona kufungidzira kuti Petro naAndrea vakanga vachidisa kunzwa shoko rake. Sezvingabvira, kunyanguvezvo, havana kuziva kuti Jesu akanga odokutaura chimwe chinhu kwavari icho chaizochinja upenyu hwavo nokusingaperi. Uyezve, icho Jesu aizotaura nokuita varipo chine revo inokosha nokuda kwedu tose nhasi.

5. Muredzi Petro akakwanisa sei kuva webetsero kuna Jesu?

5 Tinorava, kuti: “Vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareta, akaona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka rutava rwavo.” (Ruka 5:1, 2) Shure ipapo, varedzi vane unyanzvi kazhinji kazhinji vaishanda usiku, uye ava varume vakanga vachisuka rutava rwavo pashure pousiku hwokuredza. Jesu akasarudza kushandisa rimwe ramagwa avo kuti aparidzire nenzira inobudirira zvikuru kuboka. “Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paduku apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari mugwa.”—Ruka 5:3.

6, 7. Inenjii rinobatanidza kuredza iro Jesu akaita, richitungamirira kukutaurai pamusoro pokuredza?

6 Cherekedza kuti Jesu akanga achirangarira chimwe chinhuzve chinopfuura kudzidzisa mapoka: “Wakati apedza kutaura, akati kuna Simoni: ‘Pindai kwakadzika, mukande rutava rwenyu, kuti mubate.’” Yeuka, ava varedzi vakanga vave vachitoshanda usiku hwose. Nenzira isingashamisi, Petro anopindura, kuti: “Tenzi, takatambura usiku hwose, tisingabati chinhu, asi zvamadaro imi, ndichakanda rutava.” Chii chakaitika pavakaita ikoku? “Vakakomba hove zhinji; rutava rwavo rukabvaruka. Vakaninira shamwari dzavo mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabetsera. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura.”—Ruka 5:4-7.

7 Jesu akanga aita nenji. Nzvimbo iyoyo yegungwa yakanga yave isina chinhu usiku hwose; zvino yakanga yazara nehove. Iri nenji rakava nomuuyo wakasimba pana Petro: “Simoni Petro akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati: ‘Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.’ Nokuti wakanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvakanga zvaitawo Jakobho naJohane, vanakomana vaZebhedhi, vaiva shamwari dzaSimoni.” Jesu akanyaradza Petro uye ipapo akataura mashoko ayo aizochinja upenyu hwaPetro. “Usatya. Kubva zvino zvichienda mberi uchave uchibata vanhu vari vapenyu.”—Ruka 5:8-10, NW.

Varedzi Vavanhu

8. Varedzi vana vane unyanzvi vakagamuchira sei kokero yoku‘bata vanhu vari vapenyu’?

8 Jesu nokudaro akaenzanisa vanhu nehove, uye iye akakoka uyu muredzi anozvininipisa kurega basa rake rokunyika nokuda kwechimiro chikuru zvikuru chokuredza—kubata vanhu vari vapenyu. Petro, uye munun’una wake Andrea, vakagamuchira kokero yacho. “Pakarepo vakasiya rutava rwavo, vakamutevera.” (Mateo 4:18-20) Jesu akatevera kudana Jakobho naJohane, avo vakanga vari mugwa ravo vachiruka rutava rwavo. Akakoka ivavawo kuva varedzi vavanhu. Vakagamuchira sei? “Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera.” (Mateo 4:21 22) Jesu akaratidza unyanzvi somuredzi wemweya. Paiyi nhambo akabata vanhu vana vari vapenyu.

9, 10. Kutendai uko Petro neshamwari dzake vakaratidza, uye vakarovedzwa sei mukuredza kwomudzimu?

9 Muredzi ane unyanzvi anorarama nokutengesa hove dzaanobata, asi muredzi womudzimu haagoni kuita izvozvo. Nokudaro, ava vadzidzi vakaratidza kutenda kukuru pavakarega zvose kuti vatevere Jesu. Vakanga vasina panikiro, zvisinei, kuti kuredza kwavo kwomudzimu kwaizobudirira. Jesu akanga akwanisa kuita kuti mvura dzisina miuyo dzizare nehove chaidzoidzo. Nenzira yakafanana, pavakadzikisa rutava rwavo mumvura dzorudzi rwaIsraeri, vadzidzi vaigona kuva nechokwadi chokuti, nebetsero yaMwari, vaizobata vanhu vari vapenyu. Basa rokuredza kwomudzimu iro rakavamba shure ipapo rinopfuurira, uye Jehovha achiri kupa kukohwa kwakapfuma.

10 Kwaanopfuura makore maviri, vadzidzi ivavo vakarovedzwa naJesu mukuredza vanhu. Panhambo nenhambo iye akavapa mirairidzo yokungwarira uye akavatuma mberi kwake kundoparidzira. (Mateo 10:1-7; Ruka 10:1-11) Apo Jesu akashambadzwa ndokuurawa, vadzidzi vakakatyamadzwa. Asi rufu rwaJesu rwakareva kusaredzazve vanhu here? Zvinoitika zvakakurumidza kupa mhinduro.

Kuredza Mugungwa Rorudzi Rwomunhu

11, 12. Pashure porumuko rwake, inenjii iro Jesu akaita iro rakanga rine chokuita nokuredza?

11 Nokukurumidza pashure porufu rwaJesu kunze kweJerusarema norumuko rwake, vadzidzi vakadzokera kuGarirea. Pane imwe nhambo vanomwe vavo vakanga vari pamwe chete pedyo neGungwa reGarirea. Petro akati aienda kundoredza, uye vamwe vakamukumbanira. Senguva dzose, vakaredza usiku. Kutaura idi, vakakandirazve rutava rwavo mugungwa usiku hwose vasingabati chinhu chipi nechipi. Ipapo pamashambanzou, mumwe munhu akaonekwa akamira pamhenderekedzo akadanidzira kwavari ari mhiri kwemvura, kuti: “Vana, mune chivero here?” Vadzidzi vakapindura, kuti: “Kwete!” Naizvozvo uyo akamira pamhenderekedzo akavaudza, kuti: “‘Kandai rutava kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.’ Ipapo vakakanda, vakasagona kurukweva nokuwanda kwehove.”—Johane 21:5, 6.

12 Ndichinoitika chinokatyamadza zvakadini! Sezvingabvira vadzidzi vakayeuka nenji rapakuvamba rinobatanidza kuredza, uye anenge mumwe wavo akaziva uyo akanga ari munhu aiva pamhenderekedzo. “Mudzidzi uya, waidikanwa naJesu, akati kuna Petro: ‘NdiShe!’ Ipapo Simoni Petro akati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake, nokuti wakanga asina, akazviwisira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vakauya nekagwa, vachikweva rutava rune hove, nokuti vakanga vasi kure nenyika asi makubiti anenge mazana maviri.”—Johane 21:7, 8.

13. Pashure pokukwira kwaJesu kudenga, igadziriroi yokuredza yamarudzi ose yakavambwa?

13 Iri nenji rakaratidzireiko? Kuti basa rokuredza vanhu rakanga risina kupedzwa. Iri idi rakasimbiswa apo Jesu katatu akapfuurira kuudza Petro—uye kupfurikidza naye vadzidzi vose—kudyisa makwai aJesu. (Johane 21:15-17) Hungu, gadziriro yokudyisa yomudzimu yakanga iri mberi. Pamberi porufu rwake, akanga aporofita, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzira mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:14, NW) Zvino yakanga yava nguva yokuti kuzadzika kwomuzana rokutanga ramakore kwouporofita ihwohwo kuvambe. Vadzidzi vake vakanga vodokudzikisa rutava rwavo mugungwa rorudzi rwomunhu, uye rutava rwacho rwaisazobuda rusina chinhu.—Mateo 28:19, 20.

14. Kuredza kwavateveri vaJesu kwakakomborerwa munzirai mumakore apamberi poruparadziko rweJerusarema?

14 Asati akwira kuchigaro choumambo chaBaba vake mudenga, Jesu akati kuvateveri vake: “Muchagamuchira simba apo mudzimu mutsvene unosvika pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea mose neSamaria uye kusvikira kurutivi ruri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Apo mudzimu mutsvene wakadururirwa pavadzidzi paPentekosta 33 N.V., basa guru rokuredza kwomudzimu rakatanga mumarudzi ose. Pazuva rePentekosta roga, mweya ine zviuru zvitatu yakabatwa iri mipenyu, uye nokukurumidza pashure paikoko “chiverengero chavarume chakava vanenge vane zviuru zvishanu.” (Mabasa 2:41; 4:4, NW) Wedzero yakapfuurira. Chinyorwa chinotiudza, kuti: “Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe.” (Mabasa 5:14) Nokukurumidza, vaSamaria vakagamuchira mashoko akanaka, uye nokukurumidza pashure paikoko ndizvo zvakaitawo Vamarudzi vasina kudzingiswa. (Mabasa 8:4-8; 10:24, 44-48) Makore 27 pashure pePentekosta, muapostora Pauro akanyorera maKristu eKorose kuti mashoko akanaka akanga “aparidzirwa muchisiko chose chiri pasi pedenga.” (VaKorose 1:23, NW) Nenzira yakajeka, vadzidzi vaJesu vakanga varedza kure nemvura dzeGarirea. Vakanga vadzikisa rutava rwavo pakati pavaJudha vakaparadzirwa muUmambo hwose hweRoma, pamwe chete nomumakungwa airatidzika kuva asingavimbisi amarudzi akanga asiri echiJudha. Uye rutava rwavo rwakabuda rwakazara. Nokuda kwezvinodikanwa zvamaKristu omuzana rokutanga ramakore, uporofita hwaJesu huri pana Mateo 24:14 hwakazadzikwa Jerusarema risati raparadzwa muna 70 N.V.

Kuredza Vanhu mu“Zuva raShe”

15. Mubhuku raZvakazarurwa, ibasaizve rokuredza rakaporofitwa, uye ndirini paraizoitwa?

15 Zvisinei, zvakawanda zvakanga zviri mberi. Pedyo nomugumo wezana rokutanga ramakore, Jehovha akapa muapostora wokugumisira kurarama, Johane, chizarurwo chezvinhu zvakanga zvichizoitika mukati me“zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:1, 10) Rumwe rutivi rwakatanhamara rwakanga ruchizova kutaurwa kwamashoko akanaka munyika yose. Tinorava, kuti: “Ndakaona [imwe ngirozi, NW] ichibhururuka pakati pedenga, ine [mashoko akanaka, NW] kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.” (Zvakazarurwa 14:6) Munhungamiro yengirozi vabatiri vaMwari vaizoparidzira mashoko akanaka chaizvoizvo mupasi rose rinogarwa, kwete chete muUmambo hweRoma hwose. Basa renyika yose rokuredza mweya rakanga richizoitwa, uye zuva redu rakaona zadziko yechiono ichocho.

16, 17. Basa rokuredza rapazuva rapashure rakavamba rini, uye Jehovha akarikomborera sei?

16 Kuredza kwave kwakadini mukati mezana rino ramakore rechi 20? Pakuvamba-vamba, varedzi vakanga vari vashomanene zvikuru. Pashure pokunge Hondo yeNyika I yaguma, pakanga pane vanenge vaparidzi vanoshingaira vane zviuru zvina bedzi vamashoko akanaka, varume navakadzi vanoshingaira vakanga vari zvikurukuru vavakazodzwa. Vakakanda rutava rwavo kupi nokupi uko Jehovha akazarura nzira, uye mweya mizhinji yakabatwa iri mipenyu. Pashure pehondo yenyika yechipiri, Jehovha akazarura mvura itsva dzokuredza. Vafundisi avo vakanga vapinda Watchtower Bible School of Gilead vakatungamirira basa munyika zhinji. Nyika dzakadai seJapan, Italy, uye Spain, idzo pakutanga dzingadai dzakaratidzika kuva dzisina chinhu zvikuru, pakupedzisira dzakawana miuyo yakapfuma yemweya. Takadzidzawo misi ichangobva kupfuura iyi kuti kuredza kwave kuchibudirira sei muEastern Europe.

17 Nhasi, munyika zhinji rutava rwodokubvaruka. Kukohwiwa kukuru kwemweya kwakaita kuti kuve kuri madikanwa kuronga ungano itsva namatunhu. Kuwanira izvozvi pokupindira, Horo dzoUmambo itsva neHoro dzaMagungano zviri kuvakwa nguva yose. Vakuru vakawanda navabatiri vanoshumira vari kudikanwa kutarisira wedzero yacho. Basa guru rakavambwa naavo vakatendeka shure muna 1919. Munzira chaiyoiyo, Isaya 60:22 yakazadzikwa. ‘Muduku azova chiuru,’ sezvo varedzi ivavo vane zviuru zvina vazova mamirioni anopfuura mana nhasi. Uye mugumo uchigere.

18. Tinogona sei kutevedzera muenzaniso wakaisvonaka wavaredzi vomudzimu vavanhu vomuzana ramakore rokutanga?

18 Ikoku kwose kunoreveiko nokuda kwedu savanhu vamwe navamwe? Rugwaro runotaura kuti apo Petro, Andrea, Jakobho, uye Johane vakakokwa kuva varedzi vavanhu, “ivo . . . vakarega chinhu chiri chose ndokutevera [Jesu].” (Ruka 5:11, NW) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokutenda nokuzvipira! Tinogona here kusakurira mudzimu mumwe chetewo wokuzvibaira, kuva akagadzirira kumwe cheteko kubatira Jehovha pasinei hapo nokurasikirwa kupi nokupi? Mamirioni akapindura kuti anogona. Muzana rokutanga ramakore, vadzidzi vakaredza vanhu kupi nokupi uko Jehovha akabvumidza. Pangave paiva pakati pavaJudha kana kuti Vamarudzi, vakaredza chose chose. Ngatiparidzireiwo kumunhu ari wose pasina ganhuriro ipi neipi kana kuti kufungira mano akaipa.

19. Chii chatinofanira kuita kana mvura umo tiri kuredza dzikaratidzika kuva dzisina miuyo?

19 Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana ndima yako panguva ino ichiratidzika kuva isina miuyo? Usaodzwa mwoyo. Yeuka, Jesu akazadza rutava rwavadzidzi pashure pokunge varedza usiku hwose pasina muuyo. Zvimwe chetezvo zvinogona kuitika munzira yomudzimu. MuIreland, somuenzaniso, Zvapupu zvakatendeka zvakashanda kwamakore nemiuyo yakati ganhurirwei. Bva, misi ichangobva kupfuura iyi ikoko kwakachinja. Chinyorwa cha 1991 Yearbook of Jehovah’s Witnesses chinoshuma kuti pamugumo wegore rebasa ra 1990, Ireland yakanga yafarikanya zviverengero zvapamusoro 29 zvinotevedzana! Zvichida ndima yako pane rimwe zuva ichabereka nenzira yakafanana. Chero bedzi Jehovha achibvumidza, ramba uchiredza!

20. Ndirini patinofanira kupinda mukuredza vanhu?

20 Muna Israeri, varedzi vaienda kundoredza usiku, apo munhu ari wose zvake akanga achidziirwa uye akazorora pamubhedha. Vaibuda, kwete pakwakanga kwakavanakira, asi pavaigona kubata hove zhinjisa. Isuwo tinofanira kufunda ndima yedu kuti tiende kundoredza, sokunge zvakadaro, apo voruzhinji vavanhu vanenge vari pamba uye vachigamuchira. Imomu mungava mukati mamanheru, pakupera kwamavhiki, kana kuti pane imwe nguva. Ipi neipi iri nguva yacho, ngatiitei chinhu chiri chose chatinogona kuwana vanhu vane mwoyo yakarurama.

21. Chii chatinofanira kuyeuka kana ndima yedu ichishandwa kazhinji kazhinji?

21 Zvakadiniko kana ndima yedu ichifukidzwa kazhinji kazhinji? Varedzi vane unyanzvi munyika kazhinji kazhinji vanonyunyuta kuti nzvimbo dzavo dzokuredza dzinonyanyoredzwa. Asi nzvimbo dzedu dzokuredza kwomudzimu dzinogona kunyanyoredzwa here? Kwete chaizvoizvo! Ndima zhinji dzinowana wedzero kunyange padzinofukidzwa kazhinji kazhinji. Dzimwe dzinobereka zviri nani nemhaka yokusanoshandwa. Kunyanguvezvo, apo misha inoshanyirwa kazhinji kazhinji, iva nechokwadi zvikuru kuti vose vasiri pamusha vanonyorwa ndokuonekwa gare gare. Dzidza mhatsa yemisoro yekurukurirano. Rangarira kuti mumwe munhu achashanyazve nokukurumidza, naizvozvo usagarisa paunogamuchirwa kana kuti kushora saimba nenzira yokusaziva. Uye kudziridza unyanzvi hwako mubasa romumugwagwa pamwe chete nokupupurira kwamasanga. Dzikisa rutava rwako rwomudzimu panhambo iri yose nomunzira iri yose inobvira.

22. Iropafadzoi huru yatinofarikanya panguva ino?

22 Yeuka, muuku kuredza vose vari vaviri varedzi nehove vanobetserwa. Kana avo tinobata vakapfuurira, vanogona kurarama nokusingaperi. Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.” (1 Timotio 4:16) Akanga ari Jesu uyo akatanga kurovedza vadzidzi vake mukuredza kwomudzimu, uye iri basa richiri kuitwa munhungamiro yake. (Enzanisa naZvakazarurwa 14:14-16.) Iropafadzo huru zvakadini yatinayo yokushanda pasi pake mukuita kuti riitwe! Ngatirambei tichidzikisa rutava rwedu chero bedzi Jehovha achibvumira. Ibasai guru iro sezvingabvira ringavapo kupfuura iro rokubata mweya iri mipenyu?

Unogona Kuyeuka Here?

◻ Ibasai iro Jesu akarovedza vateveri vake kuita?

◻ Jesu akaratidza sei kuti basa rokuredza kwomudzimu harina kugumiswa norufu rwake?

◻ Jehovha akakomborera basa rokuredza kwomudzimu munzirai muzana rokutanga ramakore?

◻ Kukohwiwai kwakapfuma kwehove kwakaitwa mukati me“zuva raShe”?

◻ Tinogona sei savanhu vamwe navamwe kuva kunyange varedzi vanobudirira zvikuru?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pashure porumuko rwaJesu, vaapostora vake vakafutunura basa roumwari rokuredza vanhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe