Kusuma ChikamuĀ 10
Jehovha ndiye Mambo wezvinhu zvese. Agara aine simba pazvinhu zvese uye acharamba ainaro. Semuenzaniso, akanunura Jeremiya kuti asaurayiwa. Akaponesa Shadreki, Misheki naAbhedhinego mumoto uye akaitawo kuti Dhanieri asadyiwa neshumba. Jehovha akadzivirira Esteri kuti akwanise kununura rudzi rwake rwese. Haazobvumiri kuti zvakaipa zvirambe zviripo nariini. Uprofita hwechidhori chihombe nehwemuti muhombe hunosimbisa kuti Umambo hwaJehovha huchakurumidza kubvisa zvakaipa zvese hwobva hwatonga nyika.