CHIKAMU 1
“Denga Rakavhurika”
ZVATICHADZIDZA: Zvakaita kudenga kunogara Jehovha
Hapana munhu angaona Mwari wemasimbaose, Jehovha, akararama. (Eks. 33:20) Asi Jehovha akapa Ezekieri zviratidzo zvechikamu chekudenga chesangano rake. Zviratidzo izvi zvinotishamisa uye zvinoitawo kuti tiwedzere kukoshesa chikomborero chatiinacho chekunamata Mwari mumwe chete wechokwadi.