RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 2
  • Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Firipi Akazviita Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naFiripi?
  • Tevedzera Firipi
  • Firipo—Muevhangeri Aishingaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Kutaura Nemunhu Kuti Uparidze Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kufarira Vanhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 2

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

Muevhangeri Firipi achikurukura nemurume wekuItiopiya ari kuverenga gwaro akagara mungoro.

Mab. 8:​30, 31

CHIDZIDZO 2

Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!”—Zvir. 15:23.

Firipi Akazviita Sei?

Muevhangeri Firipi achikurukura nemurume wekuItiopiya ari kuverenga gwaro akagara mungoro.

VHIDHIYO: Firipi Anoparidzira Mukuru Mukuru wekuItiopiya

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 8:​30, 31, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Firipi akatanga sei kukurukura nemunhu?

  2. Nei matangiro aakaita nyaya kuti audze mumwe munhu chinhu chitsva ari iwo matauriro anongoita vanhu nguva dzese?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naFiripi?

2. Kana tikatanga kukurukura nemunhu sezvatinongoita patinenge tichikurukura dzimwe nyaya zvinoita kuti asununguke tokwanisa kuzopinza shoko ratinenge tiinaro.

Tevedzera Firipi

3. Cherechedza. Tinogona kuziva zvakawanda nezvemunhu nekungotarisa chiso chake nezvaanenge achiita. Ari kuda zvekutaura here? Unogona kupinza shoko raMwari nekungobvunza kuti, “Maimboziva here kuti . . . ?” Usamanikidze munhu asiri kuda zvekutaura.

4. Iva nemwoyo murefu. Usazvinetsa kana ukasakurumidza kuwana mukana wekupinza nyaya yeBhaibheri. Mirira mukana wakanyatsonaka. Pamwe pacho ungatozopinza nyaya yacho paunozotaura nemunhu wacho pane imwe nguva.

5. Gara wakagadzirira kuchinja. Munhu wauri kukurukura naye anogona kutopinza imwe nyaya yawanga usiri kutarisira. Saka gara wakagadzirira kumuudza chimwe chinhu chinobva muBhaibheri chinoenderana naye, kunyange kana nyaya yacho yakatosiyana neyawanga uchifunga nezvayo.

ONAWO

Mup. 3:​1, 7; 1 VaK. 9:22; 2 VaK. 2:17; VaK. 4:6

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe