RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 9
  • Edza Kunzwisisa Kuti Vanhu Vari Kunzwa Sei

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Edza Kunzwisisa Kuti Vanhu Vari Kunzwa Sei
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akazviratidza Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
  • Tevedzera Jesu
  • Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Nzwira Vanhu Tsitsi
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Nzwira Vamwe Tsitsi
    Mukai!—2020
  • Iva Netsitsi Uye Mutsa
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 9

KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA

Jesu achifamba akananga kuvanhu vakawanda vakamumirira kumahombekombe.

Mako 6:​30-34

CHIDZIDZO 9

Edza Kunzwisisa Kuti Vanhu Vari Kunzwa Sei

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Farai nevanofara; chemai nevanochema.”—VaR. 12:15.

Jesu Akazviratidza Sei?

Jesu achifamba akananga kuvanhu vakawanda vakamumirira kumahombekombe.

VHIDHIYO: Jesu Anonzwira Vanhu Tsitsi

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mako 6:​30-34, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Nei Jesu nevaapostora vake vaida kumbova “kwavo vega kunzvimbo isina vanhu”?

  2. Chii chakaita kuti Jesu ade kudzidzisa vanhu?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Kana tikaedza kunzwisisa zviri kunetsa vanhu tichavaratidza kuti tine hanya navo, pane kungofunga nezvezvatiri kuda kutaura chete.

Tevedzera Jesu

3. Nyatsoteerera. Siya munhu anyatsotaura zvaari kufunga. Usataura iye achiri kutaura uye usakurumidza kumuratidza kuti maonero aari kuita nyaya yacho kana kuti zvaari kufunga handizvo. Kumuteerera kunomuratidza kuti une hanya naye uye nezvaanofunga.

4. Funga nezvemunhu aratidza kufarira. Uchishandisa zvawakurukura naye, zvibvunze kuti:

  1. ‘Nei zvichikosha kuti anzwe chokwadi?’

  2. ‘Kana akadzidza Bhaibheri upenyu hwake uye ramangwana rake zvingavandudzika zvakadii?’

5. Taura nezvezvinhu zvinogona kumubatsira. Paunongowana mukana, muratidze kuti chidzidzo cheBhaibheri chinogona kupindura sei mibvunzo yake uye kumubatsira muupenyu hwake.

ONAWO

VaR. 10:​13, 14; VaF. 2:​3, 4; 1 Pet. 3:8

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe