Zvinoita here kurarama upenyu husina matambudziko?
‘Mwari achapukuta misodzi yese pamaziso edu, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.’—Zvakazarurwa 21:4.
Bhaibheri rinotivimbisa kuti
Mwari handiye anokonzera matambudziko edu.—Jakobho 1:13.
Mwari anorwadziwa paanoona tichitambura uye achabvisa zvese zviri kuita kuti titambure.—Pisarema 34:17-19.
Kuti unzwe zvakawanda, enda paindaneti pawebsite inonzi jw.org.
© 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania