RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w86 1/15 pp. 22-26
  • Basa Roufundisi—Chauya Chauya!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Roufundisi—Chauya Chauya!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngwavaira Yapakuvamba
  • Hondo Inoziviswa
  • Kupinda Nokubuda Mutorongo
  • Basa Roufundisi Nedenho Dzechienzi
  • Mugove Woufundisi Wakasiana Zvikuru
  • Kubva kuEngland Kuenda kuAmazon!
  • Takaona Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa waMwari Munzira Dzakawanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Upenyu Hwakazara Nezvinoshamisa Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • ‘Vanofara Avo Vose Vanoramba Vachikarira Jehovha’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kubva Muurombo Hwakanyanya Kwazvo Kuenda Kuupfumi Hunopfuura Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
w86 1/15 pp. 22-26

Basa Roufundisi—Chauya Chauya!

Yakataurwa naEric Britten

NZVIMBO yacho: Coventry, England. Nguva yacho: 7 kiroko mumadekwana, November 14, 1940. Kamwe kamwe, zviridzwa zvokudenha mumhepo zvakavamba kurira samavambo kuyaizova imwe yedenho refu zvikurusa yehondo yazvino uno. Apo mabhomba akatanga kudonha, mamwe mapiona (vaparidziri venguva yakazara) gumi neni takaungana pamwe chete pasi pamatanho o“musha wedu wamapiona”. Mifungo yangu yakatendeukira kumudzimai wangu, uyo aiva kure achishanyira mai vake. Ko akanga akakotsekana here?

Takadururira mwoyo yedu kuna Jehovha nokuda kwedziviriro. Takafara sei kubuda muuyu muedzo tisina kukuvadzwa uye kuziva gare gare kuti mudzimai wangu nemitezo yose yeungano yedu duku vakanga vakakotsekanawo! Takanzwa sezvakaita wezvamapisarema uyo akazivisa kuti, “Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira.”—Pisarema 94:18.

Ngwavaira Yapakuvamba

Kuvambira panguva yokuberekwa kwangu muna January 1910, ndakarererwa mumusha worudzidziso une rumano, uye rovedzo iyoyo yapakuvamba yeBhaibheri yakandibetsera zvikuru mumakore apashure. Ikoku kwaiva kwechokwadi zvikuru pashure porufu rwamai vangu muna January 1922, pandaiva namakore 12 bedzi okukura.

Panenge panguva iyoyo baba vangu, kunyange zvazvo vaiva muChristadelphian, vakawana kuVadzidzi veBhaibheri (sezvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo) Studies in the Scriptures aC. T. Russell. Chinhu chimwe chakaorora baba vangu yaiva tsananguro ine mufungo yedzidziso yorudzikinuro. (Mateo 20:28) Baba vakarangarira zvakasimba kwazvo kuti kana muKristu akagamuchira dzidziso yorudzikunuro, iye ane mutoro wokuudza vamwe pamsoro payo. Ivo vakazivawo kuti Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachiita izvozvo chaizvo, nazvozvo vakavatsvaka.

Pakuvamba kwama 1920 ivo vakavamba kupinda misangano yaVadzidzi veBhaibheri muCoventry ndokuenda neni. Nokukurumidza tose tiri vaviri takavamba kugoverana mubasa rokuparidzira. Baba vakasvika papfundo rokuzvipa (zvino kunonzi tsauriro), uye muna 1924 vakabhapatidzwa. Muna 1926, pazera ramakore 16, iniwo, ndakabhapatidzwa. Gore rakatevera racho, muna October 1927, ngwavaira yakarova zvakare—baba vangu vakafa, vachindisiya nehanzvadzi yangu duku yaifanira kutarisirwa. Iyo yakaenda kundogara navanasekuru vedu, nepo ini ndakapfuurira kugara ndiri ndoga.

Ndaingova namakore 17 chete, uye ndaifanira kuziva muviri wababa ndokuita gadziriro dziri madikanwa dzokuvigwa kwavo. Kwandiri iri raiva basa rinotyisa, asi hama dzechiKristu dzakandibetsera. Idzo dzakandikoka kumisha yadzo nokuda kwezvokudya, dzakafunda Bhaibheri neni, uye dzakandiperekedza mubasa rokuparidzira kutozosvikira ndanzwa ndasimba zvakare. Ndakaonga sei mutsa wadzo mukati meiyi nhambo yakaoma!

Kunyange zvazvo ndaigara muCoventry, ndakawana basa muguta rapedyopo reBirmingham. Mukati mevhiki, ndaikwanisa kupinda misangano ikoko. Kwaiva kuiyi misangano yapakati pevhiki uko ini gare gare ndakasangana naChristina, uyo aizova mudzimai wangu.

Kunyange zvazvo akarerwa somuMethodist, Chris aishanyira dzimwe chechi, achitsvaka chimwe chinhu chinogutsa zvikuru. Mamwe mangwanani eSvondo Vadzidzi veBhaibheri vaviri vakashanyira musha wake ndokusiya mabhukwana matatu anaye. Nokukurumidza pashure paizvozvo, mai vaChris vakapinda misangano yaVadzidzi veBhaibheri ndokuwanira Chris mabhuku matatu. Mai vake vakaziva zvishomanene kuti aya mabhuku aizopesvedzera sei upenyu hwomwanasikana wavo, kunyange kusvikira papfundo rokuenda paimba neimba kwaChris ane shoko roUmambo—chimwe chinhu Chris akanga ati haasati aizotongoita!

Hondo Inoziviswa

Muna 1934 Chris neni takaroorana. Tose tiri vaviri takapinda muupenyu hwokuroorana tine donzo roku‘tanga kutsvaka Umambo hwaMwari,’ uye tinogona zvechokwadi kutaura kuti Jehovha akatikomborera nokuda kwokuronda iyi nzira. (Mateo 6:33) Senharidzano yedu, tairangarira kupinda muushumiri hwoupiona hwenguva yakazara. Naizvozvo takaita gadziriro dzokuti vamwe vagoverane musha wedu nokushanda samapiona pamwe chete nesu. Asi panguva ino, 1939, makore ehondo akanga achioneka, uye kwakaratidzika sokunge munhu ari wose muCoventry akanga achiita gadziriro dzenhambo refu yokuzvinyima nedzedziviriro pakubhomba kunobvira.

Hondo yeNyika II yakanga iri nhambo yakaoma zvikuru nokuda kwomunhu ari wose asi zvikurukuru nokuda kwehama dzedu. Kwaanodokusvika makore matanhatu, Coventry, sezvimbo yamabasa okugadzira zvinhu, yaiva chipfuro chaicho chavabhombi veGermany. Ikoku kwakareva usiku hwakawanda hwokusavata. Taiita majana okusavata usiku humwe pavhiki kuti tidzivirire “musha [wedu] wamapiona” uyewo misha yavavakidzani vedu, apo ivowo vaidzivirira musha wedu pahumwe usiku. Kwaiva neshanyo dzapedyo zvikuru. Chokwadi, pane imwe nhambo Chris akanga achishanyira mumwe musha kuzogoverana shoko reBhaibheri apo kudenha kwakatanga. Mabhomba akawira, uye dzimba pamativi ose ari maviri omusha uyo akanga achishanyira dzakaparadzwa chose chose.

Kupinda Nokubuda Mutorongo

Kwaiwedzera kunhamo yedu kwaiva kunetswa nezviremera nemhaka yokusatora rutivi kwedu. Somuuyo, Chris neni takapinzwa mutorongo kwenhambo pfupi. Nokukurumidza pandakanga ndabatira tongerwo yangu, ndakapomerwazve mhaka, ndizvo ndakadzokera kutorongo. Taidana ikoku kuti kitsi nembeva, sezvo kitsi kazhinji kazhinji ichasunungura mbeva ndokuzongoibatazve.

Kunyange zvazvo taiva neonano duku navakuru vakuru vetorongo, padzimwe nguva taikwanisa kuparidzira kuvamwe vavo. Ndinoyeuka mumwe mukuru mukuru, ainzi Beveridge, uyo mukati metongerwo yangu yokutanga akanyomba chimiro chedu chokusatora rutivi. Pandakapinzwa mutorongo kwenguva yechipiri, chimiro chake chakanga chati vandudzikei. Mukati metongerwo yangu yechitatu, akanga akanaka zvikuru, kunyange zvazvo mabanza okutaura kwaari akanga akaganhurirwa. Apo pakupedzisira ndakabva mutorongo, ndakarasikirwa neonano naye.

Makore gare gare, pataiva muPortugal, tsamba yakabva kuhofisi yeSosaiti muBrooklyn yaitiudza kuti Eric Beveridge, akapedza kufunda paGilead (chikoro cheWatchtower chokurovedza vafundisi) akanga achigoverwa kuPortugal. Takafara sei kuziva kuti baba vake vakanga vave vari mukuru mukuru wetorongo akanaka akadaro! Ivo gare gare vakarega basa retorongo ndokuva Chapupu chakabhapatidzwa.

Basa Roufundisi Nedenho Dzechienzi

Nomugumo wehondo muna 1945, basa roUmambo muEngland, somumamwe mativi apasi, rakapinda munhambo yebudiriro nokukura. Hama Knorr, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Society, naHama Henschel vakashanyira England ndokuva nomusangano chaiwo namapiona ose aifarira kupinda Watchtower Bible School of Gilead, icho chakanga chazarurwa muna February 1943. Christina neni takapinda musangano wacho, takazadza kumbiriso dzedu dzokutanga, uye takashamisika kana taizombodanidzwa.

Muna 1946 Sosaiti yakandikoka kuita basa redunhu muEngland, kushanyira chiverengero chakati cheungano. Ndakafarikanya iyi ropafadzo kwamakore matatu, uye ipapo, pakwaisambokarirwa, kumbiriso dzokugumisira dzechikoro choufundisi dzakasvika! Takazadza idzodzi nokukurumidza, uye nokukurumidza pashure paikoko takakokwa kupinda kirasi yechi 15, kuvamba muna February 1950. Mwedzi mishanu yakatevera muGilead School muNew York State yokumusoro yakanga iri chinoitika chisingakanganwiki chefundo huru yeBhaibheri nesonganiro namaKristu akakura mumudzimu. Tisati takuziva, takanga tava kupinda chinoitika chokupedza kufunda paYankee Stadium pana July 1950. Mugove wedu? Brazil.

Musha wavafundisi wakazarurwa munomira ngarava munotumira kofi kune dzimwe nyika meSantos, Brazil, uye taiva rutivi rweboka ravafundisi vasere vakagoverwa kutanga basa redu imomo. Kwaiva nenhambo yokutanga yokugadziridza kutsika itsva nomutauro wechiPutukezi. Nokuda kwomwana, kudzidza mutauro mutsva kungava kwakapfava zvikuru. Asi nokuda kwedu, pamakore 40 ezera, kwakanga kwakaoma zvikuru. Pane imwe nhambo ndakaenda nomumwe mufundisi kundotenga chingwa. Shoko rechiPutukezi nokuda kwechingwa (pão) rinonzwika zvakafanana neshoko romuti (pau), rokutanga richiva nokunzwika kushoma kwomumhino. Zvatakanga tichigere kunzwisisa kunzwika kwomumhino, takakumbira miti (paus), uye mubiki wechingwa akakatyamadzwa akataura kuti akanga asina ipi neipi!

Imwe tsika yakatora nguva kuijaira yaiva nzira yokugamuchira nayo mutsa apo saimba akaupa. Taiti: “Muito obrigado” (Ndinokutendai zvikuru kwazvo), tichikarira kugamuchira donhodzo. Ikoku, zvisinei, kuna saimba kwakareva kuti aiwa! Pakupedzisira, takadzidza kutaura kwakarurama: “Aceito” (Ndinogamuchira), uko kwakaunza mufarwa kuna saimba—uye kwatiri.

Takawana kuti isu taitofanira kudzidza nzira yoku“gogodza” nayo pasuo. Unoona, tsika yechiBrazil kuombera zvinonzwika pagedhe rapamberi. Pakutanga kwaiva chishamiso nguva dzose nokuda kwedu kuita kuti saimba apindure ku“gogodza” kwedu, asi takakurumidza kukujaira.

Nenzira isingafadzi, mukati memwedzi mitanhatu yokusvika kwedu muBrazil, ndakabatwa nechinetso choura namaamoebas. Kurapwa kwenguva refu nokuda kweichi chirwere kwakandisiya ndakaneta zvikuru, uye pakupedzisira, muna March 1954, ndichiita pazano rachiremba, takadzokera nenzira inosuruvarisa kuEngland. Ikoko, mumugariro wokunze usingapisi nokutonhora zvikuru, ndakanaya pashoma napashoma, asi mukati mokunaya kwangu takagamuchira tsamba isingakarirwi.

Mugove Woufundisi Wakasiana Zvikuru

Sosaiti yakatikoka kuti tiende Portugal! Ikoko basa rakanga rarambidzwa, uye vatariri vebazu vekare vaviri vakanga vadzingwa munyika macho. Ndakakwanisa kupinda muPortugal somumiriri webhizimisi wefemu yeEngland, uye takasvika imomo muna November 1954.

Zvatakanga tashanda muBrazil umo basa redu rokuparidzira raipfuuridzirwa pachena, takakurumidza kuziva kuti muno muPortugal taizofanira kushandisa ngwariro nokungwarira pakutaura zvikuru. Sezvo basa redu rakanga rarambidzwa, taisagona kuzvizivisa timene pachena seZvapupu zvaJehovha. Kuparidzira pasuo nesuo kwaiva denho sezvo taisatongoziva wataizosangana naye. Kana munhu upi noupi akaratidzika kuva wechienzi zvikurusa kana kuti ane utsinye, taingobva zvedu mundima macho, ndokuzodzokera rimwe zuva. Kwakanga kusiri nyore kupinzwa mumisha sezvo vanhu vainyumwira vaenzi nenzira inonzwisisika. Zvisinei, Chris akatanga fundo nomumwe mukadzi uyo gare gare akamuudza kuti iye akanga ave achitya kurega munhu upi noupi achipinda mumusha make. Neiko aiita saizvozvo?

Kunoratidzika kuti uyu mukadzi akanga ave achinyengetera kuna Mwari kuti amuratidze nzira yakarurama. Asi kugogodza kwaChris kwakasvika nokukurumidza kwazvo pashure pomunyengetero wake zvokuti akanzwa achingwarira zvikuru pamsoro pokumurega achipinda! Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye mukadzi wacho nomwanasikana wake wechiduku vose vari vaviri vakafambira mberi kusvikira patsauriro norubhapatidzo. Ivo vachiri vakasimba muzvokwadi.

Panguva iyoyo Chris neni taiva vafundisi bedzi muPortugal, asi pashoma napashoma Sosaiti yakakwanisa kuva navamwe munyika macho. Basa rakafambira mberi nokukurumidza, zvikurukuru mudzimbahwe, Lisbon. Iyi wedzero yakanyandura chishoro. Hama dzinoverengeka dzakapinzwa mutorongo, uye mabhuku akawanda akabvutwa.

Pakupedzisira, nokuda kwedu kuodzwa mwoyo kwakaipisisa kwakauya muna 1962 apo isu, pamwe chete navamwe vafundisi vana, takarairwa kubuda munyika macho. Takakumbira kukurukura nomukuru wamapurisa apachivande kuti tikumbire kurangarirwazve kwenhau yedu, sezvo takanga tichingodzidzisa zvedu vanhu Bhaibheri. Mhinduro yake: “Imi makashatisa mutsa wePortugal kwamakore manomwe uye hamusati muchizotongotsikazve muPortugal!” Takaparadzwa.

Kwakaoma zvikuru kwazvo kurondedzera mirangariro yedu pakufanira kubuda pashure pamakore manomwe anofadza mumunda iwoyo woufundisi. Zvomenemene, kubva muPortugal kwakanga kwakaoma zvikuru nokuda kwedu kupfuura kubva muEngland shure muna 1950 kuti tiende kuGilead. Takanga tasanoshandira pamwe chete nehama; takanga tagoverana mifaro yadzo nezvinetso zvadzo. Takanzwa kuti takanga tichisiya apo betsero yedu netsigiro zvaidikanwa zvikurusa. Asi takanga tisina chisarudzo. ‘Mazuva edu oufundisi apera,’ takafunga kudaro nenzira inosuruvarisa sezvo takatanga kufamba nengarava tichienda kuEngland.

Kubva kuEngland Kuenda kuAmazon!

MuEngland takapfuurira muushumiri hwenguva yakazara samapiona chaiwo, asi takanzwa tisina kukwana. Nguva dzose taiyeuka nguva dzinofadza mubasa roufundisi, uye taida kudzokera kwariri—zvikuru kwazvo zvokuti isu pakupedzisira takanyorera Sosaiti pamsoro pokubvira kwomumwe mugove, kunyange zvazvo panguva ino ndakanga ndapfuura makore 50 ezera uye Chris aiva namakore 49. Mufaro wedu waiva mukuru sei apo takagamuchira kokero yokudzokera kuBrazil ndokushanda tichibva pamusha wavafundisi muBelém, guta riri pamuromo peAmazon River!

Takaonga tsamba yeSosaiti inotipa pfungwa yomugariro wokunze muBelém—“munopisa uye munyoro,” yakadaro—uye kutipa chisarudzo chokuramba mugove wacho. Zvisinei, takafadzwa nekariro yokudzokera kuBrazil, kunyange zvazvo kwaiva kurutivi rwakasiana rwenyika yacho. Takagamuchira nomufaro, uye pakuvamba muna 1964 takasvika mumugove wedu mutsva.

Pashure pokubatira gore rimwe muBelém, ndakakokwa kuita basa redunhu, kushanyira ungano dzomunharaunda imomo. Ikoku kwaiva denho chaiyoiyo. Dunhu racho rakanga rakareba mamaira 800a uye rakafara mamaira 300, richitora mativi ose ari maviri eAmazon River. Kupisa? Eya, taitofanira kurovedzana nakwo! Migariro yaiva yechinyakare kazhinji kazhinji. Kunyange migwagwa ine tsvina yaiva mishomanene mumazuva iwayo. Makore eguruva aisimuka achibva mairi mumwaka wakaoma. Nomwaka wemvura, iyo yaiva isingafambiki.

Kunze kwokuvimba naJehovha nokuda kwedziviriro yake, kufara kwakabetsera. Paimwe shanyo nemhuri yeZvapupu iri yoga, takatofanira kurara mudanga. Mumangwanani Chris akamuka ndokuzviwana amene akafukidzwa neropa. Takadanidza hama, tichifunga kuti chimwe chinhu chakakomba chakanga chaitika. Fungidzira shamisiko yedu apo iyo yakatizivisa nokudzikama kuti iye sezviri pachena akanga arumwa nechimuremwaremwa chinodya ropa! Rimwe bhuku renongedzero rinotsanangura kuti pakati pezvimuremwaremwa zvomunharaunda yeAmazon pane ‘zvimuremwaremwa zvinomwa ropa (Dysopes), kunyange zvazvo izvozvi zvisitongori zvine ngozi seizvo ngano dzavafambi dzingatungamirira munhu kudavira.’ Kudai takanga taziva izvozvo kare, tingadai takava vanotya zvishoma nezvomuuyo wacho!

Pashure pokubatira gore rimwe mudunhu iroro, takachinjirwa kuRio de Janeiro uye gare gare kuSão Paulo, kwatave tichibatira zvino kwamakore anoverengeka. Vanhu veBrazil vakasununguka uye vano ushamwari, uye wave uri mufaro kuwana rudo nomutsa zvehama dziri murutivi urwu rwenyikawo. Panguva imwe cheteyo, takafarikanya zvinoitika zvakawanda zvakaisvonaka mumunda.

Paimwe imba muduku akabuda kuzopindura kuombera kwaChris. Iye akataura kuti mai vake vaisagona kuuya kusuo nemhaka yokuti vakanga vachichema. Achiwana chimwe chinhu chisina kururama, Chris akati, “Vaudze kuti mai Christina vangada kutaura kwavari.” Mai vakauya kusuo, vachibvunza kuti, “Munoziva chinhu chipi nechipi pamsoro peBhaibheri here?”

“Ndicho chaicho chikonzero nei ndiri pano!” Chris akapindura. Iye akakoka Chris kuti apinde mukati. Patafura paiva neBhaibheri guru, rakazaruka apo mukadzi wacho akanga ave achirava, achitsvaka nyaradzo. Iye akanga anetseka zvikuru nemhaka yokuti murume wake akanga ave asipo kwevhiki, pashure pebopotedzano pakati pavo.

“Iye murume akanaka nababa,” iye akadaro, “uye ndine chokwadi chokuti haana kuenda nomumwe munhuwo zvake. Chris akagoverana nheyo dzeBhaibheri paupenyu hwemhuri ndokutanga fundo yeBhaibheri mubhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Usiku ihwohwo humene mukadzi wacho akaenda kuHoro yoUmambo. Sezvo taifanira kuenda vhiki iroro kuungano inotevera, fundo yakapiwa kumuparidzi womunzvimbomo. Takafara sei apo takashanyira ungano yacho zvakare mwedzi mitanhatu gare gare ndokusangana kwete bedzi nomukadzi asi nomurume wake navana vatatu! Nguva yakati gare gare, vose vari vaviri vakabhapatidzwa seZvapupu zvaJehovha.

Zvino, kunyange zvazvo tose tiri vaviri tava namakore anopfuura 70 ezera, tichiri vanokwanisa, kupfurikidza nomutsa worudo waJehovha, kupfuurira kubatira mumugove wedu woufundisi, kunyange zvazvo tisingafambi zvikuru somunguva yakapfuura. Yave iri ropafadzo inoshamisa kusangana nokushanda navafundisi vazhinji vakakura mumudzimu nehama nehanzvadzi dzomunzvimbomo. Tinofara kuti kuvambira pamavambo pamene takaedza ku‘tanga kutsvaka Umambo hwaMwari’ muupenyu hwedu. Kwamakore anopfuura 30 basa roufundisi rave riri mufaro. Tinofunga nguva dzose nezvamashoko owezvamapisarema, paakati: “Nokuti Jehovha wakanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi.” (Pisarema 100:5) Uye takaonga sei ikoko!

[Mashoko Omuzasi]

a Maira imwe yakaenzana namakiromita 1.6.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]

Nguva dzose takaedza ku‘tanga kutsvaka Umambo hwaMwari’ muupenyu hwedu, nezvikomborero zvinovapo somuuyo

[Mufananidzo uri papeji 24]

MuBrazil, taitofanira kudzidza nzira yoku“gogodza” nayo pasuo—kupfurikidza nokuombera maoko edu zvinonzwika pagedhe rapamberi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe