Masimba Makuru Enyika Enhau yeBhaibheri Anoenda Kumugumo Wawo!
IWE unogona here kufungidzira nhau yakanyorwa pachine nguva mberi? ‘Hakubviri,’ unodaro! Bva, kune bhuku iro rakataura chaizvozvo nhau pachine nguva mberi—mazana, pane dzimwe nguva kunyange zviuru zvamakore zvinoitika zvacho zvisati zvaitika! Bhuku iroro iBhaibheri.
Bhaibheri harina kungoshuma bedzi zvinoitika zvakare zvakarurama asi nenzira inoshamisa zvikurusa iro rakatodeya kutaura gadziriro huru yenhau yenyika sezvo yaizotapura vanhu vaMwari, kuvambira panguva yeBhabhironi rakare, makore anopfuura 2 500 apfuura, kusvikira uye kunyange kupfuura zuva redu razvino.
Dhanieri, mumwe muporofita akararama muzana ramakore rechitanhatu pamberi peNguva yedu yaVose, akapiwa zviono zvina zvakaparadzana izvo zvakabata nenguva yemberi yenhau yenyika. Iye akawanepiko mashoko ake? Dhanieri akati: “Kudenga kuna Mwari unozivisa zvakavanzika.” (Dhanieri 2:28) Voruzivo rwokuchera matongo, vachifukunura zvisaririra zvakasiiwa namasimba enyika akare, vakawana chibvumikiso chinoshamisa chouzvokwadi hwezvose zviri zviviri hwenhau nohwouporofita chinowanwa muBhaibheri.
Maviri amasimba makuru enyika enhau yeBhaibheri, Egipita neAsiria, akavapo kare kare pamberi penguva yaDhanieri. Bhabhironi rakanga richitonga muzuva raDhanieri, uye mazita amasimba maviri enyika akatevera akaziviswa kumuporofita wacho. (Dhanieri 2:47, 48; 8:20, 21) Mamwe maviri aizotevera iwawa, kuchitisvitsa kunguva yazvino.
Mangani?
Mukuwirirana neBhaibheri, mangani amasimba enyika akadaro aizovapo? Mhinduro yakapiwa kumukweguru muapostora Johane uye inoratidza patiri mukufamba kwenguva. Ngirozi yakaudza Johane, kuti: “Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika.”—Zvakazarurwa 17:10.
Masimbai enyika mashanu akanga atouya ndokuenda pakasvika zuva raJohane? Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medo-Persia, uye Girisi. Nderipi rakanga richiripo? Roma. Uye isimba ripi rakanga ri“gere kusvika”? Simba reNyika reEngland neAmerica rezuva redu. Aya ndiwo masimba enyika ayo vanhu vaMwari, vakare navazvino uno, vave vachiitira hanya zvikuru.
Idi rinokosha zvikuru ndeiri: Kwakanga kuchifanira kuva nenhevedzano yamanomwe bedzi amasimba enyika akadaro! Simba rechisere rapanguva imwe cheteyo, iro raizobatanidza zvisaririra zverechinomwe, rakadeya kutaurwa kuvapo kwenguva pfupi mukati mamazuva erechinomwe. (Zvakazarurwa 17:10, 11) Ikoku kunoreva kuti tiri kurarama mukati menguva yerekupedzisira ramasimba enyika makuru anotongwa nomunhu. Hakusati kuchizova nerimwe!
Nokukurumidza zvino, masimba enyika achava ava nenguva yawo. Dhanieri akaporofita kuti aya masangano avanhu achaparadzanywa ndo‘kutakurwa nemhepo.’ (Dhanieri 2:35) Chii chichaatsiva? Chimwe chinhu chiri nani zvikuru! Dhanieri anoshuma, kuti: “Mumazuva amadzimambo iwawo Mwari wokudenga uchagadza umambo husingazotongoparadzwi. . . . Ihwo huchaputsanya nokuparadza maumambo iwawa ose, uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi,” nokusingaperi. (Dhanieri 2:44, NW) Naizvozvo hakuna chimwe chinhu chisiri Umambo hwaMwari chichatsiva aya masimba enyika avanhu. Ivandudziko yakaisvonaka zvakadini mukutongwa kwenyika!
Pasina panikiro iwe unoziva chimwe chinhu pamusoro pamasimba enyika. Asi ko imwe zivo yetsika dzawo, rudzidziso rwawo, uye ukama hwawo navanhu vaMwari nouporofita hweBhaibheri zvingakubetsera kunzwisisa zvakawanda pamusoro penhau yorudzi rwomunhu muchiedza chaMagwaro here?
Hungu, zvamazvirokwazvo. Naizvozvo tinofara kubudisa, kutanga nechinyorwa chino, nhevedzano yenyaya sere dzinobata namasimba enyika. Idzi nyaya dzinofanira kubetsera kukupwisa kuti nhau inorondedzerwa muBhaibheri yakavimbika uye yakatendeseka. Idzo dzinofanirawo kusimbisa kutenda kwako muidi rokuti mauporofita eBhaibheri akatendeka uye ndeechokwadi!