RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/05 p. 1
  • Zuva raJehovha Rava Pedyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zuva raJehovha Rava Pedyo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Masimba Makuru Enyika Enhau yeBhaibheri Anoenda Kumugumo Wawo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Umambo hwaMwari Huri Kutonga!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • “Rambai Makarinda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Dzidza Pauprofita hweBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 5/05 p. 1

Zuva raJehovha Rava Pedyo

1 VaKristu vanoda zvikuru kuti zuva raJehovha riuye, raachaparadza naro gadziriro yezvinhu iripo iye zvino ndokuunza nyika itsva yakarurama. (2 Pet. 3:12, 13) Sezvo tisingazivi musi chaiwo uchasvika zuva iroro, tinofanira kuramba takarinda uye tichibatsira vamwe kuti vaitewo izvozvo. (Ezek. 33:7-9; Mat. 24:42-44) Kufungisisa Shoko raMwari rouprofita kuchasimbisa chivimbo chedu chokuti “zuva guru raJehovha rava pedyo.”—Zef. 1:14.

2 Kutevedzana Kwemadzimambo Enyika Yose: Sezvakanyorwa pana Zvakazarurwa 17:9-11, muapostora Johani anotaura nezve“madzimambo manomwe” anomiririra kutevedzana kwemadzimambo enyika yose manomwe. Johani anotaurawo nezva“mambo wechisere,” uyo anomiririra Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose iye zvino. Tinofanira kutarisira mamwe madzimambo enyika yose kuti aoneke here? Kwete, uprofita hwacho hunotaura kuti mambo wechisere uyu a“noenda kunoparadzwa,” uye pashure pacho hapana mamwe madzimambo epasi anotaurwa. Uprofita uhwu hunokubatsira kuona patiri maererano nenguva here?

3 Dhanieri 2:31-45 inotibatsira kunzwisisa kuuya kwezuva raJehovha. Muuprofita ihwohwo, chifananidzo chihombe chakaonekwa naNebhukadhinezari ari kuhope chinomiririra kutevedzana kwemadzimambo enyika yose. Mumwe nomumwe wemadzimambo aya akatooneka. Maererano nezviitiko zvenyika, tiri pana mambo upi nhasi? Munguva inofananidzirwa netsoka dzechifananidzo. Uprofita hwacho hunotsanangura zvakajeka zvichatevera kuitika. Kutonga kwevanhu kuchaparadzwa zvachose, zvichipa mukana ‘umambo husingazomboparadzwi.’ Unoona here kuti izvi zvinoratidza sei kuti zuva raJehovha rava pedyo?

4 Humwe Uchapupu: Tiri kuzvionera humwe uchapupu hwokuti zuva raJehovha rava pedyo. Tinoona kuzadzika kwezvakafanotaurwa nomuapostora Pauro maererano nounhu hwevanhu mu“mazuva okupedzisira.” (2 Tim. 3:1-5) Uye tiri kuitawo basa rokuparidza riri kuitwa munyika yose iro rinofanira kuitwa mugumo usati wauya. (Mat. 24:14) Ushumiri hwedu hwepachena ngahurambe huchiratidza kukosha kwezvakaziviswa nengirozi kuti: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, nokudaro namatai Iye akasika denga nepasi negungwa nezvitubu zvemvura.”—Zvak. 14:6, 7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe