Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Kunotsinhirana here nenheyo dzeBhaibheri kuti varoorani vechiKristu vashandise mapiritsi okudzora kubereka?
Magwaro haasati achitaura zvakajeka kuti varoorani vechiKristu vanosungirwa kuva navana kana kuti, kana vakava navo, vangani. Varoorani vamwe navamwe vanofanira kusarudza vari voga uye nenzira ine mufungo kana vachizoedza kudzora ukuru hwemhuri yavo. Kana ivo vakabvumirana kushandisa kudzora mhuri, chisarudzo chavo chezvokudzivisa kunamba pamuviri inhau yomunhu oga. Zvisinei, ivo vanofanira kurangarira—mutsinhirano nenzwisiso yavo yeBhaibheri nehana yavo—kana kushandisa mutoo wakati kwaizoratidza ruremekedzo nokuda kwoutsvene hwoupenyu.
Bhaibheri rinoratidzira kuti upenyu hwomunhu hunovamba pakunambwa; Mupi woUpenyu anoona upenyu hwanambwa, “muviri uchigere kukwaniswa” uyo pashure paikoko uchakura muchizvaro. (Pisarema 139:16; Eksodho 21:22, 23a; Jeremia 1:5) Nokudaro, hakuna nhamburiko inofanira kuitwa yokugumisa upenyu hwanambwa. Kuita saizvozvo kwaizova kubvisa pamuviri.
Mapiritsi okudzora kubereka anoshandiswa zvakafara munyika yose. Iwo anodzivisa sei kuberekwa kwomwana? Kune marudzi makuru maviri amapiritsi—combination pill neprogestin-only pill (minipill). Nzvero yakajekesa kushanda kwawo kukuru nokuda kwokudzivisa kubereka.
Combination pill ine hormones estrogen neprogestin. Mukuwirirana neU.S. Food and Drug Administration, “kushanda kwokutanga” kwecombination pill “kudziviswa kwokubudisa mazai.” Kunoratidzika kuti paanonwiwa nguva dzose, rudzi urwu rwepiritsi nguva dzose runodokudzivisa kubudiswa kwezai muchizvaro. Apo kunenge kusina zai kana kuti zanda rinobudiswa, kunamba hakugoni kuitika mumachubhu eFallopian. Nepo rudzi urwu rwepiritsi rungaparirawo chinjo mu“kakanda kechibereko (uko kunoderedza kubvira kwokupinda kwezai muchibereko),” ikoku kunorangarirwa sokushanda kwechipiri.
Nokuda kwokudzivisa miuyo, combination pills ane mwero wakaderera weestrogen akaitwa. Sezviri pachena, aya macombination pill ane mwero wakaderera anobvumira kushanda kukuru muzvizvaro. Dr. Gabriel Bialy, mukuru weContraceptive Development Branch of the National Institutes of Health, anoti: “Hufakazi hukuru hwesayenzi hunoratidzira kuti kunyange nelow-estrogen pill, kubudisa mazai kunodziviswa, kwete 100 muzana, asi sezvingabvira zvikurusa inenge 95 muzana. Asi idiwo zvaro rokuti kubudisa mazai kunoitika harienzani nokutaura kuti kuberekesa kwaitika.”
Kana mukadzi akarega kunwa combination pill mukuwirirana norudungwe rwaro rwakarongwa, pane kubvira kwakawedzerwa kwokuti kushanda kwechipiri kuchaita basa mukudzivisa kubereka. Kufundwa kwavakadzi vakarega maviri amapiritsi omwero wakaderera kwakawana kuti 36 muzana yakanga “yanzvenga” kubudiswa kwamazai. Magazini inonzi Contraception inoshuma kuti muzvinoitika zvakadaro “miuyo yamapiritsi pakakanda kanofukidza chizvaro namarembwe apamuromo pechibereko zvingapfuurira kugovera . . . dziviriro inodzivisa kunamba.”
Zvakadiniko nezvorumwe rudzi rwepiritsi—progestin-only pill (minipill)? Drug Evaluations (1986) inoshuma, kuti: “Kudziviswa kwokubudiswa kwamazai hakusati kuri rutivi rwakatanhamara rwokudzivisa kunamba neprogestin-only minipills. Izvi zvinhu zvinoparira kuumbwa kwezvirembwe zvakakora zvapamuromo pechibereko izvo zvisingapindwi zvikuru nourume; izvo zvingawedzera nguva yokufamba muchubhu uyewo kuparira kubva kwekakanda kanofukidzira chibereko [uko kwaizodzivisa kukura kwezanda ripi neripi rakaberekeswa].”
Vamwe vanzveri vanotaura kuti neprogestin-only pill, “kubudisa mazai kwenguva dzose kunoitika kuvanopfuura 40% yavashandisi.” Naizvozvo iri piritsi kazhinji kazhinji rinobvumira kubudisa mazai. Zvirembwe zvakakora zvapamuromo pechibereko zvingadzivisa kupfuura kwourume nokudaro ndokusabvumidza kunamba; kana kusina kudaro, mhoteredzo yakaipa inoparira piritsi racho muchibereko ingadzivisa zanda raberekeswa kupinda muchizvaro ndokukura kuva mwana.
Kunogona kunzwisiswa, ipapoka, kuti apo anoshandiswa nguva dzose nokuda kwokudzora kubereka, marudzi makuru ose asi maviri amapiritsi anoratidzika kuva anodzivisa kunamba kuti kusaitike muzvinoitika zvizhinjisa uye nokudaro haabvisi pamuviri. Zvisinei, sezvo progestin-only pill (minipill) kazhinji kazhinji zvikuru ichibvumidza kubudisa mazai, pane kubvira kukuru zvikuru kwokuti iyo pane dzimwe nguva inodzivisa kubereka kupfurikidza nokudzongonyedza kupinda kwezai muchibereko kwoupenyu hwanambwa uhwo hwavamba. Fundo dzesayenzi dzinoratidzira kuti kazhinji kazhinji (nechibereko chisina kutapurwa namapiritsi okudzora kubereka) “makumi matanhatu muzana amazai akaberekeswa . . . anoraswa pamberi penhambo yokutanga inopotswa.” Kuti ikoku kunoitika, kunyanguvezvo, kwakasiana chose nokusarudza kushandisa mutoo wokudzora kubereka uyo unodzora sezvingabvira zvikuru kupinda kwezanda raberekeswa.
Nokudaro, kune mativi chaiwo akanaka okurangarira kana varoorani vakakurukura nachiremba nhau yokushandisa mapiritsi okudzora kubereka. MaKristu anofanira kusarudza kunyange mibvunzo yapachivande neyomunhu oga kuti agochengeta “hana yakachena zvakakwana” pamberi paMwari wedu noMupi woUpenyu.—Mabasa 23:1; VaGaratia 6:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 1, 1977, mapeji 478-80.