RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 8/1 pp. 3-4
  • Iwe Unoendepi Nokuda Kwezano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iwe Unoendepi Nokuda Kwezano?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndangariro Dzakavharwa—Neiko?
  • Zvaungaita Kuti Upe Vamwe Mazano Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Nei Tichifanira Kutsvaga Mazano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Tsvagai Mazano Akanaka
    Mukai!—2007
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 8/1 pp. 3-4

Iwe Unoendepi Nokuda Kwezano?

KO MUNHU upi noupi akambopfuudza mari yechipameso kwauri here? Zvichida kwete, asi waizoita sei kudai mumwe munhu akakuudza kuti mari yenhema yakanga ichitenderera? Waizogumbuka here? Haisva! Iwe sezvingabvira zvikuru waizoonga kuti wakasvinudzwa ndokungwarira kusapa imwe yemari yako yakawanwa zvakaoma, yechokwadi nokuda kweyenhema.

Vazhinjisa vedu tinogamuchira zano kana kuti nyevero panguva nenguva. Chokwadi, dzimwe nyevero dzinoshanda zvikuru kupfuura dzimwe. Asi kunyange kana tisingaoni ukoshi hwomunhu oga hwepangiro yakati kana zano, ichocho chikonzero chipi nechipi here chokugumbuka nemhaka yokuti rinopiwa?

Zvokwadi ndeiyi, munhu ari wose anoda betsero nezano panguva nenguva. Hakuna munhu ane mhinduro dzose. Nokusava nechokwadi kwepfuma namatongerwe enyika uko kwakatipoteredza, munhu ari wose anoda tariro yakasimba yenguva yemberi. Munyika umo inodokuva hafu yeroorano inoguma nechatanuro, umo nhumbu dzavechiduku dzakapararira, uye umo hosha dzinopfuudzwa muvatano dzakapararira, kune kudikanwa kunokosha kwenhungamiro ine mufungo, inoshanda. Vabereki vanoda betsero mukusarudza nzira yakanakisisa yokurera nayo vana vavo mutsika ino yezvinhu inovhiringidza. Vechiduku vanoda betsero mukupedza mirangariro yavo inorwisana nedzvinyiriro izvo zvingaratidzika kuva zvisingadzivisiki. Munhu ari wose anoda betsero mukuronga zvinokosha zvinoshanda zvetsika munyika umo kusatendeseka, utere, uye masimba masimba zvinogamuchirwa zvikuru.

Betsero yakadaro inogona kuwanikepi? Nokure manyuko akanakisisa ezano pamusoro pokurarama iBhaibheri, Shoko rakafuridzirwa raMwari. Wezvamapisarema wakare akanyora, achiti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Avo vanorava ndokushandisa Shoko raMwari vanodzivisa dzakawandisa dzengozi dziripo nhasi. Ichocho ndicho chikonzero chimwe nei Zvapupu zvaJehovha zvichipedza mazana amamirioni amaawa gore rimwe nerimwe zvichishanyira vavakidzani vazvo nokukurukura Bhaibheri navo. Bva, vanhu vazhinji havateereri, uye vamwe vanotogumbuka. Neiko ikoku kwakadaro?

Ndangariro Dzakavharwa—Neiko?

Eya, vanhu vazhinji vanotapurika zvikuru pamusoro pokugamuchira zano, zvikurukuru panhau yorudzidziso. Kunyange mitezo yechechi haidi nguva dzose kuteerera zano vaparidzi vavo vanopa. Mumwe mufundisi weBritain akanyunyuta, achiti: “Munhu ari wose ane pfungwa dzake amene uye idzo dzinorangarirwa sedzakanaka sedzomuparidzi.” Nokudaro, hakushamisi kuti vanhu havadi kuteerera kumuenzi ari pasuo ravo.

Uyezve, kunyange zvazvo tiri kurarama muzera rokupanikira, vazhinji vachine zvisungo zvakasimba, zvendangariro kuchechi yavo. Imwe enisaikoropidhia yakati, “rudzidziso runotapura mirangariro mikurusa yavanhu vasingaverengeki.” Vanhu vakadaro vangasaona kudikanwa kwokutaura kumumwe munhu worumwe rudzidziso pamusoro peBhaibheri, kunyange apo kurukurirano yacho inenge ine chokuita nokuwana mushonga kuzvinetso zvavo.

Vamwe havadi kukurukura Bhaibheri nemhaka yokuti vakaona unyengeri hwakawanda noushati murudzidziso. Ivo vanogumburwa kuti vamwe vatungamiriri vorudzidziso vanofuratira utere, kana kuti ivo vanosemburwa namakaro asinganyarwi avaevhangeri vazhinji vomuterevhizheni. Zvichida ivo vanodzoswa apo mufundisi anoshandisa chiremera chake kutsigira rutivi rumwe parumwe muhondo yezvamatongerwe enyika. Kwavari, rudzidziso runoratidzika kuva runoparira zvinetso zvakawanda kupfuura zvarunopedza.

Zvinetso vakadaro vanonyunyuta nezvazvo chaizvoizvo. Kutaura mune zvorudzidziso, kune “mari yechipameso” yakawanda iri kutenderera. Asi zvirokwazvo, kuramba kugamuchira betsero inokosha inobva muBhaibheri nokuda kweichi chikonzero hakuna mufungo sokuramba kugamuchira mari chaiyoiyo nemhaka yokuti mari yemapepa yokubhangi yechipameso iri kutenderera!

Uye sezvatodudzwa, tose zvedu tinoda zano munyika ino yezvisarudzo zvakaoma nemigariro ine ngozi. Pane nzira ipi neipi here yokutungamirirwa nayo munhau yokugamuchira zano? Hakusi madikanwa here kana kuti kunyange kuva kwakashata kutaura kumumwe munhu worudzidziso rwakasiana pamusoro peBhaibheri? Kunobvira here kuva nendangariro yakazaruka zvakakwana kugamuchira zano rakanaka asi usinganyengedzwi nezano rechipameso? Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro paikoku?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe