NYAYA YEKUDZIDZA 29
RWIYO 87 Uyai Muzorodzwe!
Zvaungaita Kuti Upe Vamwe Mazano Akanaka
“Ndichakupa zano ziso rangu riri pauri.”—PIS. 32:8.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvatingaita kuti tipe vamwe mazano anobatsira.
1. Ndiani anofanira kupa vamwe mazano? Tsanangura.
UNONZWA sei nezvekupa vamwe mazano? Vamwe zvinovaitira nyore kupa vamwe mazano. Vamwe vanozeza kana kuti havanyatsonzwa zvakanaka pavanenge vachiapa. Pasinei nekuti tinonzwa sei nezvenyaya iyi, dzimwe nguva tese zvedu tinofanira kupa vamwe mazano. Nei zvakadaro? Nekuti Jesu akataura kuti vateveri vake vechokwadi vaizozivikanwa nerudo rwavainarwo. (Joh. 13:35) Uye imwe nzira yekuratidza kuti tinoda hama dzedu nehanzvadzi ndeyekuvapa mazano pazvinenge zvakakodzera. Shoko raMwari rinotaurawo kuti ‘patinopa mazano nemwoyo wese,’ tinosimbisa ushamwari hwedu nevamwe.—Zvir. 27:9.
2. Vakuru vanofanira kukwanisa kuitei, uye nei vachifanira kudaro? (Onawo bhokisi rakanzi “Kupa Mazano Pamusangano Wepakati Pevhiki.”)
2 Vakuru vanofanira kugona kupa vamwe mazano akanaka. Jehovha achishandisa Jesu akapa varume ava basa rekufudza ungano. (1 Pet. 5:2, 3) Imwe nzira yavanoita izvozvo ndeyekupa ungano mazano vachishandisa Bhaibheri pavanenge vachipa hurukuro. Vanotipawo mazano semunhu mumwe nemumwe uye vanobatsira vaya vanenge vasiya Jehovha kuti vadzoke muungano. Vakuru pamwe chete nesu tese, tingaita sei kuti tipe vamwe mazano akanaka?
3. (a) Tingaitei kuti tipe vamwe mazano akanaka? (Isaya 9:6; onawo bhokisi rakanzi “Tevedzera Jesu Pakupa Vamwe Mazano.”) (b) Tichakurukurei munyaya ino?
3 Tinogona kudzidza kupa vamwe mazano akanaka kana tikatevedzera zvaiitwa nevamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri, kunyanya Jesu. Rimwe zita raanopiwa nderekuti “Chipangamazano Anoshamisa.” (Verenga Isaya 9:6.) Munyaya ino tichakurukura zvatingaita kana tikakumbirwa mazano nevamwe uye kuti zvii zvatingaita kana tichifanira kupa mumwe munhu zano asina kutikumbira. Tichaongororawo nezvekukosha kwekupa zano panguva yakakodzera uye tichizviita nenzira yakanaka.
PATINOKUMBIRWA MAZANO NEVAMWE
4-5. Kana mumwe munhu akatikumbira mazano, ndeupi mubvunzo watinofanira kutanga tazvibvunza? Taura muenzaniso.
4 Kana mumwe munhu akakukumbira mazano, unogona kunzwa kufara kuti shamwari yako inovimba newe uye unonzwa uchida kubva watomubatsira. Asi unofanira kutanga wazvibvunza kuti, ‘Ndine ruzivo rwakakwana here rwenyaya yandiri kubvunzwa neshamwari yangu?’ Dzimwe nguva, nzira yakanakisisa yekubatsira shamwari yedu haisi yekumupa mazano asi ndeyekumubatsira kuwana munhu anonyatsoziva nezvenyaya yacho.
5 Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii shamwari yako inobatwa chirwere chakaipisisa. Anobva akuudza kuti akatotanga kutsvakurudza nezvemarapirwo akasiyana-siyana aanogona kuitwa uye anobva akubvunza kuti ndeapi marapirwo aunofunga kuti ari nani. Unogona kunge uine marapirwo aunofunga kuti ndiwo aanofanira kusarudza, asi hausi chiremba uye hauna kudzidziswa basa rekurapa chirwere ichocho. Pakadaro, nzira yakanakisisa yekubatsira shamwari yako ndeyekumubatsira kuti awane munhu akadzidziswa kurapa chirwere chacho.
6. Zvakanakirei kumbomira tisati tapa mumwe munhu mazano?
6 Kunyange kana tichinzwa sekuti takakodzera kupa mumwe munhu mazano pane imwe nyaya, tinogona kusarudza kumbomira zvishoma tisati tapindura munhu anenge atikumbira mazano. Nei tichifanira kudaro? Zvirevo 15:28 inoti: “Munhu akarurama anofungisisa mumwoyo make asati apindura.” Ko kana tichifunga kuti tinoziva mhinduro yacho? Tinogona kusarudza kumbomira, totsvakurudza, tonyengetera nezvazvo uye tofungisisa nezvenyaya yacho. Izvi zvichaita kuti tive nechivimbo chekuti mhinduro yatichapa inoenderana nemafungiro aJehovha panyaya iyoyo. Ona zvakaitwa nemuprofita Natani.
7. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa nemuprofita Natani?
7 Mambo Dhavhidhi akaudza muprofita Natani kuti aida kuvakira Jehovha temberi. Natani akabva angokurumidza kupindura kuti Dhavhidhi aikwanisa kuvakira Jehovha temberi. Asi Natani aifanira kutanga abvunza Jehovha. Nemhaka yei? Nekuti Jehovha aisada kuti Dhavhidhi amuvakire temberi. (1 Mak. 17:1-4) Sezvinoratidzwa nenyaya iyi, patinokumbirwa mazano nevamwe, zvinokosha kuti ‘tisakurumidza kutaura.’—Jak. 1:19.
8. Ndechipi chimwe chikonzero nei tichifanira kutanga tanyatsofunga tisati tapa mumwe munhu mazano?
8 Chimwe chikonzero nei tichifanira kutanga tanyatsofunga tisati tapa vamwe vanhu mazano ndechekuti kana tikapa mumwe munhu zano risiri iro, opinda mumatambudziko, isuwo tinenge tiine mhosva. Saka zvinokosha kuti titange tanyatsofunga tisati tapa mumwe munhu mazano.
KUPA VAMWE MAZANO VASINA KUKUMBIRA
9. Vasati vapa munhu zano, vakuru vanofanira kutanga vava nechokwadi chei? (VaGaratiya 6:1)
9 Dzimwe nguva, vakuru vanofanira kupa zano kuhama kana hanzvadzi inenge yava ‘kurasika isingazivi.’ (Verenga VaGaratiya 6:1.) Munhu anogona kuita zvisarudzo zvingazoita kuti apedzisire aita chivi chakakura. Saka chinangwa chevakuru ndechekubatsira munhu iyeye kuti arambe achifamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi. (Jak. 5:19, 20) Asi kuti zano ravo rinyatsobatsira, vanofanira kutanga vanyatsova nechokwadi chekuti munhu iyeye ava kurasika zvechokwadi. Vanofanira kunzwisisa kuti kana munhu akasarudza zvakasiyana nezvavaizosarudza ivo, hazvirevi kuti munhu iyeye ari kuita chimwe chinhu chisingafadzi Jehovha. (VaR. 14:1-4) Asi ngatitii hama iri kutorasika zvechokwadi uye vakuru vasarudza kuti anofanira kupiwa zano. Vangazviita sei?
10-12. Vakuru vanofanira kuita sei pavanenge vachipa mumwe munhu zano asina kukumbira? Taura muenzaniso. (Onawo mifananidzo.)
10 Hazvisi nyore kuti vakuru vape munhu zano asina kukumbira. Nei zvakadaro? Muapostora Pauro akataura kuti munhu anogona kurasika asiri kuziva kuti ava kurasika. Saka vakuru vane zvavanofanira kutanga vaita kuti zvizova nyore kuti munhu wacho agamuchire zano ravanozomupa.
11 Kupa zano usina kukumbirwa kwakafanana nekuedza kudyara mbeu paivhu rakaomarara. Murimi asati adyara mbeu, anotanga atimba ivhu racho. Izvi zvinoita kuti ivhu racho ripfave kuitira kuti azodyara mbeu yacho. Kana zvadaro, anobva adyara mbeu yacho. Pakupedzisira anozodiridza kuitira kuti mbeu yacho ikure. Ndizvowo zvinofanira kuitwa nemukuru asati apa munhu zano. Ane zvaanofanira kuita kuitira kuti zvive nyore kuti hama yacho igamuchire zano. Semuenzaniso, panguva yakakodzera anoyeuchidza hama yacho kuti ane hanya nayo uye kuti ane nyaya yaanoda kuzotaura nayo. Kana mukuru wacho achizivikanwa semunhu ane rudo uye anobata vamwe zvakanaka, zvichaita kuti zvive nyore kuti vamwe vagamuchire mazano aanopa.
12 Pavanenge vava kukurukura, mukuru anogona kuitawo kuti zvive nyore kuti hama yacho igamuchire zano nekuiyeuchidza kuti tese tinokanganisa uye dzimwe nguva tinofanira kupiwa mazano. (VaR. 3:23) Achitaura naye akadzikama uye zvine ruremekedzo, mukuru wacho anonyatsomuratidza kubva muMagwaro kuti ndepapi paakarasika. Hama yacho painongobvuma kuti yakakanganisa, mukuru anoita seari kudyara mbeu yacho kuburikidza nekumutsanangurira zvakajeka kuti ndezvipi zvaanofanira kugadzirisa. Pakupedzisira, mukuru wacho anoita seari kudiridza mbeu iya kuburikidza nekutaurawo zvimwe zvakanaka zviri kuitwa nehama yacho uye kunyengetera nayo.—Jak. 5:15.
Kupa munhu zano asina kukumbira kunoda kuti tizviite nerudo uye nenzira inoita kuti zvive nyore kuti munhu wacho arigamuchire (Ona ndima 10-12)
13. Vakuru vangaita sei kuti vave nechokwadi chekuti munhu anyatsonzwisisa zano raanga achipiwa?
13 Dzimwe nguva munhu anenge achipiwa zano anogona kubata zvakasiyana nezvinenge zvichirehwa nemunhu ari kumupa zano. Vakuru vangaita sei kuti izvozvo zvisaitika? Vanogona kushandisa mibvunzo kuitira kuti vabatsire munhu wacho kunzwisisa pfungwa yacho. (Mup. 12:11) Mhinduro dzinopiwa nemunhu wacho dzinogona kubatsira mukuru kuti azive kuti munhu uyu anyatsonzwisisa here zano raanga achipiwa.
KUPA VAMWE MAZANO PANGUVA YAKAKODZERA UYE TICHIZVIITA NENZIRA YAKANAKA
14. Nei tisingafaniri kupa vamwe mazano patinenge takatsamwa?
14 Tese tinokanganisa, saka dzimwe nguva tinoita kana kuti tinotaura zvinotsamwisa vamwe. (VaK. 3:13) Shoko raMwari rinobvuma kuti dzimwe nguva tinogona kutsamwisana. (VaEf. 4:26) Asi tinofanira kungwarira kuti tisapa vamwe mazano patinenge takatsamwa. Nemhaka yei? Nekuti “kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.” (Jak. 1:20) Kana tikapa vamwe mazano patinenge takatsamwa, zvinogona kuita kuti nyaya yacho itowedzera kuipa. Izvi hazvirevi hazvo kuti hatitombofaniri kutaura nemunhu anenge atitsamwisa tichimuudza manzwiro atinenge tichiita. Asi zviri nani kuti tizotaura naye patinenge tadzikama. Tinogona kudzidza kubva pana Erihu, uyo akapa Jobho mazano akanaka.
15. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naErihu? (Onawo mufananidzo.)
15 Erihu akaita mazuva akawanda achiteerera Jobho paaipindura vanhu vaimupomera zvenhema. Erihu akanzwira tsitsi Jobho. Asiwo Erihu akatsamwa zvikuru Jobho paakataura zvisiri izvo nezvaJehovha uye paainyanya kuzviti akarurama. Kunyange zvakadaro, Erihu akamirira kuti awane mukana wekutaura uye paakazouwana, akapa Jobho zano achizviita neunyoro uye achimuremekedza. (Job. 32:2; 33:1-7) Tine chidzidzo chinokosha chatinodzidza kubva pane zvakaitwa naErihu. Tinofanira kupa zano patinenge takadzikama uye tozviita tichiremekedza munhu wacho uye tichiratidza kuti tinomuda.—Mup. 3:1, 7.
Kunyange zvazvo Erihu akamboshatirwa, paakazopa Jobho zano, akazviita neunyoro uye neruremekedzo (Ona ndima 15)
RAMBA UCHIPA VAMWE MAZANO UYE UCHIGAMUCHIRA MAZANO
16. Pisarema 32:8 inotidzidzisei?
16 Rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino runotaura kuti ‘Jehovha anotipa zano ziso rake riri patiri.’ (Verenga Pisarema 32:8.) Izvi zvinoratidza kuti acharamba achitibatsira. Haangogumiri pakutipa mazano asi anotibatsirawo kuashandisa. Nesuwo tinogona kutevedzera Jehovha. Patinopa vamwe mazano, tinogonawo kuramba tichivakurudzira uye tichivabatsira kuti vaite zvisarudzo zvakanaka.
17. Tinonzwa sei vakuru pavanotipa mazano anobva muBhaibheri? (Isaya 32:1, 2)
17 Iye zvino ndiyo nguva yatinofanira kutopa vamwe mazano akanaka uye kuagamuchira. (2 Tim. 3:1) Vakuru pavanopa mazano akajeka anobva muBhaibheri, vanoita “sehova dzemvura munyika isina mvura.” (Verenga Isaya 32:1, 2.) Tinotenda kuva neshamwari dzisingazezi kutipa mazano atinofanira kupiwa kunyange zvazvo tingasada kuanzwa. Mashoko avo akaita ‘semaapuro egoridhe ari mundiro dzesirivha.’ (Zvir. 25:11) Dai tese tikaramba tichidzidza kupa vamwe mazano akanaka uye kuagamuchira.
RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo