RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 July pp. 2-7
  • Nei Tichifanira Kutsvaga Mazano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kutsvaga Mazano?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • UNHU HUPI HWANDINOFANIRA KUVA NAHWO?
  • NDIANI ANGANDIPA MAZANO AKANAKA?
  • NDINGARATIDZA SEI KUTI NDINONYATSODAWO KUPIWA MAZANO NEVAMWE?
  • NDINOFANIRA KUKUMBIRA VAMWE KUTI VANDIITIRE ZVISARUDZO HERE?
  • RAMBA UCHITSVAGA MAZANO
  • Zvaungaita Kuti Upe Vamwe Mazano Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Dzidza Pamashoko Ekupedzisira Akataurwa Nevarume Vakatendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 July pp. 2-7

NYAYA YEKUDZIDZA 28

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

Nei Tichifanira Kutsvaga Mazano?

“Uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.”—ZVIR. 13:10.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatinofanira kuita kuti tinyatsobatsirwa nemazano atinopiwa.

1. Tingaitei kuti tiite zvisarudzo zvakanaka uye kuti zvirongwa zvedu zvibudirire? (Zvirevo 13:10; 15:22)

TESE zvedu tinoda kuita zvisarudzo zvakanaka. Uye tese zvedu tinoda kuti zvirongwa zvedu zvibudirire. Shoko raMwari rinotiudza zvatinofanira kuita kuti tikwanise kuita zvinhu izvi zviviri.—Verenga Zvirevo 13:10; 15:22.

2. Jehovha anovimbisa kutiitirei?

2 Baba vedu Jehovha, ndivo vanogona kunyatsotipa mazano akanaka. Saka tinofanira kunyengetera kwavari tichikumbira kuti vatipe uchenjeri. Vanovimbisa kuti vachatibatsira. Vanoti: “Ndichakupa zano ziso rangu riri pauri.” (Pis. 32:8) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jehovha anotipa mazano anonyatsoenderana nesu uye anotibatsira kuashandisa.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino, tichashandisa Shoko raMwari kupindura mibvunzo 4 inoti: (1) Unhu hupi hwandinofanira kuva nahwo kuti ndinyatsobatsirwa nemazano akanaka andinopiwa? (2) Ndivanaani vangandipa mazano akanaka? (3) Ndingaratidza sei kuti ndinonyatsodawo kupiwa mazano nevamwe? (4) Nei ndisingafaniri kukumbira vamwe kuti vandiitire zvisarudzo?

UNHU HUPI HWANDINOFANIRA KUVA NAHWO?

4. Unhu hupi hwatinofanira kuva nahwo kuti tibatsirwe nemazano akanaka?

4 Kuti tibatsirwe nemazano akanaka atinopiwa, tinofanira kuva vanhu vanozvininipisa uye vane mwero. Tinofanira kubvuma kuti tinoda kubatsirwa nevamwe kuti tiite zvisarudzo zvakanaka kana tiri mumamiriro ezvinhu atisati tambopinda maari. Uyewo tinofanira kuyeuka kuti hatizivi zvese. Kana tisingazvininipisi uye tisina mwero, Jehovha haatibatsiri. Saka chero mazano atinowana patinoverenga Bhaibheri, anongopinda nekune imwe nzeve achibuda nekune imwe. (Mika 6:8; 1 Pet. 5:5) Asi kana tiri vanhu vanozvininipisa uye vane mwero, tichateerera mazano atinopiwa, tokurumidza kuashandisa.

5. Zvinhu zvipi zvaigona kuita kuti Mambo Dhavhidhi azvikudze?

5 Chimbofunga zvatinodzidza kubva kuna Mambo Dhavhidhi. Kubudirira kwaakaita pakuita zvinhu zvakasiyana-siyana kwaigona kumuita kuti azvikudze. Asati atombova mambo, aizivikanwa nekugona kuridza mimhanzi. Akatokumbirwa kuti auye kuzoridzira mambo. (1 Sam. 16:​18, 19) Pashure pekunge Dhavhidhi azodzwa kuti azova mambo, mweya waJehovha wakatanga kumupa simba. (1 Sam. 16:​11-13) Airumbidzwa chaizvo nevanhu nekuuraya kwaakaita vavengi, kusanganisira rimwe zirume rakanga rakakurisa rechiFiristiya rainzi Goriyati. (1 Sam. 17:​37, 50; 18:7) Kudai Dhavhidhi aizvikudza aigona kufunga kuti sezvo aikwanisa kuita zvinhu zvese izvi, aisafanira hake kuteerera mazano aanopiwa nevamwe. Asi haana kudaro.

6. Tinoziva sei kuti Dhavhidhi aibvuma kupiwa mazano nevamwe? (Onawo mufananidzo.)

6 Pashure pekunge agadzwa samambo, Dhavhidhi aishamwaridzana nevarume vaimupa mazano. (1 Mak. 27:​32-34) Izvozvo hazvishamisi nekuti kunyange paakanga asati ava mambo, Dhavhidhi akanga agara achiteerera mazano aaipiwa nevamwe. Aisangoteerera mazano aaipiwa nevanhurume chete, asi akateererawo mazano aakapiwa nemumwe mukadzi ainzi Abhigairi. Abhigairi aiva mudzimai waNabhari, uyo aiva munhu aisaremekedza vamwe, asingaongi uye aizvikudza. Dhavhidhi akazvininipisa akateerera mazano akanaka aakapiwa naAbhigairi. Uye izvozvo zvakaita kuti asaita chikanganiso chakakura.—1 Sam. 25:​2, 3, 21-25, 32-34.

Mambo Dhavhidhi achinyatsoteerera zviri kutaurwa naAbhigairi, uyo akagara pasi achimuteterera.

Mambo Dhavhidhi akazvininipisa akateerera zano raakapiwa naAbhigairi (Ona ndima 6)


7. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naDhavhidhi? (Muparidzi 4:13) (Onawo mifananidzo.)

7 Tine zvatinodzidza kubva pane zvakaitwa naDhavhidhi. Semuenzaniso, tinogona kunge tiine chipo chatiinacho kana kuti tiine simba pamusoro pevamwe. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kutombofa takafunga kuti tinoziva zvese uye kuti hatifaniri kupiwa mazano nevamwe. Kungofanana naDhavhidhi, tinofanira kuteerera mazano akanaka atinopiwa pasinei nekuti taapiwa naani. (Verenga Muparidzi 4:13.) Kana tikadaro, zvinotibatsira kuti tisaita zvikanganiso zvakakura, izvo zvinozogona kupinza isu nevamwewo vanhu mumatambudziko.

Mifananidzo: 1. Vakuru vana vari kuita musangano. Mumwe wevakuru vacho ari kupopota. 2. Pava paya, mumwe mukuru wechidiki anga ari pamusangano wacho anotsiura mukuru uya anga achipopota, vari vega mumota.

Tinofanira kuteerera mazano akanaka atinopiwa pasinei nekuti taapiwa naani (Ona ndima 7)c


NDIANI ANGANDIPA MAZANO AKANAKA?

8. Nei Jonatani aikwanisa kunyatsopa Dhavhidhi zano rakanaka?

8 Ona chimwe chidzidzo chatinowana kubva kuna Dhavhidhi. Aiteerera mazano evanhu vaiva neushamwari hwakanaka naJehovha, uyewo vainyatsonzwisisa dambudziko raainge achisangana naro. Semuenzaniso, paaida kuziva kuti Mambo Sauro aizobvuma here kuva nerugare naye, Dhavhidhi akateerera zano raakapiwa naJonatani, mwanakomana waSauro. Nei Jonatani aikwanisa kumupa zano rakanaka? Nemhaka yekuti Jonatani aiva neushamwari hwakanaka naJehovha uye ainyatsozivawo Sauro. (1 Sam. 20:​9-13) Izvi zvinotidzidzisei?

9. Ndiani watingataura naye kana tichida kupiwa mazano? Tsanangura. (Zvirevo 13:20)

9 Patinenge tichida mazano, tinofanira kubvunza munhu ane ushamwari hwakanaka naJehovha uye ane ruzivo panyaya yatiri kuda kubatsirwa.a (Verenga Zvirevo 13:20.) Semuenzaniso, ngatitii hama yechidiki iri kutsvaga munhu wekuroorana naye akakodzera. Ndiani anganyatsomupa mazano akanaka? Shamwari yake isiri muwanano inogona kumubatsira kana ikamupa mazano anoenderana neBhaibheri. Asi kana akabvunza murume nemudzimai vanonyatsomuziva, uye vava nenguva vachishumira Jehovha vachifara pamwe chete, anogona kuwana mazano anonyatsobatsira uye anogona kuudzwa zvinonyatsoitika muwanano.

10. Tava kuda kukurukurei?

10 Takurukura nezveunhu hwatinofanira kuva nahwo uyewo kuti ndiani angatipa mazano akanaka. Iye zvino ngatichikurukurai kuti tingaratidza sei kuti tinonyatsodawo kupiwa mazano nevamwe uye kuti nei tisingafaniri kukumbira vamwe kuti vatiitire zvisarudzo.

NDINGARATIDZA SEI KUTI NDINONYATSODAWO KUPIWA MAZANO NEVAMWE?

11-12. (a) Zvii zvatinomboita dzimwe nguva? (b) Mambo Rehobhoamu akaita sei paaida kuita chisarudzo chinokosha?

11 Dzimwe nguva, munhu anogona kuita seari kutsvaga mazano, asi iye anenge atoita chisarudzo chake kare uye anenge ava kungotsvaga munhu anomuudza zvinoenderana nezvaanenge atosarudza. Munhu anoita zvakadaro anoratidza kuti haasi kutsvaga mazano zvechokwadi. Anofanira kudzidza kubva pane zvakaitika kuna Mambo Rehobhoamu.

12 Rehobhoamu ndiye akatanga kutonga vaIsraeri pashure pekunge Mambo Soromoni afa. Panguva yaakatanga kutonga, vaIsraeri vakanga vakabudirira chaizvo, asi vaiona sekuti Soromoni akanga avashandisa zvakanyanya. Saka vanhu vakaenda kuna Rehobhoamu vachikumbira kuti avarerutsire mutoro wavo. Rehobhoamu akavaudza kuti aida nguva yekumbofunga zvekuita. Pakutanga, akaita zvakanaka paakakumbira mazano kuvarume vakuru vaimbobatsira Soromoni. (1 Madz. 12:​2-7) Asi akaramba kuteerera mazano aakapiwa nevarume ava vakuru. Nei akadaro? Kungava here kuri kuti akanga atosarudza kare zvaaida kuita uye akanga ari kungotsvaga munhu anomuudza zvinoenderana nezvaakanga atosarudza? Kana zviri izvo, ndokusaka akateerera zvaakaudzwa neshamwari dzake. (1 Madz. 12:​8-14) Rehobhoamu akabva audza vanhu zvakanga zvataurwa neshamwari dzake. Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vaaitonga vamupandukire uye vasarudze kuzvimiririra vaina mambo wavo. Kubvira ipapo, zvinhu hazvina kuzombomufambira zvakanaka.—1 Madz. 12:​16-19.

13. Tingaziva sei kana tiri vanhu vanoda kupiwa mazano zvechokwadi?

13 Tinodzidzei kubva kuna Rehobhoamu? Patinotsvaga mazano kune vamwe, tinofanira kuratidza kuti tiri kuda kupiwa mazano zvechokwadi. Tingazviratidza sei? Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinokumbira mazano here, ndobva ndaramba kuateerera nekuti anenge asiri kuenderana nezvandinenge ndichida kunzwa?’ Ngatimboonai muenzaniso.

14. Zvii zvatinofanira kuyeuka patinopiwa mazano nevamwe? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)

14 Ngatitii imwe hama yawana basa rinobhadhara. Isati yabvuma kuita basa racho, inokumbira mumwe mukuru mazano. Hama iya inobva yataura kuti basa rayawana rinoda kuti ipote ichiita nguva yakareba isiri pamwe chete nemhuri yayo. Mukuru wacho anoyeuchidza hama iyi zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti basa guru remusoro wemhuri nderekubatsira mhuri yake pakunamata. (VaEf. 6:4; 1 Tim. 5:8) Ngatitii hama iya inobva yaramba kuteerera zano rayapiwa nemukuru uyu, yobva yatanga kutsvaga mazano kune dzimwe hama kusvikira yaudzwa zvairi kuda kunzwa. Tingati hama iyi yanga ichinyatsotsvaga mazano here, kana kuti yanga yatosarudza kare zvairi kuda kuita uye yanga ichingotsvaga munhu anoiudza zvinoenderana nezvayanga yatosarudza? Tinofanira kuyeuka kuti mwoyo wedu unonyengera. (Jer. 17:9) Dzimwe nguva, mazano anonyatsotibatsira ndiwo acho atinenge tisingadi kunzwa.

Hanzvadzi iri kutsvaga mazano kuhama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana. Ari kubva pane mumwe achienda pane mumwe nekuti haasi kufara nezvaari kuudzwa.

Tiri kunyatsotsvaga mazano here, kana kuti tiri kungotsvaga munhu anotiudza zvinoenderana nezvatatosarudza? (Ona ndima 14)


NDINOFANIRA KUKUMBIRA VAMWE KUTI VANDIITIRE ZVISARUDZO HERE?

15. Zvii zvatinofanira kungwarira kuti tisaita, uye nei tichifanira kudaro?

15 Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzviitira ega zvisarudzo zvake. (VaG. 6:​4, 5) Sezvatakurukura, munhu akachenjera anotsvaga mazano muShoko raMwari uye kune vaKristu vakakura pakunamata asati asarudza zvekuita. Asi tinofanira kungwarira kuti tisakumbira vamwe kuti vatiitire zvisarudzo. Vamwe vanhu vanogona kubvunza munhu wavanoremekedza kuti, “Kudai manga muri imi muri mumamiriro angu ezvinhu maizoita sei?” Vamwewo vangasabvunza, asi vanogona kungotevedzera zvinoitwa nevamwe vasina kumbofunga.

16. Chii chakaitika muKorinde pakamuka nyaya yekudya nyama yakabayirwa kuzvidhori, uye ndiani aifanira kusarudza zvekuita panyaya yacho? (1 VaKorinde 8:7; 10:​25, 26)

16 Chimbofunga imwe nyaya yakaitika muungano yemuKorinde yaiva nechekuita nenyama yaigona kunge yabayirwa kuzvidhori. Pauro akanyorera vaKristu ivavo kuti: “Tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu panyika uye kuti hakuna mumwe Mwari kunze kwemumwe chete.” (1 VaK. 8:4) Vachifunga nezvemashoko aya, vamwe vaiva muungano macho vakasarudza kuti vaigona kudya nyama yainge yambobayirwa kuchidhori asi yozotengeswa kumusika wenyama. Vamwe vakasarudza kusadya nyama iyoyo nekuti zvaizokanganisa hana dzavo. (Verenga 1 VaKorinde 8:7; 10:​25, 26.) Munhu mumwe nemumwe aifanira kuzvisarudzira zvekuita. Pauro haana kumboudza vaKorinde kuti vaitire vamwe zvisarudzo kana kuti vangotevedzera zvaiitwa nevamwe. Mumwe nemumwe wavo ‘aizozvidavirira kuna Mwari.’—VaR. 14:​10-12.

17. Zvii zvinogona kuitika kana tikangotevedzera zvinoitwa nevamwe? Taura muenzaniso. (Onawo mifananidzo.)

17 Izvi zvingaitika sei mazuva ano? Ngatimbofungai nezvenyaya yezvikamu zvidiki zveropa. MuKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega kuti achabvuma here zvikamu izvi kana kuti kwete.b Zvinogona kunge zvakatiomera kunzwisisa nyaya iyi, asi mumwe nemumwe wedu anofanira kuzviitira ega chisarudzo chake panyaya dzakaita seidzi. (VaR. 14:4) Kana tikangotevedzera zvinoitwa nemumwe munhu, zvinogona kukanganisa hana yedu. Kuti hana yedu inyatsoshanda zvakanaka, tinotofanira kuidzidzisa kuburikidza nekuita zvisarudzo zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri. (VaH. 5:14) Saka ndepapi patinofanira kukumbira mazano kumuKristu akakura pakunamata? Tinofanira kudaro pashure pekunge tatsvakurudza tega, asi tichiri kuda kubatsirwa kunzwisisa kuti tingashandisa sei mazano eBhaibheri mumamiriro edu ezvinhu.

Mifananidzo: 1. Hama iri kuda kuzadza kadhi reDPA. Yakavhura Bhaibheri, chidzidzo 39 chebhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!” uye vhidhiyo inonzi “Kusarudza Marapirwo Aunoda Kana Pamuka Nyaya Yeropa.” 2. Pava paya hama iya iri kunyatsoteerera imwe hama yechikuru pairi kukurukura nayo rimwe vhesi.

Tinofanira kuzotsvaga mazano kune vamwe pashure pekunge tambotsvakurudzawo tega (Ona ndima 17)


RAMBA UCHITSVAGA MAZANO

18. Zvii zvatakaitirwa naJehovha?

18 Jehovha anotibvumira kuti tizviitire tega zvisarudzo zvedu, uye izvozvo zvinoratidza kuti anovimba nesu chaizvo. Akatipa Shoko rake Bhaibheri. Akatipawo shamwari dzine uchenjeri dzinotibatsira kunzwisisa mazano ari muBhaibheri. Izvozvo zvinoratidza kuti ndiBaba vanotida. (Zvir. 3:​21-23) Tingaitei kuti tiratidze kuti tinotenda zvaakatiitira?

19. Tingaitei kuti tirambe tichiita kuti Jehovha afare?

19 Chimbofunga zvinoitwa nevabereki. Vanofara chaizvo pavanoona vana vavo vachikura kuva vashumiri vaJehovha vane uchenjeri uye vanobatsirawo vamwe. Sezvo Jehovha ari Baba vedu, anofara paanotiona tichiramba tichikura pakunamata, tichitsvaga mazano, uye tichiita zvisarudzo zvinomukudza.

KUTI NDIBATSIRWE NEMAZANO AKANAKA ANDINOPIWA, NEI NDICHIFANIRA . . .

  • kuzvininipisa uye kuva nemwero?

  • kuratidza kuti ndinoda kupiwawo mazano?

  • kuzviitira ndega zvisarudzo?

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

a Dzimwe nguva vaKristu vanogona kubvunza vanhu vasinganamati Jehovha kana vachida kupiwa mazano panyaya dzezvemari, dzezveutano nedzimwewo.

b Kuti uwane mamwe mashoko nezvenyaya iyi, ona bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! chidzidzo 39 pfungwa 5 uye chikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza.”

c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mumwe mukuru ari kupa mumwewo mukuru zano achimutsiura nezvematauriro aanga achiita pamusangano wavachangobva kuita.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe