RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/15 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kudya Nyama Hakuna Kururama Here?
    Mukai!—1997
  • Mhuka
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/15 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Kwakafanira here kuti muKristu avhime kana kuti kuredza hove?

Kuita kwakasiana-siana kukuvhima kazhinji kazhinji kunobatanidza mirangariro yakasimba. Naizvozvo kwakanakisisa kuti muKristu avavarire kunzwisisa ndokushandisa kufunga kwaJehovha Mwari panhau yacho seinowanikwa muBhaibheri.

Mwari akapa rudzi rwomunhu udzori pazvose zviri zviviri “zvikara” ne“zvipfuwo.” Pakutanga, vanhu vakanga vasina mvumo yoMusiki, kana kuti zvichida chinodikanwa chipi nechipi chomuviri, chokuuraya mhuka nokuda kwezvokudya. (Genesi 1:24, 29, 30) Paingova bedzi pashure paMafashamo apo Mwari akapa rudzi rwomunhu maruramiro okudya nyama yemhuka iyo yakanga yabviswa zvakafanira “mweya wayo—ropa rayo.” (Genesi 9:3, 4) Iyoyo yaigona kuva nyama yechipfuwo kana kuti zvimwe yechikara.

VaIsraeri vaichengeta mhuka, zvakadai samakwai nemombe, idzo dzaigona kuurawa nokuda kwezvokudya pavaishuva nyama. Ivo vaivhimawo nokuredza hove kuti vawane zvokudya. (Dheuteronomio 12:20-24; 14:4-20) Ikoku kunotsinhirana nokutaura kwaMwari kwokufananidzira kwokuti iye aizo‘tuma varedzi vehove vazhinji kuzoredzera vanhu vake navavhimi vazhinji kuzovavhimira.’ (Jeremia 16:16) Gare gare, Jesu akabatanidza varedzi vehove pakati pavaapostora vake ndokuraira mabasa okuredza hove chaiwoiwo.—Mateo 4:18-22; 17:27; Ruka 5:2-6; Johane 21:4-7.

Apo teteguru mutana Isaka akakumbira nyama inonaka, mwanakomana wake Jakobho akanga achidisa kuuraya mbudzi mbiri duku kumuitira zvokudya. Esau, kunyanguvezvo, akavhima mhuka kuti awanire baba vake nyama. Cherechedza kuti kunyange zvazvo nyama yezvipfuwo yakanga ichiwanika, Isaka akakumbira nyama yemhuka yomusango. Cherechedzawo kuti vanakomana vose vari vaviri vakauraya mhuka idzo dzaizova zvokudya, kwete nokuda kwavo vamene, asi nokuda kwomumwe munhuwo zvake.—Genesi 27:1-19.

Mhuka dzingaurawa nokuda kwezvikonzero zvisiri zvenyama yadzo. Makanda adzo angagona kugadziriswa zvokupfeka. (2 Madzimambo 1:8; Marko 1:6; VaHebheru 11:37) Zvifukidzo zvinodzivirira nemidziyo zvaiitwawo namakanda emhuka, kunyange emhuka dzisina kuchena kudya uye idzo vaIsraeri vaisadya.—Eksodho 39:33, 34; Numeri 24:7; Vatongi 4:19; Pisarema 56:8.

Chinodikanwa chaMwari chokuti ropa remhuka dzinourawa ridururwe chinofanira kuyeuchidza vavhimi kuti upenyu hwemhuka hunobva kwaari uye naizvozvo hunofanira kubatwa nenzira yokuremekedza, kwete zvisakafanira. (Revhitiko 17:13) Nimirodhi sezviri pachena aiuraya mhuka uye zvimwe aiganza pamusoro pounyanzvi hwake hwokuvhima, ukuru kana kuti chiverengero chokuuraya kwake, kana kuti mikombe ingave yakaitwa nadzo. Iye akanga ari “muvhimi ane simba mukurwisana naJehovha.”—Genesi 10:9, NW.

Mufaro wakadaro pamusoro pokuvhima kana kuti kuuraya mhuka, kana kuti pamusoro pokukweva hove, ungagona kutanga mumuKristu. Vavhimi vazhinji kana kuti varedzi vehove vakaongorora mwoyo wavo vakawana kuti vakatapurwa no‘mufaro wokuuraya.’ Mufaro wakadaro unowirirana nokuzvidzwa kwoupenyu hwemhuka. Naizvozvo nepo kusina kuipa kuvhima kana kuti kuredza hove (apo chinouraya kana kuti chinobatwa chichashandiswa nomumwe munhu nokuda kwezvakanaka kana kuti rimwe donzo rakakodzera), kwaizova kusakafanira kuita saizvozvo kana muKristu ane mudzimu waNimirodhi. Asi kune ngozi kunze kwokuwana mufaro mukutandanisa, kuuraya, kana kuti mukombe.

Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1984, yakakurukura chikonzero nei maKristu asingatakuri kana kuti kuchengeta zvombo zvokushandisa pavanhu kana kuti kudzivirirwa pavari. (Peji 24-27) Kufungisisa pamusoro pezano iroro kwakatungamirira zvimwe Zvapupu kuyerazve kuva kunyange nepfuti dzokuvhima. Vasiri vashomanene vakasarudza kubvisa pfuti dzavo chose chose kana kuti kudzivisa kuva nadzo dzichiratidzirwa kana kuti dzichisvikwa nyore nyore. Aya maKristu nokudaro angasapa murangariro wokudada nezvombo kana kuti kuvimba nazvo. Kupfuurirazve, kwete kunyange kuva nepfuti dzokuvhimisa, kana kuti kuita kuti dzisvikwe nyore nyore, kunogona kudzivisa ngwavaira. Zvombo zvinouraya zvingasagona ipapo kupinda mumaoko avana vangakuvadza netsaona kana kuti kuuraya mumwe munhu, uyewo pfuti hadzisati dzaizova pedyo kana mumwe munhu akatyisidzirwa zvikuru kwazvo kana kuti akaodzwa mwoyo.—Enzanisa naZvirevo 22:3.

Mamwe maKristu angada kunaka kwenyama yakati kana kuti hove, uye nzira inoshanda zvikurusa yokuwana nayo zvokudya zvakadaro iri kupfurikidza nokuvhima kana kuti kuredza hove. Vamwe vanofarikanya mhepo nerovedzo zvinobatanidzwa nokuvhima mumasango, kana kuti kuwana kuti maawa akanyarara okuredza hove anonyevenutsa. Bhaibheri harirwisani naikoku, naizvozvo hapana kudikanwa kwokutonga vamwe pamusoro pokuti vanofarikanya here zvinhu zvakadaro kana kuti kwete. Uye muenzaniso waIsaka navanakomana vake unoratidza kuti hapana kudikanwa kwokuita nhau yokuti ndiani achadya nyama kana kuti hove.—Mateo 7:1-5; VaRoma 14:4.

Muapostora Petro sezviri pachena aida zvikuru kuredza hove. Nehove dzaiva pedyo, Jesu akamutswa akamubetsera kukamuranisa mirangariro yake amene pamusoro pehove kana kuti basa rokuredza hove. Jesu akabvunza, kuti: “Simoni mwanakomana waJohane, unondida here kupfuura izvozvi?”—Johane 21:1-3, 9-15; ona Nharireyomurindi, November 1, 1988, peji 31.

Nenzira yakafanana, muKristu uyo nehana yakanaka anosarudza kundovhima kana kuti kuredza hove anofanira kuisa zvokutanga zvake munhevedzano. Somuenzaniso, kana nguva yokuvhima kana kuredza hove ikatanga panguva apo misangano yeungano yakarongwa, chii chaaizoita? Kana kuti kurukurirano yake inoratidza here kuti anodada noushingi hwake mukuvhima kana kuti kuredza hove? Kwakaisvonaka sei kana muKristu akakura mumudzimu uyo, panhambo nenhambo, anosarudza kuvhima kana kuti kuredza hove akagona kutaura nokupwiswa, kuti: “Hungu, Ishe, imi munoziva kuti ndinokudai [kupfuura izvi zvirondwa].”—Johane 21:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe