Vanopedza Kufunda veGilead Vanokurudzirwa Kusakurira Unyanzvi Hwakanaka Hwekurukurirano
PASVONDO, March 4, 1990, vanopfuura vanhu 4 100 vakazadza Jersey City Assembly Hall of Jehovah’s Witnesses nokuda kwamarusando okupedza kufunda ekirasi yechi 88 yeWatchtower Bible School of Gilead. Vanopedza kufunda 24 vakanga vabva kunyika 6 uye zvino vakanga vachitumirwa kuhwerengedzo yenyika 13.
Purogiramu yakatanga pa 10:00 a.m. Pashure porwiyo, George Gangas, zvino ane anopfuura makore 90 ezera uye mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akazarura nomunyengetero wokushingaira kuna Jehovha. Pashure paikoku, sachigaro, C. W. Barber, mumwe mutezewo woMutumbi Unodzora uye iye amene mumwe akapedza kufunda wekirasi yeGilead yechi 26, akakurukura nokupfupikisa dzakati kuti dzechinjo dzokukurumidza pachiono chenyika. Iye akagumisa nokuti: “Hakuna kutongova nebanza rinoshamisa kupfuura rokuva zvapupu zvoukuru hwaJehovha nokururama kwake.” Ipapo iye akapfuurira kusuma vakurukuri vakasiana-siana vaiva papurogiramu yamangwanani.
Vernon Wisegarver, mutezo weDare reFekitari muBrooklyn, akasarudza musoro unoti “Iva Nyanzvi Mubasa Rako.” Achishandisa muenzanisiro womupfuri womumusha uyo akaita ngetani yakasimba iyo, yasungirirwa pachipingo, yakaponesa upenyu hwavose vaiva muchikepe mukati medutu remhepo, iye akaenzanisa vanopedza kufunda veGilead nomupfuri wacho. Kupfurikidza nokudzidzisa vanhu Bhaibheri, ivo vachavabetsera kuvaka ngetani inoponesa upenyu yamavara oumwari, vachishandisa unyanzvi uhwo vakatanga murovedzo yavo yeGilead. Iye akakurudzira vanopedza kufunda kupfuurira kunatsa unyanzvi hwavo hwokudzidzisa nokumira pamberi pomukurusa waMadzimambo ose sa“vashandi vane unyanzvi.”
Tevere, John Barr, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akataura pamusoro unoti “Ravirai Muone Kuti Jehovha Akanaka.” Tsinhiro dzake dzakavakirwa paPisarema 34:8, iyo inoti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha wakanaka; wakakomborerwa munhu unovimba naye.” Iye akavapa zano, achiti: “Ravirai chinhu chiri chose chiri mumugove wenyu woufundisi. Chiedzei chose. Musachitya. Ipapo muchakwanisa kuwana runako rwaJehovha munzira iyo musina kutongoruwana nayo kare. Musatongova vanosarudza. Musatongoti, ‘Handidi ichi.’ Chiravirei.”
Charles Woody, mumwe mutezo weDare reBato reBasa reBrooklyn, akataura pamusoro wake wakasarudzwa unoti, “Kuchengeta Murangariro Wakadzikama Wedu Timene.” Iye akati: “Tinofarikanya kuva naavo vane murangariro wakadzikama wavo vamene, avo nguva dzose vasingafaniri kuita zvinhu nenzira yavo vamene, avo vanokurumidza kurumbidza nokuvaka vamwe, uye avo, kunyange zvazvo vane zivo, vasingaiti kuti vamwe vanzwe kuti havanayo.” Iye akatizve: “Savafundisi muchada kukwevera vanhu kuzvokwadi, kwete kuvatsausa. Mutoo wenyu wokuzvininipisa uchava unokosha mukubetsera kuita ikoku.”
Lyman Swingle, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akatevera kutaura pamusoro unoti “Ganhuro Dzinotevera, Chii Chadzichatiudza?” Iye akavamba nokuti: “Nhasi munovamba ganhuro itsva muupenyu hwenyu. Chii chamuchanyora muidzi ganhuro kuvambira zvino zvichienda mberi kupinda munguva yemberi?” Iye akavayeuchidza, kuti: “Chinhu chiri chose chamuchaita chinofanira kuunza rukudzo nembiri kuna Jehovha,” uye akawedzera, kuti: “Ivai nechokwadi chokuti zvisarudzo zvenyu zvakavakirwa paShoko raMwari. Yeukai Zvirevo 3:7, iyo inoti: ‘Usazviti wakachenjera.’ Ivai vakatendeka mukuita mugove wenyu.” Iye akagumisa nokuti: “Tinovimba kuti hamusati muchizotongopedza kunyora nhau youpenyu hwenyu, kuti muchararama nokusingaperi.”
Tevere, Jack Redford, mumwe wavaraidzi vechikoro, akapa zano vanopedza kufunda, kuti: “Ivai Zvibairo Zvipenyu.” Iye akavamba nokuti: “Basa roufundisi upenyu hwechibairo. . . . Tinokudai nokuda kwomudzimu wenyu wokuzvibaira.” Achinokora mashoko muna VaFiripi 2:17, umo muapostora Pauro akataura kuti akanga adururwa kufanana nechipiriso chinonwiwa, achireva kuti akanga achidisa kuzvishandisa amene sechibairo chipenyu, akabvunza, kuti: “Asi vafundisi kazhinji kazhinji vakafanana sei nezvipiriso zvinonwiwa?” Iye ipapo akarondedzera zvinoitika zviviri pamusoro pavafundisi vakazvishandisa vamene kupfuura zvinodikanwa. Mumwe akakanya zvidhina 16 000 namaoko ake amene ndokuvaka Horo yoUmambo yokutanga munyika yake yakagoverwa. Chimwe chinoitika chaiva chine chokuita neimwe hanzvadzi yakaperekedza murume wayo kupinda musango, umo migariro yokurarama yakanga iri yechinyakare zvikuru. Hanzvadzi dzomunzvimbomo dzose dzakamuonga nemhaka yokuti dzakaziva kuti akanga achizvidurura amene se‘chibairo chipenyu.’ Asi ipapo mukurukuri akayeuchidza vadzidzi kuti chibairo hachina ukoshi kana chisingaperekedzwi neteerero. Achishandisa nhauro yaMambo Sauro navaAmareki, iye akapa zano, achiti: “Nguva dzose yeukai kuti teerero iri nani kupfuura chibairo. Musatongoedze kukurukura migariro naJehovha. Nguva dzose itai zvaanokuudzai kuita.”
Sachigaro ipapo akasuma mumwe muraidzi muchikoro, Ulysses Glass. Hama Glass vakavamba nokuti: “Kirasi yechi 88 ikirasi yaifara uye inofara. Dzimwe kirasi dzaifarawo. Nei, ipapoka, mufaro wenyu uchitanhamara?” Iye akaratidza kuti mufarwa “hausi nharidzano asi muuyo wamabasa akarurama. Muitiro wokusvika ikoko uyo unounza tuso.” Iye akanokora mashoko mumwe munyori ane upenyu hwakachinjwa nokuona chitsama chamashoko, chinoti: “Budiriro rwendo, kwete mugumo.” Munyori wacho akapika kuti aizorega kuyera mufarwa pahwaro hwokusvika pamigumo panzvimbo pokuona upenyu hwake hwose sorwendo runopfuurira. “Hakuna nzira inoenda kumufarwa,” iye akadaro. “Mufarwa ndiyo nzira yacho.” Hama Glass ipapo vakatsinhira kuti iyi kirasi yakanga yabata revo yamashoko iwayo. Iye akagumisa nokupa zano vadzidzi vose, kuti: “Pfuurirai kufamba munzvimbo dzinosanodiridzirwa. Zvinetso zvipi kana zvipi zvamungasangana nazvo, mufarwa waavo vanoda ndokutya Jehovha ngaupfuurire kuva wenyu.”
Ipapo kwakauya hurukuro huru yamangwanani, iyo yakakurukurwa nomumwe mutezo woMutumbi Unodzora, Karl Klein, uyo akasarudza musoro unoti “Kusakurira Kurukurirano yechiKristu.” Iye akavamba nokuyeuchidza vose kuti Jehovha ndiye mukurusa wavakurukuri vose. Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Logos, akashandiswa soMutauriri Mukuru waJehovha, uye iye akapa kuda kwaMwari nemiraidzo kuchisiko chapasi. Apo Jesu akanga ari pasi pano, mapoka akashamiswa nenzira yake yokudzidzisa. Vakanga vasina kutongonzwa munhu anotaura saiye. Pana Mateo 28:19, 20, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuva vakurukuri vakanaka kupfurikidza nokupinda munyika, kudzidzisa mirairo yake kuvamwe nokuvaita vadzidziwo.
Ipapo, achitaura zvakananga kuvafundisi vomunguva yemberi, Hama Klein akataura kuti kune nzira ina dzokuti vafundisi vaitire hanya pamusoro padzo mukusakurira unyanzvi hwakanaka hwekurukurirano: pakati pomurume nomudzimai, navamwe mumusha wavafundisi, naavo vari mumahofisi ebazu uko vanogoverwa, uye naavo vanosangana navo mubasa romumunda. “Munotanga kurukurirano musati mavhura muromo wenyu,” Hama Klein akadaro. “Chimiro chenyu norutsvindo zvinopa mirangariro kuna saimba.” Iye ipapo akapa mienzanisiro inoverengeka kubvumikisa pfundo rake uye akagumisa naaya mazano: “Zvininipisei mundangariro. Chengetai mikoto yekurukurirano yakazaruka. Vavarirai kuva vakurukurirani vari nani.”
Pashure pokunge kwaziso dzaraviwa, magwaro okuita zvakanaka akagamuchidzwa kumumwe nomumwe wavakapedza kufunda nasachigaro. Ipapo kirasi yakapa chisarudzo chakataurwa kuMutumbi Unodzora nemhuri yeBheteri, chakaraviwa naPaul Angerville weGuadeloupe.
Rusando rwamasikati rwakatanga neFundo yeNharireyomurindi. Pashure paiyoyo, vadzidzi vakaita purogiramu iyo yakapa vateereri banza rokuona chimwe chinhu chomugariro wekamuri ravo rekirasi, kucherechedza kuunganawo zvako kwavo mukamuri dzavo, uye kunzwa zvakawanda zvezvinoitika zvavo zvebasa romumunda chifo chokuuya kuGilead mwedzi mishanu pamberi pezvi. Pakupedzisira, kwakanga kune chinoitika chakaisvonaka chine musoro unoti Kuita Chiri Chakarurama Mumeso aJehovha. Chinoitika chakaitwa navaparidzi wokuUngano yeLyndhurst, New Jersey. Zuva rakaguma norwiyo rwokugumisa, rwakateverwa nomunyengetero wakapiwa naFred Franz, purezidhendi weSosaiti ane makore 96 okukura.
[Bhokisi riri papeji 27]
MASHOKO EKIRASI
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 6
Chiverengero chenyika dzakagoverwa kwadziri: 13
Chiverengero chehama dzisina kuroora: 2
Chiverengero chavaroorani: 11
Chiverengero chavadzidzi: 24
Avhareji yezera: 32,7
Avhareji yamakore muzvokwadi: 14
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 9
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kufunda Yechi 88 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inorongwa nhamba kuvambira mberi kuenda shure uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe. (1) Magney, D.; Rogers, L.; Foster, S.; Foley, R.; Untch, L.; Jonasson, G. (2) Buri, H.; Buri, B.; Krammer, M.; Hudson, D.; Underkoffler, J. (3) Angerville, P.; Olsson, M.; Jones, A.; Untch, R.; Krammer, A.; Hudson, C. (4) Foley, L.; Magney, J.; Jones, A.; Jonasson, H.; Foster, M.; Rogers, M.; Underkoffler, R.