Vanopedza Kufunda veGilead Vanotanga Kufamba Munzira Inotusa Youpenyu
“IYI inhambo inofadza zvakadini, kupedza kufunda kwekirasi yechi 90 yeGilead!” Namashoko iwayo, sachigaro, Karl F. Klein woMutumbi Unodzora, akasuma purogiramu yokupedza kufunda. Achiyeuka apo Watchtower Bible School of Gilead yakavamba, iye akawedzera, kuti: “Ndiani angadai akafunga, shure muna 1943, apo kirasi yokutanga yeGilead yakapedza kufunda kuti makore 48 gare gare taizova tichiri kuungana nokuda kwokupedza kufunda kweimwezve kirasi—yechi 90?”
Bva, pana March 3, 1991, zuva rinodziya zvisingawirirani nomwaka muNew Jersey, vaenzi vakakokwa vanopfuura 4 000 nemitezo yemhuri yeBheteri vakaungana paJersey City Assembly Hall, pamhiri chaipo porwizi kubva kuNew York City, nokuda kwokupedza kufunda kwaava vafundisi vatsva. Vasati vatanga kufamba muupenyu hwoufundisi, vanopedza kufunda vaizogamuchira zano rokuoneka pairi zuva ravo rokupedza kufunda.
Purogiramu yacho yakanga yatanga norwiyo. Pashure pacho, vose vaiva muvateereri vakaororwa zvikuru apo Frederick W. Franz, purezidhendi ane makore 97 okukura weWatchtower Bible School of Gilead, akapa munyengetero wokutanga. Ipapo, pashure petsinhiro dzokusuma dzakaitwa nasachigaro, vanopedza kufunda—uye vose vaiva muvateereri—vakateerera nefariro kunhevedzano yehurukuro pfupi, dzinoshanda.
Max H. Larson weDare reFekitari akatanga kutaura, pamusoro unoti “Vashandi Biyake vaJehovha.” Pashure pokukwevera ngwariro kuareka yokuponeswa iyo Noa nemhuri yake vakavaka, iye akati: ‘Nhasi Jehovha ari kuunganidza mhuri yenyika yose yamamirioni, uye iye anoronga kupfuudza iyi mhuri yakakura mudambudziko guru.’ Seiko? Chokwadi, kupfurikidza neareka yomuzuva razvino uno—paradhiso yomudzimu! ‘Imi,’ akayeuchidza vanopedza kufunda, ‘muchave muchienda kumativi akasiana-siana apasi, kwamuchava vashandi biyake vaJehovha mukuvaka areka yomuzuva razvino uno.’ Achivagadzirira nokuda kwezviri mberi, iye akati: ‘Kuchada basa kwamuri. Kuchada shiviriro. Muchasangana nemhinganidzo. Hepano pamuchada unyanzvi uhwo kurovedzwa kwenyu kwakakupai.’
Daniel Sydlik, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akanga achangobva kushanyira vave vari vafundisi kwenguva refu muJapan neCosta Rica. Achikudziridza musoro unoti “Yenyu Inzira Inotusa Youpenyu,” iye akagoverana zvimwe zvezvikarakadzo zvinobetsera zvaakanga awana kuava vafundisi vanobudirira. Imwe hanzvadzi, iye akatsanangura kudaro, yakapa zano iro amai vayo vakanga vaipa, rokuti: ‘Ida basa romumunda. Ita ushamwari navanhu. Goverana upenyu hwako navamwe, uye kuchareva mufarwa kwauri.’ Imwe hanzvadzi yakati: ‘Mumakore apfuura, takasvika pakunzwisisa kuti kana tisingakariri zvakawanda zvikuru kuna vamwe, hatisati tichizotsamwiswa nyore nyore. Chiito chipi nechipi chomutsa nomufungo chinouya kwatiri chinoreva zvakawanda zvikuru kudaro kwatiri.’ Pasina panikiro kushandisa zano rinoshanda rakadaro kuchabetsera vanopedza kufunda kuti vave vafundisi vanobudirira ivo vamene.
“Ivai nomwoyo murefu kuna vose,” inodaro 1 VaTesaronika 5:14, (NW). Leon Weaver weBato reDare reBasa akatsinhira parugwaro irworwu sezvaaitaura pamusoro unoti “Shivirirai Mumibato Yenyu Yose.” Ndivanaani vanobatanidzwa muna “vose” avo tinofanira kushandisa shiviriro kwavari? Mukurukuri akapindura, kuti: ‘Avo vamuchasangana navo mubasa romumunda. Hama nehanzvadzi vari muungano yenyu itsva. Vafundisi biyenyu. Avo vari mubazu. Mukwanyina wako. Iwe umene.’ Kuvireiko anoshivirira mumibato yedu yose? ‘Hama nehanzvadzi,’ mukurukuri akatsanangura kudaro, ‘shiviriro inoderedza kuora mwoyo nefunganyo. Shiviriro inopa rugare. Shiviriro inochengeta tariro iri mhenyu. Shiviriro inotibetsera kuchengeta mufaro wedu mukubatira.’
Albert D. Schroeder, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora nomunyori wokutanga weChikoro cheGilead, akatevera kutaura. Achitaura pamusoro unoti “Rambai Muchitevera Muenzaniso Wenyu—Jesu Kristu,” iye akavakira tsinhiro dzake pana VaFiripi ganhuro 2. “Chengetai ichi chimiro chendangariro [“Uku kuve kurangarira kwenyu,” mashoko omuzasi] mamuri icho chakanga chiriwo muna Kristu Jesu,” inodaro VaF 2 ndima 5, (NW). ‘Ikoku kunoratidzira,’ mukurukuri akatsanangura kudaro, ‘kuti tinofanira kuva nokufunga kwakadzikama, kunyange sezvo Jesu amene akanga ane kufunga kwakadzikama.’ Achitanga VaF 2 nendima 6, iye akatevera kuita kamuraniso inofadza, achiratidza kuti Pauro anotanga kupa ufakazi hwokuti Jesu akanga ane kufunga kwakadzikama (VaF 2 ndima 6-8) uye ipapo anoronga nzira umo Jehovha akamutusa namo nokuda kwenzira yake yokuteerera (VaF 2 ndima 9-11). ‘Urwu rutivi rweropafadzo yenyu,’ iye akagumisa kudaro, ‘kuva muchiparidzira Ishe Jesu Kristu, muchibetsera vamwe kuva nechimiro chimwe chetecho chendangariro icho iye akanga anacho.’
Mashokoi okuoneka ayo varaidzi vechikoro vaizova nawo nokuda kwavadzidzi vavo? Jack D. Redford akataura pamusoro unoti “Mano Okufunga Achakurindai.” (Zvirevo 2:10, 11) ‘Sezvamunoenda zvino,’ iye akatsanangura kudaro, ‘mufarwa wenyu hausati uchizotsamira pakuti muri vanaani kana kuti chamunacho kana kuti kunyange idi rokuti muri akapedza kufunda weGilead. Mufarwa wenyu uchatsamira panzira yamunofunga nayo. Kana muchishandisa mano enyu okufunga ndokushandisa zivo yenyu, muchava vanofara.’ Achiratidza ukoshi hwamano okufunga, iye akatsanangura, kuti: ‘Musiano uri pakati pechiito chakarurama nechiito chisina kururama mufungo. Chamunofunga chinosarudza chamunoita.’ J. D. Redford akagumisa neaya mashoko ekurudziro kuvadzidzi: ‘Kune vanhu vakawanda vakangwara zvikuru vari munyika vari vafungi vakashata, uye kune vanhu vakawanda vane ungwaru huri pakati napakati vakava vafungi vane unyanzvi. Naizvozvo wanai unyanzvi ihwohwo. Ivai vakatsunga kushandisa ndangariro yenyu. Shandisai zivo yenyu. Gonanai nezvinetso. Wiriranai navanhu. Gamuchirai chiremera. Berekai zvibereko mubasa renyu. Tsungirirai muri mumugove wenyu.’
Ulysses V. Glass, munyori wechikoro, akasarudza musoro unoti “Jehovha Ari Kutsigira Ruoko Rwedu,” wakavakirwa paPisarema 37:23, 24. ‘Ndinofanira kurumbidza kirasi iyi,’ iye akadaro, ‘pakufarira kwavo kudzidza.’ Iye akavayeuchidza nezvedzimwe dzebetsero idzo Jehovha akagovera mukuvatsigira—Shoko raMwari, muranda akatendeka naakangwara munhungamiro yaJesu kuti vape revo nenzwisiso kuMagwaro, zvinyorwa zvakasiana-siana, misangano, uye kokorodzano. ‘Betsero dzamakashandisa mufundo dzenyu,’ iye akapfuurira kudaro, ‘dzakafanana netsvimbo nomudonzvo zvomudzimu. Tinozvida nokuda kwetsigiro yedu yomudzimu, uye zvinotigonesawo kutaura nechiremera mukuendesa Shoko raMwari kune vamwe.’ Mumhedziso iye aiva naaya mashoko ezano nokuda kwavadzidzi: ‘Kana mwoyo wenyu wakazadzwa norudo nokuda kwavanhu, mwoyo yakatendeseka ichagamuchira. Muchava vanobudirira muushumiri hwenyu, uye muchaziva kuti Jehovha ari kutsigira ruoko rwenyu.’
Mukurukuri wokupedzisira papurogiramu yamangwanani akanga ari Carey W. Barber woMutumbi Unodzora, uyo akasarudza musoro unoti “Pindai Napasuo Rakamanikana.” Achitsinhira pana Ruka 13:23, 24, iye akati: ‘Vazhinji vanoda zvikomborero zvoupenyu, asi vashomanene zvikuru vanodisa kuzvishandisa vamene nesimba zvakakwana kuti vazviwane.’ Zvakadiniko nesu? ‘Kwakanaka kuti tizvibvunze timene kuti, “Uyu mufananidzo wesuo rakamanikana unorevei kwandiri somunhu oga?”’ Avo vanokundikana kupinda napasuo rakamanikana vanokundikana, kwete nemhaka yokuti hakubviri, asi nemhaka yokuti havadisi kuzvishandisa vamene. ‘Jehovha haasati ari kukumbira zvakawanda zvikuru kwatiri,’ mukurukuri akatsanangura kudaro. ‘Nebetsero yaJehovha,’ iye akagumisa kudaro, ‘tose zvedu ngatishandise nomufaro simba rakaringanira kuti titsvikinyidze napasuo rakamanikana kupinda munyika itsva youpenyu husingaperi, rugare, mufaro, uye mufarwa, kumbiri isingagumi yaJehovha!’
Pashure petsinhiro idzodzi, sachigaro akapa kwaziso dzakagamuchirwa kubva kumativi akasiana-siana apasi. Nguva yakanga yasvika zvino yokuti vanopedza kufunda vagamuchire magwaro avo. Vadzidzi vacho vakanga vabva kunyika nhanhatu—Canada, Finland, Germany, Great Britain, Switzerland, uye United States. Migove yavo, kunyanguvezvo, ichavaendesa kunyika dzakadai seArgentina, Benin, Bolivia, Dominican Republic, Papua New Guinea, Peru, St. Lucia, uye Taiwan. Uye vanopedza kufunda vakanzwa sei pazuva ravo rokupedza kufunda. Mutsamba inoorora yakanyorerwa Mutumbi Unodzora nemhuri yeBheteri, ivo vakati murutivi: “Tinovimba netsigiro yoMutumbi Unodzora, mhuri yeBheteri, uye sangano rose raJehovha. Sezvatinotarisana nemiedzo iri mberi, tsigiro iyoyo chimwe chinhu chatichakoshesa. Zvamazvirokwazvo tinoonga nokuda kwaikoku.”
Pashure pokutindika, purogiramu yamasikati yakavamba neFundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa, yakaitiswa naKarl A. Adams. Pashure paiyoyo, vadzidzi vakaita zvinoitika zvechokwadi zvoupenyu zvokunanga mwoyo mukudzidzisa Shoko raMwari. Pakupedzisira, vose vaiva muvateereri, kubatanidza vanopedza kufunda vekirasi yechi 90, vakafarikanya chinoitika chakakodzera nguva chaiva nomusoro unoti Dzivisa Funganyo Dzoupenyu, chakaitwa navaparidzi vomunzvimbomo.
Sachigaro, Karl Klein, akataura nokuda kwavose paakati mutsinhiro dzake dzokugumisa: “Zvirokwazvo kwave kwakatinakira kuva pano pazuva rino rechitatu raMarch 1991!” Purogiramu inofadza ipapo yakaguma norwiyo rwokupfiga, rwakateverwa nomunyengetero naHarold J. Dies.
[Bhokisi riri papeji 27]
Mashoko Ekirasi
Chiverengero chenyika dzinomirirwa: 6
Chiverengero chenyika dzavakagoverwa kwadziri: 10
Hwerengero yavadzidzi: 24
Avhareji yamakore okukura: 31,2
Avhareji yamakore muzvokwadi: 15
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 11
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 90 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe. (1) Miller, M.; Helenius, S.; Marsh, L.; Kleeman, A.; Loosli, Y.; Nizan, H. (2) Skogen, R.; Nutter, D.; Noack, E.; Diehl, L.; Hair, J. (3) Marsh, C.; Helenius, H.; Loosli, M.; Danio, A.; Danio, A.; Nizan, D. (4) Miller, L.; Noack, J.; Hair, L.; Kleeman, W.; Skogen, D.; Diehl, S.; Nutter, W.