Takarera Vana Vasere Muchirango chaJehovha
YAKATAURWA NAOVERLAC MENEZES
“Ivo vakasvika vakatasva bhasikoro rinogara vaviri.” Ikoku ndiko kuvamba kwakaita Jornal de Resende mushumo wayo wepeji yakazara pamusoro pemhuri yedu muna 1988, apo takanga tichibva muResende tichienda Lages kumaodzanyemba kweBrazil.
MUSHUMO wacho wakapfuurira, kuti: “Pasina panikiro, vanhu vakura vachayeuka vaviri vakabata ngwariro yeResende kupfurikidza nomutoo wavo wapakuvamba nowechienzi wechokufambisa: bhasikoro rine mutanda muhombe nezvigaro zviviri. Pamberi, aichaira, akanga ari ‘muchairi,’ Overlac Menezes; pachigaro chechipiri, mudzimai wake, Maria José. Gore racho: 1956.”
Munyori wenyaya yacho akanga ari murume anonzi Arisio Maciel, uye akanga ariwo mutungamiriri wenhepfutepfu yenhepfenyuro yomunzvimbomo. Iye akatanga kusangana nesu shure muna 1956 apo mudzimai wangu neni taiita mativi mupurogiramu yenhepfenyuro yevhiki nevhiki yeWatch Tower Society, Things People Are Thinking About. Munyaya yacho, akandinokora mashoko sendinotaura kuti mukati mokugara kwedu “dzimba dzose muResende dzakashanyirwa, mugwagwa nomugwagwa.”
Ungada here kuziva kuti takasvika sei pakuzivikanwa zvikuru kwazvo muResende? Uye kuti, patakanga tirimo, takakwanisa sei kurera vana vasere ‘muchirango chaJehovha’ tichibetsera kushanyira dzimba dzose dzomuResende tine mashoko akanaka oUmambo?—VaEfeso 6:4.
Kudzidza Nzira dzaJehovha
Muna January 1950, Maria Minc, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akavamba kufunda Bhaibheri nehanzvadzi yangu Adeilde muSão Paulo. Ndaiva namakore 16 okukura panguva yacho uye ndakanga ndabhapatidzwa somuKaturike, asi ndakanga ndisina kuenda kuchechi kwenguva yakati. Kunyanguvezvo, ndakanga ndichingodavira muna Mwari uye ndaida kumubatira. Naizvozvo humwe usiku, ndakaenda kumusha kwaAdeilde kuzoongorora rudzidziso rutsva rwaakanga achifunda. Maria Minc akandikoka kukumbanira mufundo yacho, uye kwenguva yokutanga muupenyu hwangu, ndakaona Bhaibheri. Mukati mefundo dzakatevera ndakashamiswa nokuziva muBhaibheri kuti zita raMwari ndiJehovha, kuti nokukurumidza pasi richava paradhiso, kuti hero yomwoto nepurigatori hazviko, uye kuti munhu haana mweya usingafi. Hama dzangu dzokunyama dzakandiudza, kuti: “Uchapenga nokurava Bhaibheri zvikuru kwazvo!”
Ndakaita fambiro mberi yakanaka mufundo yangu yeBhaibheri ndokuvamba kupinda misangano paHoro yoUmambo yeBelém Ungano muSão Paulo. Ndichikarira kungoona bedzi vakuru varipo, ndakashamiswa zvinofadza nokuwana pwere dzakawanda dzezera rangu ndimene. Pana February 5, 1950, ndakatora rutivi mubasa rokuparidzira kwenguva yokutanga, uye pana November 4 wegore rimwe chetero, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha norubhapatidzo rwomumvura.
Nokukurumidza pashure paikoko ndakagadzwa somukurukuri wavose. Panguva iyoyo, ikoku kwakareva kuti ndaipa hurukuro mumugwagwa nomumapaki kupfurikidza nokushandisa gudzanzwi rakaiswa pabhamba yemotokari. Mumwe mubato wakanga uri basa ramagazini. Mumazuva iwayo taisimira mumakona omugwagwa tine mabhegi edu amagazini, tichidanidzira, kuti: “Nharireyomurindi naMukai! Zvinozivisa Umambo hwaJehovha!” Handina kugovera magazini akawanda, asi ndakawana ushingi hwokutaura pachena.
Basa Renguva Yakazara Senharidzano
Ngwariro yangu yakakurumidza kukweverwa kuukoshi hwebasa roupiona, kana kuti mubato wokuparidzira wenguva yakazara. Chinyorwa chaApril 1, 1950, cheNharireyomurindi (chiNgezi) chaiva nenyaya ino musoro unoti “More and More Pioneers of Good News.” Iyoyi yakati: “Kutsvaka Umambo pakutanga kunoreva kuti munhu aizova pakutanga mundangariro yake panguva dzose nefariro dzoUmambo. Munhu akadaro aizova achitsvaka mabanza okubatira nokuda kwahwo, uye kwete kuva nokusingaperi anotanga kutsvaka zvinodikanwa zvake zvokunyama ndokuunganidza zvinhu zvenyika kuti ataviridze nguva yake yemberi.” Aya mashoko akadyara mudzimu woupiona mumwoyo mangu.
Nokukurumidza, tsvarakadenga inonzi Maria José Precerutti yakachinja upenyu hwangu nenzira inokosha. Iye akanga achiita fambiro mberi yakanaka mukufunda kwake Bhaibheri navaroorani veZvapupu, José naDília Paschoal. Pana January 2, 1954, iye akava mudzimai wangu anodiwa, mufambidzani, shamwari, uye mubetseri. Nharidzano yakewo yakanga iri yokupayona. Naizvozvo, takurudzirwa nemienzaniso yavafundisi vakafanana naHarry Black, Edmundo Moreira, uye Richard Mucha, takakumbira kupinda mubasa roupiona. Fungidzira mufaro wedu—uye funganyo—apo takagamuchira mhinduro, inoti: “Rumbidzo yenyu yokuva mutariri wedunhu yatenderwa”!
Apo ndakagamuchira mugove wangu wokutanga wedunhu, ndakarohwa norutyo. Dunhu rangu rokutanga rakabatanidza ungano gumi mudzimbahwe rapanguvayo reBrazil, Rio de Janeiro, kubatanidza dzimwe dzaiva pedyo neBheteri. Musha wavafundisi veWatchtower Bible School of Gilead wakanga uri muungano yokutanga yandakagoverwa kushanyira. Pamakore 22 ezera, ndakanzwa ndisina kukwana zvikuru uye ndakati kuna Hama Mucha, panguva iyoyo aitarisira basa muBrazil: “Chiiko chandinogona kudzidzisa vanhu ava?” Iye akapindura: “Hama, ingoshandisa chete zano rinobva muBhaibheri nesangano.” Zano rakanaka zvamazvirokwazvo!
Gore rimwe gare gare, Maria José akava napamuviri, uye taitofanira kusiya basa redunhu. Nomufaro, kunyanguvezvo, takaramba tiri mubasa renguva yakazara. Mumhinduro kuchikumbiro chakaitwa nemhuri mbiri dzeFinland, vanaEdviks navanaLeiniös, Sosaiti yakatigovera kuResende samapiona chaiwo, ndima inodokuva isina kubatwa yavagari 35 000. Vakanga vari vanaLeiniös vakatipa bhasikoro rinogara vaviri rakadudzwa munyaya yomuJornal de Resende. Tichirishandisa, takakwanisa kudyara mbeu dzakawanda dzezvokwadi mundima iyoyo yakaorera, uye takapfuurira kushandako kwemwedzi yakati pashure pokunge mwanasikana wedu Alice aberekwa muna 1956. Patakabva, hanzvadzi mbiri, Anita Ribeiro naMarian Weiler, vakauya kuzodiridzira mbeu uye ‘Mwari akaramba achiikudza.’ Nhasi, Resende ine ungano pfumbamwe uye vaparidzi vanopfuura 700.—1 VaKorinte 3:7.
Mumwe wavanhu vokutanga vandakasangana navo muResende akanga ari Manoel Queiroz. Ndichimirira bhazi, ndakamugovera mabhuku maviri kwaaishanda. Iye, uye gare gare mudzimai wake, Piedade, vakaita fambiro mberi yakanaka uye vose vari vaviri vakabhapatidzwa. Manoel akava mukuru muungano uye akapfuurira akatendeka kusvikira parufu pake. Ini ndakafundawo naÁlvaro Soares. Pamusangano wokutanga waakapinda, akashamiswa nokuona vanhu vatanhatu chete vaivapo, asi nhasi iye ndiye mutariri weguta muResende umo vanopfuura chiuru vanopinda misangano muungano dzakasiana-siana. Muna 1978, mwanakomana waÁlvaro Carlos akaroora mwanasikana wedu Alice. Nhasi, vanopfuura 60 vemhuri yaSoares Zvapupu.
Kubva muResende kwakareva kuti basa redu renguva yakazara rakachinjaniswa nomumwe mugove wechiKristu, ‘kugovera avo vari mitezo yeimba yedu.’ (1 Timotio 5:8) Zvisinei, takavavarira kuchengeta mudzimu woupiona, tichichengeta basa renguva yakazara senharidzano yedu. Ndakawana basa nefemu muSão Paulo, uye kwegore rimwe ndakafamba kupera kwevhiki kumwe nokumwe makiromita 300 ndichienda kuResende kunobetsera boka ravaparidzi 15 vaivapo. Ipapo, muna 1960, takadzokera kuResende.
Kurera Vana—Ropafadzo Yakawedzerwa
Hatina kuronga chaizvoizvo kuva navana vakawanda zvikuru saizvozvo, asi ivo vakangouya, mumwe pashure pomumwe. Pashure paAlice kwakanga kuna Léo, ipapo Márcia, Maércio, Plínio, André, uye pakupedzisira, muna 1976, manyambiri, Sônia naSofia. Mumwe nomumwe akagamuchirwa nomufaro se“nhaka inobva kuna Jehovha.” (Pisarema 127:3) Uye mumwe nomumwe akarerwa mu“kutungamirira ndangariro kwaJehovha” nebetsero yake.—VaEfeso 6:4.
Iri rakanga risiri basa riri nyore, zvisinei. Padzimwe nguva taichema nemhaka yezvinetso. Asi kwakanga kuchitusa. Takakwanisa sei kuvarera? Kupfurikidza nefundo yemhuri, kupfurikidza nokuenda navo kumisangano nomuushumiri hwomumunda kuvambira paucheche hwavo, kupfurikidza nokuitira zvinhu pamwe chete, kupfurikidza nokuva nechokwadi chokuti vaiva nesonganiro dzakanaka, kupfurikidza nokuvapa chirango chakasimba, uye kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakanaka isu timene.
Makore mashomanene apfuura, papurogiramu pagungano muCruzeiro, São Paulo, takabvunzurudzwa nomutariri wedunhu. Pashure pokutaura pamusoro pefundo yedu yemhuri, mutariri wedunhu akandibvunza, kuti: “Ibasai rakaita mudzimai wenyu muna ikoku?” Ndinoyeuka kuti misodzi yakauya kumeso angu, uye ndakava nebundu guru rakadaro pahuro pangu zvokuti handina kugona kupindura. Neiko? Nemhaka yokuti ndakaonga zvirokwazvo basa rinokosha rakaitwa naMaria José mukuchengeta mhuri yedu youbati ushe hwoumwari. Pasina tsigiro yake yokutendeka, kungadai kwakava kwakaoma zvikuru zvamazvirokwazvo!
Kuvambira pavimbiso yedu chaipo yokuroorana, Maria José neni takafunda Bhaibheri pamwe chete. Apo vana vakauya, yakava denho chaiyoiyo kuchengeta fundo ichipfuurira pahwaro hwenguva dzose. Kubetsera muna ikoku, vhiki rimwe nerimwe pasuo refiriji ndaisiratidzira nguva yefundo yevhiki rinotevera namashoko anofanira kurangarirwa. Ndaiitawo migove chaiyo sezvaidikanwa. Somuenzaniso, rimwe zuva Márcia naPlínio vakanga vachirwa patafura yezvokudya. Naizvozvo zuva rakatevera racho, vakawana pafiriji pane mugove unoti “Nzira yokufambidzana nayo nehama dzedu.” Pafundo inotevera, vose vari vaviri vakava nezvokutaura zvavo ndokupedza misiano yavo.
Chimwe chinetso chakanga chiri pamangwanani eSvondo apo vakomana vaiwanzoti vairwara zvikuru zvokusagona kubuda mubasa romumunda. Léo naPlínio vakanga vari nyanzvi pakuronga kurwadziwa nomudumbu nezvimwe zvirwere kuti vadzivise kutiperekedza mubasa rokuparidzira. Panguva ipi neipi pandaiva nepanikiro pamusoro pokuti vakanga vachirwara chaizvoizvo here, ndaitaura chimwe chinhu chakafanana neichi: ‘Kana muchirwara zvokusagona kupinda mubasa, ipapo chokwadika hamusati muchizova vakasimba zvakakwana kutamba nhabvu gare gare.’ Kazhinji kazhinji, ivo vainaya nokukurumidza zvinoshamisa.
Pane imwe nhambo, taifanira kubata migariro nokungwarira. Apo Léo akanga ane makore 11, akaenda kupikiniki neZvapupu biyake, uye pasina mvumo akatenga kirogiramu imwe yenyama yegumbo renguruve kuti adye. Gare gare, apo takatambira rugwaro rwechikwereti, Maria José akabvunza Léo, kuti: “Wakakanganwa here kuti wakatenga nyama yegumbo renguruve?” “Aiwa,” akapindura kudaro nenzira isina mhaka. “Handina kuitenga.” “Eya,” iye anodaro, “hendei tindotaura kumwene wechitoro.” Vachiendako, kukanganwa kwaLéo kwakapera. “Zvino ndinoyeuka,” iye akadaro, “Ndakanga ndisina mari yakakwana, naizvozvo ndakaitenga nechikwereti ndokukanganwa kuibhadhara.” Ini ndimene ndakabhadhara chikwereti chacho ndokukumbira mwene wechitoro kupinza basa Léo, tichimurega achishanda kutozosvikira awana mari yakakwana kuti andidzorere. Ichocho chakanga chiri chirango chake. Mangwanani ari ose panguva yechina, Léo akanga ari wokutanga kusvika pabasa, uye mumwedzi mumwe akanga andidzorera chitsama chacho chakazara.
Imba yedu yaizara nguva dzose namapiona, vatariri vanofambira, vafundisi, uye mitezo yeBheteri. Zhinjisa yenguva takanga tisina terevhizheni mumba, uye ikoku kwakatibetsera kuumba tsika dzakanaka dzefundo nezvimiro zvechiKristu. Makanga muri muuyu mugariro umo takarerera vana vedu. Dzimwe dzetsamba dzavakatitumira pashure pokunge vakura dzinosimbisa kuti kwakashanda zvakanaka.—Ona bhokisi riri papeji 30.
Kupayona Zvakare!
Apo vazhinji vavana vedu vakanga vakura, ndakayeuka imwe nyaya muchinyorwa chaMarch 1, 1955, cheNharireyomurindi yaiva nomusoro unoti “Is the Full-Time Ministry for You?” Iyoyi yakati murutivi: “Vamwe vangakombamira kurangarira ushumiri hwenguva yakazara sohwechienzi. Asi vanokanganisa muna ikoku, nokuti nemhiko yetsauriro yake muKristu ari wose anosungirwa kubatira nguva yakazara kutoti migariro yaasingagoni kudzora ichiita kuti ikoko kusabvire.”
Humwe usiku ndakanyengetera kuna Jehovha kuti azarure suo zvakare rokuti ini ndipinde mubasa renguva yakazara. Mhuri yangu yakabatira pamwe, uye shamwari dzakandikurudzira. Kukushamiswa kwangu kukuru, mutungamiriri wefemu kwandakanga ndashanda kwamakore 26 akabvuma kuita kuti ndishande nguva isina kuzara kuitira kuti ndigogona kubatira sapiona wenguva dzose. Naizvozvo ndakatanga nomufaro basa randakanga ndafanira kusiya makore akawanda kwazvo pamberi pezvi. Uye vatatu vavana vakatevera muenzaniso wangu.
Takabatira kwamakore maviri muItatiaia, umo ndakanga ndava ndiri mukuru kwamakore 15, uye ipapo takasarudza kutama kundobatira uko kushaiwa kwaiva kukuru zvikuru. Ikoku kwakareva kurarama nomudyandigere muduku, kwakaenzana nechinenge chikamu chimwe chezvina chomubhadharo wakanaka. Kunyanguvezvo, tichivimba nechipikirwa chaJesu chiri muna Mateo 6:33, takanyorera Sosaiti pamusoro perongedzero dzedu. Vhiki rimwe gare gare, takadokusvetuka nokuda kwomufaro nokugamuchira mhinduro yavo: “Kunoratidzika kuva kune mufungo kwatiri kukarakadza kuti mutamire kuguta reLages. Pasinei zvapo nechiverengero charo chavagari vemo chavanopfuura 200 000, kunongova navaparidzi 100 bedzi imomo muungano duku nhatu. Mungava webetsero huru mundima iyoyo.”
Takatama muna February 1988. Uye tichiri muno, anopfuura makiromita 1 000 kubva kuvana vedu neshamwari. Tichangobva kubuda munguva yechando yakaipisisa mumakore 20. Ndini mukuru bedzi muungano yedu, naizvozvo mune zvakawanda zvokuita. Bva, takakomborerwa zvikuru kwazvo. Inofadza zvikuru indima. Patinogogodza pamasuo avo, vanhu vanoti: “Tapota pindai!” Fundo dzeBhaibheri dziri nyore kutanga. Tinogamuchira zvinhu zvakasiana-siana semipiro apo mari inenge isingawaniki, uye takauya kumba tine sipo, deodorant, reza, mbatya dzomwana (dzomuzukuru wedu), zvokudya, miriwo, michero, yogurt, waini, uye kunyange aizi kirimu. Pane imwe nguva takagamuchira zvituru zvemiti!
Chibereko Chinounza Tuso Dzakapfuma
Nhasi, pamakore 56 ezera, ndinofadzwa panguva ipi neipi ndinorangarira mhuri yedu. Vana havana “kuberekerwa muzvokwadi.” Ivo vakaberekerwa mumusha wechiKristu, uye zvokwadi yaifanira kurovererwa mundangariro dzavo duku nomwoyo. Avo vakaroora vakaita saizvozvo “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39; Dheutoronomio 6:6, 7) Chokwadi, taiita zvikakanganiso nemhosho muchisarudzo. Pane dzimwe nguva taiita kusaruramisira. Pane imwe nhambo, ndakakundikana kugadza muenzaniso wakanakisisa kana kuti kuregeredza mutoro wangu sababa nomurume. Apo ndakaziva chandakanga ndaita, ndakakumbira kanganwiro yaJehovha nomudzimai wangu kana kuti vana vangu, uye ndakavavarira kururamisa chakaipa.
Pasinei zvapo nokusakwana kwedu, mhuri—zvino yakawedzerwa navakuwasha, uye varoora, uye vazukuru—ine vatanhatu vari muushumiri hwenguva yakazara, vakuru vana, uye mubatiri anoshumira mumwe. Vose kunze kwavazukuru vakabhapatidzwa. Vana vaduku vatatu vachinesu vanoronga basa renguva yakazara sebasa ravo. Ituso huru zvakadini ingagona kukarira munhu? Ndinoonga kuna Jehovha nokuda kwokuva akatitungamirira mukurera vana vedu muchirango chake. Tinofadzwa nokuvaona vachiri kutevera dzidziso dzake. Uye ndinonyengetera kuti isu, pamwe chete navo, hatisati tichizotongobva panzira youpenyu.
[Bhokisi riri papeji 30]
Pashure pokunge vakura, vana vedupane dzimwe nguva vakataura kuonga mutsamba nokuda kwenzira yatakavarera nayo. Hedzino shomanene dzetsinhiro dzavo:
“Baba, ivai nechokwadi chokuti imi naAmai makaita zvakanakisisa zvikuru nokuda kwedu, kunyange zvazvo mungave makaita zvikanganiso—chimwe chinhu chinoitika kakawanda zvino naCarlos neni mukutarisira mwanakomana wedu Fabrício.”
Mwanasikana Alice, 33, amai wavakomana vaviri.
“Tinofanira kubvuma kuti makaita nhamburiko yavaviri yokutirera mukutungamirira ndangariro kwaJehovha. Uye tiri kubetserwa zvikuru sei nako zvino!”
Mwanasikana Márcia, 27, uye murume wake, ari mubasa redunhu.
“Ndinoziva kuti ropafadzo yandinayo zvino ingadai isina kutongova inobvira pasina betsero mose muri vaviri makandipa kutanga hwaro hwomudzimu hwakasimba norudo nokuda kwaJehovha nebasa rake.”
Mwanakomana Maércio, 23, piona chaiye.
“André, shandisa zvakazara songaniro yaBaba noruzivo rwokuzviwanira. Usatongofuratira zano ravo. Muchakwanisa kubetserekana. Ndinofara zvikuru kupfuura nakare kose zvino.”
Mwanakomana Plínio, 20, ari paBheteri.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Foto: MOURA
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]
Foto: CALINO