Chengetai Kutenda Muna Mwari naKristu
Mapfundo Makuru Anobva Muna VaKorose
KUTENDA muna Jehovha Mwari naJesu Kristu kunokosha nokuda kworuponeso. Asi kuchengeta kutenda kwakadaro idenho. Ikoko kwakanga kwakadaro nokuda kwamaKristu omuKorose, guta riri kumabvazuva kweEfeso muAsia Minor. Neiko? Nemhaka yokuti vadzidzisi venhema ikoko vaidavira nenzira isina kururama kuti ruponeso rwaitsamira pakudzingiswa, icho munhu aidya, uye kuchengetwa kwechengeto dzakati.
Nenzira inonzwisisika, ipapoka, muapostora Pauro akanga achiitira hanya pamusoro pegarikano yomudzimu yamaKristu eKorose, uye iye zvamazvirokwazvo aida kuti vachengete kutenda kwavo muna Mwari naKristu. Naizvozvo kumugumo wokupinzwa mutorongo kwokutanga kwomuapostora muRoma (munenge muna 60-61 N.V.), iye akanyorera VvaKorose tsamba yakarongedzerwa kukurira mirangariro isina kururama ndokuvaka kutenda kwavo. Ngationei kuti isuwo tinogona sei kubetserwa namashoko ake orudo.
Nzwisisa Nzvimbo yaKristu
Pakuvamba mutsamba yake, Pauro akasimbisa kunzwisiswa kwenzvimbo yaJesu. (1:1–2:12) Iye akarumbidza vaKorose nokuda kwokutenda kwavo mubatano naKristu norudo rwavo nokuda kwavatendi biyavo. Pauro akadudza ukuru hwaKristu soUyo kupfurikidza naye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa, Musoro weungano, uye dangwe kuna vakafa. Kuyananiswa naMwari kunoitwa kupfurikidza naKristu, maari makavanzwa pfuma yose youchenjeri nezivo. Nemhaka yaikoku kwose, maKristu anofanira kupfuurira kufamba muchinzwano naKristu ndokusabvumira munhu kuvatora sanyajambwa kupfurikidza nouzivi hwavanhu.
Kupfurikidza naKristu, Mwari akabvisa Mutemo munzira. (2:13-23) Wakarovererwa nenzira yokufananidzira padanda rakafira Jesu. Zvinodikanwa zvoMutemo zvakanga zviri hazvo “mumvuri wezvinhu zvinouya, asi chinhu chaichoicho ndechaKristu.” Kupfurikidza nokuomerera kuna Kristu, vaisazorega munhu achivanyima mubairo woupenyu husingafi mumatenga.
Nzwisisa Mwari naKristu
Pauro akatevera kukurudzira vaKorose kupfeka hunhu hutsva ndokuzviisa pasi pechiremera chaJesu Kristu. (3:1-17) Kupfurikidza nokuchengeta ndangariro dzavo dziri pazvinhu zviri kumusoro, vaizova vachipa fariro dzomudzimu nzvimbo yokutanga muupenyu. Ikoku kwaida kubvisa zvimiro zvisina kururama nokutaura. Vaizokomborerwa sei kudai vakazvipfekedza vamene namavara akadai sokunzwira tsitsi, ndangariro inozvininipisa, uye rudo! Rugare rwaKristu rwaizodzora mumwoyo yavo kana vakaita chinhu chiri chose muzita raJesu, vachionga Mwari kupfurikidza naye.
Kunzwisiswa kwaJehovha Mwari naJesu Kristu kunofanira kupesvedzerawo ukama hwomuKristu navamwe. (3:18–4:18) Vadzimai, varume, vana, varanda, uye vatenzi vaifanira kuita mabasa avo norutyo rwaMwari nomukuzivikanwa kwaKristu. Uye kuri madikanwa sei kupfuurira mumunyengetero ndokufamba muuchenjeri!
Tsamba yaPauro kuvaKorose inogona kutibetsera kudzivisa dzidziso dzenhema idzo dzingatinyimisa mubairo woupenyu. Simbiso yomuapostora pakuziva chiremera chaJehovha noMwanakomana wake inogona kuva nepesvedzero yakaisvonaka pakubata kwedu navamwe. Uye zvikomborero zvakapfuma zvinotipikirwa kana tikachengeta kutenda kwedu muna Mwari naKristu.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]
Tsamba kuRaodhikia: “Kana [tsamba, NW] iyi yarahwa pakati penyu,” akanyora kudaro Pauro kuvaKorose, “ngairahwewo mu[ungano, NW] yavaRaodhikia; imiwo murave [tsamba, NW] inobva Raodhikia.” (VaKorose 4:16) Raodhikia rakanga riri guta rakapfuma riri muAsia Minor yokumadokero, rakabatanidzwa nenzira namaguta akadai seFiradherfia neEfeso. Sezvingabvira, basa raPauro paEfeso rakasvika kure seRaodhikia, kunyange zvazvo asina kushumira ikoko. Iye akatumira tsamba kumaKristu eRaodhikia, kunyange zvazvo dzimwe nyanzvi dzichidavira kuti yakanga iri kopi yeiyo iye akanyorera vaEfeso. Tsamba yokuRaodhikia haiwanikwi muBhaibheri, sezvinobvira nemhaka yokuti yakanga isina mashoko atinoda nhasi, kana kuti zvichida yakadzokorora mapfundo akafukidzwa zvakazara mudzimwe tsamba dzinogamuchirwa.
[Mufananidzo]
Matongo apaRaodhikia