RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 12/1 pp. 26-29
  • Jehovha Akandipa Simba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akandipa Simba
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvitambudzo Zvinovamba
  • Mavambo Oupenyu Hutsva
  • Tsungiriro Yakaunza Betsero
  • Kuva Noushingi Pamberi Pezviremera
  • Basa Chairo
  • Mugove Mutsva
  • Kurwara Kwangu Kunondisimbisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Takawisirwa Pasi, asi Hatina Kuparadzwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Jehovha ndiMwari Wemutsa Une Rudo Kwandiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 12/1 pp. 26-29

Jehovha Akandipa Simba

YAKATAURWA NAEKUMBA OKOKA

NDAKABEREKERWA mumhuri “yechiKristu” munyika yeCentral Africa, uye ndakakura ndine rudo rwaMwari. Baba vangu vakanga vari muparidziwo zvake anoshingaira, uye ndaiwanzoenda naye paaidzidzisa muchechi kana kuti mumarusando omunyengetero mumisha yavanhu. Sezvo ndairatidzika kuva mukomana muduku akazvipira, vamwe vaparidziwo zvavo vaindisarudza kubatidza muprista paMisa. Ivo vaitondiudza kuti rimwe zuva sezvingabvira ndaizofunda kuti ndive muprista ini ndimene.

Usiku, zvisinei, ndakanga ndiri muimbi mukuru nomutambi mukwaya yomunzvimbomo, Matumba-Ngomo. Ndiri munzvimbo iyoyo, ndakakumbanira varume vaduku navakadzi veruwa rwedu mumarudzi ose outere. Asi ndaingokarira kuva nomudzimai mumwe chete nokuenda pakupedzisira kudenga kundogara na“vasande.” Handina kuona dikano yokuchenesa upenyu hwangu nemhaka yokuti, mukuwirirana nedzidziso yeKaturike, zvivi zvangu zvose zvaikanganwirwa madekwana mamwe namamwe eChitanhatu pakureurura.

Zvitambudzo Zvinovamba

Muna 1969, pandakanga ndichifunda kukoreji, ndakavamba kunzwa marwadzo muzvipfundo zvangu. Handina kuziva chakaaparira, asi mumwedzi yakatevera, akanyanya zvikuru kwazvo. Vabereki vangu, pasinei zvapo nokuva vaKaturike vanozivikanwa zvikuru, vakasarudza kundiendesa kun’anga dzakasiana-siana, idzo dzakataura kuti mumwe munhu akanga andiroya, asi somuuyo weminyengetero yavo nemishonga, ndaizoporeswa. Kunyanguvezvo, ndakavamba kufamba ndichigamhina, uye pakasvika 1970, handina kutongogona kufamba, kunyange ndakazendamira patsvimbo. Papfundo iroro, ndakafunga kuti mazuva angu okufamba aizokurumidza kupera.

Muna February 1972 baba vangu pakupedzisira vakasarudza kundiendesa kuchipatara kuWembo Nyama. Ndakanga ndiri muchipatara kwenguva yakareba zvakadaro zvokuti ivo vakatanga kundidana kuti muridzi! Vanhu vaiuya kuchipatara, kurapwa, kuenda, uye ipapo nguva yakati gare gare kudzoka nechimwe chinetso, uye ndaizongova ndirimo! Baba vangu vaifanira kuenda kumusha nokuda kwokucheka mupunga, asi zvino ndakanga ndaroora, navana vaviri, uye mudzimai wangu anodiwa, kunyange zvazvo akanga ane makore 21 bedzi okukura, ainditarisira uye aitsvaka basa kuti agogona kutarisira zvinodikanwa zvedu.

Kunyanguvezvo, ndakaora mwoyo zvikuru pamusoro pomugariro wacho wose. Pamakore 24 ezera, ndakanga ndichiri kurwadziwa zvikuru, apo shamwari dzangu dzakanga dzichiita zvakanaka, vazhinjisa vadzo zvino vachiva namabasa akatsiga. Kwakaratidzika kwandiri kuti kwaizova kwakanakisisa nokuda kwomunhu ari wose kana ndikazviuraya ndimene. Nokudaro, ndakagovera chinhu chiri chose chandaiva nacho kuvana vangu navanun’una vangu navakoma, ndisingavaudzi zvandairangarira. Ndakazvisiya ndimene ndisina chinhu kunze kwehembe yangu inodikanwa yandaida kuvigwa ndakapfeka.

Mavambo Oupenyu Hutsva

Ipapo mumwe weZvapupu zvaJehovha akapiwa mubhedha uri pedyo nowangu. Kunyange zvazvo iye akanga akapofumara ziso rimwe uye ari mungozi yokurasikirwa nechiono cherimwe racho, iye akakurumidza kuvamba kupupurira kwandiri kubva muBhaibheri pamusoro paJehovha noUmambo. Pashure pamazuva mashomanene, akabuda muchipatara, asi akandipa kutarisiro yeZvapupu zvakanga zvamushanyira. Pashure pedzimwe kurukurirano, izvozviwo zvakafanira kuenda, asi mumwe wazvo akapfuurira kufunda neni netsamba. Iye akandipawo zvinyorwa zvefundo yeBhaibheri zvakasiana-siana, izvo ndakarava nomufarwa mukuru.

Neiyi nzira ndakagamuchira zvokudya zvomudzimu, uye kuora mwoyo kwangu kwakachinja pashoma napashoma kuenda kumufarwa. Kwakaratidzika kuti chechi yangu yakanga yave ichindipa “asidhi” yokunwa, asi zvino ndakanga ndichigamuchira pachena mvura youpenyu. Ndakatenda Jehovha mumwoyo mangu nokuda kwokundisunungura muzvitendero zvokutenda mashura, zvakadai soUtatu, kusafa kwomweya, kutyiwa kwavakafa, uye kunamatwa kwavakare.

Panguva ino ndaida kubuda muchipatara. Ipapo ndakaziva kuti mhuri mbiri dzavashumiri venguva yakazara dzakanga dzichizogoverwa kuWembo Nyama, naizvozvo ndakasarudza kugara kutozosvikira pakusvika kwavo. Mufarwa wakadini wandakanzwa apo pakupedzisira vakauya kuzondiwana pamubhedha wangu womuchipatara! Zvino ndakakwanisa kupfuuridzira fundo yangu yeBhaibheri nomunhu panzvimbo pokupfurikidza netsamba.

Pashure pamazuva mashomanene, ndakavabvunza kana vaiva nemisangano muHoro yoUmambo, sezvo ndakanga ndarava mumagazini. Ivo vakandiudza nomutsa kuti vaiitira misangano yavo yose muimba duku umo mumwe wavo aigara. Ivo vakataurawo kuti vaizofara kundiendesako ndiri pabhasikoro! Pasinei zvapo namarwadzo akakomba mumuzongoza wangu nomuzvipfundo zvangu zvose, ndakapinda misangano yose nomufaro. Apo ndakasvitsa zvikwaniriso, ndakatokwanisa kupinza mushumo mwedzi mumwe nomumwe somuparidzi asina kubhapatidzwa, kutanga naApril 1974.

Mwedzi mitatu gare gare, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha noruombeko rwomumvura. Ndakapupurira kuvarapi vechipatara, kuvarwere vaivamo, kuvafundisi vePurotesitendi vaiuya kuzoshanyira, uye kumitezo yemhuri yangu—pasinei zvapo nechishoro chakasimba chavapashure. Panguva ino, ndaipupurira ndakavata pamubhedha wangu kana kuti ndiri muwheelchair iyo chipatara chakaita kuti iwanike kwandiri kutozosvikira ndagona kutenga yangu ndimene.

Tsungiriro Yakaunza Betsero

Pasinei zvapo nechishoro chemhuri yangu, ndakapfuurira kufamba munzira yaJehovha uye ndakakomborerwa zvikuru. Mudzimai wangu akatsigira zvokwadi uye akabhapatidzwa muna 1975. Takasarudza kugara muKatako-Kombe, umo makanga muchitova neungano yakasimba. Vabereki vangu vakatambudzika pamusoro pedu nemhaka yokuti mumwe munhu akanga avaudza kuti Zvapupu zvose zvaizourawa muna 1975. Apo takaramba kurega songaniro yedu, vakarega kutitumira zvokudya, uye takapinda mukushaiwa zvokunyama kukuru. Ndinoyeuka kuti pane imwe nhambo mwanakomana wangu muduku akapunzika nenzara pashure pokunge tagara zuva nehafu tisina zvokudya. Asi ipapo hama dzedu dzechiKristu dzakatiunzira hove noupfu. Gare gare, vabereki vangu vakatanga kutibetsera zvakare, asi hama dzedu hadzina kutongorega kutipa yamuro yokunyama.

Muna February 1975 ruoko rwangu rworudyi rwakaoma uye rwakatanga kuondoroka. Asi ndakachengeta kutenda kwangu uye ndakatsunga kupfuurira kubatira Jehovha nomufaro. Ndinofara kutaura kuti ruoko rwangu gare gare rwakasimba zvakare, uye ndichiri kugona kurufambisa nhasi, uko kunondigonesa kuzarura Bhaibheri rangu ndokushandisa zvinyorwa zveSosaiti.

Kuva Noushingi Pamberi Pezviremera

Muna 1977 mudzviti womunzvimbomo akandipomera pamberi pedare renharaunda, iro rakanga richangobva kusunga piona chaiye womuungano yapedyo. Rimwe zuva murwi akandiurira namasamanisi. Ndakanyengetera nemhuri yangu, ndakakurudzira ungano, uye ipapo ndakaenda naye. Kuonga kumudzimu waJehovha, ndakakwanisa kupa mhinduro youshingi kupomero, uye pashure pekurukurirano refu nezviremera zvehurumende nezvamauto, ndakasunungurwa pamwe chete napiona chaiye.

Mwedzi yakati gare gare, ndakadanwa nomumwe mudzviti, uye zvakare, nebetsero yaJehovha, ndakakwanisa kudzivirira mashoko akanaka nomufaro noushingi. Ndakava nekurukurirano refu nouyu munhu, uye pamugumo payo, akandisunungura uye iye pachake akasaidzira wheelchair yangu kubuda muhofisi make. Ipapo akati chinyararire: “Uya kumba kwangu madekwana ano.” Pashure pechiverengero chakati cheshanyo, ndakakwanisa kutanga fundo yeBhaibheri naye. Pakupedzisira, ndakava nefundo dzeBhaibheri nomwe navanhu vakasiana-siana vane chiremera. Vazhinjisa vavo vakapinda misangano yeungano yakarongwa munzvimbomo.

Basa Chairo

Ndakakumbira Jehovha kundibetsera, pasinei zvapo nechirwere changu, kuita mhiko yangu yokumubatira nesimba rangu rose. Pasina kunyoresa pamutemo, ndakaedza kusvitsa zvinodikanwa zvoupiona hwebetsero. Jehovha akandibetsera kubudirira, naizvozvo ndakazadza kumbiriso yeiri basa nokuda kwemwedzi waJune kusvikira kuna October. Ipapo Sosaiti yakagamuchira kumbiriso yangu yokuva piona wenguva dzose, uye ndakatanga iri basa muna November 1976. Muna September 1977 mufaro wangu wakakwana apo ndakagamuchira mugove sapiona chaiye neungano yapaKatako-Kombe.

Ndakakwanisa sei kuita ikoku? Ndakafukidza ndima ndiri muwheelchair yangu nebetsero yomudzimai wangu anodiwa nehama dzomuungano. Padzimwe nguva ndaitobuda ndiri ndoga namadondoro. Kamwe kana kuti kaviri ndakawa. Ipapo ndaingomira zvangu, ndisingafambi ndiri pasi, kutozosvikira mupfuuri andibetsera kusimuka ndokundidzorera madondoro angu. Nguva dzose ndaiyeuka kutsunga kwavaapostora navadzidzi vaJesu. (Mabasa 14:21, 22; VaHebheru 10:35-39) Nguva imwe neimwe ndaiwa, ndainyengetera kuti Jehovha asandirega ndichiora mwoyo asi, panzvimbo pezvo, kundipa simba rokuramba ndichimubatira. Nguva dzose ndaiyeuka chipikirwa chinoshamisa chakanyorwa muuporofita hwaIsaya, chinoti “unokamhina uchakwakuka senondo.”—Isaya 35:6.

Apo ndakawedzera zvikuru basa rangu, ndakakwanisa zvikuru kukurira urema hwangu hwomuviri. Muna 1978 ndakava neropafadzo yokupinda Chikoro Choushumiri Hwoumambo kuLubumbashi, uko kwakabatanidza kufamba hwerengedzo yamakiromita 2 000 nerori, igwa, uye chitima. Zvirokwazvo, nokuda kwerwendo irworwu Jehovha akaita kuti simba rindiwandire. (Isaya 12:2; 40:29) Zvino ndinogona kunyange kufamba—nechitambudzo chikuru—kusvikira kumamita 100 pasina yamuro yamadondoro. Ndinopwiswa kuti Jehovha akanzwa munyengetero wangu shure muna 1973 wokundipa simba rokumubatira norutsungiriro.

Mugove Mutsva

Muna 1984, pashure pamakore manomwe muungano yapaKatako-Kombe, ndakagamuchira mugove mutsva wokushanda neungano kuLodja-Centre. Gore rimwe gare gare takatanga fundo yebhuku itsva iri kure namakiromita 12, uye nokukurumidza takatanga imwe makiromita 30 kubva pana iyoyo. Iyi yapashure yakakurumidza kuzivikanwa seboka riri roga uye muna 1988 rakagamuchirwa seungano, uko ndinobatira panguva ino somukuru.

Kupayona kwave kwakandinakira zvikuru, mose muri muviri mumudzimu nomumuviri. Ndiri mubasa, namadondoro angu, ndakakwanisa kuita rovedzo dzakarumbidzwa navanachiremba. Ndakasimba zvikuru zvino kupfuura pandakatanga kupayona, uye chishuvo changu kutsungirira muiri basa kusvikira kumugumo. Ndinodisa kuona kuti Jehovha achandibetsera sei ku“kwakuka senondo” panguva apo ndisati ndichizotongofanira kutsungirirazve marwadzo makuru eichi chirwere.

Nomwoyo wangu wose, ndinoonga Baba wedu wokudenga, uyo akandipa simba, ushingi, uye basa renguva yakazara. Zvino ndine makore 36 ezera, uye pashure pamakore 11 ndiri mubasa roupiona, ndinokarira kupfuurira, chipi kana chipi chingava nenguva yemberi. Ndakatsunga kushandisa simba rangu rose rinokosha mukukudza ndokurumbidza Mwari mukuru Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe