RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 2/1 pp. 4-7
  • Kurangarirei Rudzidziso Zvakakomba?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurangarirei Rudzidziso Zvakakomba?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzidziso Runofanira Kurangarirwa Zvakakomba
  • “Zvibereko” Zvorudzidziso Rwechokwadi
  • Betsero Dzisingagumi Dzinobva Mukushandisa Rudzidziso Rwechokwadi
  • Wakawana Rudzidziso Rwakarurama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 2/1 pp. 4-7

Kurangarirei Rudzidziso Zvakakomba?

“MUNHU haagoni kurarama nechingwa bedzi.” (Mateo 4:4, The New English Bible) Aya mashoko anowanzonokorwa anobata chinodikanwa chomunhu icho vazhinji vakarasikirwa nechiono chacho nhasi. Anoratidzira kuti tine rutivi rwomudzimu kumuitirwo wedu runoda kugutswa. Ndicho chikonzero nei uyo ari kutaura mashoko iwayo, Jesu Kristu, akatiwo: “Vakakomborerwa sei avo vanoziva kuda kwavo Mwari.”—Mateo 5:3, NEB.

Rudzidziso bedzi runogona kugutsa “kuda Mwari” kwedu. Rudzidziso bedzi runogona kupindura mibvunzo yedu inokosha pamusoro pamavambo, donzo, uye revo youpenyu. Uye rudzidziso bedzi runogona kupa revo chaiyoiyo uye ukoshi kuupenyu hwedu. Asi harusi rudzidziso rupi norupi zvarwo ruchaita zvose izvozvi. Jesu akaudza mukadzi weSamaria, kuti: “Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, NW) Kunamata ‘nezvokwadi’ kunoreva zvinopfuura kutevera magamuchidzanwa nemiitiro zvenguva refu. Izvozvi zvinowanzopa vatsigiri zvinopfuura zvishomanene kunzwa kwechinguvana kwegarikano, zvichivasiya vane nzara mumudzimu.

Somuenzaniso, Edwin O. Reischauer, aichimbowa mumiriri weU.S. kuJapan, akati: “ChiShinto nechiBuddha kuvanhu vazhinjisa inhau yetsika negamuchidzanwa zvikuru kupfuura yezvitendero zvine revo.” Sezvinobvumwa, vanhu vazhinji vechiJapan vanogutsikana kuti kuve kwakadaro. Asi mbeu ya“marudzidziso matsva” muJapan inoratidzira kusagutsikana kunokura negamuchidzwana rorudzidziso.

“Marudzidziso matsva” anokombamira kunangidzira ngwariro pavatungamiriri vanoshingaira—kwete Mwari. Vazhinji vaava vatungamiriri vamarudzidziso vanotaura kuva vakafuridzirwa nenzira youmwari. Asi dzidziso dzavo kazhinji kazhinji dzinongova hadzo muvhenganiswa wezvitendero zvechiBuddha, chiShinto, uye zvimwe—nomwero mukuru wouzivi hwomuvambi unokandirwamo. Kufadza kwavo kazhinji kazhinji kuri muzvipikirwa zvoupenyu huri nani uye masimba anotaurwa kuva akavanzika kana kuti okuporesa. Asika marudzidziso akadaro anopa ufakazi hwokuti ari kudzidzisa vatsigiri vawo kunamata “nomudzimu nezvokwadi” here? Nyangwe. Kutanga, miitiro yorudzidziso inokombamira kuva iripo nhasi uye yaenda mangwana. Mugariro wayo wechinguvana unopa chikonzero chiduku chokuirangarira zvakakomba.

Rudzidziso Runofanira Kurangarirwa Zvakakomba

Zvisinei, kune rudzidziso rwave rwuriko kwenguva refu zvikuru kupfuura chimwe chimiro chipi nechipi chokunamata. Irwo rudzidziso runodzidziswa muBhaibheri Dzvene. Bhaibheri rakavamba kunyorwa mazana amakore 35 apfuura, uye dzimwe dze‘nhau’ dzakachengetwa muganhuro dzaro dzokutanga dzinodzokera shure kupfuura makore ane chiuru kupfuura ikoko.a Iro rine zvinyorwa zvekaresa zvinowanika pamavambo orudzidziso. Ichocho choga chikonzero chokupa rudzidziso rweBhaibheri rangariro yakakomba.

The Encyclopedia Americana inoti pamusoro peBhaibheri: “Chiedza charo ‘chakapinda munyika yose.’ Zvino rava kurangarirwa sepfuma yetsika norudzidziso ine dzidziso isingaperi inopikira kuva inotokosha zvikuru sezvo tariro yepepuko yenyika ichiwedzera.” Asi kana bhuku riri zvomenemene nhungamiro inodavirika kurudzidziso rwechokwadi, hawaizorikarira kuva rine kuparadzirwa kwakafara zvikurusa, kuti riwanikwe kuvatsvaki vose vezvokwadi here?

Izvozvo ndizvo zvakaita Bhaibheri. Iro rakashandurirwa mumitauro 1 928, rose kana kuti murutivi, uye iro ndiro bhuku rinoparadzirwa zvakafara zvikurusa munhau. Uyezve, iro rakabvumikisa kuva rakanaka munhau uye mune zvesayenzi. Kucherwa kwamatongo uye nhau zvinopupurira zadziko yakarurama yamauporofita eBhaibheri. Iro harina zvimiro zvose zvekurukurirano nemidzimu nezvakavanzika uye mashiripiti. Zvose izvozvi zvinowirirana nokutaura kweBhaibheri rimene kuti rakafuridzirwa nenzira youmwari.b—2 Timotio 3:16.

“Zvibereko” Zvorudzidziso Rwechokwadi

Asi hakusi kwechokwadi here kuti marudzidziso mazhinji anotaura kuti anotevera Bhaibheri? Uye gakava, ruvengo, uye unyengeri hazvisi pachena pakati pavanoti maKristu here? Hungu, asi ichi hachisi chikonzero chokuzvidza Bhaibheri. Jesu Kristu amene akaratidzira kuti voruzhinji vaavo vanoti ndevechiKristu vaisazotenderwa naMwari. (Ona Mateo 7:13, 14, 21-23.) Ipapoka, mumwe aizokwanisa sei kuziva avo vari kushandisa rudzidziso rwechokwadi runodzidziswa muBhaibheri? Jesu akapindura, kuti: “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.”—Mateo 7:16, 17, 20.

Hungu, rudzidziso rwechokwadi runofanira kuva sundo ine simba nokuda kwezvakanaka, inoparira miuyo inobetsera pakati pavanamati. Rangarira, somuenzaniso, Akinori, mumwe murume wechiJapan uyo, mumashoko ake amene, “akava munhu womudzimu wamakwikwi.” Iye akawana nenzira inobudirira nharidzano dzake dzokupedza kufunda payunivhesiti huru uye kuwana basa pafemu ine mukurumbira. Akanzwa asina chikonzero chokuisa rudzidziso muupenyu hwake. ‘Rudzidziso nderwavakaneta avo vanoda tsigiro muupenyu,’ iye akafunga kudaro.

Chinhu chiri chose chakanga chichifamba zvakanaka kusvikira, somuuyo wokuora mwoyo uye kufinhwa, akaderera nechirwere chakakomba. Mutsipa wake wakamonyoroka, uye chirebvu chake chakanga “chaoma” papfudzi rake rokuruboshwe. “Shamwari” zhinji pakambani yaAkinori dzakabvumikisa kuva dzenyaradzo duku munguva yake yenhamo. (Enzanisa naZvirevo 17:17.) Naizvozvo akanyura mugomba guru roudhakwa uye kunyange kufunga kuzviuraya.

Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, mudzimai waAkinori akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva vari mukurukurirano, iye akamuudza nezvorugwaro rwuri pana VaGaratia 6:7, urwo runorava, kuti: “Nokuti izvo zvinodzvara munhu ndizvo zvaanochekazve.” Ashamiswa namashoko iwaya, Akinori akamukumbanira mufundo yacho, uye zvaakadzidza zvakachinja chiono chake cherevo youpenyu. Sezvo chiono chaAkinori chakajeka, kutambura kwake kwakaparirwa nokuora mwoyo kwake kwakavamba kunyangarika! Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Hungu, rudzidziso rwechokwadi runobereka chibereko chakaisvonaka!

Toshiro ndimumwe murume wechiJapan akasvika pakuona nzira iyo rudzidziso rwechokwadi rwaigona nayo kuva simba nokuda kwezvakanaka. Kunyange zvazvo aidavira kuti maiva noukoshi mukushandisa rudzidziso, hapana chaakaita pamusoro pako. Fariro yake yakanga yakanangidzirwa pakuwana imba yake amene. Kuwana nharidzano iyoyo, zvisinei, hakuna kuunza gutsikano yaaikarira. Kupfuurirazve, sezvaakatarira-tarira munzvimbo yake yebasa, akacherekedza kuti miitiro yokusatendeseka yakanga ichizivikanwa uye kuti ukama hwomunhu oga hwakashata hwakabva mairi. Toshiro akasemburwa nezvaakaona.

Rimwe zuva mudzimai wake akakoka mukuru womuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha kuti amushanyire. Toshiro akanzwisisa nokukurumidza kuti mukuru wacho akanga akasiana neshamwari dzake. Chikonzero chacho? Mukuru wacho akanga achishandisa nenzira yapachokwadi nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwake. Aororwa naikoku, Toshiro akagamuchira kokero yokufunda Bhaibheri ndokutanga kuita kuti rudzidziso rweBhaibheri rwuve nzira yake youpenyu.

Tinokukokawo kuti uve akarovedzana neZvapupu zvaJehovha. “Zvibereko” zvavo zvinopa ufakazi hwokuti zviri kunamata “nomudzimu nezvokwadi.” Zvinongwarira kushandisa dzidziso dzeBhaibheri muupenyu hwazvo. Uye nepo savanhu vamwe navamwe zviri kure nokuva zvakakwana, seboka zvinoratidzira kuti rudzidziso rwechokwadi runogona sei kuva simba romudzimu rine simba nokuda kwezvakanaka.

Zviuru pakati peZvapupu pane imwe nguva zvaisafara nenzira yazvo youpenyu. Asi kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri, vazhinji vazvo vakakwanisa kuita chinjo dzinoorora. Kupfurikidza nokusakurira icho Bhaibheri rinodana kuti “chibereko chomudzimu, (NW),” ndiko kuti, mavara orudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora, zvakawana kiyi yokumufaro womunhu oga.—VaGaratia 5:22, 23.

Betsero Dzisingagumi Dzinobva Mukushandisa Rudzidziso Rwechokwadi

Rudzidziso rwechokwadi, zvisinei, runofanira kuita zvinopfuura kuchinja hunhu kana kuti kupfavisa zvinetso zvomunhu oga. Zvinetso zvenyika yose zvakadai seshatiso, tyisidziro yehondo yenyukireya, uye kushandiswa kwakaipa kwemhoteredzo zvinotyisidzira kuparadza pasi redu rakaisvonaka. Zvinetso zvemari zvinodzvinyirira mufarwa negarikano zvamamirioni. Hapana rudzidziso runogona kurangarirwa zvakakomba kutoti ruchipa tariro nokuda kwezvinetso izvozvi zvenyika.

Rudzidziso rweBhaibheri runopa tariro yakadaro. Mwari anopikira kupinza nyika itsva yakarurama muhurumende yokudenga, kana kuti “umambo.” (Mateo 6:9, 10, NW; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Umambo ihwohwu ndihwo mushonga wezvirwere zvose zvorudzi rwomunhu. Uye pamusoro pokuva dzechigarire kwebetsero dzapasi rose dzakadaro, Bhaibheri rinotipikira, kuti: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” Hungu, upenyu husingaperi mumufarwa ndiyo tariro yomuKristu wechokwadi ari wose! (1 Johane 2:17) Asi avo bedzi vakarangarira zvakakomba kushandisa rudzidziso rwechokwadi vachabetserwa nouhwu Umambo huri kuuya. Naizvozvo tinokukurudzira kuti uvambe fundo yakakomba yeBhaibheri.c (Johane 17:3) Sezvaunovamba kurega chiedza cheShoko raMwari chichivheneka muupenyu hwako, uchawana mufaro mukuru sezvo ‘kuda Mwari’ kwako kunogutswa, pashoma napashoma. Zvamazvirokwazvo, zvikomborero zvisingagumi zvichava zvako nemhaka yokuti wakarangarira rudzidziso—rudzidziso rwechokwadi—zvakakomba.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona, somuenzaniso, Genesi 2:4; 5:1; 6:9.

b Nokuda kwamamwe mashoko, ona bhuku rinonzi The Bible—God’s Word or Man’s?, rinowanika kuvabudisi vemagazini ino.

c Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubetsera muna ikoku. Fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena inogona kurongwa kupfurikidza nokuonana navabudisi vamagazini ino kana kuti zvimwe ungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha iri munzanga yenyu.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kuwanikwa kweBhaibheri mumitauro inopfuura 1 900 kunowirirana nokutaura kwaro kwokuva rakafuridzirwa nenzira youmwari

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rudzidziso rweBhaibheri runopa tariro yemigariro ine rugare munyika yose muhurumende yokudenga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe