RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/1 pp. 3-4
  • Utsotsi Munyika Yakanyongana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utsotsi Munyika Yakanyongana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Kugonana Noutsotsi Munyika Yakanyongana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kurwisa Kugumisa Utsotsi
    Mukai!—1996
  • Hondo Isingahwinhwi Mukurwisana Neutsotsi
    Mukai!—1998
  • Neiko Kune Utsotsi Hwakawanda Kudaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/1 pp. 3-4

Utsotsi Munyika Yakanyongana

UTSOTSI hausati huri mugariro wazvino uno. Kuuraya kwokutanga kwakaitika zviuru zvamakore zvapfuura apo Kaini akauraya munun’una wake Abheri. Kubata chibharo nokuvatana kwavane mitezo mimwe cheteyo yevatano zvinodudzwa muMagwaro echiHebheru akare. (Genesi 4:8; 19:4, 5; 34:1-4) Vanhu vakanga vachibhinywa muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose, sokuratidza kunoita muenzaniso womuSamaria akanaka. (Ruka 10:29-37) Asi pane musiano nhasi.

Kurangarira kwavanhu mumaguta makuru mazhinji enyika, ingave iri New York, London, Calcutta, kana kuti Bogotá, ndokwokuti utsotsi hwapararira zvikuru uye hunotyisidzira zvikuru. Mushumo wakabva muIndia Today waiva nomusoro, unoti “Chitendero Chisingadzoreki” unoti: “Chinoitika chinovhiringidza chinotyisidzira kudambura tambo isina kusimba yetsika nenzanga iyo inobatanidza nyika pamwe chete kukwira kwamasimba masimba, nyongano yokusateerera, uye kusateerera mutemo kuchitendero.” Mukurwisana kwavo noutsotsi, kunyange mapurisa pane dzimwe nguva anoedzwa kupfuura miganhu yokutarisira kuteererwa kwomutemo ndokushandisa miitiro youtsotsi ivo vamene. Mushumo wapfuura wakabva kuIndia unoti: “Nzufu muzvitokisi zvamapurisa dzinopfuurira kuita nhau.” Uye ikoko ndokwechokwadiwo mudzimwe nyika.

Bviro dzokuva nyajambwa woutsotsi dzinoratidzika kuva dziri kuipa zvikuru. Mushumo wakabva kuUnited States unotaura kuti “imwe mumhuri ina dzeAmerica yakatapurwa noutsotsi hwamasimba masimba kana kuti umbavha muna 1988.” Uyezve, vanhu zvino vava kuita utsotsi hwamasimba masimba pamazera maduku zvikuru. Magazini yeLatin America inonzi Visión inotaura kuti “vapfumbamwe kubva muvanasicario [vaurayi vanobhadharwa] gumi vari vose vaduku. [Ivo] ‘vana’ mupfungwa yokuvamba nhaka uye vari mudziviriro yapamutemo.” Zvakare, kuitwa kwoutsotsi hwamasimba masimba navaduku ikombamiro yenyika yose.

Bhaibheri rakaporofita anodokusvika makore 2 000 apfuura, kuti: “Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, . . . vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi . . . Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 Timotio 3:1-4, 13.

Chifo cha 1914 ufakazi hwakawanda hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira iwayo anotambudza. Nyika, zvayakatambura hondo mbiri dzenyika nedzimwe rwisano huru, yazova isingadzoreki munzira zhinji, yakanyongana. Utsotsi hwapararira. Munharaunda zhinji dzamaguta, matsotsi akadzora, achichinja mararamire avoruzhinji vanoteerera mutemo. Mumwe mutezo wakatanhamara wedare ramakurukota reU.S. wakati: “Kune zvinhu zvizhinji kwazvo zvokuzvidya mwoyo pamusoro pazvo zvino, zvinhu zvataisatongotya. Pane dzimwe nguva tinotya kwazvo zvokuti tinova vasungwa, nepo avo vanofanira kuva vakapfigirwa vakasununguka.”

Somuuyo, vanhu nhasi vari kuita gadziriro dzokuzvidzivirira dzakanga dzisiri madikanwa makore 20 kana kuti 30 apfuura. Masuo ane kiyi mbiri kana kuti nhatu uye anosungwa nesimbi. Vanhu munzvimbo zhinji vanotakura mari yakaringana kuti vagutse bhinya kuti nenzira ine tariro vadzivise kuva vanoroverwa kusava nechinhu chokupa kumbavha. Migwagwa mizhinji inodokuva yaregwa kushandiswa pashure pokunyura kwezuva, ichishandiswa bedzi navasingazivi, vasingangwariri, uye avo vanomanikidzirwa nemigariro kuti vavemo—zvipfuro zviri nyore zvembavha dzinofamba-famba musango reguta.

Chii chatinogona kuita kudzivisa kuva vanyajambwa voutsotsi munyika ino yakanyongana neisingadzoreki? Tinogona sei kugonana nahwo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe