RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/1 pp. 4-7
  • Kugonana Noutsotsi Munyika Yakanyongana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugonana Noutsotsi Munyika Yakanyongana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kufunga Kwoutsotsi Neruramisiro
  • Uchenjeri Hunoshanda Nokungwarira
  • Zvakadiniko Kana Ukabhinywa?
  • Apo Utsotsi Huchaguma
  • Mapurisa—Remangwana Rawo Rakadini?
    Mukai!—2002
  • Neiko Kune Utsotsi Hwakawanda Kudaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Dambudziko Rokuparwa Kwemhosva Richagadziriswa Here?
    Mukai!—2008
  • Utsotsi Munyika Yakanyongana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/1 pp. 4-7

Kugonana Noutsotsi Munyika Yakanyongana

UNOTYA kubuda usiku here? Unoda kiyi mbiri kana kuti nhatu pamasuo ako namawindo here? Motokari yako kana kuti bhasikoro zvakambobiwa here? Wakakwachurirwa nhepfenyuro mumotokari yako here? Unonzwa uchityisidzirwa mumhoteredzo dzakati here?

Kana uchipindura kuti hungu kuupi noupi wemibvunzo iyoyi, ipapo uri kuedza kugonana noutsotsi munyika yakanyongana. Chii chaunogona kuita pamusoro pahwo? Bhaibheri rinogona kukubetsera kugonana nahwo here?

Kufunga Kwoutsotsi Neruramisiro

Munyika youtsotsi, mune zvinhu zvikuru zvitatu: matsotsi, mapurisa, uye vanyajambwa. Chii chiri madikanwa kuti iwe, nyajambwa anobvira, ukwanise kugonana noutsotsi? Unogona kupesvedzera chipi nechipi chezvinhu zvitatu izvi here? Somuenzaniso, unogona kuchinja matsotsi here?

Eya, matsotsi mazhinji akaita kuti utsotsi huve basa ravo roupenyu. Vakahusarudza senzira iri nyore zvikuru youpenyu. ‘Kushandireiko kana uchigona kurarama neizvo vamwe vakawana?’ hunoratidzika kuva uzivi hwavo. Mabhinya anoziva kuti nyajambwawo zvake achapa mari yake pasina kurwisa. Uye nebviro dzokuva asingabatwi ndokuendeswa kutorongo dzakakura zvikuru, kwavari utsotsi hunobhadhara.

Uyezve, miitiro yamatare yakaoma uye inopedza nguva. Munyika zhinji, mune matare mashomanene zvikuru, vatongi, uye matorongo. Mhaka dzoutsotsi dzinotarisirwa panguva imwe chete dzinokurira gadziriro yacho. Miitiro yeruramisiro inononoka kuitwa kwazvo zvokuti mugariro wacho uri sokuurondedzera kwakaita Bhaibheri anopfuura makore zviuru zvitatu apfuura, kuti: “Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.” Seizvo nheyo iyi yeBhaibheri inoratidzira, kune tariro duku yomushonga kupfurikidza nokuderedza chiverengero chamatsotsi kana kuti kuachinja.—Muparidzi 8:11.

Zvakadiniko nechinhu chechipiri, mapurisa? Kune tariro ipi neipi here yokuti mapurisa achadzora mugariro wacho? Iwo amene achapindura, kuti: Nemitemo inowanzoitwa kuti inakire maruramiro etsotsi, namagweta asina tsika anoshandura mutemo kuti aendese munhu ane mhaka, nenzanga dzinozengurira kutakura ndyiko huru yamatorongo mazhinji namakuru zvikuru, uye nokuva namapurisa mashoma, kune fambiro mberi shomanene yavanogona kuita mukurwisana nokunyanyisa kwoutsotsi.

Ikoko kunosiya chinhu chechitatu, vanyajambwa vanobvira: isu, vanhu. Kune chinhu chipi nechipi chatinogona kuita here kuzvibetsera timene zviri nani kugonana nahwo muuyu mugariro unodokuva wakanyongana?

Uchenjeri Hunoshanda Nokungwarira

Bhuku reBhaibheri raZvirevo rinoti: “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; noukomba pamutsipa wako. Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; rutsoka rwako harungagumburwi.” Zano irori rinogona kushanda mumigariro ingabvira kuita kuti mumwe ave nyajambwa woutsotsi. Ndedzipi dziri dzimwe dzenzira umo uchenjeri hunoshanda hunogona kutibetsera muuyu mugariro?—Zvirevo 3:21-23.

Matsotsi anokombamira kuva akafanana nezvikara zvinodya dzimwe mhuka. Anotsvaka nyajambwa ari nyore zvikurusa. Haadi kupinda mungozi yokurwisa nokubatwa kunobvira kana achigona kuwana betsero imwe cheteyo kubva kuna nyajambwa ari nyore. Naizvozvo anotevera vakura, vanorwara, vakavhiringidzika, uye vanhu vangave vasingazivi nezvomugariro une ngozi. Mbavha dzinosarudza nguva nenzvimbo zvinodzikodzera zvikurusa kuti dzidenhe. Hepano apo vanyajambwa vanobvira vanogona kushandisa uchenjeri hunoshanda.

Sokuvarondedzera kunoita Bhaibheri, vadi vezvakaipa vanowanzoita mabasa avo murima. (VaRoma 13:12; VaEfeso 5:11, 12) Ndokwechokwadi nhasi kuti utsotsi huzhinji pavanhu nezvinhu hunoitwa usiku. (Enzanisa naJobho 24:14; 1 VaTesaronika 5:2.) Naizvozvo, pakunobvira munhu akachenjera achadzivisa kupinda munzvimbo dzine ngozi panguva yousiku. Muguta rakazadzwa noutsotsi reNew York, chinyorwa chezuva nezuva chamapurisa chinozivisa kuti vanhu vazhinji vanobhinywa pashure pokunyura kwezuva uye zvikurukuru pashure pa 10 kiroko kazhinji kazhinji sezvo vanodzokera kumafuratsi avo. Matsotsi anofamba mumigwagwa yaregwa kushandiswa achitsvaka vanyajambwa. Nokudaro, kana une chisarudzo chokumirira bhazi kana kuti tekisi kana kuti chokufamba uchipfuura nomunharaunda ine ngozi, iva anoshivirira ndokumirira. Ukasadaro, chinoitika chingagona kuva chinorwadza.

Mumwe muKristu akarohwa zvakakomba ndokubirwa apo panzvimbo pokumirira bhazi panenge pa 10 kiroko mumanheru, iye akafamba chinhambwe murima rakati. Maiva navamwe vanhu mumugwagwa, asi matsotsi matatu akanga ateya musungo nokuda kwavasina kungwarira. Rimwe rakapa chiratidzo kuvamwe apo nyajambwa angabvira akanga achikwira nomugwagwa. Pasina kutaura shoko, akadenha nyajambwa uye ipapo akamubira. Zvakapera nokukurumidza kwazvo zvokuti kunyange muvakidzani akanga asina nguva yokupindira. Nyajambwa akabvuma gare gare, kuti: “Nguva inotevera ndichamirira bhazi.”

Munzvengi Ane Unyanzvi, mvangamakomwe duku iri munovhero raDickens rinonzi Oliver Twist, akanga ari muenzaniso munyoro zvikuru wesindimari yazvino uno yomumugwagwa. Mukusafanana noMunzvengi Ane Unyanzvi, mbavha dzanhasi namabhinya, pasinei zvapo nezera, sezvingabvira vanotakura pfuti kana kuti banga, uye vachazvishandisa. Vachakairi vasina kungwarira, vashanyi, uye vafambi-fambiwo zvavo muguta rine chimbichimbi zvipfuro zviri nyore zvamatsotsi akadaro asina tsika. Vachaba chipi nechipi chinowanika nokukurumidza zvikuru kupfuura kubwaira kwaunogona kuita ziso! Chii chingamhanyira mbavha? Ngetani yendarama kana kuti mamwe mabwe anodhura akapfekwa zviri pachena. Kana kuti kamera yakarembera mumutsipa womuchakairi. Kwakafanana nokupfeka chiratidzo chinoti, “Uya unditore!” Nokudaro, uchenjeri hunodikanwa. Vanza mabwe anokosha api naapi, uye takura kamera nomutoo uri pachena zvishomanene, zvichida yakavanzwa mubhegi rokutengera zvinhu. Ihwohwu uchenjeri hunoshanda.

Kuva akasvinurira ndiimwe nzira yokugonana nayo noutsotsi. Bhaibheri rinoti: “Meso omunhu wakachenjera ari mumusoro wake; asi benzi rinofamba murima.” (Muparidzi 2:14) Kushandisa nyevero iyi kuchinetso choutsotsi kuchatungamirira mumwe kucherechedza vanhu vari kufamba-famba nenzira inonyumwirwa vasina donzo riri pachena. Ngwarira mbavha dzingauya shure kwako ndokubvuta bhegi rako sezvaunofamba munzira yaparutivi. Sezvo dzimwe dzichikwira mabhasikoro ndokubvuta zvinhu zvavamwe vanhu sezvo dzinopfuura nokukurumidza, usatongofamba mumucheto chaimo menzira yaparutivi, zvikurukuru kana wakatakura rudzi rupi norupi rwebhirifikesi kana kuti bhegi romumaoko. Dzivisa motokari dzapasi pevhu dzinodokusatova navanhu. Wakakotsekana zvikuru une chiverengero chakati chavanhu munzvimbo mune chiedza chakawanda. Mbavha hadzidi kucherekedzwa ndokuzivikanwa.

Kupaza dzimba ndihumwe utsotsi hunozivikanwa navose hungagona kudziviswa kazhinji kazhinji kudai vanhu vakangwarira utsotsi zvikuru. Bhaibheri rakashandisa nenzira yakarurama kuenzanisa, richiti: “Vanopinda napamawindi sembavha.” (Joere 2:9) Uchenjeri hunoshanda hunoraira kuti usasiye masuo kana kuti mawindo zvisina kukiiwa. Ndokwechokwadi nguva dzose kuti kudzivirira kuri nani zvikuru kupfuura kurapa. Ndyiko yokuwedzera yokudzivirira musha wako chaizvoizvo iinishuwarenzi yokudzivisa umbavha nokukuvara mumuviri.

Zvakadiniko Kana Ukabhinywa?

Hungu, zvakadiniko kana, pasinei zvapo nokungwarira kwose, ukamiswa nebhinya? Edza kusavhunduka kana kuti kuita zviito zvipi nezvipi zvokukurumidza. Yeuka kuti mbavha yacho ingavawo ichitya uye ingakanganisa kududzira zviito zvako. Edza kutaura ndokurangarira nomunhu wacho kana iye achikubvumira. (Hungu, mudenhi wako angasanova mukadzi.) Pane dzimwe nguva mabhinya akapfaviswa nokuziva kuti ari kudenha muKristu wapachokwadi uye chaiyeiye. Pasinei zvapo nokuita kwacho, usaedza kudzivisa kana iri bedzi mari yako kana kuti zvinhu zvavari kuda. Ipa chipi nechipi chiri kukumbirwa. Bhaibheri rinodzidzisa kuti upenyu hwomunhu hunokosha zvikuru kupfuura chipi nechipi chaangava nacho.—Enzanisa naMarko 8:36.

Pasina kuita kuti kuratidzike sokusanonzvera, edza kucherechedza zvinhu zvipi nezvipi zvinotsauranisa izvo bhinya racho ringava nazvo, mungava muzvipfeko kana kuti chitarisiko chomuviri. Rudzii rwamataurire rwaanarwo? Udzame hwose ihwohwu hungava hunobetsera paunoshuma mhaka yacho kumapurisa, sezvo matsotsi mazhinjisa ari enguva dzose nomutoo wawo wamaitiro omunhu oga uye anogona nokudaro kuzivikanwa zviri nyore zvikuru.

Zvakadiniko nokutakura chombo nokuda kwokuzvidzivirira umene? Zvamazvirokwazvo hakusati kwaizova kuchenjera kuti muKristu atakure zvombo. Kana mbavha ikafunga kuti uri kutora chombo, iyo haingafungi kaviri pamusoro pokukukuvadza kana kuti kukuuraya. Kupfuurirazve, unogona sei kutevera nheyo yeBhaibheri yo“kuva norugare navose” kana wakashongedzerwa nokuda kwokudzivisa kudenhwa kwamasimba masimba?—VaRoma 12:18, NW.

Pasinei zvapo nokungwarira kwaungaita, hapana vimbiso yokuti pane rimwe zuva hausati uchizova nyajambwa. Mumaguta akazara noutsotsi, unofanira bedzi kuva munzvimbo isina kururama panguva isina kururama. Isati iri nguva refu zvikuru yapfuura muNew York, gweta rakabva muhofisi yaro kuti rindotenga kapu yekofi. Sezvo rakapinda muchitoro, pwere dzakapfuurapo nemotokari ndokupfura nzvimbo yacho. Gweta rakaurawa nebara mumusoro. Nemhaka ye“nguva nezvinoitika zvisingadeyi kuonwa,” rakarasikirwa noupenyu hwaro. Ingwavaira yakadini! Kune tariro ipi neipi yokupedzwa kwechigarire kwoutsotsi huripo zvino huri kutekeshera munyika here?—Muparidzi 9:11, NW.

Apo Utsotsi Huchaguma

Anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura, Jesu akadeya kutaura kuti chizvarwa chaizouya icho chaizoona zvinoitika zvinotyisa zvikuru kupfuura chizvarwa chipi nechipi chakapfuura. Neterevhizheni nekurukurirano yapakarepo, mamirioni, aiwa, zviuru zvamamirioni, zvinopupurira mumikoto yazvo yenhau dzomunzvimbomo utsinye sezvahunenge huchiitwa chaizvoizvo. Nyika yazova musha, uye nhau dzenyika nokukurumidza dzinova nhau dzomunzvimbomo. Somuuyo, chinhu chaichoicho chinorova musha zuva nezuva, uye sokuporofita kwakaita Jesu, vanhu vazhinji “vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika.”—Ruka 21:26.

Jesu akadeya kuona zvinoitika zvakaitika chifo cha 1914, zvinoitika zvaizotangira “mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3-14, NW) Asi akataurawo, kuti: “Pamunoona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:31, NW) Ikoko kunoreva kuti kutonga kwakarurama kwaMwari kuchakurumidza kutapura pasi nenzira inoshamisa.—Mateo 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:1-4.

Mukutonga ikoko, vanyoro bedzi, vane rugare, uye avo vanoteerera Mwari vachagoverana migariro yapasi yeParadhiso. Chii chichaitika kumatsotsi navaiti vezvakaipa? “Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, vachaoma somuriwo mutema. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.” Muhurumende iyoyo yokudenga yakarurama, hamusati muchizova nenyongano kana kuti utsotsi.—Pisarema 37:2, 9.

Kana uchida kuziva zvakawanda pamusoro petariro iyoyi yakavakirwa paBhaibheri yehurumende yenyika ine rugare neisingagumi, onana neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako kana kuti paHoro yoUmambo yazvo yomunzvimbomo. Izvo zvichakubetsera nomufaro kuti unzwisise Bhaibheri, pasina mutengo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika”

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mvangamakomwe yaCharles Dickens, Munzvengi Ane Unyanzvi, akanga ari mutsva pakuenzaniswa namabhinya azvino uno

[Kwazvakatorwa]

Graphic Works of GEORGE CRUIKSHANK, by Richard A. Vogler, Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe