RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/15 pp. 28-31
  • Unogona Kufara Nezvakawanda Zvokuita Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kufara Nezvakawanda Zvokuita Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Zvinhu Kunounza Mufarwa
  • Iva Akadzikama
  • Nzira Dzinoshanda  Dzokuchengeta Nadzo Dzikamo
  • Shandisa Chisarudzo Chakanaka
  • Uri Piyona Akadzikama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Wakanyanyobatikana Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Rarama Upenyu Hwakadzikama, Hwakapfava
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Uchenjeri Hwekutitungamirira Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/15 pp. 28-31

Unogona Kufara Nezvakawanda Zvokuita Here?

VAZHINJISA vedu tinorarama upenyu hwokubatikana zvikuru, kazhinji kazhinji hwechimbichimbi. Dzvinyiriro dzenguva dzose dzokurarama kwezuva razvino uno dzinoda kuti tiite nhamburiko yenguva dzose yokungoramba tichivambirana. Varume navanababa vanofanira kugonana nemisengwa inodzvinyirira kumhuri dzavo, vashandirwi, uye vamwe. Vadzimai navanamai vanofanira kutarisira zvinodikanwa zvemba zvemhuri dzavo uye kazhinji kazhinji vanofanira kushanda kunyika. Vanhu vadukuwo vari mudzvinyiriro yokuvambirana nemisengwa yakati yemhuri vachiwana dzidzo ichavagadzirira nokuda kwebasa rinobudirira munzanga.

Asi zvakadiniko naavo vedu vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha Mwari uye vari Zvapupu zvake zvakabhapatidzwa? Mukuwedzera kune zvimwe zvinodikanwa zvose zvinoitwa patiri, tine iyi pangiro yomuapostora Pauro: “Hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzungunuswa, [nguva dzose muchiva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, NW] muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.” (1 VaKorinte 15:58) Hungu, mitoro mizhinji yakawedzerwa rutivi rwezvinodikanwa zvokunamata kwechokwadi. Tinogona sei kuita misengwa iyoyi yose ndokuva norugare rwendangariro nechitarisiko chokufara?

Kuita Zvinhu Kunounza Mufarwa

Mufarwa—kunzwa kwegarikano kana kuti gutsikano—wakasanobatana nebudiriro mukutarisira mitoro youpenyu. Kana tichikwanisa kuita misengwa yedu yezuva nezuva nomutoo unobudirira nenzira ine mufungo, tichiita kuti zvinhu zviitwe panguva uye nenzira yakarongeka, tine pfungwa yokuita zvinhu negutsikano. Iyoyo ndiyo nzira yazvinofanira kuva, uye muuyo unopira kumufarwa wedu.

Jehovha Mwari haana kutongoda kuti kutarisira kwedu mitoro kunofanira kuva mutoro unodzvinyirira. Panzvimbo pezvo, chave chiri chishuvo chake nguva dzose chokuti ‘tifare ndokuona zvakanaka zvebasa redu rose rakaoma.’ (Muparidzi 3:12, 13) Apo tinenge tichifara mubasa redu, kazhinji kazhinji tinobudirira. Tinogamuchira murairidzo nokudisa ndokufambidzana navamwe norugare. Pane rumwe rutivi, kana tisingafari, basa redu rinokombamira kuva rakaoma—chimwe chinhu chisingafadzi, chinofinha, kunyange kuraira zvikuru mundangariro. Ikoku kunotungamirira kumiitiro yebasa isingabudiriri nechimiro chakaipa chendangariro. Upenyu hunova parapatiko yezuva nezuva sezvatinoedza kugonana nezvinodikanwa zvose zvinoitwa patiri. Zvisinei, kana tichigona kuwana nzira yokuramba tichifara nayo mune zvatiri kuita, sezvingabvira zvikuru tichawana nzira inotusa neinogutsa youpenyu.

Iva Akadzikama

Kana tichizova vanofara kunyange zvazvo tine zvakawanda zvokuita, tinofanira kuva vakadzikama. Uye chii chiri dzikamo? Iko “kutsiga kwendangariro nemifungo.” Munhu akadzikama anotamburira kuva ane nhevedzano mumibato yake. Iye anoronga pachine nguva mberi, anodzivisa kusundira mberi, uye ane mwero mutsika. Iye anoratidzira kuzvidzora muzvokudya, zvokunwa, nhandaro, mabasa okuzvifadza, uye varaidzo. Chaizvoizvo, iye anoratidzira “kuzvidzora muzvinhu zvose”!—1 VaKorinte 9:24-27, NW; enzanisa naTito 2:2.

Munyengetero unoita rutivi runokosha mukuchengeta dzikamo yechiKristu. Mubatiri waJehovha anogona kunyengeterera mudzimu mutsvene waMwari uye nokuda kwebetsero yaBaba vake vokudenga mukusakurira chibereko chawo, kubatanidza kuzvidzora. (Ruka 11:13; VaGaratia 5:22, 23) Zvikurukuru muKristu anofanira kutarira kuna Mwari mumunyengetero paanokombwa nemiedzo inotyisidzira kuvhiringidza dzikamo yake. “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita,” akadaro wezvamapisarema Dhavhidhi. (Pisarema 37:5) Padzimwe nguva tingada kunyengetera sezvakaita Dhavhidhi paakateterera, kuti: “Kurumidzai muuye kwandiri, Mwari; imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; regai kunonoka, Jehovha.” (Pisarema 70:5) Usatongokanganwa kuti kupfurikidza nomunyengetero kunobvira kuchengeta dzikamo ndokufarikanya ‘rugare rwaMwari urwo runopfuura mufungo wose ndokutaviridza mwoyo yedu namasimba endangariro.’—VaFiripi 4:6, 7.

Nemhaka yokuti anotsamira pana Jehovha uye anofarikanya rugare rwaMwari, muKristu akadzikama akanaka mundangariro. (Tito 2:11, 12) Ikoku kunobva mukuva nenzwisiso yakanaka yenheyo dzeBhaibheri uye kupfurikidza nokudzishandisa muupenyu hwake. Munhu akadaro haasati achinyengera, uyewo haakurumidzi muchisarudzo. Kuva ane mufungo kunomudzivisa kuva anozvitutumadza kana kuti ane chisimbwa. Anochengeta murangariro une mwero wake amene namano ake, uye ikoku kunomugonesa kubatira pamwe navamwe. (Mika 6:8) Nenzira inofadza, mavara anobetsera munhu kuva akadzikama ariwo pakati pamavara anodikanwa kuavo vanogadzwa kubatira savatariri muungano yechiKristu.—1 Timotio 3:2, 3.

Tinogona kuwedzera zvikuru kumufarwa wedu kupfurikidza nokutamburira kuva vakadzikama zvikuru mumibato yedu yezuva nezuva. Kupfurikidza nokuratidzira mavara akabatanidzwa nedzikamo yakanaka, tinogona kuita kuti zvinhu zviri madikanwa zviitwe pasina dzvinyiriro yakakomba yokunyama kana kuti yemirangariro. Nzira yedu youpenyu icharatidzira kutsiga kukuru zvikuru, uye tichaita zvakawanda. Vamwe vachawana mufarwa wakawedzerwa musonganirano yedu, uye tichawana gutsikano huru zvikuru nomufaro. Asi ndedzipi dziri dzimwe nzira dzinoshanda dzokuchengeta nadzo dzikamo?

Nzira Dzinoshanda  Dzokuchengeta Nadzo Dzikamo

Kuti tichengete dzikamo, tinofanira kuedza kuva vanokurumidza navakarongeka mukutarisira zvinhu zvedu zvomunhu oga. Tinofanira kuronga pachine nguva mberi, tichitarisira zvinhu nomutoo une nhevedzano, wakarongeka. Avo vasina kurongeka kwakanaka uye vanokombamira kusundira zvinhu mberi vanoomesa upenyu hwavo nemwero yakawedzerwa yenyanduko nefunganyo. Budiriro muiyi nzvimbo youpenyu ichatibetsera kunzwa kuti tiri kudzora panzvimbo pokunzwa kuti tiri vanyajambwa vasingabetseri vemigariro.

Hatifaniri kuedza kuita chinhu chiri chose isu timene. Avo vasingadi kugamuchira betsero inobva kuna vamwe kazhinji kazhinji vanobhadhara mutengo mukuru mukuneta nokuvhiringidzika. Kune mabasa akasiana-siana angagona kutarisirwa navamwe. Naizvozvo, kuchenjera kushandisa mano aavo vanodisa kubetsera. Kunze kwokurerutsa mutoro wedu timene, ikoku kungava kunokurudzira kuna avo vanoshuva kuswedera pedyo nesu.

Kusachenjera kuzvienzanisa timene naavo vangakwanisa kuita zvakawanda. Kuedza kuva vakafanana naavo sezviri pachena vanoita zvizhinji kupfuura zvatinogona kunoodza mwoyo, kuchitiita kuti tinzwe tiri vaduku navasina kufanira. Kufunga kwakadaro kunoparadza, kuchideredza kutsunga kwedu nokuzvivimba. “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene,” akanyora kudaro Pauro, “ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.” (VaGaratia 6:4) Yeuka kuti mushandi anokosheswa zvikurusa ndeuyo anotevera miraidzo, akatsiga naakavimbika, uye anoita basa rakanaka. Kana takadaro, mabasa edu achaongwa uye achadiwa.—Zvirevo 22:29.

Tinofanira kutarisira zvakanaka ugwinyi hwedu. Ihwo chimwe chezvinhu zvedu zvinokosha zvikurusa, nokuti tisinahwo tingakwanisa kuita zvishomanene zvikuru. Nokudaro, tinofanira kuedza kuchengeta zvokudya zvakanaka kupfurikidza nokudya zvokudya zvinovaka muviri. Tinofanira kuwana zororo ratinoda, kuenda kundorara paawa ine mufungo usiku. Apo tinenge taneta zvakakomba kana kuti tichinzwa kurwara kuchiuya, hatifaniri kuramba tichizvisunda timene; tingabhadhara mutengo unorema.

Kunokosha kudzivisa kukudziridza mudzimu wokunyunyuta. Kana tikabvumira rusununguko kukufunga kwakaipa, tinogona kuwana chimwe chinhu chisina kururama nechinodokuva chinhu chiri chose kana kuti munhu upi noupi. Iyi inzira yechokwadi yokuzvibira timene navamwe mufaro. Panzvimbo pokuita guhwa kana kuti kunyunyuta pamusoro pechatinofunga kuti hachina kururama, tinofanira kuzivisa avo vane mutoro wokutarisira nhau yacho ndokusiira kwavari kuti varuramise zvinhu. (Enzanisa na 1 VaKorinte 1:10-12.) Takachenjera kuchengeta chitarisiko chakanaka, nguva dzose tichitsvaka nokukarira kuwana zvakanaka muna vamwe nomuzvinoitika zvinovaka upenyu hwedu.—Enzanisa naJudhasi 3, 4, 16.

Mukuronga mibato yedu, tinofanira kuyeuka kuti nhano yokunyanduka ingaita mukurumbira, asi haigoni kuwanzochengetwa kwenguva refu. Kunyanyozvishandisa kunopfuurira hakutungamiriri bedzi kukuneta asi kunogonawo kuunza kuora mwoyo uko kunogona kuderedza kutsunga kwedu kupfuurira. Nokudaro, ngatitangei nhano yatinogona kuchengeta kusvikira kunguva isingazivikanwi. Somuenzaniso, kwakanaka kutanga rudungwe runoshanda nokuda kwokutora rutivi nguva dzose mubasa rokuparidzira paimba neimba namamwe mativi oushumiri hwechiKristu. Tinofanira kubvumira nguva yenhandaro nevaraidzo inovaka. Uye tichakuwana kuchibetsera kutaura navanhu vakura avo vane makumi amakore oruzivo rwokuzviwanira, nokuti vangave vakadzidza nzira yokuita nayo kuti zvinhu zviri madikanwa zviitwe pasina kuzvinetesa vamene mumuviri kana kuti mundangariro.

Shandisa Chisarudzo Chakanaka

Kwakafanira kunzwa musengwa nechishuvo chokuita mitoro yedu yose yakagoverwa, kubatanidza iyo iri mukati meungano yavanhu vaJehovha. Mwari anofadzwa navashandi vanoshingaira, vakavimbika. (Enzanisa naMateo 25:21; Tito 2:11-14.) Asi Magwaro anokurudzira, kuti: “Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.” (Zvirevo 3:21) Kushandiswa kwouchenjeri hweBhaibheri kuchatibetsera, uye tinofanira kushandisa uchenjeri nechisarudzo chakanaka, tichiita gadziriro dzokungwarira ndokurambira nguva dzose mukati memiganhu yesimba redu.

Pangiro yokuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe inofanira kudzikamiswa nengwariro inorumbidzwa pana Muparidzi 9:4. Ipapo tinorava, kuti: “Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.” Hungu, imbwa mhenyu, kunyange zvazvo ichishorwa navamwe, iri nani zvikuru kupfuura shumba yakafa, mhuka iyo vazhinji vanorangarira kuva huru. Kana tikashandisa dzikamo ndokungwarira zvakafanira ugwinyi hwedu, tichararama uye tinogona kupfuurira kuita zvinhu. Vakafa havana imwezve goverano mumubato upi noupi. Chisarudzo chakanaka chinogona kutibetsera kuwana dzikamo ine mufungo iyo inotibvumidza kuita kuti zvinhu zviri madikanwa zviitwe tisingarasikirwi nomufaro wedu.

Naizvozvo, ipapoka, kuva nezvakawanda zvokuita hakurevi kuti hatigoni kuva vanofara. Vanhu vakabatikana zvikurusa vanogona kuva pakati pavanofara zvikurusa kana vane mufungo, vachichengeta chitarisiko chakaisvonaka, uye vachishandisa chisarudzo chakanaka kuti varambe vakasanodzikama. Tinogona kuwana mufarwa mukuru zvikurusa unobvira kana tikaratidzira uchenjeri, tikaita mabasa akanaka, uye tikaisa tariro yedu pana Jehovha Mwari.—1 Timotio 6:17-19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe