RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/96 p. 3
  • Wakanyanyobatikana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakanyanyobatikana Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Ngatibviseiwo Chinorema Chiri Chose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Nzira Yokutenga Nayo Nguva Yakafanira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Zvakawanda Zvokuita Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Unogona Kufara Nezvakawanda Zvokuita Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 5/96 p. 3

Wakanyanyobatikana Here?

1 Pauro akarayira kuti isu ‘nguva dzose tive nezvizhinji zvokuita mubasa raShe.’ (1 VaK. 15:58) Tinokurudzirwa kuchengeta muitiro wezuva nezuva wefundo yomunhu oga, kugoverana nguva dzose muushumiri, kupinda misangano nenzira yokutendeka, uye kutarisira migove yeungano nenzira yokushingaira. Kuwedzera kuna ikoko, tinofanira kubatsira vamwe avo vanoda betsero yedu. Nezvakawanda kwazvo zvokuita, padzimwe nguva tinganzwa takurirwa, tichifunga kuti tinofanira kutsvaka nzira dzokuderedza nadzo mutwaro wedu webasa.

2 Kune mamirire ezvinhu angaita kuti kuve zvose zviri zviviri kwokuchenjera nokune mufungo kubvisa mibato yakati kana kuti kuderedza uwandu hwayo. Vamwe vanhu vanorangarira kuti vanokarirwa kuita chinhu chiri chose chinokumbirwa kwavari navamwe. Kushayikwa kwedzikamo muna ikoku kunogona kuparira dzvinyiriro nenhamo izvo zvinogona kuva zvinoparadza pakupedzisira.

3 Iva Akadzikama: Chinokosha kukudzikama chiri mukushandisa zano raPauro roku“va nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaF. 1:10, NW) Ikoko kunongoreva kuti tinonangidzira ngwariro pazvinhu zvinokosha chaizvoizvo uye, kana nguva nemamirire ezvinhu zvichibvumidza, kutarisira zvimwe zvinhu zvoukoshi hushomanene zvikuru. Misengwa yemhuri zvirokwazvo iri pamusoro pakati pezvinhu izvozvo zvinokosha. Mitoro yakati yekunyika inofanira kutarisirwa. Zvisinei, Jesu akadzidzisa kuti zvinhu zvedu zvokutanga zvinofanira kuvakirwa panheyo yokuti titsvake Umambo pakutanga. Tinofanira kutanga kuita zvinhu zvinotibvumira kuita tsauriro yedu kuna Jehovha.—Mat. 5:3; 6:33.

4 Tichirangarira ikoku, tichava nechokwadi chokuti tinobvisa parudungwe rwedu rwokubatikana zvirondwa zvipi nezvipi zvisiri madikanwa zvomunhu oga, nhandaro dzokunyanyisa, uye misengwa isingakoshi kune vamwe. Mukuronga mubato wedu wevhiki imwe neimwe, tichatsaura nguva yefundo yemunhu oga yakakwana, goverano ine mufungo mubasa, kupinda misangano, uye zvimwe zvinhu zvipi nezvipi zvakasanobatana nokunamata kwedu. Nguva yasara ingakamurwa pakati pezvimwe zvirondwa, kuchitsamira pakuti zvinobetsera sei kukuwana kwedu nharidzano yedu huru yokuva vaKristu vakadzikama vanochengeta Umambo pakutanga.

5 Kunyange zvakadaro, tingave tichiri kungonzwa kuti mutwaro wedu uri kurema. Kana zvakadaro, tinoda kudavidza kukokero yaJesu, inoti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.” (Mat. 11:28) Uyewo, tarira kuna Jehovha, “unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe” uye anopa akaneta simba. Anovimbisa kuti haasati achizotongobvumira wakarurama kuti azununguke. (Pis. 55:22; 68:19; Isa. 40:29) Tinogona kuva nechivimbo chokuti minyengetero yedu ichapindurwa, kuchiita kuti zvitibvirire kupfuurira muupenyu hwokushingaira hwomubato woubati ushe hwaMwari.

6 Apo tinenge tine chokwadi chokuchengetwa takabatikana mukuronda fariro dzoUmambo dzinokosha, tinogona kufara mukuziva kuti basa redu harisati riri risina maturo munaShe.—1 VaK. 15:58.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe