RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 7/1 pp. 28-30
  • Kubatikana Zvikuru Namashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatikana Zvikuru Namashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Nokuda Kwedu Nhasi
  • Iwe Uri Kuita Rutivi Rwako Here?
  • Tuso Dzoushumiri Hwakadzikama
  • Zviite Umene Anowanika!
  • “Batikana Zvikuru” Noushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • “Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Hushumiri Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 7/1 pp. 28-30

Kubatikana Zvikuru Namashoko Akanaka

MUAPOSTORA Pauro akanga ari mumugariro wakaoma usiri usingazivikanwi kuZvapupu zvaJehovha izvo zviri vashumiri venguva yakazara—akanga asina mari. Naizvozvo muKorinte iye akatanga kuita basa rakaderera rokuita matende iro akanga adzidza sepwere. Basa racho rakanga rakaoma, uye padzimwe nguva maoko ake angave akabuda ropa nokubata machira etende akaoma. Mari yaaiwana yaingogovera bedzi zvokudya zvake nezvokupfeka, asi iye aigutswa, nokuti apo basa rake rokunyika raipera zuva rimwe nerimwe, aiisa pasi maturusi ebasa rake ndokuita zvaakauyira kuKorinte pakutanga—iye aiparidzira mashoko akanaka!—VaFiripi 4:11, 12.

Sabata rikasvika, Pauro ainanga kusinagoge. Chokwadi, Pauro pakutanga akasvika vateereri vake veKorinte “noutera, nokutya, nokudedera kukuru.” (1 VaKorinte 2:1, 3) Asi akurudzirwa nokuita kwavamwe kushoko rake, Pauro akapfuurira ku“kurukura hurukuro musinagoge sabata riri rose uye ainyengetedza vaJudha navaGiriki.”—Mabasa 18:1-4, NW.

Kwenguva yakati, kunyanguvezvo, Pauro aigona kuita zvishomanene zvinopfuura kuparidzira nguva isina kuzara. Ipapo Sirasi naTimotio vakauya vachibva Makedhonia nomupiro mukuru uyo ‘wakagovera zvikuru kuperevedza kwake.’ (2 VaKorinte 11:9; VaFiripi 4:15) Aifadzawo, akanga ari mashoko okuti hama dzomuTesaronika dzakanga dzakamira zvakasimba pasinei zvapo nechitambudzo.—1 VaTesaronika 3:6.

Chii chakava muuyo pana Pauro? “Pauro akavamba kubatikana zvikuru neshoko [“akapa nguva yake yose kukuparidzira,” The Jerusalem Bible; Today’s English Version], achipupurira kuvaJudha kubvumikisa kuti Jesu ndiye Kristu.” (Mabasa 18:5, NW) Asunungurwa padzvinyiriro dzemari kwenguva yakati, Pauro aisagona kuzorora kutozosvikira adzokera kukuparidzira nguva yakazara. Iye akadzokera kuiri basa nembavarira, kwete bedzi kuparidzira kuvaJudha asi kunyange kuwana nguva yokunyora yokutanga yetsamba dzake dzakafuridzirwa—tsamba kuvaTesaronika!

Muenzaniso Nokuda Kwedu Nhasi

Chinyorwa chebasa guru raPauro muKorinte chakachengetwa kuti chikurudzire maKristu ose kuva akabatikana zvikuru namashoko akanaka. Pauro akaziva kuti Ishe Jesu amene akanga apfuudzira kuvadzidzi vake rukudzo rukuru rwokuva “chiedza chenyika.” Ivo vaisafanira kuvanza chiedza ichochi. Jesu akavaudza, kuti: “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:14-16) Ikoku kwakareva kuva negoverano yakazara mubasa rokuparidzira rakadeya kutaurwa naJesu. (Mateo 24:14; 28:19, 20; Mabasa 1:6-8) Kuparidzirwa kwaaya mashoko akanaka oUmambo kwakanga kuri chikonzero chikuru chokuvapo kweungano yechiKristu.

MaKristu apakuvamba, kufanana naPauro, airangarira iri basa rokuparidzira zvakakomba. Nokudaro, apo vavengi vaMwari vakafunga kuti vakanga vadzima chiedza chechokwadi kupfurikidza nokuuraya noutsinye “Mumiriri Mukuru woupenyu,” vateveri vake vakapfuurira sechiedza chenyika, vachiparidzira nesimba. (Mabasa 3:15, NW) Kunyange chitambudzo hachina kumisa nhamburiko dzavo. Chinyorwa cheBhaibheri chinoti: “Zuva riri rose mutembere napaimba neimba vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu, Jesu.” (Mabasa 5:42, NW) Hapana chinhu chaigona kuvadzivisa!

Munguva dzazvino uno, maKristu nenzira yakafanana ave akabatikana zvikuru nomubato wokupupurira. Nechokumugumo kwezana ramakore rechi 19, vadzidzi vanongwarira veShoko raMwari vakavamba kuona dikanwo yokugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navamwe. Zion’s Watch Tower Tract Society—sangano iro razova ramarudzi ose muukuru—yakaumbwa kuva sangano rapamutemo muna 1884. Ava Vadzidzi veBhaibheri, vanozivikanwa chifo cha 1931 seZvapupu zvaJehovha, vakazadza chaizvoizvo pasi nezivo yeShoko raMwari. Mubato wavo mukuru wakaguma nehondo huru inopfuura mamirioni mana! Uye pasina panikiro chiverengero chavo chichapfuurira kukura munhungamiro yaJehovha.—Isaya 60:22.

Iwe Uri Kuita Rutivi Rwako Here?

Jesu akati: “Kucheka kukuru, asi vashandi vashomanene.” (Mateo 9:37, 38, NW) Muna 1990 vanhu vanoda kusvika mamirioni gumi vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Ibviro inoshamisa zvakadini iripo yokucheka kwakawedzerwa munyika yose! Asi nepo tichifarira uku kukura kunopfuurira, mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza amene kuti, ‘Ini ndiri kuva negoverano muiri basa guru kusvikira patambanukoi? Ndiri kuita saizvozvo nguva dzose here—vhiki riri rose kana kuchibvira?’

Vakuru vanofanira kutungamirira muiri basa se“mienzaniso kuboka.” (1 Petro 5:3, NW) Chokwadi, vakuru vazhinjisa vane mabasa okunyika. Ndizvo zvakanga zvakaitawo muapostora Pauro ari muKorinte. Bva, aitsaura nguva yomubato wokuparidzira wenguva dzose. Vakuru vazhinji nhasi vakabatikana zvikuru zvakafanana nemibato yomudzimu pakupera kwamavhiki. Ikoku kunogona kuva nomuuyo une simba nounokurudzira pavose vari muungano. Mumimwe mwedzi apo nhamburiko chaiyo inoshandiswa, chiverengero chakati cheungano chinova navoruzhinji vavaparidzi vadzo mubasa roupiona. Chakavanzika chacho chii? Vakuru vanotungamirira mose muri muviri mukuparidzira nomukuronga gadziriro dzebasa romumunda.

Vabatiri vanoshumira vanogona nenzira yakafanana kuva pesvedzero yakanaka paungano kana vachitora rutivi nguva dzose mubasa romumunda. Yeuka, Magwaro anoda kuti ivo vave “vanokudzwa, . . . vakashumira zvakanaka.” (1 Timotio 3:8, 13) Kutendeka mubasa romumunda kunokosha kuti hama ikwanirise somukuru kana kuti mubatiri anoshumira.—Tito 1:8, 9.

Kufanana naPauro, vamwe vanokwanisa kuita zvishomanene kubasa rokunyika nokudaro ndokupayona. Chiverengero chamapiona enguva dzose, ebetsero, uye chaiwo chakawedzera kuvambira pa 137 861 makore gumi chete apfuura kusvikira ku 536 508 muna 1990. Zvirokwazvo, chikomborero bedzi netendero zvaJehovha zvaigona kuva zvakaparira ikoku. Mapiona, kunyanguvezvo, anofanira kungwarira kushandisa nguva nokuchenjera, kwete kungoverenga chete nguva. Mapiona, makasanogadzirira here uye munobudirira here muushumiri? Munovavarira here kuita vandudziko inopfuura kuti ushumiri hwenyu hugova hunobudirira zvirokwazvo?

Tuso Dzoushumiri Hwakadzikama

Iwe unoonga here mashoko anotsigira upenyu anopiwa mwedzi mumwe nomumwe muNharireyomurindi neshamwari yayo, Mukai! muchiNgezi? Pasina panikiro unodaro. Ko kuonga kwako kwati kwakusunda here kuva negoverano mukuparadzira aya magazini? Imwe hanzvadzi muBotswana yakaita saizvozvo. Iye aisishora zvokwadi, asi murume wake aimuravira magazini. Pashure penguva yakati iye akachinja mwoyo ndokuva Chapupu. Kunyange zvazvo asingagoni kurava, anobudirira zvikuru mukugovera magazini, achiti, “Handizivi kurava, asi murume wangu anondiravira aya magazini. Ndinoafarikanya, uye ndine chokwadi chokuti muchadarowo.”

Wadiiko kuva negoverano yevhiki nevhiki muiri basa rinoponesa upenyu? Nokukurumidza apo unova nezvikwaniriso zvomudzimu, ungano yechiKristu ingafara kukubetsera kutanga. Kugovera magazini, zvisinei, runongova rutivi rumwe chete rwebasa. Munhu upi noupi akabatikana zvikuru namashoko akanaka anoedza kuva noushumiri hwakadzikama. Somuenzaniso, Watch Tower Society inobudisa mabhuku makuru mumamirioni, uye iwaya anogoverwa kuvanhu samanyuko echigarire zvikuru ezvokudya zvomudzimu zvakanaka. Wati wava nyanzvi zvakakwana here muushumiri hwako zvokugovera mabhuku, akadai saIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano?

Uye zvakadiniko nezvavanhu vanoratidza fariro? Unochengeta zvinyorwa zvakanaka here kuti uite shanyo dzedzokerero pavari? Shanyo dzakadaro dzingagona kutungamirira kurutivi rwebasa runounza mufaro mukurusa wavose—basa refundo dzeBhaibheri dzapamusha. Yeuka, Jesu akatiraira pana Mateo 28:19, 20 kuti ‘itai vadzidzi, muchivabhapatidza.’ Ikoko kunoreva kufunda Bhaibheri navo. Chokwadi, kutanga fundo kazhinji kazhinji kunoda tsungiriro. Chimwe Chapupu chakasangana navaroorani vakwegura avo vakabvuma nomwoyo wose fundo yeBhaibheri yapamusha. Asi ivo vakasundira mberi fundo yacho mavhiki matatu anotevedzana. Pakupedzisira fundo yakatangwa. Ipapo, kwenguva yakati, varoorani vacho vakarega fundo rinodokuva rimwe vhiki ripi neripi. Pakupedzisira, kunyanguvezvo, mudzimai akafambira mberi kusvikira papfundo rorubhapatidzo. “Pashure pokubhapatidzwa,” hama inoyeuka kudaro, “meso ake akazadzwa nemisodzi yomufarwa, uko kwakaunza misodzi yomufarwa kutose tiri vaviri mudzimai wangu neni.” Hungu, kubatikana zvikuru namashoko akanaka kunounza mufaro usingarondedzereki!

Zviite Umene Anowanika!

Jesu Kristu nomuapostora Pauro vakagadza mienzaniso yakaisvonaka yokuzvibaira yokuti titevedzere. Uye tine mienzaniso yakawanda yakaisvonaka pakati peZvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno. Nguva yakwana yokuti vose vanoziva mashoko akanaka vashingaire zvizere mukuaita kuti azivikanwe kuvamwe. Bhaibheri rinotipikira kuti basa rose rakadaro “harisati riri risina maturo.”—1 VaKorinte 15:58, NW.

Kufanana naPauro, vazhinjisa vane misengwa yezvemari yokusvitsa. Nemhaka yaikoku, vazhinji vangasakwanisa kupayona. Asi nebetsero yaJehovha, vose vanogona kutevera zano rakanaka rinopiwa pana VaRoma 12:11, rinoti: “Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai [nomudzimu. Batirai Jehovha, NW].” Uye kana migariro ikachinja kuti ibvumire nguva yakawanda kupedzerwa mubasa raJehovha, munhu upi noupi anoda Jehovha zvirokwazvo, kufanana naPauro, achabata banza racho. Batikana zvikuru namashoko akanaka! Kuita saizvozvo hakusati kuchizongounza bedzi zvikomborero zvino asi munguva yemberi kuchaguma noupenyu husingaperi nomufaro usingagumi nomufarwa!—Mateo 19:28, 29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe