‘Jehovha ndiMwari Wangu, Wandichavimba Naye’
YAKATAURWA NAWILLI DIEHL
“Neiko uchida kuenda kuBheteri?” Uyu wakanga uri mubvunzo wababa vangu muchirimo cha 1931 apo ndakavaudza nezvechishuvo changu chokutanga basa reBheteri. Vabereki vangu, avo vaigara muSaarland, vakanga vave vari muzvokwadi kwamakore gumi kana kuti kupfuura, uye ivo vakanga vatigadzira vakomana vatatu muenzaniso wakanaka. Zvokwadi yakanga iri upenyu hwavo hwose, uye ndaida kuiita upenyu hwangu hwosewo.
ASI vabereki vangu vakanga vadzidza sei nezvaJehovha nokuda kwake kunoyera? Vasingagutswi norudzidziso rwakarongwa, ivo vakanga vanguve vatsvaka zvokwadi. Ivo vakaedza mhatsa yamachechi namasekete, vachiwana imwe neimwe, pashure peimwe, kuva isiri yakarurama.
Rimwe zuva hendibhiri rakasiiwa pasuo redu rinozivisa hurukuro ine mifananidzo nefirimu pamusoro pedonzo raMwari inonzi “Photo-Drama of Creation.” Baba vaifanira kushanda apo “Photo-Drama” yaifanira kuratidzwa, asi vakakurudzira Amai kuenda. “Zvichida,” ivo vakadaro “kungava nechimwe chinhu chinobetsera.” Pashure pokuiona madekwana iwayo, Amai vaiva nembavarira. “Ndazoiwana pakupedzisira!” ivo vakadaro. “Uyai muzvionere mumene mangwana madekwana. Ndiyo zvokwadi yatave tichitsvaka.” Imomo makanga muri muna 1921.
SamaKristu akazodzwa nomudzimu, vabereki vangu vakaramba vakatendeka kutozosvikira vafa, Baba muna 1944, pashure pokupinzwa mutorongo navaNazi kanoverengeka, uye Amai muna 1970. Ivowo vakapedza nguva refu vari mutorongo muhurumende yeNazi.
Shingairo Yomuenzaniso Yavabereki Vangu
Vasati vafa, vabereki vangu vaishingaira zvikuru mubasa romumunda. Amai vaishingaira zvikuru mukuparadzira zvisarudzo zvekokorodzano zvakabudiswa kuvambira muna 1922 kusvikira kuna 1928. Ecclesiastics Indicted, raibatanidza chisarudzo chakagamuchirwa muna 1924 raiva nokutsoropodzwa kwakakomba kwavafundisi. Kuriparadzira kwaida ushingi. Vaparidzi vaimuka na 4 kiroko mumangwanani, vachisaidzira maturakiti pasi pamasuo. Kunyange zvazvo ndaingova namakore 12 bedzi, vabereki vangu vaindibvumira kutora rutivi. Taiwanzotanga pa 5 kiroko mumangwanani, tichitasva mabhasikoro maawa matatu kusvikira kumana kuti tisvike ndima iri kure. Taivanza mabhasikoro mumasango, uye ini ndaiachengeta apo vamwe vaishanda musha. Mumasikati taichovha tichienda kumba, uye mumadekwana taifamba awa imwe tichienda kumusangano.
Gare gare, mumwe munhu muduku zvikuru aisiiwa kuti achengete mabhasikoro, uye ini ndaienda pamwe chete navaparidzi. Asi hakuna munhu akafunga nezvokundirovedza. Ivo vaingondiudza mugwagwa wokushanda! Nomwoyo unorova ndakakwira kuimba yokutanga, ndichikarira kuti hakuna munhu aizova ari pamusha. Sezvineiwo, mumwe murume akazarura suo. Handina kutaura. Ndichitsvangadzira, ndakanongedzera kubhuku raiva mubhegi rangu. “Rakabva kuna Judge Rutherford here?” akabvunza kudaro. Ndakapindura ndichindandamira. “Idzva here, randisina?” “Hungu, idzva,” ndakasimbisa. “Ipapo ndinofanira kuva naro. Rinoita marii?” Ikoku kwakandipa ushingi hwokupfuurira.
Muna 1924 vakura vakataura zvakawanda pamusoro pa 1925. Takamboshanyira imwe mhuri yaVadzidzi veBhaibheri, uye ndakanzwa imwe hama ichibvunza, kuti: “Kana Ishe akatitora, chii chichaitika kuvana vedu?” Amai, vakananga senguva dzose, vakapindura, kuti: “Ishe achaziva nzira yokuvatarisira nayo.” Nhau yacho yakandifadza. Yakarevei? Gore ra 1925 rakauya ndokuenda, uye hapana chinhu chakaitika. Zvisinei, vabereki vangu havana kurega mushingairo yavo.
Zano Rokuchenjera raBaba
Pakupedzisira, muna 1931, ndakaudza baba vangu zvandaida kuita noupenyu hwangu. “Neiko uchida kuenda kuBheteri?” baba vangu vakabvunza mumhinduro. “Nemhaka yokuti ndinoda kubatira Jehovha,” ndakapindura kudaro. “Ngatitii unogamuchirwa nokuda kweBheteri,” vakapfuurira. “Unoziva here kuti hama ikoko hadzisati dziri ngirozi? Ivo havana kukwana uye vanoita zvikanganiso. Ndinotya kuti ikoku kungakuparira kutiza uye kunyange kurega kutenda. Iva nechokwadi chokufunga nokungwarira pamusoro pako.”
Ndakakatyamadzwa nokunzwa chinhu chakadaro, asi pashure pokuyera zvinhu kwamazuva akati, ndakadzokorora chishuvo changu chokukumbira nokuda kweBheteri. “Ndiudze zvakare chikonzero nei uchida kuenda,” vakadaro. “Nemhaka yokuti ndinoda kubatira Jehovha,” ndakadzokorora. “Mwanangu, usatongokanganwa izvozvo. Kana ukakokwa, yeuka chikonzero nei uri kuenda. Kana ukaona chimwe chinhu chisina kururama, usanyanyoitira hanya. Kunyange kana ukabatwa zvisina kururama, usatiza. Usatongokanganwa chikonzero nei uri paBheteri—nemhaka yokuti unoda kubatira Jehovha! Ingoita basa rako chete uye vimba naye.”
Naizvozvo kwakadaro kuti pakuvamba pamasikati aNovember 17, 1931, ndakasvika paBheteri muBern, Switzerland. Ndakagoverana kamuri navamwe vatatu ndokushanda munotsikirirwa zvinhu, ndichidzidza kushandisa muchina muduku wokutsikirira nawo unoiswa mapepa namaoko. Chimwe chezvinhu zvokutanga ndakagoverwa kutsikirira yakanga iri Nharireyomurindi muchiRomania.
Shoko Rinobva Kudenga!
Muna 1933 Sosaiti yakabudisa The Crisis, kabhukwana kaiva nehurukuro nhatu dzenhepfenyuro idzo Hama Rutherford vakanga vakurukura muUnited States. Hama Harbeck, mubatiri webazu, akazivisa mhuri yeBheteri pachisvusvuro mamwe mangwanani kuti kabhukwana kacho kaizoparadzirwa nenzira chaiyo. Tumapepa twokuzivisa twaizodonhedzwa tuchibva mundege duku yakarendwa inobhururuka pamusoro peBern, apo vaparidzi vaizomira mumigwagwa vachigovera kabhukwana kuvanhu. “Ndiani wenyu imi hama duku akagadzirira kukwira mundege?” akabvunza kudaro. “Nyoresai mazita enyu nokukurumidza.” Ndakadaro, uye Hama Harbeck gare gare akazivisa kuti ndakanga ndasarudzwa.
Pazuva guru, takaenda nemotokari namakatoni otupepa kuchiteshi chendege. Ndakagara kugotsi kwomuchairi wendege ndokututira tumapepa pachigaro parutivi pangu. Miraidzo yangu chaiyo yaiva iyi: Peta mahendibhiri mumazana, uye kandira mukunguru mumwe nomumwe napawindo kurutivi rumwe nesimba guru serinobvira. Kusangwarira kwaigona kuparira mahendibhiri kubatwa mumuswe wendege, kuchiparira zvinetso. Asi zvose zvakafamba zvakanaka. Hama gare gare dzakataura kuti wakanga uri mufaro wakadini kuona iri ‘shoko rakabva kudenga.’ Raiva nomuuyo unoshuviwa, uye mabhukwana akawanda akagoverwa, kunyange kana vamwe vanhu vakaridza runhare kunyunyuta kuti mibhedha yavo yamaruva yakafukidzwa notumapepa.
Ndinoonga Nokuda Kweropafadzo Iri Yose Yebasa
Zuva nezuva ndaionga Jehovha nokuda kwomufaro negutsikano zvebasa reBheteri. Muungano, ndakagoverwa kuzarura Horo yoUmambo, kuronga zvigaro munzira ine nhevedzano, uye kuisa girazi remvura yakanaka panotaurira mukurukuri. Ndairangarira ikoku kuva rukudzo rukuru.
PaBheteri, pakupedzisira ndakashanda pamuchina mukuru wokutsikirira weflatbed waishandiswa kutsikirira The Golden Age (zvino Mukai!) muchiPoland. Muna 1934 takavamba kushandisa magiramufomu, uye ndakabatsira mukuagadzira. Ndakawana mufaro mukuru mukuenda paimba neimba nehurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa. Vanasaimba vazhinji vaida kuziva pamusoro pouyu muchina muduku, uye kazhinji kazhinji mhuri yose yaiungana pamwe chete kuzoteerera, vachizongonyangarika bedzi mumwe nomumwe. Apo mhuri yose yainge yaenda, ndaingofambira zvangu mberi.
Kuramba Ndichishingaira Mukati Menguva Yehondo
Pashure peHondo yeNyika I, Saarland yangu yandakaberekerwa yakaparadzaniswa neGermany ndokudzorwa muutarisiri hweChinzwano chaMarudzi. Nokudaro, Saarland yakabudisa magwaro ayo imene okuzivikanwa nawo. Muna 1935 kuvhota kwakaitwa kusarudza kana vagari vayo vaishuva kubatanidzwazve neGermany. Ndakashandisa banza racho kushanyira mhuri yangu, ndichiziva kuti ndaizova asingakwanisi kuita saizvozvo kana Saarland ikapinda muudzori hweNazi. Uye zvamazvirokwazvo, kwamakore akawanda pashure paikoko, handina kunzwa chinhu kuvabereki vangu kana kuti vanamukoma vangu.
Kunyange zvazvo yakadzivisirwa batanidzwo yakananga muHondo yeNyika II, Switzerland yakava yakaparadzaniswa chose chose sezvo Germany yakatapa nyika dziri pedyo imwe neimwe. Takanga tave tichitsikirira mabhuku eEurope yose kunze kweGermany, asi zvino hakuna odha dzaigona kuzadzwa. Hama Zürcher, panguva iyeyo mubatiri webazu, akatiudza kuti takanga tichidokuva tisina mari yasara, uye iye akatikumbira kuwana basa kunze kweBheteri kutozosvikira zvinhu zvava zvenguva dzose. Ndakabvumirwa kugara, zvisinei, sezvo kwakanga kune zvinhu zvishomanene zvokutsikirira nokuda kwavaparidzi vomunzvimbomo vane chiuru chimwe kana kuti kupfuura.
Mhuri yeBheteri haisati ichizotongokanganwa July 5, 1940. Pashure chaipo pezvokudya zvamasikati rori yavarwi yakasvika. Varwi vakasvetukira panze ndokupinda muBheteri. Takarairwa kumira tisingadenheki, uye mumwe nomumwe wedu somunhu mumwe nomumwe akachengetwa nomurwi akashongedzerwa nezvombo. Takatinhirwa muhoro yokudyira apo rutivi rwasara rwechivako rwakaongororwa. Zviremera zvaitifungidzira kuudza vamwe kuramba basa rehondo, asi zvakakundikana kuwana ufakazi hupi nohupi.
Mukati mamakore ehondo, ndakanga ndiri mubatiri weungano mose muri muviri muThun neFrutigen. Ikoko kwakareva kuti rudungwe rwangu rwokupera kwevhiki rwakanga rwakazara zvikuru. Chitanhatu chimwe nechimwe, nokukurumidza pashure pezvokudya zvamasikati, ndaitasva bhasikoro rangu makiromita 50 kuenda kuFrutigen, uko ndaiitisa Fundo yeNharireyomurindi mumadekwana. Svondo mangwanani ndaiperekedza vaparidzi mubasa romumunda. Ipapo, pakuvamba mumasikati, ndaienda kuInterlaken kundoitisa Fundo yeBhuku yeUngano uye gare gare mumasikati kundoitisa fundo yeBhaibheri imwe mhuri muSpiez. Kupedzisa zuva racho, ndaiitisa Fundo yeNharireyomurindi muThun.
Usiku chaihwo, mubato wangu wose wapedzwa, ndaiimba ndokuridza muridzo ndichidzokera kuBern, ndagutswa zvikuru kwazvo. Motokari dzakanga dziri shomanene ndokusasongana nedzakawanda. Nyika ine makomo, isina magetsi aionekwa munzira nemhaka yomuitiro wokudzima magetsi, yakanga yakanyarara uye isina kuvhiringidzwa, ichipenya panhambo nenhambo muchiedza chomwedzi. Haiwa kupera kwamavhiki ikoko kwaipfumisa sei upenyu hwangu ndokumutsiridza simba rangu!
Shanyo Ine Miuyo Yaisakarirwa
Mumunakamwe wa 1945, Hama Knorr vakatishanyira. Rimwe zuva vakapinda mufekitari sezvo ndakanga ndakamira pamuchina werotary. “Dzika kuno!” vakadanidzira kudaro. “Ungada sei kupinda Gilead School?” Ndakakatyamadzwa. “Kana muchifunga kuti ndinokwanisa, ndinofanira kufara kupinda,” ndakapindura kudaro. Kokero dzaHama Fred Borys, Hanzvadzi Alice Berner, uye ini dzakasvika muchirimo cha 1946. Asi nemhaka yokuva ndakaberekerwa muSaarland, ndakanga ndisina nyika uye naizvozvo ndaifanira kukumbira kuWashington, D.C., U.S.A., nokuda kwevhiza chaiyo.
Nepo vamwe vakaenda panguva, ndaifanira kumirira mhinduro kukumbiriso yangu. Apo chikoro chakavamba pana September 4, ndakanga ndichiri muSwitzerland, ndichirasikirwa netariro zvishoma nezvishoma. Ipapo U.S. Consulate yakadana, ichindizivisa kuti vhiza yangu yakanga yasvika. Ndakaedza nokukurumidza kuita gadziriro dzokufamba uye pakupedzisira ndakawana nzvimbo mungarava yamauto yaibva kuMarseilles ichienda kuNew York. Ndichinoitika chakadini! Athos II yakanga yakatsvikinyidziranwa. Ndakagoverwa chigaro mukamuri yakazaruka. Pazuva rechipiri tiri mugungwa, kuputika mukamuri reinjini kwakamisa ngarava. Vakwiri navashandi nenzira yakafanana vakanga vasina kuterama, vachitya kuti tinganyura. Ikoku kwakandipa banza rinoshamisa rokupupurira pamusoro petariro yorumuko.
Kwakatora mazuva maviri kugadzira ngarava, pashure pacho takapfuurira pasipidhi yakaderedzwa. Takasvika kuNew York mazuva 18 gare gare, kuzongomanikidzirwa bedzi kuramba ndiri mungarava nokuramba kuenda kubasa kwavashandi vapachitechi chengarava. Pashure pekurukurirano, pakupedzisira takakwanisa kubva mungarava. Ndakanga ndatumira teregiramu kuSosaiti pamusoro pomugariro wacho, uye sezvo ndakabva panobhadharirwa zvinhu zvinopinda munyika navanotarisira mapepa okupinda munyika, mumwe murume akabvunza, kuti: “Ndimi VaDiehl here?” Iye akanga ari mumwe wavabetseri vaHama Knorr, uye akandikwidza muchitima chousiku chokuIthaca, pedyo neGilead School, uko ndakasvika nokukurumidza pashure pa 8 kiroko mangwanani akatevera acho. Ndakafadzwa sei nokuvako pakupedzisira, ndichikwanisa kupinda kirasi yamarudzi ose yokutanga yeGilead!
Kutsungirira Pasinei Zvapo Nezvitambudzo
Rusando rwokupedza kufunda kwekirasi yechisere yeGilead rwaiva pana February 9, 1947, uye manyemwe akakwira. Ndokupi kwataizotumirwa? Nokuda kwangu, “rwonzi rwokuyera” rwakawira paimba yokutsikirira yakanga ichangobva kuzarurwa yeSosaiti paWiesbaden, Germany. (Pisarema 16:6) Ndakadzokera kuBern kuzokumbira mapepa ari madikanwa, asi mauto akatapa eU.S. muGermany akanga achibvumidza kupinda vanhu bedzi vakanga vagaramo pamberi pehondo. Sezvo ndakanga ndisina, ndaida mugove mutsva unobva kudzimbahwe reBrooklyn. Wakava basa redunhu muSwitzerland, uyo ndakagamuchira nechivimbo chakazara muna Jehovha. Asi ndichimirira uyu mugove, ndakakumbirwa rimwe zuva kuratidza nzvimbo yeBheteri kuhanzvadzi nhatu dzinoshanya. Imwe yadzo akanga ari piona ainzi Marthe Mehl.
Muna May 1949, ndakazivisa dzimbabwe muBern kuti ndakaronga kuroora Marthe uye kuti taishuva kurambira mubasa renguva yakazara. Chii chakava kuita kwacho? Kwakanga kusina maropafadzo kunze kwokuita upiona hwenguva dzose. Takatanga ikoku muBiel, pashure pomuchato wedu muna June 1949. Handina kubvumidzwa kupa hurukuro, uyewo taisagona kutsvaka pokugara penhume dzokugungano rakanga richiuya, kunyange zvazvo takanga tarumbidzwa nomutariri wedu wedunhu nokuda kweiyi ropafadzo. Vazhinji vakanga vasati vachatikwazisa, vachitibata savanhu vakadzingwa, kunyange zvazvo takanga tiri mapiona.
Taiziva, zvisinei, kuti kuroora kwakanga kusati kusiri kwapamagwaro, naizvozvo takapotera mumunyengetero ndokuisa chivimbo chedu muna Jehovha. Zvomenemene, uku kubatwa hakuna kuratidzira chiono cheSosaiti. Waingova zvawo muuyo wokushandiswa zvisakafanira kwenhungamiro dzesangano.
Hama Knorr Anodzokera
Muna 1951, Hama Knorr akashanyirazve Switzerland. Pashure pokunge akurukura hurukuro, ndakaziviswa kuti aida kutaura neni. Kunyange zvazvo ndaiti ityei, ndakafara kuti akafadzwa nokundiona. Iye akabvunza kana taizova vanodisa kugamuchira mugove pamusha wavafundisi wakakarakadzwa muGeneva. Nenzira yomuzvarirwo takafadzwa, kunyange zvazvo kusiya Biel kwaisazova kusina kuzvidemba. Zuva rakatevera racho chimwe chikumbiro chakabva kuna Hama Knorr chakatisvika. Taizova vanodisa here kutangazve basa redunhu, sezvo ikoku kwaida ngwariro yokuwedzera muSwitzerland? Takabvuma nokukurumidza. Chimiro changu nguva dzose chave chiri chokugamuchira mugove upi noupi unopiwa.
Mubato wedu mubasa redunhu mumabvazuva eSwitzerland wakakomborerwa zvikuru kwazvo. Taifamba pakati peungano nechitima, takatakura zvinhu zvedu zvose mumasutukesi maviri. Hama dzaiwanzosangana nesu pachiteshi namabhasikoro, nokuti vashomanene vadzo vaiva nemotokari mumazuva iwayo. Makore gare gare imwe hama yakagovera motokari kuti tishandise, uko kwakaita kuti basa redu riti ivei nyore.
Zvishamiso Zvitsva
Waiva mufaro wakadini apo muna 1964 mudzimai wangu neni takakokwa kukirasi yechi 40 yeGilead, kirasi yokupedzisira yekosi yemwedzi gumi, ine udzame, iyo zvino yakapfupikiswa kusvikira kumwedzi misere. Marthe aifanira kudzidza chiNgezi nokukurumidza, asi akakwanisa ikoku zvinoyemurwa. Kariro yakanga yakapararira pamusoro pokwataizotumirwa. Chimiro changu chakanga chiri ichi: ‘Handina basa nokwandinogoverwa, chero bedzi risiri basa romuhofisi!’
Asi ikoko ndiko kwakaitika chaizvoizvo! Pazuva rokupedza kufunda, September 13, 1965, ndakagoverwa somubatiri webazu weSwitzerland. Bheteri yaifanira kuva chinoitika chitsva nokuda kwaMarthe. Nokuda kwangu, kwakareva kudzokera ku“Imba yaMwari,” kwete kuimba yokutsikirira, umo ndakanga ndabatira kuvambira muna 1931 kusvikira kuna 1946, asi muhofisi. Ndaiva nezvinhu zvakawanda zvitsva zvokudzidza, asi nebetsero yaJehovha ndakakwanisa kuita saizvozvo.
Kutarira Shure
Mumakore ose 60 ebasa renguva yakazara, ndakavimba naJehovha chose chose, seizvo baba vangu vakandiudza kuti ndaifanira. Uye Jehovha akadurura zvikomborero zvakawanda. Marthe ave ari manyuko ekurudziro huru munguva dzokuora mwoyo kana kuti apo migove yakatyisidzira kundikurira, zvirokwazvo shamwari yakavimbika ine chivimbo chakakwana muna Jehovha.
Jehovha ngaarumbidzwe nokuda kwemaropafadzo ebasa akawanda andakafarikanya! Ndichiri kubatira somutsinhiranisi weDare reBazu muThun, uye nguva dzinoverengeka ndakafamba somutariri wedzinyika. Hazvinei hazvo nechandakakumbirwa kuita, nguva dzose ndakatarira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro. Pasinei zvapo nezvikanganiso zvangu zvakawanda nemhosho, ndinodavira zvakasimba kuti Jehovha akandikanganwira kupfurikidza naKristu. Ngandipfuurire kusanofadza kwaari. Uye ngaapfuurire kutungamirira nhano dzangu, sezvo nguva dzose ndinotarira kwaari sa“Mwari wangu, wandichavimba naye.”—Pisarema 91:2, NW.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Hama Diehl pakuvamba mubasa rake reBheteri