RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/1 pp. 22-25
  • Upenyu Hwandisina Kumbodemba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwandisina Kumbodemba
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wakaisvonaka Wamai
  • Basa Nokufambira Mberi Mumudzimu
  • Basa rapaBheteri Munguva Dzenhamo
  • Kupayona Munguva yeHondo
  • Ropafadzo Dzakawanda Dzomufaro
  • ‘Jehovha ndiMwari Wangu, Wandichavimba Naye’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/1 pp. 22-25

Upenyu Hwandisina Kumbodemba

YAKATAURWA NAPAUL OBRIST

Muna 1912, pandakanga ndine makore matanhatu, Mai vakafa pavakanga vachibereka mwana wavo wechishanu. Anenge makore maviri gare gare, mumwe mutarisiri weimba muduku, Berta Weibel, akatanga kushandira mhuri yedu. Apo Baba vakamuroora gore rakatevera racho, isu vana takafara kuva namai zvakare.

TAIGARA muBrugg, taundi duku riri murutivi rwune vanhu vanotaura chiGerman rweSwitzerland. Berta zvirokwazvo akanga ari muKristu, uye ndaimufarira zvikuru. Akanga atanga kufunda zvinyorwa zvaVadzidzi veBhaibheri (Zvapupu zvaJehovha) muna 1908, uye aigoverana navamwe zvaaidzidza.

Muna 1915, nokukurumidza pashure pokunge Berta naBaba varoorana, ndakaenda naye kunoona “Photo-Drama of Creation.” Iyi mharidzo yemasiraidhi nefirimu yeInternational Association of Earnest Bible Students yakaorora zvikuru ndangariro yangu nomwoyo. Vamwe vakaororwawo. Horo yaiva muBrugg yakanga yakazara kwazvo zvokuti mapurisa akavhara masuo ndokudzorera vamwe vaisvika. Vakawanda ipapo vakaedza kupinda nepahwindo rakanga rakavhurika vachishandisa manera, uye vashomanene vakabudirira.

Muenzaniso Wakaisvonaka Wamai

Hondo Yenyika I yakanga ichirwiwa muEurope, uye vanhu vakanga vachitya pamusoro penguva yemberi. Nokudaro, kushanya paimba neimba neshoko rinonyaradza roUmambo hwaMwari, sezvaiita Mai, rakanga riri basa rokuchenjera. Pane dzimwe nguva vaindiita kuti ndivaperekedze, uye ndaifarikanya izvozvi zvikuru. Muna 1918, Mai pakupedzisira vakakwanisa kuratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nokubhabhatidzwa mumvura.

Baba vakanga vasina kutongopindira mukunamata kwaMai kutozosvikira pakubhabhatidzwa kwavo, asi ipapo vakatanga kuvashora. Rimwe zuva vakatora mabhuku avo eBhaibheri ndokuakandira pachitofu. Mai vakakwanisa kubvuta Bhaibheri ravo bedzi pamoto. Asi zvavakatevera kuita zvaishamisa. Vakaenda kuna Baba ndokuvambundira. Havana kuvachengetera pfunde-pfunde.

Vashamiswa zvikuru, Baba vakadzikama. Zvisinei, panguva nenguva, chishoro chavo chaikura, uye takanga tichifanira kushivirira kufufutirwa kwavo nehasha.

Basa Nokufambira Mberi Mumudzimu

Muna 1924, pashure pokupedza kosi yamakore matatu somugadziri webvudzi, ndakabva pamba ndokuwana basa murutivi rweSwitzerland rwune vanhu vanotaura chiFrench. Izvozvi zvakagovera mukana wokuvandudza kuziva kwangu mutauro wechiFrench. Kunyange zvazvo kutama kwacho kwakavhiringidza kufambira mberi kwangu mumudzimu munzira yakati, handina kutongorasikirwa nokuda kwangu chokwadi cheBhaibheri. Naizvozvo pandakadzokera kumba makore matanhatu gare gare, ndakavamba kupinda misangano yechiKristu muungano yaiva muBrugg.

Nokukurumidza pashure pezvo ndakatamira kuRheinfelden, taundi duku raiva kure namakiromita anenge 40. Ndakashanda ikoko mushopu yomukoma wangu yokugadzira bvudzi ndokupfuudzira kufambira mberi kwangu mumudzimu kupfurikidza nokusangana neboka duku reVadzidzi veBhaibheri. Pavaigumisa fundo yedu yeBhaibheri yapakati pevhiki rimwe zuva, Hama Soder, mukuru aitarisira, vakabvunza kuti: “Ndiani anoronga kutora rutivi muushumiri hwomumunda neSvondo?” Ndakazvipira, ndichifungidzira kuti ndaizoperekedza mumwe munhu ndokuratidzwa nzira yokuita nayo basa racho.

Apo Svondo yakasvika uye takasvika ndima yedu, Hama Soder vakati, “VaObrist vachashanda apo.” Kunyange zvazvo hana yangu yakatanga kurova zvayakanga isati yamboita, ndakavamba kushanyira vanhu mumisha yavo ndokutaura navo pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mabasa 20:20) Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, handina kutongozengurira kupfuurira nebasa rokuparidza iro Jesu akati rinofanira kuitwa mugumo wetsika ino yezvinhu usati wauya. (Mateo 24:14) Pana March 4, 1934, apo ndakanga ndava namakore 28 okukura, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nokubhabhatidzwa mumvura.

Makore maviri gare gare ndakawana basa somugadziri webvudzi muLugano, guta riri murutivi rweSwitzerland rwune vanhu vanotaura chiTariyana. Nokukurumidza ndakavamba kuparidza mashoko akanaka ikoko, kunyange zvazvo ndaiziva chiTariyana zvishoma. Zvisinei, mukati meSvondo yangu yokutanga muushumiri, ndakagovera mabhukwana 20 andakanga ndaenda nawo. Pashure penguva yakati, ndakakwanisa kuwana vanhu vashomanene vaifarira vokuumba navo boka refundo yeNharireyomurindi. Pakupedzisira vakati kuti vaivava vakabhabhatidzwa, uye muna February 1937 takaumba ungano yeZvapupu zvaJehovha muLugano.

Makore maviri gare gare, muna April 1937, ndakagamuchira tsamba yakachinja upenyu hwangu zvinoshamisa. Yakanga iri kokero yokunobatira paBheteri, sezvinodanwa nzvimbo yebazu yeZvapupu zvaJehovha munyika. Ndakakurumidza kubvuma kokero yacho—chisarudzo chandisina kutongodemba. Nokudaro ndakavamba rakava basa ramakore 60 muushumiri hwenguva yakazara.

Basa rapaBheteri Munguva Dzenhamo

Panguva iyoyo Bheteri yeSwiss yakanga iri muguta reBern, dzimbahwe reSwitzerland. Ikoko taidhinda mabhuku, mabhukwana, uye magazini mumitauro 14, uye iwaya aitumirwa muEurope yose. Panhambo nenhambo, ndaiendesa mabhuku akadhindwa kuchiteshi chechitima nebhara, sezvo mumazuva iwayo nguva dzose takanga tisina mota yaivapo. Mugove wangu wokutanga paBheteri wakanga uri muBato reComposition, kwataibatanidza mashoko aishandiswa pakudhinda. Nokukurumidza ndakavamba kushanda pareception desk, uye, chokwadika, ndakabatirawo somugeri webvudzi wemhuri yeBheteri.

Muna September 1939, Hondo Yenyika II yakatanga, uye kudenha kweNazi kwakapararira muEurope mose. Switzerland yakanga iri nyika isingatori rutivi pakati penyika dzairwisana. Pakutanga, takapfuudzira mubato wedu wechiKristu pasina dzongonyedzo. Ipapo, pana July 5, 1940, na2 kiroko masikati, pandakanga ndiri padhesiki rangu mukamuri rokumirira, mumwe munhu akasvika, achiperekedzwa nomurwi aiva nepfuti ine banga kumberi.

“Zürcher ari kupi?” munhu wacho akazhambatata kudaro. Franz Zürcher panguva yacho ndiye akanga ari mutariri webazu webasa redu rokuparidza muSwitzerland.

“Ndoti ndiani ari kumuda?” ndakabvunza kudaro. Nokukurumidza vakandibata ndokundikwevera mudenga, vachirayira kuti ndivaendese kuhofisi yaZürcher.

Mhuri yose yeBheteri—takanga tiri vanenge 40 panguva iyoyo—yakarayirwa kuungana muimba yokudyira. Zvigwagwagwa zvina zvakanga zvakaiswa panze pechivako chacho kuti munhu upi noupi asaedze kutiza. Mukati, varwi vanenge 50 vakavamba kutsvaka muchivako chacho. Mukupesana nekariro dzavo, hapana ufakazi hwakawanwa hwokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichibatanidzwa mukutsigira kuramba basa rehondo. Zvisinei, mabhuku akawanda akatorwa uye akaendeswa ari mumarori mashanu ehondo.

Patakaramba kubvumira Nharireyomurindi kuti inzverwe nezviremera zvehurumende, kubudiswa kwayo kwakamiswa muSwitzerland. Ikoku kwakareva kuti vanhu vashomanene vaidikanwa nokuda kwebasa rapaBheteri, uye mitezo miduku yemhuri yacho yaikurudzirwa kusiya ndokuva mapiyona, sokudanwa kunoitwa Zvapupu zvaJehovha zvinobatikana mubasa rokuparidza nguva yakazara.

Kupayona Munguva yeHondo

Muna July 1940, ndakadzokera kunharaunda yeSwitzerland ine vanhu vaitaura chiTariyana pedyo neLugano, kwandakanga ndagara ndisati ndauya kuBheteri. Iyi nharaunda yechiKaturike chakasimba, iyo panguva iyoyo yakanga ichipesvedzerwa zvakasimba nechiFascism, yakava mugove wangu wokupayona.

Zuva raisatombopera ndisina kumiswa namapurisa airayira kuti ndirege mubato wangu wokuparidza. Rimwe zuva pandakanga ndichitaura nomumwe mukadzi pagedhi rapabindu, mumwe murume akandibata nomumashure, akanditungamirira kumotokari yake, uye akandiendesa kuLugano. Ikoko akandiisa kumapurisa. Pandakabvunzwa, ndakatsanangura kuti Jehovha Mwari akanga atirayira kuparidza.

“Pano panyika, tisu tinorayira,” akapindura kudaro mukuru-mukuru wacho achizvitutumadza. “Mwari angarayira kudenga!”

Mukati mehondo, kwakanga kuchikosha zvikurukuru kuti titeerere zano raJesu roku“chenjera . . . senyoka, mururame senjiva.” (Mateo 10:16) Nokudaro, ndakaviga mazhinjisa amabhuku angu muhembe dzangu. Uye kuti ndive nechokwadi chokuti ndaisazorasa chinhu chipi nechipi, ndakapfeka chikabudura chakanga chakabata pasi pemabvi.

Pashure penguva yakati, ndakagamuchira mirayiridzo yokutamira kumupata weEngadine, uko kuvanda mapurisa kwakapfuurira. Uyu mupata wakaisvonaka uri nechokumabvazuva kweSwiss Alps, uyo munguva yechando unovharwa nechando, naizvozvo ndakaita kuti zvokufambisa pachando zvangu zvitumirwe kuti zvindibetsere kufamba munharaunda yacho.

Magiravhusi anodziya anokosha apo unofamba nezvokufambisa muchando mukati mechando chinotonhora. Nemhaka yokushandiswa nguva dzose, angu akakurumidza kubvaruka. Ndakafara sei rimwe zuva kugamuchira pasuru yakanga isingakarirwi yakauya nepositi iine juzi rakarukwa namaoko pamwe chete namagiravhusi anodziya! Hanzvadzi yechiKristu yaiva muungano yandaimbopinda muBern yakanga yandirukira. Kunyange zvino pandinofunga nezvazvo, ndinosundwa nokuonga.

Ropafadzo Dzakawanda Dzomufaro

Muna 1943, mamiriro ezvinhu muSwitzerland akavamba kudzikama, uye ndakadanwazve kuti ndinobatira paBheteri. Nemhaka yezvinetso zvakati zvaiva muungano yaiva navanhu vaitaura chiFrench yaiva muLausanne, anenge makiromita 100, ndakagoverwa kushanyira guta iroro kuti nguva dzose ndibetsere vaparidzi kuti vawane murangariro wakafanira wesangano raMwari.

Gare gare ndakabatira kwenguva yakati somutariri wedunhu weungano dzose dzechiFrench dzaiva muSwitzerland. Pakuvamba kwevhiki yacho, ndaishanda paBheteri, asi ndaipedza Chishanu, Mugovera, uye Svondo ndichishanyira ungano dzakasiyana vhiki imwe neimwe munhamburiko yokudzibatsira mumudzimu. Mukuwedzera, apo ungano yaiva nevanhu vaitaura chiFrench yakaumbwa muBern muna 1960, ndakava mutariri anotungamirira wayo. Ndakabatira munzvimbo iyoyi kutozosvikira muna 1970, apo Bheteri yakatamiswa kubva kuBern kuendeswa kunzvimbo yayo itsva mutaundi reThun.

Ndakafara kuwana boka duku reZvapupu zvaitaura chiTariyana muThun, uye ndakavamba kushanda nazvo. Pashure penguva yakati ungano yakaumbwa, uye ndakabatira somutariri anotungamirira wayo kwemakore akati kutozosvikira hama duku dzakwaniriswa kutarisira basa iroro.

Yandakarangarira kuva ropafadzo inofadza zvikuru kupinda kokorodzano dzamarudzi akawanda dzavanhu vaJehovha. Somuenzaniso, muna 1950 pakanga pane Gungano reKuwedzera Kwoubati Ushe hwaMwari risingakanganwiki paYankee Stadium, New York. Kushanyira dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, kwakandifadza. Handitongokanganwiwo hurukuro yaHama Milton G. Henschel gore rakatevera racho paGungano roKunamata Kwakachena muLondon, England, iyo yakasimbisa mashoko aJesu okuti, “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.” (Ruka 19:40) Hama Henschel vakabvunza kuti, “Munofunga kuti mabwe aya achafanira kudanidzira here?” Ndichiri kunzwa munzeve dzangu, “Aiwa!” yakabva kumakumi ezviuru zvemanzwi.

Pandakaenda kuBheteri shure muna 1937, baba vangu, avo vakaziva kuti ndaigamuchira bedzi mari shoma, vakabvunza vachinetseka kuti, “Mwanakomana, uchararama sei kana wakwegura?” Ndakapindura kupfurikidza nokunokora mashoko owezvamapisarema Dhavhidhi: “Handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” (Pisarema 37:25) Aya mashoko zvirokwazvo akaitika muchiitiko changu.

Ndinofara sei kuti mumakore 80 apfuura, Berta Weibel akaroorwa naBaba uye kuti kupfurikidza nomuenzaniso wake nenhungamiro ndakasvika pakuziva Jehovha nemavara ake! Kunyange zvazvo mimwe mitezo yemhuri yakamunyomba, akabatira Jehovha nenzira yokutendeka kusvikira kunguva yorufu rwake muna 1983. Haana kutongozvidemba pakubatira kwake Mwari, Jehovha; uyewo handina kutongozvidemba kuramba ndisina kuroora uye ndichipa upenyu hwangu hwose kubasa raJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndichishanda paBheteri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe