RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 11/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Madzimambo Maviri Aya Anochinja
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Fundo Nhamba 2—Nguva naMagwaro Matsvene
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 11/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Neiko 29 N.V. achirangarirwa kuva musi unokosha zvikuru munhau yeBhaibheri panzvimbo pa 14 N.V., mavambo okutonga kwaTibherio Kesari, uyo anodudzwa pana Ruka 3:1?

Mavambo okutonga kwaTibherio haadudzwi muBhaibheri, asi chinoitika chakaitika murutivi rwapashure rwegore rake rechi 15 chinonzarwo. Ikoku kunogonesa vadzidzi veBhaibheri kugadza chinoitika chacho sechinoitika muna 29 N.V., uyo unogona kurangarirwa somusi unokosha zvikuru mumurangariro weBhaibheri.

Kutonga kwamambo wechipiri weRoma, Tibherio Kesari, kunosanogamuchirwa munhau. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Muna AD 14, pana August 19, Augusto [mambo wokutanga] akafa. Tibherio, zvino mukurusa, akaita zvamatongerwe enyika neDare uye haana kuribvumira kumuti mambo kwounodokusvika mwedzi, asi pana September 17 iye akatevera musimba.”a

Iyi nzvimbo yakagadzwa nokuda kwamavambo okutonga kwaTibherio yakakodzera muBhaibheri nemhaka yokuti Ruka 3:1-3 inoti nezvoushumiri hwaJohane Mubhapatidzi: “Negore regumi namashanu rokubata kwaTibherio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, . . . shoko raMwari rakauya kuna Johane, mwanakomana waZakaria, murenje. Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridhani, akaparidza rubhapatidzo rwokutendeuka kuzokanganwirwa zvivi.”

Johane haana kutanga kuparidzira nokubhapatidza apo Tibherio akava mambo asi akaita saizvozvo “negore regumi namashanu rokubata kwaTibherio Kesari.” Gore iroro rechi 15 rakavambira mumunakamwe wa 28 N.V. kusvikira kumunakamwe wa 29 N.V. Kuziva ikoku, zvisinei, hakugonesi munhu kuziva noururami hupi nohupi apo ushumiri hwaJohane hwakavamba mukati megore iroro kana kuti kuverenga zvinoitika zvinowirirana.

Asi Bhaibheri rinotipa mashoko okuwedzera anokosha. Somuenzaniso, uporofita hwaDhanieri hwe“vhiki dzina makumi manomwe” hwakanongedzera kuna 29 N.V. nokuda kwokuoneka kwaMesia. Hwakaratidzirawo kuti ushumiri hwaJesu hwaizova hwakareba makore matatu nehafu. (Dhanieri 9:24-27) Wedzera kuna ikoku uhwu udzame hweBhaibheri: Jesu akaberekwa mwedzi mitanhatu pashure paJohane; apo Jesu akabhapatidzwa, “akanga ana makore anenge makumi matatu”; uye Jesu akafa muchirimo cha 33 N.V. (nguva yePaseka), apo iye akanga ava namakore 33 1/2 okukura.—Ruka 1:24-38; 3:23; 22:14-16, 54.b

Namashoko akarurama akadaro eBhaibheri, akabatanidzwa nokuronga musi kwenyika kwokutonga kwaTibherio, vadzidzi veBhaibheri vanogona kuverenga kuti ushumiri hwaJohane hwakavamba muchirimo cha 29 N.V. uye kuti mwedzi mitanhatu gare gare, mumunakamwe wa 29 N.V., Johane akabhapatidza Jesu. Nokudaro, haasati ari 14 N.V. asi 29 N.V. anorangarirwa somusi unokosha zvikuru mumurangariro weBhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

a September 17 pakarenda yaJulius akaenzana naSeptember 15 pakarenda yaGregory, karenda inoshandiswa zvikuru nhasi.

b Enzanisa naInsight on the Scriptures, Volume 1, mapeji 458, 463, 467; Volume 2, mapeji 87, 899-902, 1099, 1100, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe