Zvikomborero Zvedzidzo yeGilead Zvinopararira Munyika Yose
DZIDZO munyika ino yekare inongova bedzi noukoshi hwakaganhurirwa. Sezvo yakavakirwa zvikurukuru papfungwa dzavanhu panzvimbo pezvokwadi yaMwari, iyo haigoni kupa donzo rechokwadi muupenyu. Asi Chikoro cheGilead chakasiana. Mutsinhiro dzake dzokutanga pakupedza kufunda kwekirasi yechi 93 yeGilead, Theodore Jaracz woMutumbi Unodzora akaonesa kuti ichi chikoro chinogovera dzidzo ino ukoshi hwechokwadi. Pisarema 119:160 rinoti, “unganidzo yeshoko [raMwari] izvokwadi.” Naizvozvo vaivapo vanodokusvika 6 000 vakateerera purogiramu yokupedza kufunda pana September 13, 1992 nomufaro mukuru.
Hurukuro yokutanga yamangwanani, yakakurukurwa naLon Schilling weDare reWatchtower Farms, yaiva nomusoro unoti “Ramba Uchikunda Nyika noMutongi Wayo.” Hama Schilling akanangidzira ngwariro pana Zvakazarurwa 12:11 uye akaonesa kuti ndima yacho inoratidza nzira mbiri dzokukunda: (1) kupfurikidza neropa reGwaiana, (2) kupfurikidza nokupupurira, uye (3) kupfurikidza nokuva nomudzimu wokuzvibaira. Iye akayeuchidza vadzidzi kuti vazhinji vavabatiri vaJehovha vakaratidza mudzimu wakadaro uye vakatonangana norufu nokudisa kuti vachengete ruvimbiko rwavo neperero.
“Chengeta Chivimbo Chako Chakaisvonaka” wakanga uri musoro wakakudziridzwa naJohn E. Barr woMutumbi Unodzora. Mumanzwi oushamwari ohunhu hwake, iye akaenzanisa kuvimbana kuri pakati paJehovha navabatiri vake nechivimbo chinokudziridzwa muroorano yakanaka. Achishandisa mapfundo anobva muna 2 Timotio 1:12, 13 (NW), iye akakurudzira vadzidzi kuchengeta chivimbo chavo kupfurikidza nokukoshesa “mutoo wamashoko akanaka” uri muBhaibheri. Iye akasimbisa kuita fundo yomunhu oga rutivi runokosha rworudungwe rwezuva nezuva uye akapa zano nomutsa vadzidzi kusatongorega tsinhiro dzavo pamisangano dzichiva dzachero asi nguva dzose kudziita dzine revo.
William Van De Wall weDare reBato reBasa akakurukura hurukuro inotevera, “Ratidzira Itiro Hanya Yorudo Nokuda Kwavanhu Vakafanana Namakwai.” Iye akabvunza vadzidzi chavaizotsvaka muna chiremba wemhuri uye akavakurudzira kusakurira kunzwira urombo kumwe cheteko, tsitsi, uye ngoni izvo vaizokoshesa.
Daniel Sydlik woMutumbi Unodzora akataura nenzira inonyandura pamusoro unoti “Zvinhu Zvose Zvinobvira naMwari.” Iye akayeuchidza vadzidzi kuti Abrahama naSara vakanga vaseka kariro yairatidzika kuva isingabviri yokuva nomwanakomana muukweguru hwavo. Zvakawanda zvezvipikirwa zvaMwari zvinoratidzika kuva zvisingabviri mumurangariro womunhu; asi seizvo ngirozi yakabvunza Abrahama, “kune chinhu chingakunda Jehovha here?” (Genesi 18:14) Hama Sydlik akapa zano vadzidzi rokuratidza kutenda musimba raMwari rokuita zvisingabviri, rokusatongorega kutenda ikoko kuchipera kana kuti kuzununguka, pasinei zvapo nemiedzo yavanganangana nayo.
Varaidzi Vanopa Zano
Varaidzi vaviri veGilead vakatevera kutaura. Kutanga, Jack D. Redford akakudziridza musoro unoti “Kuita Zita Rakanaka naMwari.” Chinoita kuti zita rive rakanaka kana kuti rakaipa, iye akarangarira kudaro, ndiye munhu anaro. Iye akasianisa mazita akadai saAdhama, Nimirodhi, Jezebheri, Sauro, uye Judhasi namazita akadai saNoa, Abrahama, Rute, Pauro, uye Timotio. Zita rimwe nerimwe rine zvakawanda nemhaka yamararamire omuridzi waro. Iye akabvunza vadzidzi kuti rudzii rwezita rwavaizova narwo makore 10, 100, kana kuti kunyange 1 000 kuvambira zvino—rwuya rwomuregi kana kuti munyunyuti kana kuti rwuya rwomufundisi akatendeka here? Nangidzirai ngwariro pamhinduro nevavariro panzvimbo pezvinetso, iye akavapa zano kudaro.
“Unosanochengeta Sei Kutenda Kwako?” wakanga uri musoro unonyandura mufungo wakakudziridzwa naUlysses V. Glass. Iye akafananidza kutenda kwakasimba nekambasi yakanaka iyo nguva dzose inoratidza nzira yakarurama. Kambasi iri mumotokari ingatapurwa nezvimwe zvinhu zvine magnet kunze kweizvo zvapasi, uye zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitwa kuti zvisashanda. Nenzira yakafanana, nyika ino yekare inoparira pesvedzero dzakawanda dzinogona kutsausa kana kuti kunetesa kutenda kwedu kana tikadzirega. Sezvo akangwadza kirasi papesvedzero dzakadaro, Hama Glass akavarumbidzawo nokuda kwokuziva kwavo kwakaisvonaka zvimiro zvendangariro nemirangariro zvavamwe.
Hurukuro yokupedzisira yamangwanani yakakurukurwa naAlbert D. Schroeder, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora. Iye akakurudzira vadzidzi ku“Chengeta Mudzimu Woufundisi,” achivarumbidza nokuda kwokuratidza mudzimu mumwe chetewo woufundisi sezvakaita kirasi yokutanga shure muna 1943, apo iye akanga achibatira somunyori wechikoro chacho. Iye akataura kuti ivo vaifarira vanhu, vaparidzi nomusikirwo, avo vanoda kutungamirirwa nomudzimu waMwari. Rambai muchikudziridza mudzimu iwoyo, muchishandisa zvakazara New World Translation mufundo yomunhu oga, iye akakurudzira kudaro. Iye akagumisa nekurukurirano yendima nendima yePisarema 24 somuenzaniso.
Tevere, vadzidzi veGilead vakava vakapedza kufunda veGilead! Ivo vakagamuchidzwa magwaro avo sezvo migove yavo youfundisi yairaviwa zvinonzwika, nokuombera maoko kukuru kwavateereri.
Mumasikati, Calvin Chyke weDare reFekitari akaitisa Fundo yeNharireyomurindi. Purogiramu inofadza yavadzidzi yakatevera, iyo yakanongedzera kuzvinoitika zvavadzidzi mumunda mukati mekosi yemwedzi mishanu uye yakasimbisawo masiraidhi edzakati kuti dzenyika uko vakagoverwa. Mukuwedzera, murume nomudzimai vakaroorana vakura vakabvunzurudzwa, uye ivo vakagoverana humwe hwouchenjeri noruzivo rwokuzviwanira zvavakanga vawana mumakore akawanda savafundisi. Masikati akaguma nechinoitika chakakodzera nguva chine musoro unoti Usatsauswa Kana Kuti Kuseka Mwari.
Vateereri vakabva vafadzwa, vanakidzwa nokuona icho dzidzo muzvokwadi yaMwari inogona kuita uye vakafadzwa nokuziva kuti betsero dzedzidzo yakadaro dzichapfuurira kunzwiwa munyika yose. Sezvo ava vafundisi 48 vanopararira vachienda kumigove yavo, minyengetero yakawanda inovatevera, inoratidzira tariro yomwoyo wose nechivimbo zvokuti ava vakatendeka vachava chikomborero kuvanhu vaMwari kuri kwose kwavanoenda.
[Bhokisi riri papeji 19]
Mashoko Ekirasi
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 7
Chiverengero chenyika dzakagoverwa: 18
Chiverengero chavadzidzi: 48
Chiverengero chavaroorani: 24
Avhareji yezera: 32,8
Avhareji yamakore muzvokwadi: 15,3
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 10,4
[Bhokisi riri papeji 20]
KIRASI YOKUWEDZERA YEGILEAD INOPEDZA KUFUNDA
Pana June 21, 1992, boka ravafundisi 24 rakapedza kufunda mukirasi yechina yeGilead Extension School muSelters/Taunus, Germany. Kirasi yacho, yakaumbwa navaroorani 11 nehanzvadzi 2 dzisina kuroorwa vakabva kunyika nomwe, vakaita avhareji yamakore 32 ezera, makore 14 chifo chorubhapatidzo, uye makore 8,5 ebasa mubasa rokuparidza evhangeri renguva yakazara. Vanopfuura 2 000 vakapinda chinoitika chokupedza kufunda kwacho.
Hama Jaracz vakazarura purogiramu yacho nekurukurirano yaZvirevo 11:24, iyo inoti: “Mumwe uriko unoparadzira, achiwedzerwa.” Iye akataura kuti vadzidzi vakanga vodokuparadzirwa uye zvamazvirokwazvo vaizosimudzira wedzero.
Hurukuro dzapamagwaro dzinokurudzira dzakakurukurwa naRichard Kelsey, mutsinhiranisi weDare reBazu reGermany; Wolfgang Gruppe weBato reBasa; Werner Rudtke naEdmund Anstadt, mitezowo yeDare reBazu; uye varaidzi vaviri, Dietrich Förster naLothar Kaemmer. Albert Schroeder woMutumbi Unodzora akakurukura hurukuro huru inofadza yaiva nomusoro unoti “Pfuurirai Kuva Vatsvaki Vezvinokosha Zvomudzimu.” Mugumo wepurogiramu yacho kwakanga kuri kupiwa kwemigove kunyika 11 muAfrica, Central America, uye Eastern Europe, pashure pacho akapedza kufunda mumwe akarava tsamba yakabva kukirasi ichienda kuMutumbi Unodzora inotaura kuonga kwomwoyo wose.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kirasi Inopedza Kufunda Yechi 93 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira kumberi kudzokera shure uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Hitesman, C.; West, P.; Evans, D.; Hipps, M.; Simonelli, N.; Wood, S.; Corkle, M.; Flores, C.; Thomas, J. (2) Jones, M.; Nissinen, J.; Sponenberg, M.; Zachary, K.; Ravn, G.; Backman, M.; Wettergren, A.; Evans, D.; Flores, R.; Caporale, G. (3) Simonelli, N.; Rechsteiner, M.; Rechsteiner, M.; Ruiz-Esparza, L.; Gerbig, B.; Simpson, C.; Zanewich, C.; Zachary, B.; Ricketts, L.; (4) Simpson, J.; Backman, J.; Corkle, G.; Gerbig, M.; Ricketts, B.; Bagger-Hansen, L.; Jones, A.; Zanewich, K.; Ravn, J.; Hipps, C. (5) Sponenberg, S.; Hitesman, A.; Caporale, L.; Ruiz-Esparza, S.; Thomas, R.; Bagger-Hansen, B.; Wood, M.; West, M.; Wettergren, C.; Nissinen, E.