Rovedzo yeGilead Mukutenda Kutsvene Zvikurusa
“VADZIDZI vedu vakasanorovedzwa mukutenda kutsvene zvikurusa.” Idzi dzakanga dziri tsinhiro dzokutanga papurogiramu yokupedza kufunda yekirasi yechi 95 yeWatchtower Bible School of Gilead, yakaitwa paSvondo, September 12, 1993. Pamangwanani iwayo vaenzi vakakokwa nemitezo yemhuri yeBheteri vane 4 614 avo vakanga vakaungana paJersey City Assembly Hall vakatungamirirwa mumunyengetero wokutanga wakapiwa naGeorge Gangas. Hama Gangas vave vari mutezo wemhuri yeBheteri kwamakore 65 uye pamakore 97 ndiwo mutezo mukurusa woMutumbi Unodzora.
Albert Schroeder, woMutumbi Unodzorawo nasachigaro wepurogiramu yacho, akati: “Kwemwedzi mishanu kosi yeGilead yave yakavakirwa pakutenda kutsvene zvikurusa.” Asi chii chiri “kutenda kutsvene zvikurusa”? Ivo vakatsanangura kuti uku “kutenda kutsvene zvikurusa,” kunodudzwa pana Judhasi 20, (NW) izvokwadi yose yeBhaibheri. Naizvozvo kosi yeGilead yakavakirwa paShoko raJehovha, Bhaibheri, iro riri bhuku rayo guru rinoshandiswa.
Vadzidzi Vanogamuchira Mumwe Murairidzo
Mukurukuri wokutanga akanga ari John Stuefloten weDare reWatchtower Farms, uyo akataura pamusoro unoti “Kubetserwa Nepesvedzero Yavanhu Vakachenjera.” Bhaibheri rinotaura kuti avo vano“famba navanhu vakachenjera vachava vakachenjera.” (Zvirevo 13:20, NW) Mukati mekosi yeGilead, vadzidzi vakapedza maawa anopfuura 900 vachifunda Bhaibheri. Hama Stuefloten vakabvunza vadzidzi, kuti: “Pesvedzero yaJehovha ichakutapurai sei munguva yemberi? Muri kuenda kunyika 18 dzine chiverengero chavagari vemo chakabatanidzwa chavanhu vane mamirioni 170. Naizvozvo muchapesvedzera sei vanhu ivavo?” Kupfurikidza nokuratidzira uchenjeri hwaJehovha, vafundisi vatsva vachakwanisa kubetsera vamwe kuva vanamati vaJehovha, Manyuko ouchenjeri hukurusa.
“Kuva Zvinhu Zvose Kuvanhu Vose” wakanga uri musoro wehurukuro yakatevera, wakakudziridzwa naLloyd Barry woMutumbi Unodzora. (1 VaKorinte 9:22, King James Version) Makore 45 apfuura, Hama Barry vamene vakanga vari mudzidzi mukirasi yechi 11 yeGilead. Zvino kirasi yechi 95 yakaonga kugamuchira zano rinoshanda kubva kuaichimbova mufundisi ane makore oruzivo rwokuzviwanira munyika yokumwe. Ivo vakakurudzira vadzidzi kuziviswa nokukukurumidza navanhu mundima yavo itsva yokumwe kupfurikidza nokusvika pakuziva tsika dzomunzvimbomo nokudzidza mutauro wemo. Ivo vakataura kuti ikoku kunogona kuitwa zvakanakisisa kupfurikidza nokuvhengana nokushanda navanhu vomunzvimbomo pamwe chete nokudzidza tsika dzavo nokudzigamuchira panguva ipi neipi kwakafanira.
Tevere, Dean Songer weDare reFekitari akataura pamusoro unofadza unoti “Takasunungurwa Pabasa.” Pashure paanopfuura makore 35 ebasa renguva yakazara, Hama Songer vanonzwisisa chinoreva kurarama upenyu hwakanangidzirwa padonzo uye upenyu hwakapfava, kupa ngwariro pabasa riripo, kusava neitiro hanya dzokunyama. Uye iroro ndiro rakanga riri pfundo guru rezano ravo kuvadzidzi. Vaimbi patembere yaJehovha vaisunungurwa pamabasa aiva avamwe vaRevhi vose kuti vazvipe vamene zvizere kumugove wavo chaiwo. (1 Makoronike 9:33) Nenzira yakafanana, vafundisi veGilead vakasunungurwa muzvinhuwo hazvo zvakadai sebasa rokunyika kuti vagogona kupa ngwariro pabasa ravo chairo. Hama Songer vakagumisa neiri zano: “Chengetai murangariro wenyu wakanangidzirwa padonzo chairo uye upenyu hwenyu hwakapfava. Mutoro wenyu saavo vakasunungurwa pabasa ndowokuva mubasa masikati nousiku, muchirumbidza Jehovha.”
Mutezo woMutumbi Unodzora Daniel Sydlik akatevera nomusoro unoti “Kudzidzisa Vamwe Nzira Yokuwana Nayo Zvakanakisisa Muupenyu.” Iye akakurudzira vadzidzi “kusangodzidzisa bedzi dzidziso asi kuva vakashinga zvakakwana kuratidza vanhu chavanofanira kuita kuti vatsinhiranise upenyu hwavo nokuda kwaMwari.” Vadzidzisi vakanaka vanofanira kukurudzira nokunyandura. “Ngwarirai kuvaka zvinokosha zvechiKristu panzvimbo pokungodzidzisawo mitemo nemirau,” iye akadaro ndokuwedzera mumhedziso, kuti: “Kupfuura zvinhu zvose, hama dzinodiwa, zvidzidzisei mumene uye dzidzisai vamwe nzira yokuda nayo, nokuti ndicho chisungo chakakwana chomubatanidzwa.”—1 VaKorinte 13:1-3; VaKorose 3:14, NW.
Pashure pemwedzi yerovedzo, vadzidzi vakada zvikuru varaidzi vavo vaviri veGilead. Jack Redford, aichimbova mufundisi iye amene, akatanga kutaura, pamusoro unoti “Makaita Chisarudzo Chakarurama.” Munyika yakare yechiJudha, asati ava muapostora wechiKristu, Pauro aiva nenzvimbo, mukurumbira, pesvedzero, uye chengeteko mune zvemari. Asi pana VaFiripi 3:8, Pauro akarondedzera kwose ikoku sa“marara,” kana kuti “tsvina,” mukuwirirana neshanduro yaPhillips. Mwoyo wake wakanga uri muushumiri, uye akaita chisarudzo chakarurama. Mukupesana, voruzhinji vorudzi rwomunhu nhasi vanoratidza kupfurikidza nezvisarudzo zvavo muupenyu kuti vanorangarira pfuma yavo yokunyama kuva youkoshi hukuru zvikuru kupfuura upenyu husingaperi. Vafundisi veGilead vakaita chisarudzo chakarurama. Jack Redford akagumisa nokutaura, kuti: “Hapana chinhu icho nyika yaDhiabhorosi inogona kukupai chakaenzana nebasa roufundisi. Tarisirai ropafadzo iyoyo inokosha, uye nyika ngaitarisire tsvina yayo!”
Kwamakore 32 apfuura, Ulysses Glass ave ari muraidzi weGilead. Iye akapa vadzidzi zano reonekano raiva nomusoro unoti “Mwari Bedzi Anogona Kuita Muti,” achivakira hurukuro yake paPisarema 1:3. Ruzivo rwazvino uno haruna kutongokwanisa kutevedzera kuitwa kwomuti, wakashongedzwa naMwari. Mupfungwa yakati, maKristu echokwadi akafanana nemiti, yakasimwa ndokudiridzwa naJehovha. Hama Glass vakataura kuti kwemwedzi mishanu, vadzidzi vakanga vave “vachidiridzwa nguva dzose norwizi rwemvura dzinopa upenyu dzomuShoko raMwari,” kufanana nemiti iri muboka remiti yomudzimu kana kuti paradhiso. Bva, savafundisi, vanofanira kutaviridzira “midzi [yavo] yomudzimu pakuvadziko ipi neipi.” Ivo vakapiwa zano ro‘kupfuurira kunwa mvura youpenyu inobva kuna Jehovha nemhaka yokuti Mwari bedzi anogona kuita muti.’
Hurukuro yokupedzisira yakakurukurwa naCarey Barber, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora. Pashure pamakore 70 ebasa renguva yakazara, Hama Barber vaigona kutaura nechivimbo pamusoro unoti “Ipai Jehovha Kuzvipira Kwapoga.” Voruzhinji zvikuru vorudzi rwomunhu havana kupa Jehovha kuzvipira kwapoga. (Dheuteronomio 5:9) Zvisinei, seizvo Hama Barber vakaratidzira, pasinei zvapo nokusakwana kwedu, “kunobvira zvikuru kuva vakazvipira chose chose kuna Mwari.” Ivo vakawedzera, kuti: “Hakuna munhu anogona chaizvoizvo, kuti: ‘Dhiabhorosi akandiita kuti ndichiite.’” Asi Dhiabhorosi anogona kutikurira kana tikakundikana kumushora. (Jakobho 4:7) Kuramba takabatikana mubasa raJehovha ndiko nzira hurusa yokushora nayo Satani nenyika yake ndokupa Jehovha kuzvipira kwapoga.
Vanogadzwa Savafundisi
Purogiramu yamangwanani yakaguma nokugadzwa pamutemo kwavadzidzi vose 46 savafundisi. Varoorani 23 vakagamuchira magwaro anotaura murutivi kuti vakapedza kufunda vaka“kwaniriswa zvikuru kupinda mubasa redzidzo, vachisimudzira runako nokushanda nokuda kworugare rwechigarire nomutemo wenhevedzano yakakwana nokururama pakati pamarudzi ose.” Kirasi yechi 95 yeGilead ichavavarira zvirokwazvo kuita iri basa rakaisvonaka munyika 18 uko vakagoverwa. Migove yacho inopota nyika uye inobatanidza nyika dziri muAsia, Africa, Europe, Latin America, uye Caribbean.
Mumasikati, pashure peFundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa yakaitiswa naCharles Woody weDare reBato reBasa, vakapedza kufunda vatsva veGilead vakapa purogiramu yavo yavadzidzi, yaiva nomusoro unoti “Gilead Yakatigadzirira Kudzidzisa Savafundisi.” Rusando rwacho rwakaguma nechinoitika chinoti “Zvisarudzo Zvakatarisana Nesu.”
Pashure peiyi purogiramu inonyandura, vafundisi vatsva zvino vakanga vagadzirira kutumirwa kumakona mana apasi kuzogoverana navamwe “kutenda kutsvene zvikurusa.”
[Bhokisi riri papeji 26]
Mashoko Ekirasi
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 7
Chiverengero chenyika dzakagoverwa kwadziri: 18
Chiverengero chavadzidzi: 46
Chiverengero chavaroorani: 23
Avhareji yezera: 30,06
Avhareji yamakore muzvokwadi: 12,92
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 9,4
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 95 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira kumberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Buelow, D.; Donzé, V.; Innes, S.; Fulk, N.; Billingsby, M.; Hoddinott, L.; Nygren, B.; Eriksson, L. (2) Boker, J.; Thomas, M.; Stedman, S.; Billingsby, D.; Waugh, I.; Purves, M.; Luttrell, M. (3) Jacobsen, T.; Boker, J.; Martínez, L.; Nilsson, E.; Purves, P.; Holt, L.; Larsen, M.; Jones, L. (4) Numminen, P.; Numminen, H.; Buelow, M.; Olson, W.; Holt, S.; Donzé, G.; DesJardins, C.; DesJardins, D. (5) Larsen, K.; Martínez, D.; Nygren, P.; Waugh, P.; Jones, D.; Hoddinott, J.; Thomas, G. (6) Innes, B.; Fulk, R.; Eriksson, A.; Nilsson, S.; Stedman, J.; Olson, K.; Jacobsen, F.; Luttrell, J.