“Mutsa Worudo Wake Wakabvumikisa Kuva Mukuru”
YAKATAURWA NAJOSÉ VERGARA OROZCO
Unofunga kuti upenyu hwako hungagona kuzadzwa nesimba idzva pamakore 70 ezera here? Hwangu hwakadaro. Uye ikoko kwakanga kuri makore anopfuura 35 apfuura.
Kupfurikidza nomutsa worudo waJehovha, chibviro cha 1962, ndakabatira sapiona wenguva dzose, uye chibviro cha 1972, ndave ndiri mutariri muUngano yeEl Carrizal yeZvapupu zvaJehovha munyika yeJalisco, Mexico. Regai ndikuudzei zvishomanene nezvomugariro wangu wekare.
NDAKABEREKERWA munyika yeMichoacán, muMexico, pana August 18, 1886. Baba vangu vaiva muMason, naizvozvo mhuri yedu yakanga isingaendi kuChechi yeKaturike, uyewo hatina kutora rutivi mumitambo ipi neipi yorudzidziso yeKaturike kana kuti kuva nemifananidzo ipi neipi yorudzidziso mumusha medu.
Pandakanga ndava namakore 16 okukura, baba vangu vakaenda kundoshanda muUnited States, asi vakaronga kuti mumwe murume andidzidzise basa. Makore maviri gare gare, zvisinei, munhu wacho akanditora kuenda kuGuta reMexico nokuda kwerovedzo pachikoro chamauto. Pashure pacho ndakatanga basa muuto reMexico.
Muuto Napashure Pacho
Ndakarwa muRupandukiro rweMexico urwo rwakatanga muna 1910. Tose zvedu vaduku vaiva pachikoro taitsigira Francisco I. Madero, uyo akanga ari mupandukiri airwisana nohudzvinyiriri hwaPorfirio Díaz. Takatsigira Madero kusvikira parufu rwake muna 1913, uye pashure paikoko, takatsigira Venustiano Carranza, uyo akabatira sapurezidhendi weRepublic kubva muna 1915 kusvikira kuna 1920. Tainzi maCarranzistas.
Panhambo ina dzakasiana-siana, ndakaedza, pasina kubudirira, kubudiswa muuto. Pakupedzisira ndakatiza ndokuva mumhanyi. Somuuyo, baba vangu, avo vakanga vadzoka kuMexico, vakapinzwa mutorongo. Rimwe zuva, ndichinyepedzera kuva muzukuru wavo, ndakavashanyira mutorongo. Takakurukurirana kupfurikidza nokunyora pazvidimbu zviduku zvepepa kuti varindiri vasagona kutinzwa. Kudzivisa munhu upi noupi kuwana kuti ndakanga ndiri ani, ndakadya pepa racho.
Pashure pokunge baba vangu vasunungurwa mutorongo, vakandishanyira uye vakakumbira kuti nditere kuzviremera. Ndakaita, uye kukushamisika kwangu mutungamiriri wehondo anotarisira haana kundisunga. Panzvimbo pezvo, akakarakadza kuti ndiende kuUnited States. Ndakatevera chikarakadzo chake uye ndakagarako kubva muna 1916 kusvikira kuna 1926.
Muna 1923, ndakaroora mukadzi wokuMexico aigarawo muUnited States. Ndakadzidza basa mukuvaka, uye takarera kasikana. Apo akanga ava nemwedzi 17 yokukura, takadzokera kuMexico uye takagara muJalpa, Tabasco. Ipapo ‘rupandukiro rweCristero’ rwakatanga, uye rwakavamba muna 1926 kusvikira mu 1929.
VaCristero vakanga vachida kuti ndivakumbanire. Mhuri yangu neni, zvisinei, takasarudza kutizira kuAguascalientes State. Pashure pokugara munzvimbo dzakasiana-siana muRepublic yeMexico, muna 1956 takagara muMatamoros, Tamaulipas, uko ndakavamba kutarisira mumabasa okuvaka.
Upenyu Hwangu Hunochinja
Ipapa ndipo pakatanga kuchinja upenyu hwangu. Mwanasikana wangu, akanga zvino aroorwa uye achigara pamhiri pomuganhu muBrownsville, Texas, U.S.A., aitishanyira kakawanda. Rimwe zuva akati: “Baba, mhuri dzakawanda dziri kuungana muhoro yomubatanidzwa iko zvino. Ngatiende tindoona kuti chii.” Rakanga riri gungano reZvapupu zvaJehovha. Mwanasikana wangu, mukuwasha, muzukuru, mudzimai, uye ini takapinda mazuva ose mana egungano.
Kubva gore iroro zvichienda mberi, takapinda misangano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Ndakafambira mberi mumudzimu muMexico, apo mwanasikana wangu akaita izvozvo muUnited States. Nokukurumidza ndakanga ndoudza vashandi biyangu zvokwadi dzeBhaibheri dzandakanga ndichidzidza. Ndakagamuchira magazini gumi echinyorwa chimwe nechimwe cheNharireyomurindi naMukai!, andakagovera pakati pavashandi biyangu. Vashanu veavo vaiva muhofisi uye vatatu vamainjiniya pamwe chete navamwe vashandi vakava Zvapupu.
Haiwa, kwaitonhora sei December 19, 1959 iyeyo, apo ndakabhapatidzwa murwizi! Munhu ari wose akabhapatidzwa zuva iroro akarwara nemhaka yokutonhora zvikuru kwemvura. Mwanasikana wangu akabhapatidzwa ini ndisati, uye mudzimai wangu, kunyange zvazvo asina kutongobhapatidzwa, akasvika papfundo rokuziva zvokwadi yeBhaibheri, uye aibatira pamwe zvikuru.
Ushumiri Hwenguva Yakazara
Ndakanzwa ndine mungava kuna Mwari nokuda kwomutsa worudo wake wose, naizvozvo muna February 1962, apo ndakanga ndava namakore 75 okukura, ndakavamba ushumiri hwenguva yakazara sapiona. Makore mashomanene gare gare, muna 1968, mudzimai wangu akafa. Ndaida panguva iyeyo kushanda mune imwe nyika, asi nemhaka yezera rangu, hama hadzina kufunga kuti ikoko kwakanga kune mufungo. Zvisinei, muna 1970, ndakagoverwa sapiona muColotlán munyika yeJalisco, makanga mune ungano duku.
Muna September 1972, mutariri wedunhu akakarakadza kuti ndiende kutaundi duku reEl Carrizal, riri pedyo neColotlán. Muna November wegore iroro, ungano yakatangwa ikoko, uye ndakagadzwa kuva mukuru. Kunyange zvazvo riri taundi riri roga zvikuru, vanosvika 31 vanopinda misangano yeungano.
Pasinei zvapo nezera rangu, ndichiri anoshingaira muushumiri, ndichiedza zvakaoma kubetsera vanhu kurangarira pazvitendero zvavo. Somuenzaniso, muRozari vaKaturike vakatendeka vanodzokorora Kudzai Maria: ‘Kudzai, Maria, akazara nenyasha; Ishe anewe.’ Munyengetero wacho unowedzera, kuti: ‘Maria Musande, Mai vaMwari.’ Ndinovabvunza, kuti: ‘Ikoko kunogona sei kuva kwakadaro? Kana Mwari ari iye anoponesa Maria, Anogona sei panguva imwe cheteyo kuva mwanakomana wake?’
Ndava namakore 105 okukura zvino uye ndakabatira somukuru uye sapiona wenguva dzose muEl Carrizal, Jalisco, kwamakore anoda kusvika 20. Ndinonzwa kuti kwave kuri kuda kwaJehovha kuti ndararama makore aya akawanda, sezvo neiyi nzira ndichigona kutsiva nguva yandakarasa mukati moupenyu hwangu apo ndakanga ndisingaMubatiri.
Chimwe chinhu chandakadzidza ndechokuti tinofanira nguva dzose kuva nechivimbo chokuti Mutongi wedu Mukuru ari kutitarisa ari pachigaro chake choumambo chakarurama uye anotigovera zvinodikanwa zvedu. Pisarema 117:2 (NW), rinoti: “Kwatiri mutsa worudo wake wakabvumikisa kuva mukuru.”