Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 2
MUKATI meHondo yeNyika II, chinokochekedza bhande reyunifomu yangu yomurwi yeNazi chakanga chava norunyoro runoti “Mwari Anesu.” Kwandiri uyu wakanga wave uri mumwe muenzaniso chaiwo wokubatanidzwa kwechechi nehondo nokudeura ropa. Kwakanga kwandisembura. Naizvozvo panguva apo vaviri veZvapupu zvaJehovha vakandibatikanisa mukurukurirano muLimbach-Oberfrohna, East Germany, ndakanga ndisisadi rudzidziso uye ndakanga ndava asingatendi kuvapo kwaMwari newezvemhindumupindu.
“Musava nepfungwa yokuti ndichava muKristu,” ndakaudza Zvapupu zvakashanya. Asi zvibvumikiso zvazvo zvakandipwisa kuti kuna Mwari. Ndichidisa kuziva, ndakatenga Bhaibheri uye pashure penguva yakati ndakavamba kurifunda nazvo. Imomo makanga muri muchirimo cha 1953, apo mibato yeZvapupu muEast Germany yakanga yatova murambidzo yechiKomonisiti kwaanodokusvika makore matatu.
Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 15, 1953, yakarondedzera mugariro weZvapupu zvaJehovha panguva iyeyo, ichiti: “Kunyange zvazvo zvichishorwa nguva dzose ndokutyisidzirwa, kunyange zvazvo zvisingakwanisi kushanyirana pasina kutanga kuva nechokwadi chokuti hazvisi kuteverwa, kunyange zvazvo kuwana munhu ane mabhuku eWatchtower kuchireva makore maviri kana kuti matatu mutorongo nokuda kwoku‘kuparadzirwa kwamabhuku anonyandura’, uye kunyange zvazvo mazana ehama dzakakura mumudzimu zvikuru, idzo dzakanga dzave dzichitungamirira, dziri mutorongo, bva vabatiri vaJehovha muEast Germany vanoramba vachiparidzira.”
Muna 1955 mudzimai wangu, Regina, uye ini takapinda kokorodzano yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha muNuremberg, West Germany, uye gore rakatevera racho tose tiri vaviri takabhapatidzwa muWest Berlin. Ipapo, chokwadika, pakanga pari pamberi paapo Berlin Wall yakavakwa muna 1961, ichigura East Germany kubva kuWest Berlin. Asi kunyange ndisati ndabhapatidzwa, ruvimbiko rwangu kuna Jehovha Mwari rwakaedzwa.
Kutora Mutoro
Ungano yeZvapupu zvaJehovha iyo takanga tatanga kuenda kwairi muLimbach-Oberfrohna yaida mumwe munhu aigona kutora mabhuku eBhaibheri muWest Berlin. Taiva nebhizimisi duku navana vaviri vaduku, asi kubatira Jehovha kwakanga kwatova chinhu chinokosha choupenyu hwedu. Takagadziridza motokari yedu yekare, uko kwakaita kuti kubvire kuvanza mabhuku 60. Kuva mutakuri kwakanga kuri basa rine ngozi, asi rakandidzidzisa kuvimba naJehovha.
Kuyambuka nemotokari kubva East Berlin kuenda kuchikamu chokuMadokero kwakanga kusiri nyore, uye ndinowanzoshamisika kuti takambokuita sei. Pane imwe nguva muchikamu chakasununguka, takaunganidza mabhuku ndokuvanza mabhuku acho mumotokari pamberi pokuyambuka muganhu kudzokera kuEast Germany.
Pane imwe nguva, takanga tichangobva kuvanza mabhuku apo muenzi akabuda mufurati. “Imi muri apo,” akashevedzera kudaro. Mwoyo wangu wakadokurova. Akanga ave achiticherechedza here? “Zviri nani kuti muende kune imwe nzvimbowo zvayo nguva inotevera. Motokari ine nhepfenyuro yamapurisa yeEast Germany inomira pakona riri apo, uye angakubatai.” Ndakatura mafemo orusununguko. Kuyambuka muganhu kwakafamba zvakanaka, uye vana vedu taiva mumotokari takaimba munzira yose tichidzokera kumusha.
Kugadzirira Kuparadzaniswa
Muma 1950 hama muEast Germany dzaivimba naavo vaiva muWest nokuda kwamabhuku nenhungamiro. Asi muna 1960 gadziridzo dzakaitwa idzo dzakabetsera Chapupu chimwe nechimwe muEast Germany kuramba chiri pedyo neZvapupu biyacho munharaunda machaigara. Ipapo muna June 1961 kirasi yokutanga yeChikoro choHushumiri hwoUmambo chavakuru chakaitwa muBerlin. Ndakapinda iyi kosi yokutanga yamavhiki mana. Anodokusvika mavhiki matanhatu gare gare, takagurwa kamwe kamwe neWest apo Berlin Wall yakavakwa. Basa redu zvino rakanga risati richingova rapasi pevhu bedzi asiwo rakaparadzaniswa.
Vamwe vakatya kuti mibato yeZvapupu zvaJehovha muEast Germany yaizoderera ndokumira chose chose. Zvisinei, gadziridzo dzesangano dzakatangwa risingasviki gore pamberi pezvi dzakatibetsera kuchengeta chinzwano chomudzimu nesimba. Mukuwedzera, rovedzo yakagamuchirwa navakuru vakapinda kirasi yokutanga yeChikoro choHushumiri hwoUmambo yakavashongedzera kupfuudzira iyi rovedzo kuvamwe vakuru. Naizvozvo Jehovha akatigadzirira nokuda kwokuparadzaniswa kwedu, kunyange sezvo akanga atigadzirira nokuda kwerambidzo muna 1950 nekokorodzano dzoruwa dza 1949.
Taparadzaniswa neWest, kwakanga kwakajeka kuti taifanira kutanga kuchengeta sangano richifamba. Takanyorera hama dzedu dzechiKristu muWest Berlin ndokukarakadza musangano nadzo mumugwagwa mukuru muEast uyo waigona kusvikwa navafambi vaibva kuWest. Takanyepedzera kuti motokari yakanga yafa panzvimbo yakasarudzwa. Maminiti gare gare hama dzakasvika, dzichitiunzira mabhuku eBhaibheri. Nomufaro, idzo dzakaunzawo bhuku rangu rinoshandiswa reChikoro choHushumiri hwoUmambo, zvinonyorwa zvandakanga ndanyora, uye Bhaibheri randakanga ndasiya muBerlin nokuda kwezvikonzero zvechengeteko. Mufaro wakadini kuzviwanazve! Ndaiziva zvishoma kuti ndaizoda sei zvinhu izvozvi mukati mamakore mashomanene akatevera.
Chikoro Chapasi Pevhu
Mazuva mashomanene gare gare, takaraidzwa kuronga makirasi eChikoro choHushumiri hwoUmambo mumativi ose eEast Germany. Varaidzi vana vakagadzwa, kubatanidza ini. Asi kwandiri rakaratidzika kuva basa risingabviri kurovedza vakuru vose apo basa redu rakanga rakarambidzwa. Kunyepedzera chatakanga tichiita, ndakasarudza kuronga makirasi sezororo rokundogara mumusasa.
Kirasi imwe neimwe yakanga yakaumbwa navadzidzi vana neni somuraidzi, kubatanidza hama yechitanhatu yakabatira somubiki. Vadzimai navana vaivapowo. Naizvozvo kazhinji kazhinji taiva neboka ravanhu vanovambira pa 15 kusvika ku 20. Nzvimbo yenguva dzose yemisasa yakaratidzika kuva isingabviri, naizvozvo mhuri yangu neni takatanga kutsvaka nzvimbo dzakakodzera.
Pane imwe nhambo, tichifamba nomumusha, takacherechedza mukoto unotungamirira kumiti kure nenzira huru. Wakaratidzika kuva wakafanira, naizvozvo ndakasvika meya. “Tiri kutsvaka nzvimbo yokupedzera mavhiki maviri tiri mumusasa nedzimwe mhuri shomanene,” ndakatsanangura kudaro. “Tinoda kuva toga kuitira kuti vana vagogona kumhanya-mhanya. Tingagona kushandisa here sango riri uko?” Iye akabvuma, naizvozvo takaita gadziriro.
Panzvimbo pacho, takaisa tende neturera yangu kuparira nzvimbo yapakati ine makona mana yakanga yakavanzwa kunze. Turera yakabatira sekamuri redu rekirasi. Takasangana mairi nokuda kwefundo yakakomba yamaawa 8 pazuva kwamazuva 14. Munharaunda yakakombwa makanga mune zvigaro netafura, zvakarongwa kutyira kuti tingava navashanyi vasingakarirwi. Uye takava navo! Panguva dzakadaro takaonga chaizvoizvo tsigiro yorudo yemhuri dzedu.
Apo takanga tichidzidza, mhuri dzedu dzairinda. Pane iyi nhambo chaiyo, meya, uyo akanga ariwo munyori womunzvimbomo weBato reKomonisiti, akaonwa achikwira nomukoto akananga kumiti yedu. Murindiri akaridza bhero rakanga rakabatanidzwa netambo kubhero rinonyevera raiva muturera. Kamwe kamwe takasvetukira kunze kweturera ndokugara panzvimbo dzakanga dzakarongwa kare takakomba tafura ndokutanga kutamba makadhi. Pakanga pachitova nebhodhoro redoro kuita kuti chiono chacho chiratidzike kuva chechokwadi. Meya akatishanyira noushamwari ndokudzokera kumusha pasina nyumwiro ipi neipi yezvakanga zvichiitika chaizvoizvo.
Kirasi dzeChikoro choHushumiri hwoUmambo dzakaitwa munyika yacho mose kuvambira muchirimo cha 1962 kutozosvikira kukupera kwa 1965. Rovedzo yakakomba yakagamuchirwa ikoko, iyo yakabatanidza mashoko pamusoro penzira yokugonana nayo nomugariro wedu chaiwo muEast Germany, yakagadzirira vakuru nokuda kwetarisirwo yebasa rokuparidzira. Kuti vapinde kirasi, vakuru havana kungorega bedzi zororo ravo asi vakapinda mungozi yokuiswa mutorongowo.
Betsero dzeChikoro
Zviremera zvaisanocherechedza mibato yedu, uye mukupera kwa 1965, pashure pokunge vazhinjisa vavakuru vapinda chikoro chacho, zvakaedza kugumisa sangano redu. Zvakabata Zvapupu 15 zvakarangarirwa kuva zvaitungamirira mubasa. Chakanga chiri chiito chakasanogadzirirwa, chichibatanidza nyika yacho yose. Zvakare, vazhinji vakafunga kuti Zvapupu zvaizorega kushanda. Asi nebetsero yaJehovha takachinjira kumugariro wacho ndokupfuuridzira basa redu sekare.
Yakaita zvikurukuru kuti ikoku kubvire yakanga iri rovedzo iyo vakuru vakanga vagamuchira muChikoro choHushumiri hwoUmambo nezvisungo zvechivimbo zvakanga zvaitwa kupfurikidza nesonganiro yavakafarikanya mukati meidzi kirasi. Nokudaro, sangano rakaratidza ushingi hwaro. Kwakanga kuchikosha sei kuti takanga tasanotevera nokuteerera miraidzo yesangano!—Isaya 48:17.
Kwakava pachena mumwedzi yakatevera kuti dzvinyiriro huru yakaitwa nezviremera zvehurumende yakanga yava nomuuyo muduku wakaipa pamubato wedu. Pashure penguva pfupi, takakwanisa kutangazve kirasi dzeChikoro choHushumiri hwoUmambo. Apo zviremera zvakacherechedza kudzokera kwedu kumugariro wekare, zvakamanikidzirwa kuchinja unyanzvi hwazvo. Rukundo rwakadini nokuda kwaJehovha!
Kushingaira Muushumiri
Panguva iyoyo mapoka edu eFundo yeBhuku yeUngano akanga akaumbwa navanhu vanenge vashanu. Mumwe nomumwe wedu akagamuchira mabhuku edu eBhaibheri kupfurikidza neiyi gadziriro yefundo yebhuku, uye basa rokuparidzira raitsinhiraniswa richibva muaya mapoka maduku efundo. Kuvambira pakutanga Jehovha akakomborera Regina neni navanhu vazhinji vaishuva kufunda Bhaibheri.
Basa rapaimba neimba rakanzi gadziridzwei kutidzivirira pakuwanwa ndokusungwa. Taishanyira kero imwe, ipapo kupfuura misha mishomanene tisati tagogodza parimwe suo. Pane imwe imba mumwe mukadzi akakoka Regina neni kupinda. Takanga tichikurukura musoro wapaMagwaro naye apo mwanakomana wake akapinda mukamuri. Akanga akananga zvikuru.
“Mati mamboona Mwari wenyu here?” akabvunza kudaro. “Kuitira kuti mugoziva, ndinongotenda bedzi chandinoona. Chinhu chiri chose zvacho hachina maturo.”
“Handigoni kutenda izvozvo,” ndakapindura kudaro. “Wati wamboona uropi hwako here? Chinhu chiri chose chaunoita chinoratidzira kuti unahwo.”
Regina neni takapa mienzaniso yezvimwe zvinhu izvo tinogamuchira pasina kuzviona, zvakadai samagetsi. Jaya rakasanoteerera, uye fundo yeBhaibheri yapamusha yakatangwa naro namai waro. Vose vari vaviri vakava Zvapupu. Kutaura idi, vanhu 14 avo mudzimai wangu neni takafunda navo vakava Zvapupu. Hafu yenhamba iyoyo takaiwana mukati meshanyo dzedu dzapaimba neimba, uye imwe hafu takatanga kusangana mukati mokupupurira kwamasanga.
Nokukurumidza apo fundo yeBhaibheri yapamusha yakanga ichiitiswa nguva dzose uye takarangarira munhu wacho kuva akavimbika, takakoka munhu iyeyo kumisangano yedu. Rangariro huru, zvisinei, yakanga iri yokuti mudzidzi wacho angapinza mungozi chengeteko yavanhu vaMwari here. Nokudaro, pane dzimwe nguva rakanga riri gore kana kuti kupfuura tisati takoka mudzidzi weBhaibheri kumusangano, uye pane imwe nhambo yakanga iri nguva refu zvikuru. Ndinoyeuka mumwe murume akafarikanya mwero wakati woutanhamari; iye aiva noushamwari hwapedyo umo vaidana namazita okutanga navakuru vakuru vakuru vomuBato reKominisiti. Iye akava nefundo yeBhaibheri kwamakore mapfumbamwe asati abvumidzwa kupinda misangano! Nhasi uyu murume ihama yedu yechiKristu.
Zviremera Zvichiri Kutironda
Pashure pa 1965 hatina kutambura kumwezve kusungwa kwavazhinji, asi hatina kusiiwawo tine rugare. Zviremera zvakangopfuurira kutironda. Panenge panguva ino ndakava akasanobatanidzwa nebasa resangano redu, naizvozvo ndakagamuchira ngwariro chaiyo yakabva kuvakuru vakuru. Nguva dzisingaverengeki vakanditora nokuda kwokubvunza, kundiendesa kukamba yamapurisa ndokundibvunzurudza. “Unogona kuti sara zvakanaka kurusungunuko rwako zvino,” ivo vaidaro. “Enda kutorongo.” Asi nguva dzose vaindirega ndichienda pakupedzisira.
Muna 1972 vakuru vakuru vaviri vakandishanyira uye nenzira isiri yamaune vakapa sangano redu kuonga kwakaisvonaka. Ivo vakanga vave vachiteerera Fundo yedu yeungano yeNharireyomurindi. “Takawana nyaya yacho ichigumbura zvikuru,” ivo vakanyunyuta vachidaro. Ivo sezvinooneka vakanga vachiitira hanya izvo vamwe vangafunga nezvepfungwa yechiKomonisiti kana vakarava nyaya yairangarirwa. “Pashure pokurangarira zvose,” ivo vakadaro, “Nharireyomurindi ine paradziro yamamirioni mashanu kana kuti matanhatu, uye inoraviwa munyika dziri kubudirira. Harisati richingova zvaro pepanhau renhando.” Ndakafunga kwandiri ndimene kuti, ‘Makarurama sei!’
Pakasvika 1972 takanga tave tiri murambidzo kwamakore 22, uye Jehovha akanga atitungamirira norudo uye nouchenjeri. Takanga tatevera miraidzo yake nokungwarira, asi aizova mamwe makore 18 Zvapupu muEast Germany zvisati zvapiwa zivikanwo yapamutemo. Tinoonga sei nokuda kworusununguko runoshamisa rwatinofarikanya zvino kunamata Mwari wedu, Jehovha!—Yakataurwa naHelmut Martin.