RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 4/15 pp. 26-30
  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 1

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 1
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Enhamo
  • Basa Redu Rinorambidzwa
  • Kuva Nemisangano Murambidzo
  • Mugove Wangu Wokutanga Mukuru
  • Chivimbo Muna Jehovha
  • Tarisiro Yomunhu Oga yaJehovha
  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 3
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari
    Mukai!—1998
  • Zvapupu zvaJehovha muMabvazuva eEurope
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 4/15 pp. 26-30

Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 1

Kwamakumi amakore Zvapupu zvaJehovha zvakashamisika pamusoro pehama dzazvo munyika umo mibato yazvo yechiKristu yakaganhurirwa. Tinofara kupa yokutanga yenyaya nhatu dzinozivisa zvakati kuti zvezvakaitika. Idzodzi inhauro dzomunhu oga dzamaKristu akatendeka muyaizivikanwa panguva iyoyo seEast Germany.

MUNA 1944, ndakanga ndiri musungwa wehondo weGermany, ndichishanda saodhari muCumnock Camp, pedyo neAyr, Scotland. Ndaibvumirwa kubuda kunze kwomusasa, kunyange zvazvo kusonganirana navanhu vomunzvimbomo kwakanga kuchirambidzwa. Ndichifamba-famba zvangu imwe Svondo, ndakasangana nomumwe murume uyo akaita nhamburiko dzapachokwadi dzokutsanangura zvinhu zvomuBhaibheri kwandiri. Pashure pacho kazhinji kazhinji taifamba-famba pamwe chete.

Pashure penguva yakati akandikokera kukuungana muimba. Ikoku kwaiva nengozi kwaari, sezvo ndakanga ndiri mutezo worudzi rwaiva muvengi. Panguva yacho handina kuziva kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha—musangano wacho sezviri pachena waiva rimwe ramapoka avo maduku efundo yeBhaibheri. Kunyange zvazvo ndaisanzwisisa zvakawanda zvikuru, ndinoyeuka zvakajeka mufananidzo womwana akapfeka chipfeko chirefu chichena, pamwe chete neshumba negwaiana. Iyi pikicha yenyika itsva, seinorondedzerwa mubhuku reBhaibheri raIsaya, yakandiorora zvikuru.

Muna December 1947, ndakasunungurwa mumusasa wetorongo. Ndichidzokera kumusha kuGermany, ndakaroora Margit, uyo ndakanga ndaziva pamberi pehondo. Takaita musha wedu muZittau, pedyo nemiganhu wePoland neCzechoslovakia. Mukati mamazuva mashomanene, mumwe weZvapupu zvaJehovha akagogodza pasuo redu. “Kana iri riri boka rimwe chetero ndakasangana naro muScotland,” ndakaudza mudzimai wangu kudaro, “ipapo tinofanira kuvakumbanira.” Vhiki rimwe chetero, takapinda musangano wedu wokutanga neZvapupu.

Kubva muBhaibheri, takakurumidza kuziva nezvokudikanwa kwokupinda misangano yechiKristu nguva dzose nokugoverana mubasa rokuparidzira. Kutaura idi, izvo Zvapupu zvakadzidzisa kubva muBhaibheri zvakakurumidza kuva chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwedu. Pashure penguva yakati ndakavamba kuitisa fundo yeBhaibheri yeboka. Ipapo, muna February 1950, vatariri vechiKristu vanofambira vaviri vakabvunza, kuti: “Haumboda here kuombekwa?” Masikati iwayo Margit neni takaratidzira tsauriro yedu kuna Mwari norubhapatidzo.

Mavambo Enhamo

Zittau yakanga iri munharaunda yeSoviet yeGermany, uye nhamburiko dzokuitira nhamo Zvapupu zvaJehovha dzakanga dzavamba muna 1949. Pashure bedzi pechitambudzo chikuru nzvimbo yakawanwa yegungano duku muBautzen. Ipapo, mukati mezhezha, zvitima chaizvo zvekokorodzano yoruwa huru zvikuru muBerlin zvakakanzurwa kamwe kamwe. Bva zviuru zvakapinda.

Misangano yeungano yakavhiringidzwawo. Vadzongonyedzi vaipinda kuzongodaidzira chete nokuridza muridzo. Pane imwe nhambo takadokumanikidzirwa kumisa hurukuro yomutariri anofambira. Mapepanhau aitidana kuti vaporofita vorushambwa. Nyaya dzamapepanhau dzakatotaura kuti takanga taungana pamusoro pamakomo tichimirira kuendeswa mumakore. Mapepa akanokorawo mashoko vamwe vasikana savanotaura kuti Zvapupu zvaiedza kuita utere navo. Tsananguro yokuti ‘avo vanoita tsauriro kuna Jehovha vaizogamuchira upenyu husingaperi’ yakamonyaniswa kutaura kuti avo vaivatana neZvapupu vaizowana upenyu husingaperi.

Gare gare takapomerwawo kuva vapariri vehondo. Izvo taitaura pamusoro pehondo yaMwari yeArmagedhoni zvakatsanangurwa nenzira isiyo kureva kuti taikurudzira nhangemutange yezvombo nehondo. Upenzi sei! Kunyanguvezvo, muna August 1950, apo ndakasvika nokuda kwedzoro rousiku papepanhau romunzvimbomo apo ndaishanda somutsikiriri, ndakamiswa pageti. “Wadzingwa basa,” akadaro murindiri, uyo akaperekedzwa namapurisa. “Imi vanhu munoda hondo.”

Shure kumusha, Margit akasunungurwa. “Hakuchisinazve kunonoka kubasa,” iye akadaro. Hatina kunetseka. Ndakakurumidza kuwana rimwe basa. Taivimba naMwari kugovera, uye akadaro.

Basa Redu Rinorambidzwa

Pana August 31, 1950, mibato yeZvapupu zvaJehovha muGerman Democratic Republic yakarambidzwa. Kusungwa kukuru kwakatevera. Zvapupu zvakatongwa, zvimwe zvichigamuchira tongero dzorufu. Vaviri vakabva Zittau, avo vakanga vatambura mumisasa yechibharo mumaNazi vakapinzwa mutorongo navaKomonisiti.

Uyo aitarisira ungano yedu akasungwa pamwe chete nomudzimai wake. Avo vakavasunga vakasiya vana vavo vaduku vari voga muimba kuti vazvitarisire vamene. Vanasekuru vakatora vana vacho, uye nhasi vasikana vacho vose vari vaviri vanoshingaira mukuudza vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari.

Nhume dzaibva kuungano dzomuEast Germany dzakafamba dzichienda nokudzoka kuBerlin kuzotora mabhuku panzvimbo dzokutorera muchikamu chakasununguka chokumadokero. Vakawanda veidzi nhume dzine ushingi vakasungwa, vakazvuzvurudzirwa mudare, uye dzakatongerwa kugara mutorongo.

Zviremera zvakakurumidza kusvika mamwe mangwanani kuzonzvera musha wedu. Takanga takarira kuuya kwazvo, naizvozvo ndakanga ndaisa zvinyorwa zvose zveungano, izvo ndakanga ndichichengeta, mubarn redu, pedyo nechitsaka cheigo. Zvipembenene zvacho hazvina kutongotinetsa, asi apo varume vacho vakatanga kunzvera munharaunda macho, kamwe kamwe vakaputirwa mugore remago. Zvose izvo varume vacho vaigona kuita kwaiva kutiza nokuda kwekotsekano!

Jehovha akanga atigadzirira nokuda kwerambidzo kupfurikidza nekokorodzano dzakaitwa muna 1949. Purogiramu yacho yakanga yatikurudzira kusimbisa fundo yomunhu oga, kupinda misangano, uye mubato wedu wokuparidzira, pamwe chete nokuvimbana nokuda kwetsigiro nekurudziro. Ikoku kwakatibetsera chaizvoizvo kuramba takavimbika. Nokudaro, kunyange zvazvo vanhu vaiwanzotitsoropodza nokutituka, hatina kuitira hanya.

Kuva Nemisangano Murambidzo

Pashure pechiziviso cherambidzo, ndakasangana neZvapupu biyangu zviviri kuzokurukura nzira yokupfuuridzira nayo misangano yedu yeungano. Kupinda kwakanga kune ngozi, sezvo kusungwa uripo kwaigona kureva kutongerwa kugara mutorongo. Takashanyira Zvapupu zvomunharaunda yedu. Zvimwe zvaitya, asi kwakanga kuchikurudzira kuti mumwe nomumwe aiziva dikano yokupinda misangano.

Mumwe munhu anofarira aiva nebarn akarigovera nokuda kwokushandisa senzvimbo yemisangano. Kunyange zvazvo raiva mumunda, riri pachena kuti vose vaone, barn racho raiva nesuo reshure iro raivhurikira munzira yakanga yakavanzwa namakwenzi. Naizvozvo kuuya kwedu nokuenda hakuna kucherechedzwa. Munguva yose yechando barn rekare iroro rakagovera nzvimbo yemisangano yedu yaiitwa nechiedza chekenduru, navanhu vanenge 20 vaivapo. Taisangana vhiki rimwe nerimwe nokuda kwefundo yedu yamagazini yeNharireyomurindi uye nokuda kwoMusangano Webasa. Purogiramu yacho yaichinjirwa kumigariro yedu, ichisimbisa kuti taifanira kuramba tichishingaira mumudzimu. Takakurumidza kufadzwa nokugamuchira munhu mumwe cheteyo anofarira sehama yedu itsva muzvokwadi.

Pakati pama 1950, tongero dzedare dzakava nyoro zvikuru, uye dzimwe hama dzakasunungurwa mutorongo. Vakawanda vakaendeswa kuWest Germany. Kana ndirini, zvinhu zvakachinja nenzira isingakarirwi pashure peshanyo yeimwe hama yakabva kuWest Germany.

Mugove Wangu Wokutanga Mukuru

Hama yacho yakazvidana imene kuti Hans. Pashure pekurukurirano yedu, ndakakumbirwa kushanyira imwe kero muBerlin. Pakuwana zita recode pabhero rapasuo, ndakakokwa kupinda. Vanhu vaviri vakandikumbanira ndokundibatikanisa mukurukurirano inofadza asi yezvakawanda zvikuru. Ipapo kwakauya icho vakanga vachitungamirira kwachiri: “Kudai ukagoverwa mugove chaiwo, ungaugamuchira here?”

“Chokwadika,” ndiyo yaiva mhinduro yangu.

“Zvakaisvonaka,” ivo vakadaro, “ndizvo chete taida kuziva. Iva norwendo rwakakotsekana kumusha.”

Mavhiki matatu gare gare ndakakumbirwa kudzokera kuBerlin uye zvakare ndakazviwana ndimene ndava mukamuri iroro. Zvichindigamuchidza mepu yenharaunda yakapoteredza Zittau, hama dzakasvika papfundo. “Hatina onano neZvapupu zviri muiyi nharaunda. Ungagona here kudzorera onano nokuda kwedu?”

“Chokwadika ndichadaro,” yakanga iri mhinduro yangu yokukurumidza. Nharaunda yacho yakanga iri hombe, yakareba makiromita anopfuura 100, kubva kuRiesa kusvika kuZittau, uye kusvikira kumakiromita 50 okufara. Uye chandaingova nacho bedzi ibhasikoro. Apo onano neZvapupu zvimwe nezvimwe yakasimbiswa, chimwe nechimwe chakasonganira mukati meungano yacho chimene, iyo yaitumira nguva dzose mumiriri kuBerlin kuzotora mabhuku nemiraidzo. Uyu mutoo wokushanda wakadzivisa kupinzwa mungozi kwedzimwe ungano apo zviremera zvakanga zvichitambudza ungano imwe ipi neipi.

Chivimbo Muna Jehovha

Pasinei zvapo nechitambudzo, mukuteerera miraidzo yeBhaibheri, hatina kutongorega kuenda paimba neimba neshoko redu pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14; 28:19, 20; Mabasa 20:20) Takashanyira kero pahwaro hwerumbidzo dzakabva kuvanhu vaitozivikanwa kwatiri, uye takafarikanya zvinoitika zvinoshamisa. Padzimwe nguva kunyange zvikanganiso zvedu zvaishandurwa kuva zvikomborero, seizvo chinotevera chinoratidzira.

Mudzimai wangu neni takapiwa kero yokushanyira, asi takashanyira paimba isiyo. Apo suo rakazaruka, takacherechedza yunifomu yomupurisa panoiswa mabhachi. Chiso chaMargit chakacheneruka; mwoyo wangu wakarova. Ikoku kwaigona kureva torongo. Nguva bedzi yomunyengetero wokukurumidza.

“Ndimi vanaani?” akabvunza murume wacho nokugura. Takaramba takaterama.

“Ndine chokwadi chokuti ndinokuzivai kubva pane imwe nzvimbo,” Margit akadaro, “asi handigoni chaizvo kufunga kuti ndokupi. Hungu, muri mupurisa. Ndinofanira kuva ndakakuonai muri pabasa.”

Ikoku kwakanyaradza, uye iye akabvunza nenzwi roushamwari. “Muri vaJehovha here?”

“Hungu,” ndakakumbanira, “tiri, uye munofanira kubvuma kuti kunoda ushingi kuti tigogodze pasuo renyu. Tinokufarirai somunhu oga.”

Akatikumbira kupinda mumba make. Takamushanyira kanoverengeka ndokutanga fundo yeBhaibheri. Pashure penguva yakati uyu murume akava hama yedu yechiKristu. Haiwa chinoitika ichocho chakasimbisa sei chivimbo chedu muna Jehovha!

Hanzvadzi kazhinji kazhinji dzaishanda senhume, uko kwaidziraira kuisa chivimbo chadzo chakakwana muna Jehovha. Kwakadaro kwaiva chinoitika apo Margit akambofamba achienda kuBerlin kundotora mabhuku. Kwaiva naakawanda zvikuru kupfuura aikarirwa. Tambo yokuyanikira zvipfeko yakashandiswa kusunga sutukesi rinorema, rakazara. Zvose zvakafamba zvakanaka kutozosvikira Margit ava muchitima. Ipapo mukuru mukuru wapamuganhu akasvika.

“Nderani, uye chii chiri mariri?” Iye akabvunza kudaro achinongedzera kusutukesi racho.

“Zvipfeko zvangu zvokugeza,” Margit akapindura.

Achinyumwa, iye akamuraira kuivhura. Zvishoma nezvishoma uye namaune, achisunungura pfundo rimwe panguva, Margit akavamba kusunungura tambo yokuyanikira mbatya yakasunga sutukesi. Sezvo basa romukuru mukuru pamuganhu raimuda kufamba nechitima bedzi daro rakati uye ipapo kuburuka ndokutora chimwe chitima parwendo rwokudzokera, iye akava asingashiviriri nenzira inowedzera. Pakupedzisira, apo mapfundo matatu akasara, akarega. “Ibva, uye enda nezvipfeko zvako zvokugeza!” akashevedzera kudaro.

Tarisiro Yomunhu Oga yaJehovha

Kazhinji kazhinji ndaigona kurara maawa asingapfuuri mana usiku, sezvo ndaiwanzotarisira zvinhu zveungano usiku. Pakanga pari pashure pousiku hwomubato wakadaro apo vakuru vakuru vakagogodza nesimba pasuo redu mamwe mangwanani. Ivo vakanga vauya kuzoita nzvero. Kwakanga kwava kunyanyononoka kuvanza chinhu chipi nechipi.

Vakuru vakuru vakapedza mangwanani ose vachisanoongorora nzvimbo yacho, kunyange kunzvera chimbudzi kutyira kuti chinhu chipi nechipi chakanga chakavanzwa machiri. Hakuna munhu akafunga kunzvera bhachi rangu rakanga rakarembera panoturikwa mabhachi. Ndakanga ndapinza nechimbichimbi zvinyorwa mumapoketi aro akawanda. Mapoketi acho akanga akazara nezvinhu zvimene izvo vakuru vakuru vakanga vachida, asi vakaenda vasina chinhu.

Pane imwe nhambo, muna August 1961, ndaiva muBerlin. Kwakabvumikisa kuva kutora kwangu kwokupedzisira mabhuku Berlin Wall isati yavakwa. Chiteshi chechitima cheBerlin chakanga chakazara navanhu sezvo ndakagadzirira kudzokera kuZittau. Chitima chakasvika, uye munhu ari wose akakurumidza kudzika kuchikuva kuti akwire. Ndiri pakati peboka racho, ndakazviwana ndimene kamwe kamwe ndiri muchikamu chisina chinhu chechitima. Nokukurumidza pashure pokunge ndakwira murindiri akakiya masuo ari kunze. Ndakamira ndiri ndoga murutivi rumwe, vamwe vakwiri vachipinzwa murutivi rwasara rwechitima.

Takaenda kuZittau. Kwenguva yakati ndaiva ndoga mutiroko. Ipapo chitima chakamira, uye masuo okuchikamu changu akazarurwa. Varwi vakawanda veSoviet vakapinda. Ipapo bedzi ndakaziva kuti ndakanga ndave ndichifamba ndiri muchikamu chakachengeterwa mauto eSoviet. Ndakashuva kuti kudai pasi paizovhurika ndokundimedza. Bva, varwi havana kuratidzika kuva vanoona chinhu chipi nechipi chakaipa.

Takatangazve rwendo rwokuZittau, uko masuo okuchikamu chedu akazarurwa, uye varwi vakasvetukira kunze. Ivo vakavamba kunzverwa kwavafambi vose pachiteshi. Ndini bedzi ndakaenda ndisina kudziviswa. Vakawanda vavarwi vakatondiitira saruti, vachifunga kuti ndaiva mukuru mukuru.

Paingova pashure pandakaziva kuti mabhuku iwaya aikosha sei, nokuti kuvakwa kweBerlin Wall kwakadzongonyedza kwechinguvana nzira yedu yomugove. Bva, mabhuku iwaya akanga akakwana kubatira zvinodikanwa zvedu mwedzi inoverengeka. Munguvayo, gadziriro dzokuramba vachionana nesu dzaigona kuitwa.

Kusvika kweBerlin Wall muna 1961 kwakaunza chinjo nokuda kwedu muEast Germany. Asi Jehovha, senguva dzose, aiva pamberi pezvinoitika. Iye akapfuurira kutitarisira murambidzo.—Yakataurwa naHermann Laube.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Takafarikanya gungano duku muBautzen

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe