RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 5/15 pp. 28-31
  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 3

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 3
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugovera Zvokudya Zvomudzimu
  • Kupukunyuka
  • Mutorongo Asi Takasununguka
  • Vana Vedu Vanoedzwa
  • Kuwedzera Mibato Yedu Yokuparidzira Pachena
  • Gadziridzo Sezvo Rusununguko Rwaiswedera Pedyo
  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari
    Mukai!—1998
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 5/15 pp. 28-31

Jehovha Akatitarisira Murambidzo—Rutivi 3

AKANGA ari March 14, 1990. Pazuva rinokosha iroro, ndaiva pakati paavo vaivapo apo mukuru mukuru wehurumende paBato Renhau Dzorudzidziso muEast Berlin akapa rugwaro rwaipa mugariro wapamutemo paZvapupu zvaJehovha mune yaidanwa panguva iyoyo kunzi German Democratic Republic, kana kuti East Germany. Mukati mezvakaitwa zuva iroro, ndakafunga ndichidzokera shure kusvikira apo ndakava Chapupu ndokurangarira nguva dzakaoma dzatakanga tatambura.

Pakati pama 1950, apo Margarete, mushandi biyangu uyo akanga ari Chapupu, akatanga kutaura kwandiri pamusoro pezvitendero zvake zvakavakirwa paBhaibheri, kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha muEast Germany kwakanga kwakakomba. Nokukurumidza pashure paikoko akaenda kundoshanda kune imwewo nzvimbo, uye ndakavamba kufunda Bhaibheri nechimwe Chapupu. Ndakabhapatidzwa muna 1956, uye Margarete neni takaroorana gore rimwe chetero. Takasonganirana neLichtenberg Ungano muBerlin. Yakanga ine vaparidzi voUmambo vanenge 60 vaigoverana mubasa rokuparidzira.

Makore maviri pashure porubhapatidzo rwangu, vakuru vakuru vehurumende vakashanyira musha wouyo aitungamirira muungano yedu. Vaida kumusunga, asi iye akanga ari kubasa muWest Berlin. Mhuri yake yakakwanisa kumuzivisa kuti arambe ari ikoko, uye mwedzi yakati gare gare vakamukumbanira muMadokero. Kunyange zvazvo ndakanga ndine makore 24 bedzi okukura, ipapo ndakapiwa mitoro inorema muungano. Ndinoonga kuti Jehovha anogovera uchenjeri nesimba zvinodikanwa kutarisira mabasa akadaro.—2 VaKorinte 4:7.

Kugovera Zvokudya Zvomudzimu

Apo Rusvingo rweBerlin rwakavakwa muna August 1961, Zvapupu zvaJehovha zvaiva muMabvazuva zvakava zvakaparadzaniswa kamwe kamwe nehama dzazvo dzaiva muMadokero. Nokudaro yakavamba nhambo apo takaita makopi amabhuku edu, kutanga netapureta, ipapo kupfurikidza nenhevedzano yemichina yokutsikirira. Kutanga muna 1963, ndakapedza makore maviri ndichivaka nzvimbo yakavandika mumusha wedu kuti ndiite uku kutsikirira. Pashure pokushanda zuva rose somugadziri wezvishandiso, ndaipedza usiku ndichigadzira makopi eNharireyomurindi nebetsero yedzimwe hama shomanene. Zviremera zvakanga zvakatsunga kuwana sangano redu rokutsikirira, asi Jehovha akatibetsera zvokuti zvokudya zvedu, sezvataizvidana kudaro, zvaioneka panguva.

Kugadzira makopi akakwana emagazini edu kwaida mapepa muzvitsama zvikuru, uye kuwana zvitsama izvozvi kwakanga kusati kuri nyore. Kudai takanga tichitenga nguva dzose mapepa akawanda, ikoku kungadai kwakakwezva ngwariro yezviremera. Naizvozvo takaita kuti Zvapupu zvimwe nezvimwe zvitenge mapepa muzvitsama zviduku ndokuaunza kuboka redu refundo yeBhaibheri. Kubva ipapo aiendeswa uko taigadzira magazini. Zvimwe Zvapupu ipapo zvaiparadzira magazini apera.

Sezvo vakuru vakuru vacho vainyumwira kuti ndakanga ndichibatanidzwa mukutsikirira mabhuku, vakaramba vachindiongorora. Mukupera kwa 1965, ndakavacherekedza vachinditevera zvinopfuura zvenguva dzose ndokunyumwa kuti vakanga vachironga chimwe chinhu. Kamwe kamwe, vakadenha nokukurumidza mamwe mangwanani.

Kupukunyuka

Ndakanga ndiri kuenda kubasa mangwanani iwayo enguva yechando. Kwakanga kusati kwaedza, uye ndakazvishingisa ndimene kurwisana nechando chinorwadza. Pandakanga ndichifamba, ndakaona misoro mina pamusoro poruzhowa. Varume vacho vakakona ndokupfuurira vachifamba munzira vakananga kwandiri. Kukuvhunduka kwangu ndakavaziva savakuru vakuru vehurumende. Chii chandaifanira kuita?

Sinou yakadzama yakanga yakandirwa kurutivi kusiya nzira nhete. Ndakaramba ndichifamba. Ndichikotamisa musoro wangu, ndakapfuurira maziso angu akanangidzirwa pasi. Ndakataura nenzwi riri pasi munyengetero wokukurumidza. Varume vacho vakaramba vachiswedera pedyo. Vakanga vandiziva here? Sezvo takapfuudzana pedyo nepedyo munzira yakamanikana, ndaisatongogona kudavira zvakanga zviri kuitika. Ndakaramba ndichifambisa. “Hei,” mumwe wavo akadanidzira kudaro, “ndiye. Mira!”

Ndakamhanya nokukurumidza sezvandaigona. Ndichimhanya ndichipoterera kona, ndakasvetuka napamusoro pefenzi yomuvakidzani ndokupinda muruvazhe rweseri rwangu ndimene. Ndichimhanyira mukati memba, ndakakiya ndokuisa chihuri pasuo. “Munhu ari ose ngaamuke!” ndakadanidzira kudaro. “Vauya kuzonditora.”

Margarete akanga ava muuriri hwapasi nokukurumidza zvikuru ndokumira pasuo. Munguva pfupi ndakanga ndava muimba inochengeterwa zvinhu ndichikuchidzira chitofu. Ndakatora zvinyorwa zvose zveungano zvandaiva nazvo ndokuzviisa mumarimi omwoto.

“Zarura!” varume vacho vakadanidzira kudaro. “Zarura suo! Ndini mutongi.”

Margarete akashinga sezvo ndaipisa chinhu chiri chose zvokusagona kuzivikanwa. Ipapo ndakakumbanira Margarete ndokumutendera nomusoro kuti azarure suo. Varume vacho vakapinda.

“Neiko watiza?” vakabvunza kudaro.

Nokukurumidza vamwe vakuru vakuru vehurumende vakasvika, uye imba yose yakanzverwa. Itiro hanya yangu huru yakanga iri nzvimbo yakavandika umo muchina wedu wokutsikirira namashiti 40 000 amapepa zvakanga zviri. Asi pokupinda napo pakavandika hapana kuonekwa. Kunyange zvazvo kubvunzurudzwa kwacho kwakapfuurira kwamaawa akati, Jehovha akandibetsera kuramba ndakaterama. Chinoitika ichocho chakatiswededza pedyo zvikuru naBaba vedu vokudenga vane rudo ndokutisimbisa kuti titsungirire.

Mutorongo Asi Takasununguka

Mukupera kwama 1960, ndakaziviswa kuti ndishume nokuda kwebasa ramauto. Sezvo ndaisagona kubatira nenzira yokutungamirirwa nehana, ndakagombedzerwa kupedza mwedzi minomwe mutorongo nomumusasa wechibharo. Maiva neZvapupu 15 mumusasa waiva paCottbus, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweBerlin. Tose zvedu takanga tiri imomo nemhaka yokusatora rutivi kwedu kwechiKristu. (Isaya 2:2-4; Johane 17:16) Mazuva edu ebasa akanga akareba uye basa racho rakaoma. Taimuka na 4:15 a.m. uye taiendeswa kunze kwomusasa kuti tishande munjanji. Patakanga tiri mutorongo, zvisinei, takanga tine mabanza okuudza vamwe pamusoro poUmambo hwaJehovha.

Somuenzaniso, vauki vaviri vaiva nesu muCottbus. Rimwe zuva ndakanzwa kuti muduku wacho aida kutaura neni nenzira yokupererwa nezano rose. Chii chaaigona kuda? Akandiudza chinhu chiri chose. Mbuya vake vakanga vave vari muuki, uye iye akanga akudziridza masimba akafanana pashure pokurava mabhuku avo. Kunyange zvazvo uyu murume aida zvikuru kwazvo kusununguka mumasimba aimudzora, akanga achitya matsive. Akaramba achichema. Asi zvose izvozvi zvakanga zvine chii chokuita neni?

Mukurukurirano yedu, iye akatsanangura kuti mano ake okuzivisa nguva yemberi akashatiswa apo akanga ari muboka reZvapupu zvaJehovha. Ndakatsanangura kuti kune zvose zviri zviviri midzimu yakashata, kana kuti madhemoni, uye yakanaka, kana kuti ngirozi dzakarurama. Ndichishandisa muenzaniso waavo vakava maKristu muEfeso yakare, ndakasimbisa dikanwo yokurasa zvinhu zvose zvaiva nechokuita nokuuka kana kuti mumwe muitiro upi noupi wekurukurirano nemidzimu. (Mabasa 19:17-20) “Ipapo onana neZvapupu,” ndakamuudza kudaro. “Kune Zvapupu zvinogara munzvimbo iri yose.”

Murume muduku akabva mumusasa mazuva mashomanene gare gare, uye hapana zvimwe zvandakanzwa nezvake. Asi chinoitika chacho nomurume iyeyo akavhundutswa neasingakwanisi kunyaradzwa uyo aida rusununguko chakadzamisa rudo rwangu nokuda kwaJehovha. Isu Zvapupu 15 takanga tiri mumusasa nokuda kwokutenda kwedu, asi takanga takasununguka nenzira yomudzimu. Murume muduku iyeyo akanga asunungurwa mutorongo, asi iye akanga achiri muuranda kuna “mwari” aimuvhundutsa. (2 VaKorinte 4:4) Isu Zvapupu tinofanira kukoshesa sei rusununguko rwedu rwomudzimu!

Vana Vedu Vanoedzwa

Havasati vari vakuru bedzi vaifanira kutsigira zvakasimba zvitendero zvavo zvakavakirwa paBhaibheri asi vanhu vaduku vakadarowo. Ivo vaidzvinyirirwa kuti vabvumirane pane zvisina kufanira kose kuri kuviri muchikoro nokubasa. Vose vavana vedu vana vaifanira kutsigira zvitendero zvavo.

Chinoitika chokukwazisa mureza chaiitwa muchikoro Muvhuro uri wose. Vana vaifora vari mumutsetse vachipinda muruvazhe, vaiimba rwiyo, uye vaipa kwaziso inonzi Thälmann sezvo mureza wacho waikwidzwa. Ernst Thälmann akanga ari muKomonisiti weGermany akauraiwa neSS yeNazi muna 1944. Pashure pehondo yenyika yechipiri, Thälmann akava gamba muEast Germany. Nemhaka yechitendero chedu chakavakirwa paBhaibheri chokuti basa rinoyera rinofanira kunangidzirwa bedzi kuna Jehovha Mwari, mudzimai wangu neni takarairidza vana vedu kumira nenzira yokuremekedza mukati mezvinoitika zvakadaro vasingatori rutivi.

Vana vechikoro vaidzidziswawo nziyo dzechiKomonisiti. Margarete neni takaenda kuchikoro chavana vedu ndokutsanangura chikonzero nei vaisazoimba nziyo dzezvamatongerwe enyika dzakadaro. Takataura, kunyanguvezvo, kuti vaizova vanodisa kudzidza nziyo dzorumwe rudzi. Nokudaro, pazera rapakuvamba, vana vedu vakadzidza kumira vakasimba ndokuva vakasiana navaenzani vavo.

Nechokumugumo kwama 1970, mwanasikana wedu mukurusa aida kudzidzira basa romuhofisi. Zvisinei, mudzidzi webasa mumwe nomumwe aidikanirwa kutanga kuva namazuva 14 okurovedzwa kwapamberi pehondo. Sezvo hana yaRenate yaisazomubvumira kutora rutivi muna ikoku, akamira zvakatsiga uye pakupedzisira akabvisirwa mutoro wokugamuchira rovedzo yakadaro.

Mukati mokudzidza kwake basa, Renate akapinda kirasi umo iye akakumbirwa kupinda rovedzo yokupfura. “Renate, uri kuuyawo kurovedzo yokupfura,” akadaro mudzidzisi. Iye akanga asingakendengi kuzvirambidzo zvake. “Haufaniri kupfura,” iye akapikira kudaro. “Unogona kutarisira donhodzo.”

Manheru iwayo, takakurukura zvinhu semhuri. Takarangarira kuti kuvapo kwaRenate parovedzo yokupfura kwakanga kusina kururama, kunyange zvazvo kana akanga asingatori rutivi zvakananga. Asimbiswa nekurukurirano nesu uye nomunyengetero, iye haana kuzvirega amene achiva anotyisidzirwa. Ikurudziro yakadini nokuda kwedu kuona mwanasikana wedu muduku achitsigira nheyo dzakarurama!

Kuwedzera Mibato Yedu Yokuparidzira Pachena

Apo chishoro kubasa redu chakapfava mukupera kwama 1970, migove mikuru yezvinyorwa zvedu zvechiKristu yakavamba kuunzwa kubva kuMadokero. Kunyange zvazvo iwoyu wakanga uri mubato une ngozi, hama dzakashinga dzakazvipira kuuita. Takaonga zvikuru iyi migove yamabhuku yakawedzerwa nenhamburiko dzaavo vakaiita kuti ibvire. Apo chitambudzo chakanga chakakomba mukati mamakore apakuvamba erambidzo, mubato wokuparidzira paimba neimba wakanga uri denho chaiyoiyo. Kutaura idi, kutya chirango kwakatungamira vamwe kuurega. Asi pashure penguva yakati basa redu rokuparidzira pachena rakawedzera nenzira inoshamisa. Muma 1960, inenge 25 muzana bedzi yavaparidzi voUmambo yakanga ichitora rutivi mubasa rapaimba neimba nguva dzose. Zvisinei, chiverengero chaigoverana nguva dzose murutivi irworwo rwoushumiri chakanga chakwira kusvikira ku 66 muzana pakazosvika kupera kwama 1980! Pakazosvika nguva iyeyo zviremera zvakapa ngwariro shomanene kumubato wedu wokuparidzira pachena.

Pane imwe nhambo imwe hama yandakanga ndichishanda nayo muushumiri yakauya nomwanasikana wayo muduku. Afadzwa nokuvapo kwomusikana, mumwe mukadzi mukuru watakataura naye akatikumbira kupinda mumusha make. Iye akaonga mharidzo yedu yapaMagwaro ndokubvuma kuti tinofanira kushanya zvakare. Gare gare ndakapa shanyo yacho kumudzimai wangu, uyo akakurumidza kutanga fundo yeBhaibheri yapamusha nomukadzi wacho. Pasinei zvapo nokukwegura noutano husina kunaka, uyu mukadzi akava hanzvadzi yedu uye anopfuurira achishingaira mubasa raJehovha.

Gadziridzo Sezvo Rusununguko Rwaiswedera Pedyo

Jehovha akatigadzirira nokuda kwenguva apo taizofarikanya rusununguko rukuru zvikuru. Kuenzanisira: Nguva pfupi rambidzo isati yabviswa, takapiwa zano kuti tichinje nzira yataidana nayo mumwe nomumwe pamisangano. Nokuda kwezvikonzero zvekotsekano, taidana mumwe nomumwe namazita edu okutanga bedzi. Vakawanda vakanga vazivana kwamakore vakanga vasingazivi zita rokupedzisira ravatendi biyavo. Mukugadzirira kugamuchira vamwe vakawanda vanofarira kumisangano yedu, zvisinei, takakurudzirwa kunongedzera kune mumwe nomumwe namazita emhuri. Kune vamwe ikoku kwakaratidzika kuva kusingafadzi, asi avo vakatevera pangiro yacho vakachinja zviri nyore zvikuru gare gare apo takawana rusununguko rwedu.

Takakurudzirwawo kutanga misangano yedu norwiyo. Nenzira iyoyi takava vakarovedzana nomuitiro unoteverwa neungano dziri kune dzimwe nzvimbo. Imwe gadziridzo yakanga iri muukuru hwamapoka edu efundo. Akawedzera zvishoma nezvishoma kubva pavanhu vana muma 1950 kusvikira kuvasere. Gare gare vakawedzerwa kusvikira ku 10 uye pakupedzisira kusvikira ku 12. Mukuwedzera, kunzvera kwakaitwa kuva nechokwadi chokuti nzvimbo yokusangana yeungano imwe neimwe yakanga iri pakati nokuda kwevoruzhinji veZvapupu.

Padzimwe nguva takakwanisa kuona uchenjeri hwegadziridzo yakakarakadzwa pashure bedzi pokunge yaitwa. Jehovha akazviratidza amene kuva Baba vakachenjera navanorangarira kazhinji kazhinji sei! Zvishoma nezvishoma, iye akatiwiriranisa nerasara rose resangano rake rapasi, uye takanzwa tichiramba tiri rutivi rwouhama hwenyika yose hwavanhu vake. Zvirokwazvo, Jehovha Mwari akanga adzivirira vanhu vake nenzira yorudo muanodokusvika makore 40 ose ayo vakashanda murambidzo muEast Germany. Tinofara sei zvino kuva nomugariro wapamutemo!

Nhasi, mune Zvapupu zvaJehovha 22 000 kana kuti zvinopfuura mune yaichimbonzi East Germany. Izvo uchapupu hwenhungamiro youchenjeri neitiro hanya yorudo zvaJehovha Mwari. Tsigiro yake mukati mamakore atakanga tiri murambidzo inoratidza kuti iye anogona kukurira mugariro upi noupi. Pasinei zvapo nokuti chomboi chinoitirwa vanhu vake, icho hachisati chichizobudirira. Jehovha anosanotarisira nguva dzose avo vanovimba naye. (Isaya 54:17; Jeremia 17:7, 8)—Yakataurwa naHorst Schleussner.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Horst naMargarete Schleussner pazvivako zveSosaiti muEast Berlin

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe