RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/1 pp. 28-30
  • “Dzokerai Kwandiri, Uye Ndichadzokera Kwamuri”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Dzokerai Kwandiri, Uye Ndichadzokera Kwamuri”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubata Kune Ngoni kwaJehovha
  • Zvikonzero Zvokugumbuka
  • Uchagamuchira Kokero yaJehovha Here?
  • Akabetserwa Kudzokera
  • Waimbosonganirana Nesangano raJehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Vabatsirei Vasaverengera Kudzoka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Dzokai Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Dzokai “Kumufudzi Nomutariri Wemweya Yenyu”
    Dzoka Kuna Jehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/1 pp. 28-30

“Dzokerai Kwandiri, Uye Ndichadzokera Kwamuri”

MHURI yacho yakanga ichifarikanya kuvhakacha kunofadza mumasango. Ipapo, Peter, mudukusa, akarasika, achidzika mugomo achitandanisa tsindi. Kamwe kamwe, denga rakazadzwa namakore, uye mvura yakavamba kunaya. Pakutanga kwaingova kupfunha kunyoro, asi zvishoma nezvishoma yakava bopopo. Mhuri yacho yakakurumidza kuunganidza zvinhu zvavo ndokumhanyira kumotokari yavo. Uye munhu ari wose akashamisika kuti Peter akanga ari kupi.

Peter, munguva iyoyo, akanga achiedza kudzokera kumhuri. Kwakanga kwakaoma kuona mberi, uye nzira yaikwira mugomo yakanga ichitsvedza mumvura. Nenzira isingakarirwi, pasi pakaratidzika kuva pari kunyangarika pasi petsoka dzake sezvaakawira mugomba rakadzika, rakavanda. Akaedza kubuda, asi mativi acho akanga achitsvedza zvikuru.

Mvura yainaya yakadzika mugomo uye yakanga ichizadza gomba racho namatope. Peter akanga ari mungozi chaiyoiyo yokunyura. Asi ipapo baba vake vakamuwana ndokumuzvuvira panze netambo. Gare gare, Peter akatukwa zvakakomba nokuda kwokurasika. Bva akaputirwa mumagumbeze mumaoko amai vake, kutukwa kwakanga kuri nyore zvikuru kugamuchira.

Ichi chinoitika chinosanoenzanisira zvikuru chinoitika kuvamwe avo vaisiva pakati pavanhu vaMwari. Vakawira mukomba rakadzika retsika ino yezvinhu uye vari kuedza nenzira yokupererwa nezano rose kubuda ndokudzokera muutiziro hwesangano raJehovha. Kunofadza sei kuziva kuti Jehovha ane ngoni uye akagadzirira ku‘dzikisa tambo’ ndokuvabetsera kudzokera kukotsekano!

Kubata Kune Ngoni kwaJehovha

Shure mumazuva aIsraeri, pakupedzwa kwokuvakwa kwetembere, Soromoni akapa munyengetero wetsauriro umo iye akakumbira Jehovha kuteerera zvikumbiro zvakanangidzirwa kutembere. Iye ipapo akati: “Kana vakakutadzirai [vaIsraeri], (nokuti hakuno munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa mumaoko avavengi vavo, . . . kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, . . . inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire.”—1 Madzimambo 8:46-49.

Chikumbiro chaSoromoni chakazadzikwa panhambo zhinji mukati menhau yaIsraeri. Nguva nenguva, vanhu vaMwari vakatsauka ndokumurega. Ipapo vakaziva chikanganiso chavo ndokudzokera, vachimutsvaka. Uye Jehovha akavakanganwira. (Dheuteronomio 4:31; Isaya 44:21, 22; 2 VaKorinte 1:3; Jakobho 5:11) Kupfurikidza naMaraki, Jehovha akapeta makore ane chiuru okubata navanhu Vake paAkati: “Kuvambira mumazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye ndichadzokera kwamuri.”—Maraki 3:7, NW.

Zvikonzero Zvokugumbuka

SavaIsraeri, chiverengero chavanhu vaMwari nhasi chinotsauka ndokuzviparadzanisa vamene nesangano raJehovha. Neiko? Vamwe vanoronda chimwe chinhu chinoratidzika kuva chisina mhaka pakutanga, kufanana naPeter aitandanisa tsindi. Izvi ndizvo zvakaitika naAda. Iye anoshuma, kuti: “Wakanga uri muitiro wokuti tose zvedu vashandi biyamwe tiende kuzvokudya zvamasikati pamwe chete kukahotera kakati kari pedyo panguva yamasikati makuru. Naizvozvo pavakandikoka kundonwa kofi pamugumo wezuva, kwakanga kusina kuoma kugamuchira. Ndakarangarira kuti ndakanga ndisingashandisi nguva inofanira kushandiswa nokuda kwemisangano kana kuti nokuda kwokuparidzira. Handina kuziva kuti ikoku kungava kukundikana kuchengeta nheyo iri pana 1 VaKorinte 15:33.

“Nokukurumidza, ndakanga ndoenda navo kundotasva bhiza paZvitanhatu. Ipapo ndakanga ndoenda kumabhaisikopo nokuimba yemitambo navo. Ikoko kwakatungamirira kukupotsa kwangu misangano. Pakupedzisira, ndakanga ndisingaendi kumisangano ipi neipi kana kuti kugoverana mubasa rokuparidzira. Pandakaziva chakanga chichiitika, ndakanga ndichisiri kusonganirana nesangano.”

Mune zvimwe zvinoitika chikonzero chingava chivi chakakomba chakavanzika icho chinoita kuti munhu anzwe asina kukodzera kubatira Mwari. (Pisarema 32:3-5) Kana kuti munhu angagumbuka pamusoro pechimwe chinhu chakataurwa kana kuti chakaitwa neshamwari dzechiKristu, asinganzwisisi, sokutaura kwakaita Soromoni, kuti “hakuno munhu usingatadzi.”—1 Madzimambo 8:46; Jakobho 3:2.

Vamwezve vanoodzwa mwoyo pavanogamuchira chirango. (VaHebheru 12:7, 11) Kukwezva kwamararamire okudisa zvenyika kwakatungamirira vakawanda kurega kubatira Mwari. Kazhinji kazhinji, mukutsvaka budiriro yenyika, vakazvinyudza vamene zvikuru kwazvo mubasa rokunyika zvokuti pave pasina nzvimbo muupenyu hwavo yebasa raMwari. (Mateo 13:4-9; 1 Timotio 6:9, 10) Mugariro wavakadaro hauna tariro here?

Uchagamuchira Kokero yaJehovha Here?

Pane imwe nhambo Jesu akataura chimwe chinhu chakanga chakaoma kunzwisisa, uye vamwe vakagumburwa. Chinyorwa chacho chinoti: “Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye.” Asi havasati vari vose vakagumburwa. Nhauro yeBhaibheri inopfuurira, kuti: “Jesu akati kuna vane gumi navaviri: ‘Nemi munoda kubvawo here?’ Simoni Petro akapindura, akati: ‘Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.’” (Johane 6:66-68) Vaapostora vaJesu vakanzwisisa nenzira yokuchenjera kuti kwaizova kune ngozi kusiya Jesu.

Vamwe vanowa pakupedzisira vanosvika kumhedziso yakafanana. Vanoziva kuti kusiya sangano raMwari kwakanga kuri nhano ine ngozi yokuita uye kuti vanowana mashoko anotungamirira kuupenyu kuna Jehovha bedzi naKristu. Pavanongosvika pakuziva kwakadaro, vanofanirawo kuziva kuti hakusati kuchitongova kunyanyononoka kurangarirazve, kukumbira Jehovha nokuda kwekanganwiro, uye kudzokera kwaari. Akanga ari Jehovha amene uyo akapa kokero yokuti: “Dzokerai kwandiri, uye ndichadzokera kwamuri.”—Maraki 3:7, NW.

Chaizvoizvo, muKristu wapachokwadi anogona kuwana kupi mufarwa kana kusati kuri mukubatira Jehovha? Kana munhu akakukurwa pashure pokuva rutivi rwesangano raMwari kwenguva yakati, chii chinomumirira munyika iri kunze? Iye achakurumidza kuziva kuti zvino ava rutivi rwenyika iyo iri kuva yamasimba masimba zvikuru kwazvo. Achazviwana amene achibatanidzwa mutsika yezvinhu yakazara nounyengeri, nhema, kunyengedzera, uye utere, nyika ine ngozi zvikuru neisingafadzi segomba ramatope iro rakatyisidzira upenyu hwaPeter muduku. Paanofunga zvakanaka ndokuziva kuti upenyu hwake husingagumi huri mungozi, anofanira kukurumidza kutsvaka betsero yokuzvibvisa amene mumugariro wacho. Asi, kudzokera kungasava kuri nyore.

Uri mumwe uyo akaedza kudzokera kuna Jehovha asi wakakuwana kwakaoma here? Ipapo ziva kuti unoda betsero. Uye davira kuti hama dzako nehanzvadzi musangano raMwari dzinodisa kukupa betsero. Asi unofanira kuita nhamburiko yokuratidza Jehovha chishuvo chako. Inguva yoku‘funga zvakanaka’ uye ‘kudzokera chaizvoizvo kuna Jehovha.’—1 Madzimambo 8:47.

Akabetserwa Kudzokera

Ada anotsanangura chakamubetsera kudzokera kuna Jehovha: “Panguva yakarurama chaipo, hanzvadzi yakanga yandiitisa fundo yeBhaibheri yakandikoka kuzopinda gungano redunhu nayo. Yakanga ichikwezva zvikuru! Uye haina kutongondizvidza! Yakaratidza rudo rukuru kwazvo. Gore rakanga rapfuura chifo chaapo ndakapinda musangano wangu wokupedzisira, asi ndakanga ndave ndichifungisisa pakusava nechinhu kwenyika uye paidi rokuti, seri kwokukwezva, kwaiva norusuruvaro bedzi, vhiringidziko, uye utere. Naizvozvo ndakasarudza kupinda gungano. Pandakasvika kuimba yemitambo uko rakaitirwa, ndakaenda kumutsetse wokupedzisira wezvigaro ndokuzvivanza ndimene mukona rakasviba. Ndaisada kuti hama dzindione ndokubvunza mibvunzo.

“Zvisinei, purogiramu yakapa zano randaida zvikuru. Payakanga yapera, ndakanga ndatsunga kwete bedzi kudzokera kuvanhu vaJehohva asiwo kuzvipa ndimene kwaari nomwoyo wangu wose. Hama dzakandigamuchira noushamwari uye ‘mupambadzi’ akadzoka.” (Ruka 15:11-24) Zvose izvozvo zvakaitika nguva yakati yakapfuura, uye Ada zvino ave ari mubasa renguva yakazara kwaanopfuura makore 25.

Chinoitika chomumwe munhu uyo akarasika chakava nomuuyo wakafanana unofadza. Vamwe vakuru vakapa José zano iro rakaratidzira kufunga kwavo vamene zvikuru kupfuura nheyo dzeBhaibheri. José, aodzwa mwoyo uye ane pfunde-pfunde, pakupedzisira akawira mukusaita basa. Kwamakore masere iye akaparadzaniswa navanhu vaMwari, uye mukati menguva iyoyo iye akaroora asingatendi ndokuva baba kuvana, mumwe wavo iye akabvumira kubhapatidzwa muChechi yeKaturike.

Pakupedzisira, iye akabetserwa apo mutariri wedunhu akaita shanyo dzokufudza paari ndokukurudzira vakuru kuita zvimwe chetezvo. Akadzorerwa uye akafara kuona mudzimai wake achiva nefariro muzvokwadi. José pari zvino ari kubatira somukuru muungano. Sokuratidza kunoita izvi zvinoitika zviviri, Jehovha haanyimi zvikomborero kuna avo vanogamuchira kokero yake yorudo yokudzokera.

Kuti afarikanye zvikomborero zvakadaro, kunyanguvezvo, munhu anofanira kutanga kuonga betsero inopiwa ndokuigamuchira. Muungano zhinjisa hama dzinoyeuka avo vakava vasingaiti basa ndokuvashanyira panguva nenguva, vachiedza kuvabetsera. Kugamuchira betsero yakadaro kunoratidza kuonga ngoni dzaJehovha.—Jakobho 5:19, 20.

Chokwadika, ino ndiyo nguva yokugamuchira korero yaJehovha, yokuti: “Dzokerai kwandiri.” (Maraki 3:7, NW; Isaya 1:18) Usachamirazve. Zvinoitika zvenyika zviri kufamba nekurumidziro inoshamisa. Nzvimbo yakanakisisa kuva mukati menguva dzamasimba masimba dziri pamberi apa iri mukati mesangano raJehovha, wakakotsekana mudziviriro yake. Avo bedzi vanovanda muna Jehovha vane tariro yakasimba yokuvanzwa pahasha dzake pazuva guru rokutsamwa kwake.—Zefania 2:2, 3.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Uchagamuchira kokero yaJehovha yokuti, “Dzokerai kwandiri” here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe