RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 11/15 pp. 4-6
  • Chikonzero Nei Vamwe Vachiberekwazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Vamwe Vachiberekwazve
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Donzo raMwari Nokuda Kworudzi Rwomunhu
  • Chii Chinoitika Kumweya Parufu?
  • Vanoberekwazve Kuti Vatonge Samadzimambo
  • Zvakadiniko Nepasi?
  • Ndivanaani Vachabetserwa?
  • Unogona Kudavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Upenyu Pashure Porufu—Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuberekwazve
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kudavira Kwako Rumuko Kwakasimba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 11/15 pp. 4-6

Chikonzero Nei Vamwe Vachiberekwazve

“KUTOTI munhu upi noupi akaberekwazve, haagoni kuona umambo hwaMwari.” (Johane 3:3, NW) Mashoko iwayo akaita zvose zviri zviviri kufadza nokukatyamadza vanhu vazhinji chifo chaapo Jesu Kristu akaataura anopfuura makore 1 900 apfuura.

Nokuda kwokunzwisiswa kwakafanira kwokutaura kwaJesu pamusoro pokuberekwazve, tinofanira kutanga kupindura iyi mibvunzo: Chii chiri donzo raMwari nokuda kworudzi rwomunhu? Chii chinoitika kumweya parufu? Chii icho Umambo hwaMwari hunorehwa kuita?

Donzo raMwari Nokuda Kworudzi Rwomunhu

Munhu wokutanga, Adhama, akasikwa ari mwanakomana akakwana womunhu waMwari. (Ruka 3:38) Jehovha Mwari haana kutongoronga kuti Adhama anofanira kufa. Adhama nomudzimai wake, Evha, vaiva netariro yokubereka mhuri yavanhu isina chivi iyo yaizorarama nokusingaperi ndokuzadza paradhiso yapasi. (Genesi 1:28) Rufu rwakanga rwusiri rutivi rwedonzo rapakuvamba raMwari nokuda kwomurume nomukadzi. Rwakavhozhokera vanhu bedzi somuuyo wokupandukira mutemo woumwari.—Genesi 2:15-17; 3:17-19.

Uku kupanduka kwakamutsa nhau huru dzetsika, dzakadai samaruramiro ouchangamire hwaMwari nesimba ravanhu rokuramba vakatendeka kumitemo yake. Nguva yaizodikanwa kupedza idzi nhau. Asi donzo raJehovha Mwari nokuda kworudzi rwomunhu harina kuchinja, uye iye haagoni kukundikana muicho anotanga kuita. Iye anoronga zvizere kuzadza pasi nemhuri yavanhu yakakwana iyo ichafarikanya upenyu husingaperi muParadhiso. (Pisarema 37:29; 104:5; Isaya 45:18; Ruka 23:43) Tinofanira kuchengeta zvokwadi iyoyi huru mundangariro apo tinorangarira mashoko aJesu pamusoro pokuberekwazve.

Chii Chinoitika Kumweya Parufu?

Vasingazivi izvo mudzimu mutsvene waMwari wakanga wazivisa kuvanyori veBhaibheri, vazivi vechiGiriki vakaparapatika kuti vawane revo muupenyu. Ivo vaisagona kudavira kuti munhu akarehwa kuti ararame bedzi makore mashomanene, kazhinji kazhinji mumigariro inosiririsa, uye ipapo kungorega kuvapo. Muna ikoku vakanga vakarurama. Asi mumhedziso dzavo pamusoro pekariro dzomunhu pashure porufu, ivo vakanga vasina kururama. Vakagumisa kuti kuvapo kwomunhu kwaipfuurira muchimwe chimiro chakati pashure porufu, kuti mukati momunhu ari wose maiva nomweya usingafi.

VaJudha navaiti maKristu vakapesvedzerwa nemirangariro yakadaro. Bhuku rinonzi Heaven—A History rinoti: “Kupi kana kupi uko vaJudha vakapararira vaisangana navakangwara vechiGiriki, pfungwa yomweya usingafi yaibuda.” Bhuku racho rinowedzera, kuti: “Dzidziso dzechiGiriki pamusoro pomweya dzakaita munembo usingagumi pazvitendero zvechiJudha uye pakupedzisira zvechiKristu. . . . Kupfurikidza nokutanga mubatanidzwa wechienzi wouzivi hwaPlato negamuchidzanwa reBhaibheri, Philo [muzivi wechiJudha wezana rokutanga ramakore weAlexandria] akagadzirira nzira vafungi vechiKristu vapashure.”

Chii chaidavira Philo? Bhuku rimwe chetero rinopfuurira, kuti: “Nokuda kwake, rufu runodzorera mweya kumugariro wawo wapakuvamba, wapamberi pokuberekwa. Sezvo mweya uri wenyika yemidzimu, upenyu mumuviri hunova husiri chinhu asi chinoitika chipfupi, kazhinji kazhinji chisina kunaka.” Zvisinei, “mugariro wapamberi pokuberekwa” waAdhama wakanga uri kusavapo. Mukuwirirana nenhauro yeBhaibheri, Mwari haana kutongoronga kuchinja kunoitika kwoga kuenda kunzvimbo imwe yakati parufu, sokunge pasi rinongova bedzi nzvimbo yokugadzirira kuvapo kwakakwirira zvikuru kana kuti kwakaderera zvikuru.

Chitendero chokuti mweya womunhu haufi hachidzidziswi muShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu, Bhaibheri. Harishandisi kwete kamwe kutaura kwokuti “mweya usingafi.” Iro rinotaura kuti Adhama akasikwa somweya, kwete ane mweya. Genesi 2:7 inoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” Rudzi rwomunhu haruna kutongotarisana nekariro youpenyu husingaperi mudenga kana kuti zvimwe kutambudzwa kusingagumi muhero yomwoto. Bhaibheri rinoratidza kuti mweya, kana kuti munhu, unofa hauna kuvapo kwokuziva. (Pisarema 146:3, 4; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Somuuyo, vazivi vakava nemirangariro isiri yapamagwaro pamusoro pomweya. Tinofanira kudzivisa pfungwa dzinotsausa dzingagona kudzikatidza kunzwisisa kwedu mashoko aJesu pamusoro pokuberekwazve.

Vanoberekwazve Kuti Vatonge Samadzimambo

Jesu akaudza Nikodhimo kuti avo vano“berekwazve . . . vanopinda muumambo hwaMwari.” (Johane 3:3-5, NW) Umambo ihwohwo chiiko? Mumutauro wokufananidzira, pamavambo enhau yavanhu, Jehovha Mwari akazivisa donzo rake rokushandisa “mbeu” chaiyo—mutongi anouya—kupwanya musoro weNyoka yapakuvamba, Satani Dhiabhorosi. (Genesi 3:15, NW; Zvakazarurwa 12:9) Sezvinoziviswa nenzira inofambira mberi muMagwaro, iyi “mbeu” inoziviswa saJesu Kristu, uyo anotonga navatongi biyake muratidzirwo yechienzi youchangamire hwaMwari, Umambo hwaMesia. (Pisarema 2:8, 9; Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44; 7:13, 14) Ihwohwu ndihwo Umambo hwokudenga, hurumende iri mumatenga iyo ichareverera uchangamire hwaJehovha ndokununura rudzi rwomunhu muusungwa kuchivi norufu.—Mateo 6:9, 10.

Vanobatanidzwa naJesu savatongi biyake ndivane 144 000 avo vanotorwa kubva murudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-4) Mwari akasarudza vamwe mumhuri yavanhu isina kukwana yaAdhama kuti vave ava “vatsvene voWokumusorosoro,” avo vanotonga naKristu muUmambo hwaMesia. (Dhanieri 7:27; 1 VaKorinte 6:2; Zvakazarurwa 3:21; 20:6) Ava varume navakadzi vanoisa kutenda muna Jesu Kristu, uyo akataura kuti vaizo“berekwazve.” (Johane 3:5-7) Uku kuberekwa kunoitika sei uye nei?

Ava vanhu vakabhapatidzwa mumvura savateveri vaKristu. Mwari akakanganwira zvivi zvavo pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu, akavaruramisa, uye akavagamuchira savanakomana vomudzimu. (VaRoma 3:23-26; 5:12-21; VaKorose 1:13, 14) Kuvakadaro muapostora Pauro anoti: “Makapiwa [mudzimu, NW] wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: ‘Aba, Baba.’ [Mudzimu umene, NW] unopupurirana no[mudzimu, NW] wedu, kuti tiri vana vaMwari; zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tigokudzwawo pamwe chete naye.”—VaRoma 8:15-17.

Savateveri vaKristu, ivava vakava nokuberekwa kutsva, kana kuti mavambo matsva, muupenyu. Vakaguma nokupwiswa kuti ivo vaizogoverana nhaka yokudenga yaJesu. (Ruka 12:32; 22:28-30; 1 Petro 1:23) Muapostora Petro akarondedzera kuberekwa patsva neiyi nzira: “Mukuwirirana nengoni huru [dzaMwari] iye akatipa kuberekwa kutsva kutariro mhenyu kupfurikidza norumuko rwaJesu Kristu muna vakafa, kunhaka isingaori neisingashatiswi neisingaperi. Yakachengetwa mumatenga nokuda kwenyu.” (1 Petro 1:3, 4, NW) Upenyu hutsva ihwohwu mudenga hunova hunobvirira vanhu vakadaro nemhaka yokuti Mwari anovamutsa sezvo akamutsa Jesu.—1 VaKorinte 15:42-49.

Zvakadiniko Nepasi?

Ikoku hakurevi kuti rudzi rwose rwomunhu runoteerera pakupedzisira ruchaberekwazve kuti rubve pasi ruchienda kudenga. Murangariro wakaipa wakadaro wakanga wakafanana nouyo waiva navazivi vakafanana naPhilo, uyo aifunga kuti “upenyu mumuviri [hahusi] chinhu asi chinoitika chipfupi, kazhinji kazhinji chisina kunaka.” Asi pakanga pasina chinhu chakaipa nechisiko chapasi chapakuvamba chaJehovha Mwari.—Genesi 1:31; Dheuteronomio 32:4.

Upenyu hwomunhu hahuna kutongorehwa kuva hupfupi nohunorwadza. Jesu Kristu naavo vanoberekwazve kuti vabatire samadzimambo navaprista naye mudenga vachabvisa miuyo yose inokuvadza yokupanduka kwaSatani. (VaEfeso 1:8-10) Kupfurikidza navo se‘mbeu yaAbrahama’ yakapikirwa, “marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvamazvirokwazvo.” (VaGaratia 3:29; Genesi 22:18, NW) Nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera ikoku kuchareva upenyu muparadhiso yapasi, hwakasiana zvikuru nokuvapo kupfupi, kwakazadzwa namarwadzo kwanhasi.—Pisarema 37:11, 29; Zvakazarurwa 21:1-4.

Ndivanaani Vachabetserwa?

Pakati paavo vanobetserwa negadziriro yaMwari yokukomborera rudzi rwomunhu pachava navakafa vanomutswa avo vanoshandisa kutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15) Voruzhinji vavo havana kutongodzidza pamusoro paMwari naKristu uye naizvozvo vaisagona kuratidza kutenda muna Jesu. Avo vanomutswa vachabatanidzawo vanhu vakatendeka vakafanana naJohane Mubhapatidzi, uyo akafa rufu rwaJesu rusati rwazarura nzira yokuupenyu hwokudenga. (Mateo 11:11) Kunze kwaivava, ‘boka guru rinobva mumarudzi ose rakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana,’ Jesu Kristu. Ivo vanogamuchira zvakanaka basa rokuparidzira Umambo zvino rinotungamirirwa ne“hama” dzakaberekwazve dzaJesu uye vachapukunyuka hondo yaMwari yeArmagedhoni kuti vararame papasi rakacheneswa. (Zvakazarurwa 7:9-14; 16:14-16; Mateo 24:14; 25:31-46) Mugadziriro yaMwari, naizvozvo, mamirioni achaponeswa, kunyange zvazvo asingaberekwizve kuti atonge naKristu mumatenga.—1 Johane 2:1, 2.

Iwe uchava pakati paavo vanogara nhaka upenyu muparadhiso yapasi here? Unogona kuva kana ukashandisa kutenda muchibairo chaJesu Kristu ndokubatanidzwa nenzira yokushingaira neungano yechokwadi yechiKristu. Haina kushatiswa nouzivi asi yakaramba iri “mbiru nechitsigiro chezvokwadi.” (1 Timotio 3:15; enzanisa naJohane 4:24; 8:31, 32.) Ipapo unogona kutarira mberi kunguva yemberi inoshamisa apo vanakomana vanoberekwazve vaMwari vanenge vachitonga mudenga uye vose vavana vapasi vaMwari vanodzorerwa kukukwana paparadhiso yapasi inoshamisa. Naizvozvo bata banza rako roupenyu munyika itsva iyoyo yezvikomborero zvisingagumi.—VaRoma 8:19-21; 2 Petro 3:13.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Adhama haana kutongopiwa chisarudzo choupenyu mudenga kana zvimwe kutambudzwa kusingagumi muhero yomwoto

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe