RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 11/15 pp. 13-18
  • Jehovha Haana Mhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Haana Mhaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvikanganiso—Ndiani Anogona Kunzwisisa?”
  • Chikanganiso Chokupa Mwari Mhaka
  • Ngozi Kunyange Nokuda Kwavabatiri vaMwari
  • Usatongotsamwira Jehovha!
  • Usambofa ‘Wakatsamwira Jehovha’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Gadzirira Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Yeuka Mudzimai waRoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Zvinonyatsoita Here Kuti Tifadze Mwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 11/15 pp. 13-18

Jehovha Haana Mhaka

“Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.”—PISAREMA 103:13, 14.

1, 2. Ndiani akanga ari Abrahama, uye mwanakomana womunun’una wake Roti akasvika sei pakugara muguta rakaipa reSodhoma?

JEHOVHA haana mutoro wenhamo dzatingawana nemhaka yezvikanganiso zvedu. Muna ikoku rangarira chakaitika makore ane 3 900 akapfuura. Shamwari yaMwari Abrahama (Abrama) nomwanakomana womunun’una wake Roti vakava vakabudirira zvikuru. (Jakobho 2:23) Kutaura idi, pfuma yavo nezvipfuwo zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti ‘nyika yacho haina kuvabvumira kugara pamwe chete.’ Uyezve, gakava rakamuka pakati pavafudzi vavarume vaviri vacho. (Genesi 13:5-7) Chii chaigona kuitwa pamusoro paikoku?

2 Kuti agumise gakava racho, Abrahama akakarakadza kuti kuparadzana kuitike, uye iye akarega Roti achiva nechisarudzo chokutanga. Kunyange zvazvo Abrahama akanga ari murume mukuru uye kungadai kwakava kwakafanira kuti mwanakomana womunun’una wake amurege achitora nzvimbo yakanakisisa, Roti akasarudza nharaunda yakanakisisa—ruwa rwose rune mvura yakawanda rweZasi kwaJoridhani. Zvitarisiko zvokunze zvakanga zvichinyengera, nokuti pedyo pakanga pane maguta akaipa mutsika eSodhoma neGomora. Roti nemhuri yake pakupedzisira vakatamira muSodhoma, uye ikoku kwakavaisa mungozi yomudzimu. Kupfuurirazve, vakatapwa apo Mambo Kedhoriraomeri nemibatanidzwa yake vakakurira mutongi weSodhoma. Abrahama navarume vake vakavanunura, asi Roti nemhuri yake vakadzokera kuSodhoma.—Genesi 13:8-13; 14:4-16.

3, 4. Chii chakaitika kuna Roti nemitezo yemhuri yake apo Mwari akaparadza Sodhoma neGomora?

3 Nemhaka youshati hwevatano nokuipa kwetsika kweSodhoma neGomora, Jehovha akasarudza kuparadza maguta iwayo. Iye nenzira yengoni akatuma ngirozi mbiri idzo dzakatungamirira Roti, mudzimai wake, uye vanasikana vavo vaviri kubuda muSodhoma. Vaisafanira kutarira shure, asi mudzimai waRoti akaita kudaro, zvichida achishuva zvinhu zvokunyama zvakasiiwa shure. Panguva iyoyo, akava churu chomunyu.—Genesi 19:1-26.

4 Kurasikirwa kwakadini uko Roti navanasikana vake vakatambura! Vasikana vaifanira kusiya varume vavakanga vachizoroorwa navo. Roti zvino akanga asina mudzimai wake nepfuma yake yokunyama. Kutaura idi, iye pakupedzisira akaderedzwa kusvikira kukugara mubako navanasikana vake. (Genesi 19:30-38) Chakanga charatidzika kuva chakanaka kwazvo kwaari chakanga chava chakasiana chaizvo. Kunyange zvazvo sezvinooneka akanga aita zvikanganiso zvakati zvakakomba, iye gare gare akanzi “Roti akarurama.” (2 Petro 2:7, 8) Uye zvirokwazvo Jehovha Mwari akanga asina mhaka nokuda kwezvikanganiso zvaRoti.

“Zvikanganiso—Ndiani Anogona Kunzwisisa?”

5. Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pezvikanganiso nokuzvikudza?

5 Zvatiri vasina kukwana navanotadza, tose zvedu tinoita zvikanganiso. (VaRoma 5:12; Jakobho 3:2) Kufanana naRoti, tingatsauswa nezvitarisiko zvokunze uye tingakanganisa muchisarudzo. Nokudaro, wezvamapisarema Dhavhidhi akateterera, kuti: “Zvikanganiso—ndiani anogona kunzwisisa? Ndiitei asina mhaka yezvivi zvakavanzwa. Dzoraiwo mubatiri wenyu pamabasa okuzvikudza; musarega achindidzora. Muna ikoko ndichava akakwana, uye ndichave ndaramba ndisina mhaka pakudarika kuzhinji.” (Pisarema 19:12, 13, NW) Dhavhidhi aiziva kuti iye angaita zvivi izvo iye akanga asingambozivi nezvazvo. Nokudaro, iye akakumbira kukanganwirwa kudarika kungave kwaiva kwakavanzwa kunyange kwaari. Apo akaita chikanganiso chakakomba nemhaka yokuti nyama yake isina kukwana yakamusunda kutora nzira isina kururama, akashuva zvikuru betsero yaJehovha. Aida kuti Mwari amudzivise pazviito zvokuzvikudza. Dhavhidhi haana kuda kuti kuzvikudza kuve chimiro chake chendangariro chikuru chinodzora. Panzvimbo pezvo, iye akashuva kuva akakwana mukuzvipira kwake kuna Jehovha Mwari.

6. Inyaradzoi inogona kuwanwa muPisarema 103:10-14?

6 Savabatiri vakazvitsaurira vomuzuva razvino vaJehovha, isuwo hatina kukwana uye naizvozvo tinoita zvikanganiso. Kufanana naRoti, somuenzaniso, tingaita chisarudzo chakaipa pamusoro penzvimbo yedu yokugara. Zvichida tinoramba kugamuchira banza rokufutunura basa redu rinoyera kuna Mwari. Kunyange zvazvo Jehovha achiona zvikanganiso zvakadaro, iye anoziva avo vane mwoyo wakarerekera kukururama. Kunyange kana tikatadza zvakakomba asi tichipfidza, Jehovha anogovera kanganwiro nebetsero uye anopfuurira kutirangarira savanhu voumwari. “Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubairo sezvakafanira zvakaipa zvedu,” akazivisa kudaro Dhavhidhi. “Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:10-14) Baba vedu vokudenga vane tsitsi vangatigonesawo kururamisa chikanganiso chedu kana kuti vangatipa rimwe banza rokufutunura basa redu rinoyera, kurumbidzwo yavo.

Chikanganiso Chokupa Mwari Mhaka

7. Neiko tichitambura nhamo?

7 Apo zvinhu zvinoshata, ikombamiro yohunhu kupa mhaka mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu nokuda kwechaitika. Vamwe vanotopomera Mwari mhaka. Asi Jehovha haaunzi nhamo dzakadaro pavanhu. Iye anoita zvakanaka, kwete zvinhu zvinokuvadza. Chokwadi, “vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama”! (Mateo 5:45) Chikonzero chikurusa nei tichitambura nhamo ndechokuti tinogara munyika inoshanda panheyo dzoudyire uye iyo iri musimba raSatani Dhiabhorosi.—1 Johane 5:19.

8. Chii icho Adhama akaita apo zvinhu zvisina kumufambira zvakanaka?

8 Kupomera Jehovha Mwari mhaka yenhamo idzo zvikanganiso zvedu zvinotiunzira kusachenjera uye kune ngozi. Kuita kudaro kunogona kunyange kuita kuti tirasikirwe noupenyu hwedu humene. Munhu wokutanga, Adhama, aifanira kuve akapa Mwari mbiri nokuda kwezvinhu zvose zvakanaka zvaakagamuchira. Hungu, Adhama aifanira kuve akaonga zvikuru Jehovha nokuda kwoupenyu humene uye nokuda kwezvikomborero zvaakafarikanya mumusha wakafanana nomunhanga, bindu reEdheni. (Genesi 2:7-9) Chii icho Adhama akaita apo zvinhu zvisina kufamba zvakanaka nemhaka yokuti haana kuteerera Jehovha ndokudya muchero wakarambidzwa? Adhama akanyunyutira Mwari, kuti: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” (Genesi 2:15-17; 3:1-12) Zvirokwazvo, hatifaniri kupa Jehovha mhaka, sezvakaita Adhama.

9. (a) Kana tikasangana nenhamo nemhaka yezviito zvedu zvokusachenjera, tinogona kuwana nyaradzo muchii? (b) Mukuwirirana naZvirevo 19:3, chii icho vamwe vanoita apo vanozviunzira vamene nhamo?

9 Kana tikasangana nenhamo nemhaka yokuti zviito zvedu ndezvokusachenjera, tinogona kuwana nyaradzo mukuziva kuti Jehovha anonzwisisa utera hwedu zviri nani kupfuura zvatinoita uye achatinunura mumugariro wedu unotambudza kana tikamupa kuzvipira kwapoga. Tinofanira kuonga betsero youmwari yatinogamuchira, tisingatongopomeri Mwari mhaka yemigariro yakaipa nezvitambudzo zvatinounza patiri timene. Muna ikoku chimwe chirevo chokuchenjera chinoti: “Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; mwoyo wake unotsamwira Jehovha.” (Zvirevo 19:3) Imwe shanduro inoti: “Vamwe vanhu vanozviparadza vamene kupfurikidza nezviito zvavo vamene zvoupenzi uye ipapo vanopomera ISHE mhaka.” (Today’s English Version) Imwezve shanduro inoti: “Kusaziva kwomunhu kunovhiringidza zvinhu zvake uye iye anokurumidza kurwisana naJehovha.”—Byington.

10. Upenzi hwaAdhama ‘hwakashatisa nzira yake’ sei?

10 Mukuwirirana nenheyo yeichi chirevo, Adhama akaita nenzira youdyire uye kufunga kwake kwoupenzi ‘kwakashatisa nzira yake.’ Mwoyo wake wakabva kuna Jehovha Mwari, uye akatanga kufamba munzira yake amene youdyire, yokuzvimirira. Chokwadi, Adhama akava asingaongi zvakadaro zvokuti iye akapomera Musiki wake mhaka uye nokudaro akazviita amene muvengi woWokumusorosoro! Chivi chaAdhama chakaparadzisa nzira yake neiyo yemhuri yake amene. Muna ikoku mune nyevero yakadini! Avo vanoda kupa Jehovha mhaka nokuda kwemigariro isingashuviwi vangasanozvibvunza vamene, kuti: Ndinopa Mwari mbiri nokuda kwezvinhu zvakanaka zvandinofarikanya here? Ndinoonga kuti ndine upenyu sechimwe chezvisiko zvake here? Kungagona kudaro kuti zvikanganiso zvangu ndimene zvakaunza nhamo pandiri here? Ndakafanirwa nenyasha dzaJehovha kana kuti betsero nemhaka yokutevera nhungamiro yake, inooneswa muShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri here?

Ngozi Kunyange Nokuda Kwavabatiri vaMwari

11. Pamusoro paMwari, vatungamiriri vorudzidziso echiJudha vomuzana rokutanga ramakore vakanga vane mhaka yechii?

11 Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vezana rokutanga ramakore N.V. vakataura kuti kuva vanobatira Mwari asi vakaregeredza shoko rake rezvokwadi uye vaitsamira pakunzwisisa kwavo vamene. (Mateo 15:8, 9) Nemhaka yokuti Jesu Kristu akafumura kufunga kwavo kusina kururama, vakamuuraya. Gare gare, vakaratidzira hasha huru mukurwisana navadzidzi vake. (Mabasa 7:54-60) Nzira yavanhu ivavo yakanga yakaipa kwazvo zvokuti zvomenemene vakatsamwira naJehovha amene.—Enzanisa naMabasa 5:34, 38, 39.

12. Muenzanisoi unoratidza kuti kunyange vamwe vanhu vanosonganirana neungano yechiKristu vanoedza kupomera Jehovha mhaka yezvinetso zvavo?

12 Kunyange vamwe vanhu muungano yechiKristu vakakudziridza kufunga kune ngozi, vachiedza kuita kuti Mwari ave nomutoro wezvitambudzo zvavakasangana nazvo. Somuenzaniso, vakuru vakagadzwa muungano yakati vakakuwana kuri madikanwa kupa mumwe mukadzi muduku akaroorwa zano rapaMagwaro romutsa asi rakasimba pamusoro pokusonganirana nomumwe murume wenyika. Mukati meimwe kurukurirano, iyo yakapomera Mwari mhaka yokusamubetsera kukurira muedzo uyo songanirano yake inopfuuridzirwa nomurume wacho yakaunza paari. Zvomenemene iye akataura kuti akanga achipengera Mwari! Kurangarira kwapaMagwaro nenhamburiko dzinodzokororwa zvokumubetsera hazvina kubatsira, uye nzira youtere gare gare yakatungamirira kukudzingwa kwake muungano yechiKristu.

13. Kudzivisireiko chimiro chendangariro chokunyunyuta?

13 Mudzimu wokunyunyuta unogona kutungamirira munhu kupomera Jehovha mhaka. “Vanhu vasina umwari” (NW), avo vakapinda muungano yomuzana rokutanga ramakore vakanga vane mudzimu wakashata worudzi irworwo, uye wakaperekedzwa namamwe marudzi okufunga kwakaipa mumudzimu. Sokutaura kwakaita mudzidzi Judhasi, ava vanhu “vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.” Judhasi akatiwo: “Ivo van’un’uni navasingatendi nezvavanazvo.” (Judhasi 3, 4, 16) Vabatiri vakavimbika vaJehovha vachanyengetera nokuchenjera kuti vave nomudzimu wokuonga, kwete chimiro chendangariro chokunyunyuta icho pakupedzisira chingavarwadza kusvikira kupfundo rokuti vanorasikirwa nokutenda muna Mwari ndokuisa mungozi ukama hwavo naye.

14. Mumwe angaita sei kana akagumburwa nomuKristu biyake, asi neiko ikoku kungasava nzira yakafanira?

14 Unganzwa kuti ikoku kungasaitika kwauri. Bva, zvinhu izvo zvinoshata nemhaka yezvikanganiso zvedu kana kuti izvo zvavamwe zvingatiparira pakupedzisira kupomera Mwari mhaka. Somuenzaniso, munhu angagumburwa neizvo mutendi biyake anotaura kana kuti kuita. Munhu agumburwa—zvichida uyo akabatira Jehovha nokuvimbika kwamakore akawanda—ipapo angati: ‘Kana munhu iyeyo ari muungano, handisati ndichizopinda misangano.’ Munhu angava akashatirwa kwazvo zvokuti iye anoti mumwoyo make: ‘Kana zvinhu zvakafanana naizvozvi zvikapfuurira, handidi kuva rutivi rweungano.’ Asi muKristu anofanira kuva nechimiro chendangariro ichocho here? Kana ukagumburwa nomumwe munhu asina kukwana, kutsamwirireiko ungano yose yavanhu vanogamuchirika kuna Mwari uye inomubatira nokuvimbika? Neiko munhu upi noupi akaita tsauriro kuna Jehovha achifanira kurega kuita kuda kwoumwari nokudaro ndokutsamwira Mwari? Kuchenjera sei kurega munhu kana kuti migariro zvichiparadza ukama hwakanaka hwomunhu naJehovha? Zvirokwazvo, hungava upenzi uye kuita chivi kurega kunamata Jehovha Mwari nokuda kwechikonzero chipi nechipi.—Jakobho 4:17.

15, 16. Dhiotrefe akanga ane mhaka yechii, asi Gayo akazvibata amene sei?

15 Fungidzira kuti wakanga uri muungano imwe cheteyo nomuKristu ane rudo Gayo. Akanga “achiita basa rakatendeka” mukutambanudzira mutsa kuvanamati biyake vaishanya—uye vaenzi zvavo! Asi sezviri pachena muungano imwe cheteyo, makanga mune murume anodada Dhiotrefe. Iye aisagamuchira chinhu chipi nechipi noruremekedzo chaibva kuna Johane, mumwe wavaapostora vaJesu Kristu. Kutara idi, Dhiotrefe akatotaura pamusoro paJohane namashoko akaipa. Muapostora akati: “Asingagutswi neizvi zvinhu, [Dhiotrefe] amene haagamuchiriwo hama noruremekedzo, uye avo vanoda kudzigamuchira anoedza kuvadzivisa uye kukandira kunze kweungano.”—3 Johane 1, 5-10, NW.

16 Kana Johane aiuya kuungano, iye aidisa kuyeuchidza izvo Dhiotrefe akanga achiita. Panguva imwe cheteyo, Gayo namamwe maKristu ane mutsa aiva muungano iyoyo vakaita sei? Hapana ratidziro yapaMagwaro yokuti upi noupi wavo akati: ‘Chero bedzi Dhiotrefe ari muungano, handidi kuva rutivi rwayo. Hamusati muchizondiona pamisangano.’ Pasina panikiro Gayo navamwe vakafanana naye vakamira vakasimba. Havana kurega chinhu chichivaparira kurega kuita kuda kwoumwari, uye zvamazvirokwazvo havana kutsamwira Jehovha. Aiwa, zvamazvirokwazvo, uye havana kutera kumazano amanomano aSatani Dhiabhorosi, uyo angadai akafara kudai vakava vasina kutendeka kuna Jehovha uye vakanga vapomera Mwari mhaka.—VaEfeso 6:10-18.

Usatongotsamwira Jehovha!

17. Tinofanira kuita sei kana munhu akati kana kuti mugariro zvikatigumbura kana kuti kusatifadza?

17 Kunyange kana mumwe munhu kana kuti mugariro muungano usina kusafadza kana kuti kugumbura mubatiri waMwari, uyo anogumburwa aizova chaizvoizvo achishatsa nzira yake amene kana akarega kusonganirana neungano yavanhu vaJehovha. Munhu akadaro aizova asingashandisi zvakafanira masimba ake okunzwisisa. (VaHebheru 5:14) Naizvozvo tsunga kunangana nenhamo dzose somuchengeti weperero. Chengeta ruvimbiko kuna Jehovha Mwari, Jesu Kristu, uye ungano yechiKristu. (VaHebheru 10:24, 25) Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi haigoni kuwanikwa kunzvimbo ipi neipi zvayo.

18. Kunyange zvazvo nguva dzose tisinganzwisisi kubata kwoumwari, tinogona kuva nechokwadi nezvechii pamusoro paJehovha Mwari?

18 Yeukawo kuti Jehovha haatongoedzi munhu upi noupi nezvinhu zvakaipa. (Jakobho 1:13) Mwari, uyo ari rudo rumene runotaurwa somunhu, anoita zvakanaka, zvikurukuru nokuda kwaavo vanomuda. (1 Johane 4:8) Kunyange zvazvo nguva dzose tisinganzwisisi kubata kwoumwari, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha Mwari haasati achizokundikana kuita zviri zvakanakisisa nokuda kwavabatiri vake. Sokutaura kwakaita Petro: “Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunga kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.” (1 Petro 5:6, 7) Hungu, Jehovha anotarisira chaizvoizvo vanhu vake.—Pisarema 94:14.

19, 20. Tinofanira kuita sei, kunyange kana miedzo yedu pane dzimwe nguva ikatiodza mwoyo?

19 Naizvozvo, usarega chinhu chipi nechipi kana kuti munhu upi noupi zvichikugumbura. Sokusanotaura kwakaita wezvamapisarema: “vanoda murau [waJehovha Mwari] vano rugare rukuru; hapana chinovagumbusa.” (Pisarema 119:165) Tose zvedu tinowana miedzo, uye iyoyi ingatiparira kuva vakati netsekei navakaora mwoyo padzimwe nguva. Asi usatongorega kurwadziwa kuchikura mumwoyo mako, zvikurukuru mukurwisana naJehovha. (Zvirevo 4:23) Nebetsero yake uye pahwaro hwapaMagwaro, bata zvinetso zvaunogona kupedza uye tsungirira izvo zvinopfuurira.—Mateo 18:15-17; VaEfeso 4:26, 27.

20 Usatongorega mirangariro yako kukuparira kuita nenzira youpenzi nokudaro ndokushatsa nzira yako. Taura uye ita nomutoo uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Dana pana Jehovha mumunyengetero wakasimba, uchiziva kuti anokuitira hanya chaizvoizvo somumwe wavabatiri vake uye achakupa kunzwisisa kunodikanwa kuti urambire munzira youpenyu navanhu vake. (Zvirevo 3:5, 6) Kupfuura zvose, usatsamwira Mwari. Apo zvinhu zvinoshata, nguva dzose yeuka kuti Jehovha haafaniri kupomerwa mhaka.

Waizopindura Sei?

◻ Chikanganisoi icho Roti akaita, asi Mwari akamurangarira sei?

◻ Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pezvikanganiso nokuzvikudza?

◻ Apo zvinhu zvinoshata, neiko tisingafaniri kupomera Mwari mhaka?

◻ Chii chichatibetsera kudzivisa kutsamwira Jehovha?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pakuparadzana naAbrahama, Roti akaita chisarudzo chakashata pamusoro penzvimbo yake yokugara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe