Pinda “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa!
Wati waita gadziriro here dzokupinda 1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha? Zvirokwazvo, uchabetserwa kupfurikidza nokuvapo mazuva ose matatu! Nedzinopfuura kokorodzano nomwe dzakarongwa muZimbabwe moga, sezvingabvira kokorodzano ichaitwa pedyo nokwaunogara.
Rutyo rwakati runogona kusekesa ushingi ndokuparadza tariro; zvisinei, hurukuro chaiyo yeChishanu mangwanani icharondedzera rutyo rwoumwari ndokurondedzera betsero dzarwo dzakawanda. Zvamazvirokwazvo, purogiramu yose yekokorodzano ichasimbisa idzi betsero.
Chishanu masikati uchanzwa kuti rutyo rwoumwari runogona sei kusimbisa roorano noupenyu hwemhuri, pamwe chete nokuti runogona sei kubetsera vaduku kuramba vakatsiga mukuvimbika kwavo kuna Mwari. Rusando rwamasikati ruchaguma nehurukuro inofadza inoti “Nyaradzo nokuda Kwavakafirwa.” Uchaonga mashoko anoshanda achagoverwa mukati mehurukuro iyoyo okubetsera avo vakarasikirwa navadiwa murufu.
Purogiramu yeChitanhatu icharatidza kuti rutyo rwoumwari runogona sei kusimbisa kuomerera kwedu kunhungamiro yaJehovha pamusoro peungano noushumiri hwedu. Muhurukuro inoti “Rava Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, Zuva Nezuva,” nhume dzichagamuchira zvikarakadzo zvinoshanda zvokurava nokufunda Bhaibheri. Purogiramu yeChitanhatu ichaguma nehurukuro ino musoro unonyandura fariro inoti “Zuva Rinotyisa raJehovha Rava Pedyo.”
Chakatanhamara chepurogiramu yeSvondo ihurukuro inoti “Kuchava Norumuko Rwavakarurama.” Muhurukuro inotevera, “Kuponeswa Vari Vapenyu Mudambudziko Guru,” tsananguro ichagoverwa yechipikirwa chinoshamisa chaJesu pamusoro paavo vasati vachizotongofa.—Johane 11:26.
Rusando rweSvondo mangwanani ruchaguma nechinoitika chinonyandura mufungo chamaminiti 40 chine musoro unoti Zvisarudzo Zvawakatarisana Nazvo. Vateereri vachadzorerwa shure kuzuva raJoshua uye vachaona kuratidzirwa kwechisarudzo chake chakasimba chokubatira Jehovha. Muedzo womwoto womumazuva aEria uchapiwa, uye zvidzidzo zvichawanwa mune izvi zvinoitika zvose zviri zviviri izvo zvichabetsera nhume kuratidzira rutyo rwoumwari nhasi. Mumasikati, hurukuro yavose, “Kutyirei Mwari Wechokwadi Zvino,” ichava chakatanhamara chekokorodzano.
Ita gadziriro zvino dzokupinda. Kuti uwane nzvimbo iri pedyosa nomusha wako, wana Horo yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha kana kuti nyorera vabudisi vamagazini ino.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
T. Rosenthal/SUPERSTOCK