Mazango Emhanza Anogona Kukudzivirira Here?
CHINOONEKERA chakatakurwa muhomwe yomurume weBrazil. Peni remhanza romumhanyi weAmerica. Muchinjikwa woMusande Brigid wakarembera pamubhedha mumusha wemhuri yeIreland. Mamirioni avanhu anoshandisa zvinhu zvakadaro samazango emhanza kana kuti zvitumwa.a Ivo vanodavira kuti kuva naaya mazango kunogona kudzivisa kuvadziko ndokuvaunzira mhanza.
Rangarira Brazil, somuenzaniso. Mukuwirirana namagazini yeVeja, vaBrazil vakawanda vanotakura “zvimedu zvedombo namabwe anokosha zvishomanene zvinonzi zvinoparira simba rokukwezva mhanza namasimba anokosha kumunhu ari mwene wazvo.” Vachitya kuzvidza masimba amashiripiti, vamwe vari munyika iyoyo vanoisa chiratidzo chorudzidziso kana kuti rugwaro pamadziro omusha wavo. Vamwe vanotoshandisa Bhaibheri sezango rinoyera; vanoriratidzira patafura, rakazarurwa zvechigarire kuPisarema 91.
MuAfrica yokumaodzanyemba, muti, kana kuti mushonga, unoshandiswa zvakafanana, kwete chete nokuda kwezvinhu zvawo zvinoporesa, asi sedziviriro parushambwa. Chirwere, rufu, nhamo dzemari, uye kunyange kudanana kwakakundikana zvinowanzofungwa sezvinobva mukushinhirwa navavengi kana kuti mukundikano yokupa vakare vakafa. Muti unowanzowanwa kuna chiremba womuruwa, uyo anovhenganisa zvikamu zvinobva muzvisimwa, miti, kana kuti mativi emhuka. Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, muti hausati uchitongoganhurirwa kumaruwa; muitiro wacho wakapararira mumaguta eSouth Africa. Vanhu vamabhizimisi navakapedza kudzidza payunivhesiti vari pakati paavo vanovimba nomuti.
Kutsvaka mhanza kunozivikanwawo navose munyika dzeEurope. Bhuku rinonzi Studies in Folklife Presented to Emyr Estyn Evans rinotizivisa, kuti: “Hakusati kuchitongova noruwa kana kuti taundi muIreland umo mahorseshoe angasaonwa akasungirirwa pamasuo kana kuti pamusoro pawo edzimba kana kuti zvivako zvokunze.” Zvinotova zvinozivikanwa navose zvikuru munyika iyoyo michinjikwa yemirush yakarembera pamibhedha namasuo kuti iunze mhanza. Vacherechedzi vanotaura kuti, nechapamusoro, vazhinji vavaIreland vanobata kutenda mashura kwakadaro nomutoo usakakomba. Bva, vashomanene vanoafuratira chose chose.
Kutsvaka Dziviriro
Chii chiri chinofadza chezvitendero zvakadaro zvokutenda mashura? Sezviri pachena zvinobatira kuita chinodikanwa chikuru chekotsekano icho vanhu vanacho. Chaizvoizvo, vangani vanonzwa vakakotsekana mumisha mavo, zvishomanene zvikuru vachifamba mumigwagwa usiku? Wedzera kuna ikoko dzvinyiriro yokuwana chokurarama nacho nokutarisira vana. Hungu, tiri kurarama muiyo Bhaibheri rinodana kuti “nguva yenhamo.” (2 Timotio 3:1, The New English Bible) Naizvozvo kunongova bedzi kwomuzvarirwo kuti vanhu vane chishuvo chakasimba chedziviriro.
Ikoku kungava kwakadaro zvikuru mutsika umo zvimiro zvakasiana-siana zvokushandisa midzimu namashiripiti zvakakurumbira. Kutyiwa kweinofungidzirwa kuva midzimu yavakafa kana kuti kwokuva nyajambwa wokutuka kwomuvengi kunogona kuita inonzi dziviriro yezango kana kuti chitumwa iratidzike kuva inokosha. Zvisinei hazvo, The World Book Encyclopedia inoti: “Vanhu vazhinjisa vane rutyo runovaita kuti vave vasina kuchengeteka. Kutenda mashura kunobetsera kukurira rutyo rwakadaro kupfurikidza nokugovera chengeteko. Iko kunovimbisa vanhu kuti vachawana chavanoda ndokudzivisa nhamo.”
Simba Rinopanikirwa Rezvitumwa
Nokudaro, zvitumwa, namazango zvamarudzi akasiana-siana nezvimiro zvinopfekwa, kutakurwa, uye kuratidzirwa navanhu munyika yose. Asi kune mufungo here kudavira kuti zango rakaitwa nomunhu rinogona kugovera dziviriro chaiyoiyo ipi neipi? Zvakawanda zvezvinhu zvinoshandiswa zvakakurumbira samazango zvinhu zvokutengesa zvinoitwa zvakawanda. Hakudenhi here kuva nomufungo nouchenjeri kudavira kuti chimwe chinhu chinounganidzwa mufekitari chingagona kuva namasimba amashiripiti? Uye kunyange chikamu chinogadzirwa zvikuru nachiremba womuruwa hachipfuuri muvhenganiswa wezvinhuwo hazvo—midzi, mbanda, uye zvakafanana. Neiko muvhenganiswa wakadaro ungava nezvinhu zvamashiripiti? Kunze kwezvo, pane ufakazi hupi nohupi chaihwoihwo here hwokuti vanhu vanoshandisa zvitumwa vanorarama kwenguva refu zvikuru—kana kuti vanombofara zvikuru—kupfuura avo vasati? Ko vanhu vanoita mazango amashiripiti akadaro vamene havavi vanyajambwa kuchirwere norufu here?
Panzvimbo pokupa vanhu chengeteko yapachokwadi nokunzwa kwokudzora upenyu hwavo, kushandiswa kwokutenda mashura kwezvitumwa namazango kunodzivisa vanhu zvomenemene kutarisana nenzira youngwaru nezvinetso zvavo uye kunovakurudzira kutarira kumhanza seinorapa zvose. Kuvimba nesimba rezvitumwa kunogonawo kupa mushandisi pfungwa yenhema yechengeteko. Munhu akadhakwa nedoro angataura kuti kuita kwake namano hazvikuvadzwi, asi kana akaedza kuchaira, sezvingabvira anounza kuvadziko kwaari amene kana kuti kune vamwe. Munhu anoisa chivimbo chake musimba rechitumwa nenzira yakafanana angazvikuvadza amene. Achishanda munyengedzo yokudzivirirwa, angakombamira kupinda mungozi dzoupenzi kana kuti kuita zvisarudzo zvisiri zvokuchenjera.
Chitendero musimba rezvitumwa chinopazve dzimwe ngozi dzakakomba dzakavanda kumamirioni anozvishandisa. Chii chiri idzi ngozi, uye pane nzira ipi neipi yakafanira here yokudzivisa nayo kuvadziko? Nyaya inotevera ichabata neiyi mibvunzo.
[Mashoko Omuzasi]
a Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary rinorondedzera “chitumwa” se“zango (sechishongo) kazhinji kazhinji chakanyorwa detembedzo ramashiripiti kana kuti chiratidzo chokudzivirira mupfeki pazvakaipa (sehosha kana kuti uroyi) kana kuti kumuyamura.”