Iwe Unoyeuka Here?
Wakaonga kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi here? Eya, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:
▫ Ibetseroi inoshanda inogona kupiwa kuvanorwara navakweguru vari mukati meungano nhasi?
Muungano yechiKristu yapakuvamba, ndaza yaichengetwa yechirikadzi dzaida tsigiro yokunyama. (1 Timotio 5:9, 10) Nenzira yakafanana nhasi, vakuru vangaita ndaza yavanorwara navakweguru vanoda ngwariro chaiyo. Zvisinei, hakufaniri kusiirwa kuvakuru voga kuita nhano yokutanga muiyi nharaunda. Vose vari muungano vanofanira kuziva zvinodikanwa zvakadaro. (1 Timotio 5:4-8)—8/15, mapeji 28-9.
▫ Nhau yeBhaibheri yaJona achimedzwa nemhuka yomumvura haidaviriki here?
Aiwa, sperm whale, white shark huru, kana kuti zvimwe whale shark inogona kumedza munhu. Uyezve, Jesu amene akasimbisa kuti nhauro yaJona ndeyechokwadi. (Mateo 12:39, 40)—8/15, peji 32.
▫ Ikuvadzikoi inobva mukushandiswa kwokutenda mashura kwezvitumwa namazango?
Kushandiswa kwazvo kunodzivisa vanhu zvomenemene kutarisana nenzira youngwaru nezvinetso zvavo uye kunovakurudzira kutarira kumhanza seinorapa zvose. Zvinopawo mushandisi pfungwa yenhema yechengeteko. Chinokosha zvikuru, munhu anoisa kutenda musimba rezvitumwa zvamashiripiti namazango emhanza angapa kudzorwa kwoupenyu hwake kumasimba asingaoneki oudhemoni.—9/1, peji 4.
▫ Zvinhui zvina zvinogona kubetsera kuita kuti roorano igarise?
Izvozvi kudisa kuteerera, mano okukumbira ruregerero, simba rokugovera tsigiro yenguva dzose yemirangariro, uye chishuvo chokubata nenzira yorudo. (1 VaKorinte 13:4-8; VaEfeso 5:33; Jakobho 1:19)—9/1, peji 20.
▫ Ndeipi iri nzira imwe iyo Jehovha anogovera nayo tsungiriro kuavo vanonangana nemiedzo?
Jehovha anoita ikoku kupfurikidza nemienzaniso yetsungiriro yakanyorwa muShoko rake, Bhaibheri. (VaRoma 15:4) Sezvatinorangarira iyoyi, tinokurudzirwa kutsungirira, uye tinodzidzawo zvakawanda pamusoro penzira yokutsungirira nayo.—9/15, mapeji 11-12.
▫ Chii chiri kuzvipira kwoumwari?
Kuzvipira kwoumwari kunonongedzera kukuzvipira kuna Jehovha uko kunotisunda kuita chinofadza kwaari, kunyange mukutarisana nemiedzo yakaoma, nemhaka yokuti tinoda Mwari kubva pamwoyo.—9/15, peji 15.
▫ Tinofanira kurangarira sei ngoni dzaMwari?
Hatifaniri kutongorerutsa ngoni huru dzaMwari. Tinofanira kuva vakafanana naPauro ndokuratidza kuonga kwedu kupfurikidza nokurwisana nokusakwana kwedu timene. (1 VaKorinte 9:27) Neiyi nzira ticharatidzira, kunyange mukutarisana nezvitambudzo, kuti tine chishuvo chapachokwadi chokuita chakarurama.—10/1, peji 23.
▫ Neiko kwakafanira kuti Pauro akaronga mwoyo murefu sorutivi rwokutanga rworudo?
Kwakataurwa kuti hapagoni kuva nechinhu chakadai soruwadzano rwechiKristu pasina mwoyo murefu, kana kuti pasina kushivirirana nomutoo wokutsungirira. Ikoku imhaka yokuti tose zvedu hatina kukwana, uye kusakwana kwedu nemhosho zvinoedza vamwe. Naizvozvo, mwoyo murefu unokosha kana rudo ruchizovapo pakati pehama.—10/15, peji 21.
▫ MaKristu apakuvamba aishandisa zita raMwari here?
Ufakazi hunotaura kuti hungu. Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari, kuti: “Zita renyu ngarikudzwe noutsvene.” (Mateo 6:9) Uye pamugumo woushumiri hwake akanyengetera, kuti: “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.” (Johane 17:6) Kunze kwezvo, makopi apakuvamba eSeptuagint aiva nezita raMwari muchimiro cheTetragrammaton yechiHebheru.—11/1, peji 30.
▫ Mienzanisoi yeBhaibheri inoratidza kuti nzira yatinotarisira nayo zvikanganiso zvedu inogona kutapura upenyu hwedu?
Mambo Sauro akadzivisa zano nenzira yechisimbwa, uye zvikanganiso zvake zvakawedzera, pakupedzisira zvichiguma norufu rwake mukusatendera kwaMwari. (1 Samueri 15:17-29) Pane rumwe rutivi, pasinei hapo nezvikanganiso zvake nezvivi, Mambo Dhavhidhi akagamuchira nenzira yokupfidza ruramiso ndokuramba akatendeka kuna Jehovha. Iyi mienzaniso yeBhaibheri inoratidza kuti kubvuma zvikanganiso zvedu kunotibetsera kuchengeta ukama hwakanaka naMwari naizvozvo ndokuva nekariro youpenyu husingaperi. (Pisarema 32:1-5)—11/15, mapeji 29-30.
▫ Jehovha anoyamura sei vanhu vake apo vanenge vari munhamo nemhaka yengwavaira dzomusikirwo kana kuti zvimwe zvisakiso?
Jehovha anobetsera, kwete kupfurikidza nokuchinja nenzira yenenji masimba echisiko kana kuti kupfurikidza nerimwe basa rakati rinopfuura romusikirwo, asi kupfurikidza nerimwe simba iro vanhu vazhinjisa vasinganzwisisi zvirokwazvo—rudo. Hungu, Jehovha anoda zvirokwazvo vanhu vake, uye akachengeta pakati pavo kudanana kwakasimba kwazvo zvokuti anokwanisa kuvaitira zvinoratidzika kuva zvenenji. (1 Johane 4:10-12, 21)—12/1, peji 10.