RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/15 pp. 3-4
  • Neiko Kuba Kuri Kuwedzera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Kuba Kuri Kuwedzera?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Vanhu Vachiba?
  • Haufaniri Kuba
  • Ko Urombo Hunoruramisa Kuba Here?
    Mukai!—1997
  • Usambofa Wakava Mbavha!
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Umbavha Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nyika Isina Mbavha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/15 pp. 3-4

Neiko Kuba Kuri Kuwedzera?

RIO DE JANEIRO—Svondo, October 18, 1992. Mahombekombe akakurumbira eCopacabana neIpanema akazara navanhu. Kamwe kamwe, magen’a epwere anovhozhokera mahombekombe, achirwisana pakati pawo amene uye achiba chinhu chipi nechipi choukoshi kuvanhu vari pamahombekombe. Mapurisa akapfuurwa muchiverengero anomira—achitarisa asingakwanisi kubatsira vanyajambwa. Nokuda kwavagari veRio de Janeiro navashanyi, ndichinoitika chisingafadzi zuva riripo.

Chaizvoizvo, utsotsi hunobatanidza zvinhu hwazova hwakapararira. Mumaguta makuru, mbavha dzakabira pwere—uye padzimwe nguva kunyange kudziuraya—kuti dziwane shangu dzadzo. Mbavha dzinopinda kana vanhu vari pamusha kana kuti kwete. Vashandi vomudzimba vasina kutendeseka, pashure pokuziva pane zvinhu mumusha, vanoba zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha nemari, ipapo vanonyangarika. Mapoka anobipitira zvinhu muzvitoro. Mapoka akasanorongwa anotoba vanhu, sezvinooneka muchiverengero chakawedzerwa chokunyerudza muBrazil. Uye sezvingabvira ungagona kupa mimwe mienzaniso kubva muruzivo rwako umene rwokuzviwanira kana kuti kubva mune chakaitika munzanga yenyu. Asi neiko kune kuba kwakawanda kudaro?

Neiko Vanhu Vachiba?

Kunyange zvazvo urombo hunowedzera nokushandiswa kwemirimo zviri zvikonzero zviviri zvikuru, mhinduro yacho haisati iri pachena kwazvo. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Kutsvakwa kwechikonzero chimwe choutsotsi kwakaregwa zvikuru sokusina maturo.” Zvisinei, bhuku rimwe chetero rinokarakadza kuti zvinetso zvakadai sokuba “zvinoparirwa zvakananga nokunzwa kwepwere kwokusafanira nepfundepfunde nemhaka yokubviswa muzviitwa zvokunyama netuso youpenyu hwenhando.” Hungu, nemhaka yedzvinyiriro huru yokudzivirirwa kwefariro dzavatengi, vazhinji havaoni nzira yokuwana nayo zvinhu zvavanoshuva kunze kwokupfurikidza nokuba.

Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, The World Book Encyclopedia inoonesa, kuti: “Mwero woutsotsi unoramba wakatsiga zvikuru muzvaunga zvamagamuchidzanwa umo vanhu vanodavira kuti mararamiro avo achapfuurira. Mwero youtsotsi inowedzera muzvaunga umo chinjo dzinokurumidza dzinoitika pamusoro poumo vanhu vanogara nechavanoita nokuda kwechokurarama nacho—uye mutariro dzavo dzegarikano yavo yomunguva yemberi.” Enisaikoropidhiya yacho inowedzera, kuti: “Vanhu vaduku vane mabanza mashomanene zvikuru ebasa. Mabasa asiri ounyanzvi anowanika anoratidzika kuva asingafadzi paanoenzaniswa nemhindu dzinokurumidza nedzinofadza dzinobva mukuba. Vanhu vaduku vanodisawo zvikuru kupinda mungozi yokusungwa nemhaka yokuti vane banza duku muzvinhu sezvazvakaita.”

Bva, vazhinji vasingashandi kana kuti vane mabasa anobhadhara zvishomanene havabi, nepo zviverengero zvikuru zvavashandi vomuhofisi nevomunzvimbo dzinogadzirwa zvinhu vachiba pabasa sokunge rutivi rwomubhadharo wavo. Kutaura idi, nokuda kwemimwe miitiro yokubhinya, nzvimbo yakati yenzanga inodikanwa. Hausati wanzwa nezvezvinonyadzisa zvinobatanidza zvitsama zvikuru zvemari umo avo vaibatanidzwa vakanga vari vezvamatongerwe enyika, vashandi vehurumende, uye vezvebhizimisi here? Hapana panikiro pamusoro pako, kuba hakuna kuganhurirwa kuvarombo.

Yeukawo kuti mabhaisikopo nepurogiramu dzeTV kazhinji kazhinji dzinoita jee rokuba (gamba ringatova mbavha), uko kunoita kuti umbavha huve hunogamuchirika zvikuru. Sezvinobvumwa, kutarira zvakadaro kunganzi varaidzo, asi panguva imwe cheteyo, vateereri vanoratidzwa nzira yokuba nayo. Pfungwa haipiwi here nenzira yamanomano yokuti utsotsi zvichida hunobhadhara? Nenzira isingapanikirwi, makaro, usimbe, uye mufungo wokuti munhu ari wose anokuita asingarangwi zvose zvinotungamirira kukuwedzera mukuba. Nenzira isingarambwi, tinorarama mu“nguva dzakaoma” dzakadeya kutaurwa apo udyire nokuda mari zvinopararira.—2 Timotio 3:1-5, NW.

Haufaniri Kuba

Pasinei hapo nezvinokosha zvenyika yakamonyaniswa, kunokosha kuteerera murairo, unoti: “Wakaba, ngaarege kubazve.” (VaEfeso 4:28) Munhu anonyanyokoshesa zvinhu kana kuti mifarwa angazvinyengera amene kupinda mukudavira kuti kuba kwakafanira ngozi. Asi kana kwakakomba mumeso aMwari uye kunozivisa kusada munhu biyako. Kunze kwezvo, kunyange kuba kuduku kungatungamirira kukuomesa kwomwoyo womunhu. Uye zvakadiniko nokurangarirwa sousina kutendeseka? Ndiani achavimba nembavha? Nokuchenjera, Shoko raMwari rinoti: “Kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muurai, kana mbavha, kana unoita zvakaipa.”—1 Petro 4:15.

Zvamazvirokwazvo unoshurikidza wedzero mukuba, asi vanhu vari munharaunda umo utsotsi hwakazara vanogonana sei nahwo? Vamwe vaichimbova mbavha vakachinja sei mararamiro avo? Kuba kuchazomboguma munyika yose here? Tinokukoka kurava nyaya inotevera inoti, “Nyika Isina Mbavha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe