RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 10/15 pp. 4-7
  • Nyika Isina Mbavha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Isina Mbavha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Wakaba, Ngaarege Kubazve”
  • Chengeteko Munyika Itsva yaMwari
  • Rutyo Ruchaguma Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Neiko Kuba Kuri Kuwedzera?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kugonana Noutsotsi Munyika Yakanyongana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 10/15 pp. 4-7

Nyika Isina Mbavha

KWAKAITIKA nokukurumidza kwazvo. Mumwe murume akapfeka zvakanaka akanongedza pfuti kumusoro waAntônioa pamberi pomusha wake muSão Paulo, Brazil, akakumbira kii namagwaro emotokari yake, uye akatyaira nokukurumidza achienda.

MuRio de Janeiro, mwanasikana wake ane makore gumi okukura achiona, varume vana vakasanoshongedzerwa nezvombo vakakurira mumwe murume anonzi Paulo. Ipapo, pashure pokutyaira dzichienda kumusha wake, mbavha dzacho dzakapinda ndokuba zvadzaida, dzichizadza motokari mbiri dzaPaulo. Dzichityisidzira mudzimai waPaulo norufu, dzakaenda naye nomushandi senhapwa kuchitoro chaPaulo chezvinhu zvakanga zvakagadzirwa namabwe anokosha chiri muguta, icho vakatorera chinhu chiri chose choukoshi. Nenzira isingakarirwi, kunyanguvezvo, mbavha dzacho gare gare dzakaridza runhare, dzichitaura kwadzakanga dzasiya motokari.

Kunosiririsa mwoyo sei kubirwa mari nezvinhu zvakawanwa nokushanda zvakaoma! Kunyange zvazvo Antônio kana kuti Paulo vasina kudaro, vamwe vanoita chiito vasingashandisi mutoo wapamutemo. Vangaita kuti mbavha yacho ibhadhare nenzira yakaoma, kana kuti vangarasikirwa noupenyu hwavo vamene. Somuenzaniso, apo mumwe muduku akabvuta wachi yake, mumwe mukadzi ashatirwa weBrazil akavhomora pfuti mubhegi rake ndokupfura mbavha yacho, achiiuraya. Muuyo wacho? O Estado de S. Paulo inoshuma, kuti: “Vanhu vaipupurira chinoitika chacho vakarumbidza zvikuru chimiro chendangariro chomukadzi asingazivikanwi, uye hapana munhu akada kubetsera mapurisa kumuziva.” Kunyange zvazvo achishuva nyika isina mbavha, maKristu haadzoreri sezvakaita mukadzi iyeyo. Sezvo matsive ari aMwari, anoteerera mashoko ari pana Zvirevo 24:19, 20, anoti: “Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; uye usagodora vakaipa. Nokuti munhu wakaipa haana mubairo; mwenje wowakaipa uchadzimwa.”

Asi kana ukadenhwa, chii chaunogona kuita? Chinoitika chomuRio de Janeiro chinoratidza kuti kunokosha sei kuramba wakaterama. Mumwe muKristu, Heloísa, akanga achienda nebhazi kundoitisa fundo yeBhaibheri yapamusha. Varume vaviri vakavamba kubira vakwiri. Achisvika pachiteshi chebhazi apo aifanira kuburukira, Heloísa akavaudza kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti akanga achienda kundoitisa fundo yeBhaibheri. Akaratidza Bhaibheri rake neyamuro yefundo. Dzisingamubiri, mbavha dzacho dzakamubvumira kuburuka. Mumwe mukwiri, kunyanguvezvo, haana kubvumirwa kuburuka. Mutyairi gare gare akataura kuti akanga asina kutongoona chinhu chipi nechipi chakafanana nacho.

Regina akarambawo akaterama apo akarairwa navarume vaviri vakashongedzerwa nezvombo kupinda mumotokari yake. Achiratidza kopi yake yomunhu oga yemagazini yaMukai!, Regina akapupurira. Sezvo mbavha dzakanga dzine ruzazu, akadzikumbira kuzarura munoiswa zvinhu mumotokari umo akanga achengeta siwiti. Asi dzichiona makaseti eKingdom Melodies, dzakavamba kuteerera nziyo idzodzo. Mugariro wacho uchiva woushamwari zvikuru, mbavha dzakasarudza kusiya Regina asina kukuvadzwa mumugwagwa, dzichimuvimbisa kuti angawana munhu ane mutsa kuti amubetsere. Pashure pokufamba kwamaminiti gumi, akawana imba, asi saimba wacho aisagona kudavira nhau yake, achiti: “Hauratidziki kuva wadenhwa; wakaterama kwazvo.”

Kunyange zvazvo nyajambwa angasakuvadzwa mumuviri, chinoitika chinotyisa chakadaro chinogona kuparira miuyo yapashure yakakomba. ‘Nyajambwa angava asina kuchengeteka, anovenga mitezo yemhuri kana kuti avo vanoedza kumubetsera, asingakwanisi kuvimba navamwe, akabatikana nokuronga udzame, anonzwa kuti nyika haina kururama,’ inoshuma kudaro O Estado de S. Paulo. Mukusiana, nyajambwa anovimba naJehovha Mwari sezvingabvira zvikuru achapukunyuka chinoitika chacho asina kukuvadzwa mumuviri nomundangariro. Kunyanguvezvo, haungabvumi here kuti chingava chikomborero kudai kusisina utsotsi kana chinhu chipi nechipi chinoparira rutyo?

“Wakaba, Ngaarege Kubazve”

Kunyange zvazvo vazhinji vachida mararamiro avo amakaro, Shoko raMwari rakabetsera mbavha kuchinja zvishuvo zvadzo nohunhu hwadzo. (VaEfeso 4:23) Dziine donzo chairoiro rakavakirwa muBhaibheri muupenyu, vanoteerera mashoko, anoti: “Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, pakuva nepfuma zhinji nokusarurama.” (Zvirevo 16:8) Cláudio anorondedzera, kuti: “Vanodokuva vose mumhuri yangu vakanga vari Zvapupu, asi handina kutongoteerera zvavaitaura pamusoro paJehovha namadonzo ake. Ndichidzoka parwendo rwaanodokusvika makiromita 2 000 ndiri mumotokari isina denga shure yakabiwa, ndaifanira kupfuura nomunzvimbo zhinji dzokunzvera dzamapurisa. Ndichidaro ndakaziva kuti ndaifanira kuchinja upenyu hwangu. Ndakanga ndaedza kuita ikoko kare asi pasina rubudiriro. Nguva ino ndakavamba kufunga nezvehama dzangu dzokunyama dziri Zvapupu zvaJehovha uye kuti dzakasiana sei, dzine mufaro, mufarwa, uye rugare.” Somuuyo, Cláudio akavamba kufunda Shoko raMwari, akarega mirimo nedzaichimbova shamwari dzake, uye akava mushumiri wechiKristu.

Vamwewo zvino vanoteerera mashoko, anoti: “Regai kuvimba nokumanikidza, regai kuzvikudza pamusoro pokupambara.” (Pisarema 62:10) Pashure pokutongerwa kugara mutorongo nokuda kwokuedza kuuraya mukati mokuba, José, akapindwa muropa nemirimo nomutengesi zvisiri pamutemo wemirimo, akabetserwa nefundo yeBhaibheri nehama yake yokunyama. Akarega mirimo uye zvino Chapupu chinoshingaira.

Kunyanguvezvo, hunhu hutsva hahuvipo kamwe kamwe kana kuti nenenji. Oscar, uyo akanga ave abatanidzwa zvikuru nemirimo nokuba, anorondedzera, kuti: “Ndakanyengetera zvikuru kwazvo kuna Jehovha zvokuti uriri kazhinji kazhinji hwairatidzika kuva gungwa duku nemisodzi yangu mizhinji.” Hungu, kunze kwefundo yokushingaira yeShoko raMwari, munyengetero wenguva dzose, womwoyo wose unodikanwa. Cherekedza uchenjeri huri muuyu murangariro wokunyengetera: “Regai kundipa urombo kana pfuma; ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti: ‘Jehovha ndianiko?’ Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, ndimhure zita raMwari wangu.”—Zvirevo 30:8, 9.

Udyire hunofanira kutsiviwa norudo rwapachokwadi: “Wakaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike, abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.” (VaEfeso 4:28) Somuchinoitika chamaKristu omuzana rokutanga ramakore ayo aichimbova ‘mbavha kana kuti vanhu vana makaro,’ Jehovha, kupfurikidza norudzikinuro rwaJesu Kristu, anokanganwira nenzira yengoni avo vanopfidza. (1 VaKorinte 6:9-11) Kunonyaradza sei kuti pasinei hapo nenguva yedu yekare, tinogona kuchinja mararamiro edu ndokuwana nyasha dzaMwari!—Johane 3:16.

Chengeteko Munyika Itsva yaMwari

Fungidzira pasi risina mbavha. Ungasada gadziriro inodhura yokuita kuti mitemo iteererwe, magweta, mapurisa, uye matorongo! Ingava nyika inobudirira umo mumwe nomumwe angaremekedza vamwe nezvinhu zvavo! Ikoko kunoratidzika kuva kusingadaviriki here? Mwari achapindira zvomenemene munhau dzavanhu ndokugumisa kusateerera mutemo here? Tinokukoka kunzvera ufakazi hwokuti Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti uporofita hwaro hunovimbika. Uchawana hwaro hwakasimba hwechivimbo chokuti chinjo iri mberi. Hakuna munhu anogona kudzivisa Mwari pakuunza sununguko yakapikirwa kuvose vanoda kururama: “Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, vachaoma somuriwo mutema.” (Pisarema 37:1, 2) Mashoko iwayo akanyorwa kare kare achakurumidza kuzadzikwa chose chose.

Umambo hwaMwari huchagumisa rusuruvaro nokusarurama, izvo zvinoparira kusava netariro kuzhinji kwazvo nokusava nechokwadi. Hakuna munhu achava anoshaiwa, achinzwa ari mudzvinyiriro yokuba. Tinopikirwa muuporofita, kuti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; zvibereko zvazvo zvichaunga seRebhanoni [yakare]; vanogara paguta vachakura souswa pasi.” (Pisarema 72:16) Chaizvoizvo, muParadhiso ichadzorerwa, hapana chichavhiringidza rugare rwavanhu vanoziva uye vanonamata Mwari wechokwadi.—Isaya 32:18.

Iyoyo ichava tuso yakadini nokuda kwokuva takadzivisa nzira dzenyika ino ine makaro! Zvirevo 11:19 inoti: “Kururama kwazvokwadi kunoisa kuupenyu; asi unotevera zvakaipa, unovinga rufu rwake.” Hungu, pashure pokunge vanhu vakaipa vagurwa, hapana munhu achava nechikonzero chokutyira upenyu hwake kana kuti zvinhu zvake. Pisarema 37:11 inotipa chipikirwa ichi: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe amazita akachinjwa.

[Bhokisi riri papeji 5]

Kugonana Nezvomene Yokuba

PAMUSHA—Sezvo mbavha dzingavhozhokera uri pamusha kana kuti zvimwe kwete, chengeta masuo akapfigwa uye akakiiwa. Nyanzvi dzinorumbidza kuva namabhera kana kuti imbwa inochengeta. Zivisa muvakidzani akavimbika apo uchave usipo uri pazororo. Ramba wakaterama—mbavha dzinoita chiito nokukurumidza, nenzira isingakarirwi, uye dzinogona kuchinja gadziriro kamwe kamwe kana dzikava noruzazu. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, zvizivise umene ndokuedza kupupurira. Ungakwanisa kuwana ushamwari kana kuti kunzwira tsitsi. Usadzivisa kutoti ukadenhwa mumuviri.

MUNZVIMBO DZAVOSE—Svinurira kucherekedza kana mumwe munhu ari kukutevera. Famba pakati penzira dzinofambwa nadzo dzomurutivi momugwagwa. Dzivisa migwagwa ine rima neisisashandiswi. Chengeta chikwama chako kana kuti zvinokosha zvakachengeteka. Famba nokukurumidza sokunge uri kuenda kune imwe nzvimbo. Dzivisa kupfeka zvipfeko zvinodhura kana kuti zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha anopenya. Tenga neshamwari apo migariro inokuda. Takura mari yaunoda bedzi, yakaparadzirwa muhomwe dzakasiana-siana kana kuti nzvimbo.

MUMOTOKARI—Kana “kutorerwa motokari urimo” kwava kwakapararira munharaunda yenyu, usaramba uri mumotokari yako yakamiswa. Chinja nzira yako pakuenda nokudzoka kubasa. Famba nenzira yakachengeteka zvikuru, kunyange kana yakati rebei zvikuru. Usati wamisa motokari, tarira-tarira uone kana chimwe chinhu chichiratidzika kuva chinonyumwirika. Dzivisa kuzarura bhuti munzvimbo isisashandwi. Usasiya zvinhu zvinokosha zvichioneka mumotokari. Cheni dzakakiiwa dzinooneka kana chimwe chinhu chokudzivisa kubirwa chingaodza mwoyo mbavha dzisiri dzenguva dzose.

[Bhokisi riri papeji 6]

“Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane zvifunho nengura zvinopedza, napane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvifunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.”—Mateo 6:19, 20

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe