RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 12/15 pp. 27-31
  • Kufirwa Nomurume Kana Mudzimai

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufirwa Nomurume Kana Mudzimai
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MARWADZO ANOITA SEASINGAPERI
  • USAZVIDYA MWOYO NEZVEZUVA RINOTEVERA
  • TARIRO YORUMUKO INONYARADZA
  • CHINOITA KUTI TIVE NETARIRO
  • Chirikadzi Uye Varume Vakafirwa—Vanodei? Ungavabatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Chemai Nevanhu Vanochema”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Vamwe Vanogona Sei Kubetsera?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • “Muvengi Wokupedzisira” Achakurirwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 12/15 pp. 27-31

Kufirwa Nomurume Kana Mudzimai

BHAIBHERI rinotaura zvakajeka kuti murume anofanira kuda “mudzimai wake sezvaanozviita.” Mudzimaiwo “anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” Vose vanofanira kuita mabasa avo ‘senyama imwe.’ (VaEf. 5:33; Gen. 2:23, 24) Nokupindana kwemazuva, vaviri ava vanova bhandi nebhurukwa uye rudo rwavo rwunoramba ruchisimba. Unogona kuzvifananidza nemidzi yemiti miviri iri kukura iri pedyo nepedyo ichipindana-pindana. Murume nomudzimai vanofara vanopedzisira vaita semiti iyoyo.

Ko kana pakazoita mumwe wavo anofa? Kubatana kuya kwanga kwasimba kunenge kwaparara. Anenge afirwa wacho anowanzosara ava neronda mumwoyo, achisurukirwa uye dzimwe nguva akashatirwa kana kuti achizvipa mhosva. Daniella, uyo akanga ava nemakore 58 akaroorwa, ane vakawanda vaaiziva vakafirwa nevarume kana kuti vakadzi.a Asi paakazofirwa nomurume akati: “Ndanga ndisingambozivi kuti ndiwo manzwiro aunoita kana zvaitika. Haumbozvinzwisisa kusvikira zvaitika kwauri.”

MARWADZO ANOITA SEASINGAPERI

Vamwe vanotsvakurudza vanoti hapana chinhu chinoshungurudza kupfuura kufirwa nomurume kana mudzimai waunoda. Vakawanda vakafirwa vanobvumirana nazvo. Murume waMillie akafa makore akawanda apfuura. Paanotsanangura upenyu hwake sechirikadzi anoti, “Ndinonzwa kunge ndakaremara.” Aitaura nezvekurwadziwa kwaari kuita, kuri kukonzerwa nokufirwa nomurume wake waanga agara naye kwemakore 25.

Susan aimboona vakadzi vanotora makore vachingochema kufirwa nevarume sevaizonyanya. Akazofirwa nemurume wake waakanga ava nemakore 38 naye. Iye zvino papfuura makore 20, asi anoti, “Ndinofunga nezvake mazuva ose.” Anotombodonhedza misodzi nokumusuwa.

Bhaibheri rinobvuma kuti kufirwa nomurume kana mudzimai kunotora makore kuchirwadza. Pakafa Sara, Abrahamu murume wake, “akapinda kuti acheme Sara nokumusvimhira misodzi.” (Gen. 23:1, 2) Pasinei nokuti Abrahamu aitenda murumuko, akarwadziwa zvikuru nokufirwa nomudzimai wake waaida. (VaH. 11:17-19) Jakobho haana kukanganwa mudzimai wake waaida Rakeri, pashure pemakore afa. Akataura nezvake kuvanakomana vake achiratidza kuti akanga achiri pamwoyo pake.—Gen. 44:27; 48:7.

Tinodzidzei pamienzaniso iyi yomuMagwaro? Vanenge vafirwa nevarume kana vakadzi vanowanzorwadziwa kwemakore akawanda. Hatifaniri kuvashora patinoona vachichema uye vakasurukirwa, asi tinofanira kunzwisisa kuti ndizvo zvinoitika kana munhu arasikirwa nomumwe wake. Vangatoda kuti tirambe tichivanzwira tsitsi uye tichivatsigira kwenguva yakareba.

USAZVIDYA MWOYO NEZVEZUVA RINOTEVERA

Hakusi kuti kana munhu afirwa nomumwe wake anenge angodzokera paaiva asati aroora kana kuroorwa. Mushure memakore vakaroorana, murume anowanzoziva nzira yokunyaradza mudzimai wake uye kumufadza paanenge akasuruvara. Murume akafa, mukadzi wacho anosara asisina anomuratidza rudo uye anomunyaradza. Saizvozvowo, nokufamba kwenguva mukadzi anosvika pakuziva zvaangaita kuti murume wake asave nechaanotyira uye afare. Hapana chingaenzaniswa nokumubata kwaanoita zvinyoronyoro, kumuzorodza nemashoko uye kumuitira zvose zvaanoda. Kana akafa, murume anogona kunzwa asisina chaangararamira. Saka vamwe vanenge vafirwa nomumwe wavo vanenge vasisina chokwadi neramangwana ravo uye vanenge vava kutya. Mashoko api ari muBhaibheri angavabatsira kuti vasatya uye vave norugare?

Mwari anogona kukubatsira kusazvidya mwoyo nezvezuva rinotevera

“Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.” (Mat. 6:34) Mashoko aJesu iwayo anonyanya kushanda panyaya yezvokurarama nazvo, asi akabatsira vakawanda kutsungirira dambudziko rokufirwa. Mwedzi mishomanana mudzimai wake afa, mumwe murume anonzi Charles akanyora kuti: “Ndichiri kusuwa Monique zvisingaiti, uye dzimwe nguva zvinoita sezviri kutowedzera. Zvisinei, ndinoziva kuti zvinoitika, uye kuti nokufamba kwenguva kurwadza kwacho kuchapedzisira kwati dererei.”

“Kufamba kwenguva” ndiko kwakabatsira Charles. Kwakamubatsira sei? Akati, “Ndichibatsirwa naJehovha ndaisazvidya mwoyo nezvezuva rinotevera.” Charles haana kurega shungu dzekufirwa dzichimukunda. Kurwadziwa kwake hakuna kungopera nemusi mumwe chete, asiwo hakuna kumukurira. Kana wakafirwa nomumwe wako, edza kusazvidya mwoyo nezvezuva rinotevera. Hauzivi kuti mangwana uchabatsirwa kana kuti uchakurudzirwa zvakadini.

Jehovha haana kumbobvira ada kuti vanhu vafe. Rufu rimwe ‘remabasa aDhiyabhorosi.’ (1 Joh. 3:8; VaR. 6:23) Satani anoita kuti vanhu vakawanda vave varanda vasina tariro achishandisa rufu uye kutya kufa. (VaH. 2:14, 15) Satani anofara kana munhu akafunga kuti haazombofi akafara uye akagutsikana, kunyange munyika itsva yaMwari. Saka chivi chaAdhamu uye manomano aSatani ndizvo zvinoita kuti munhu afirwa arwadziwe. (VaR. 5:12) Jehovha achagadzirisa zvose zvakakonzerwa naSatani, oparadza chacho chaari kushandisa noutsinye, rufu. Pavanhu vakasunungurwa pakutya kunokonzerwa naSatani, pane vakawanda vakafirwa nemurume kana mudzimai, sezvaungave wakaitawo.

Panyaya yevaya vachamutsirwa pasi pano, zviri pachena kuti pane zvakawanda zvichachinja paukama hwevanhu. Funga nezvevabereki, vanasekuru navanaambuya, uye madzitateguru achamutswa vopedzisira vava vanhu vakakwana pamwe chete nevana vavo nevazukuru. Panenge pasisina zvokuchembera. Pamwe vaduku vachatofanira kudzidza kuona madzitateguru avo zvakasiyana nemaonero avari kuvaita iye zvino. Hatibvumi here kuti kuchinja ikoko kunenge kuchitova kuvandudzika kwemhuri yevanhu?

Pane mibvunzo yakawanda inogona kufungwa nevanhu nezvevachamutswa, sokuti vaya vakaroora kana kuroorwa kanoverengeka vachifirwa vachaita sei. VaSadhusi vakambobvunza nezvemukadzi akanga aroorwa nevarume vanoverengeka achingofirwa. (Ruka 20:27-33) Kana vamutswa, vanhu vakadaro vanenge vaine ukama hwakaita sei? Hatizivi, uye hapana chikonzero chokuita zvokufungidzira kana kuzvinetsa nezvatisingazivi. Iye zvino tinofanira kungovimba naMwari. Zvatinoziva ndezvokuti, chero zvichaitwa naJehovha mune remangwana zvichange zvakanaka, uye zvinhu zvatinofanira kutotarisira kwete kutya.

TARIRO YORUMUKO INONYARADZA

Imwe yedzidziso dzakajeka dziri muShoko raMwari ndeyokuti vadiwa vedu vakafa vachamutswa. Nhoroondo dziri muBhaibheri dzerumuko dzinotipa chivimbo chokuti “vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.” (Joh. 5:28, 29) Vanhu vachange vari vapenyu panguva iyoyo vachafara pavachasangana nevaya vanenge vasunungurwa nerufu. Uyewo, hatigoni kufungidzira mafariro achaita vaya vachamutswa.

Pachamutswa vakafa, pasi rose richazara nevanhu vanofara zvarisati ramboita. Mabhiriyoni evanenge vamutswa achavazve pakati pevapenyu. (Mako 5:39-42; Zvak. 20:13) Kufungisisa nezvechishamiso ichi chichaitwa kunofanira kunyaradza vose vakafirwa nevadiwa vavo.

Kuti pangava nemumwe anenge asingafari panomutswa vanhu vose ivavo? Bhaibheri rinopindura kuti panenge pasina. Isaya 25:8 inoti Jehovha “achaparadza rufu nokusingaperi.” Izvozvo zvinosanganisira kubviswa kwenhamo yose inokonzerwa norufu, nokuti uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti: “Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” Kana iye zvino wakasuwa nokuti wakafirwa nomumwe wako, zvechokwadi rumuko rwuchakufadza.

Hapana munhu anonyatsonzwisisa zvose zvichaitwa naMwari munyika itsva. Jehovha anoti: “Nokuti sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvowo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu.” (Isa. 55:9) Kuvimbisa kwakaitwa naJesu kuti kuchava norumuko kunotipa mukana wokuvimba naJehovha sezvakaitwa naAbrahamu. Chinokosha iye zvino ndechokuti muKristu mumwe nomumwe aite zvatinonzi naMwari tiite kuitira kuti ave pakati pevaya “vakakodzerwa nokuwana mamiriro ezvinhu epanguva iyoyo” pamwe nevaya vachamutswa.—Ruka 20:35.

CHINOITA KUTI TIVE NETARIRO

Panzvimbo pokutya remangwana, iva netariro. Mukuona kwevanhu, remangwana harina kujeka. Asi Jehovha anotipa tariro yechimwe chinhu chiri nani. Tingasaziva hedu kuti Jehovha achanyatsogutsa sei zvose zvatinoda pakurarama uye zvishuwo zvedu, asi tinofanira kuva nechokwadi kuti achazviita. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tariro inoonekwa haisi tariro, nokuti munhu angatarisira chinhu kana achichiona here? Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinoramba takamirira tichitsungirira.” (VaR. 8:24, 25) Kuva netariro yakasimba muzvipikirwa zvaMwari kuchakubatsira kutsungirira. Kutsungirira kuchaita kuti uzova neramangwana iroro rinoshamisa apo Jehovha “achakupa zvinokumbirwa nomwoyo wako.” Achagutsa “zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.”—Pis. 37:4; 145:16; Ruka 21:19.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vimba nechipikirwa chaJehovha cheramangwana rizere nomufaro

Jesu ava pedyo nokufa, vaapostora vake vakanga vachitambudzika mumwoyo. Jesu akavanyaradza nemashoko aya: “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka. Tendai muna Mwari, tendaiwo mandiri.” Akavaudza kuti: “Handingakusiyii marasikirwa. Ndichauya kwamuri.” (Joh. 14:1-4, 18, 27) Mashoko ake aizoita kuti vateveri vake vakazodzwa vave netariro uye vatsungirire kwemazana emakore. Vaya vane shungu dzokuona vadiwa vavo pavachamutswa havafaniriwo kuora mwoyo. Jehovha neMwanakomana wake havasi kuzovasiya vachingochema. Hapana mubvunzo nezvazvo!

a Mazita akachinjwa.

Kurudzira Vanenge Vafirwa

Vakawanda vanowanzouya kumba kwemuKristu anenge afirwa nemurume kana kuti mudzimai kuzomubata maoko uye kumubatsira nedzimwe nzira. Somuenzaniso, chirikadzi inogona kuonga chaizvo rudo rwainoratidzwa nehama neshamwari. Asi kurwadziwa nekufirwa kunopora zvishoma nezvishoma, saka anoda kunyaradzwa uye kutsigirwa kwenguva yakati rebei. Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvir. 17:17.

Tinofanira kukwazisa sei munhu achiri kuchema mumwe wake? Bhaibheri rinopa zano iri: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo.” (1 Pet. 3:8) MuKristu anenge afirwa anogona kumbotora nguva asinganzwi zvakanaka. Saka kunyange zvazvo munhu angataura achifunga kuti ari kugona, mashoko akadai sokuti “Munofara here?” kana kuti “Huri sei upenyu?” anogona kusava akakodzera. Munhu akafirwa anogona kufunga kuti, ‘Hungagova sei upenyu iwe uchiziva kuti ndakafirwa’ kana kuti ‘Ndingagofara sei ini ndiri panguva yakadai?’ Saka zvinogona kubatsira kana ukatanga wakwazisa munhu neruremekedzo sokuti “Makadii henyu” wozotaura mashoko anokurudzira, akadai sekuti “Tangoti tipfuure tichikuonai,” kana kuti “Kukuonai muungano kunondikurudzira zvikuru.”

Unogona kukoka munhu akafirwa kuti muzodya kana kuti mumbofamba-famba mose. Marcos, mumwe murume akafirwa nemudzimai, akanyaradzwa chaizvo neshamwari dzake dzaimushanyira. Vaitaura nezvei? Anoti: “Taisanyanya kutaura nezvematambudziko angu asi chero chinhu chinokurudzira.” Imwe chirikadzi inonzi Nina inoti: “Shamwari dzangu dzinowanzotaura mashoko akanaka panguva yakakodzera. Pamwe pacho hapana chavanotaura, vanenge vachingova neni.

Kana munhu afirwa achida kutaura nezvedambudziko rake, teerera nechido uye nemwoyo murefu. Usangobvunza mibvunzo yekuda kuzivurura. Usade kumutsvakira mhaka. Haufaniri kumupa zano kuti anofanira kuchema sei kana kuti kwenguva yakareba sei. Usarwadziwe kana akati umbomusiya ari oga. Unogona kuzodzoka imwe nguva. Ramba uchimuratidza rudo.—Joh. 13:34, 35.

Une Mibvunzo Nezveramangwana Here?

Zviri matiri sevanhu kuti tifunge kuti Mwari achazadzisa sei zvaakavimbisa. Abrahamu aigarofunga nezvevimbiso yaMwari yokumupa mwanakomana. Jehovha akamukurudzira kuti ave nemwoyo murefu. Murume iyeye akanga akatendeka haana kuodzwa mwoyo.—Gen. 15:2-5; VaH. 6:10-15.

Jakobho akasuwa mwanakomana wake Josefa paakanzwa kuti akanga afa. Pashure pemakore, Jakobho akanga achiri kuchema mwanakomana wake waaifunga kuti akanga afa. Asi Jehovha akachengetera Jakobho akanga akatendeka chikomborero chaasina kumbobvira afungira. Jakobho akazosanganiswazve naJosefa, uye akafarawo kuona vazukuru vake. Jakobho akati: “Ndakanga ndisina pfungwa yokuona chiso chako, asi tarira Mwari aita kuti ndionewo vana vako.”—Gen. 37:33-35; 48:11.

Tinodzidzei panhoroondo idzi? Chokutanga, iva nechivimbo chokuti hapana chinotadzisa Mwari Wemasimbaose kuita kuda kwake. Chechipiri, kana tikanyengetera, toshandira zvatanyengeterera mukuwirirana nekuda kwaMwari, achatipa zvatinoda iye zvino uye mune ramangwana achanyatsogutsa zvido zvedu zvose. Pauro akanyora kuti: “Iye anogona kuita zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda matiri, ngaakudzwe pachishandiswa ungano uye pachishandiswa Kristu Jesu kusvikira kuzvizvarwa zvose nokusingaperi-peri. Ameni.”—VaEf. 3:20, 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe