Ngwavaira Dzomusikirwo—Chiratidzo Chenguva Here?
“RUDZI ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava neperevedzo dzezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo imwe pashure peimwe. Zvinhu zvose izvozvi mavambo amarwadzo enhamo.” Naaya mashoko Jesu Kristu akatsanangurira vadzidzi vake mazana amakore 19 apfuura kuti zvinoitika zvakadaro zvine ngwavaira, pamwe chete newedzero yokusateerera mutemo uye kuparidzirwa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari, zvaizotanga chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chinoratidzira “mhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3-14, NW.
Nemhaka yaizvozvo, tinofanira kubvunza kuti, Tiri kuona kudengenyeka kwapasi, madutu, mafashamo, kusanaya kwemvura, uye nzara zvine ngwavaira zvikuru kupfuura zvakaita zvizvarwa zvomunguva yakapfuura here? Uye pasinei zvapo nefambiro mberi musaenzi noruzivo rwokugadzira zvinhu, vanhu vakawanda zvikuru mumwero vari kutambura somuuyo here?
Kuvazhinji mhinduro ndihungu. Somuenzaniso, magazini inonzi New Scientist inonyevera kuti “nyika inogona kukarira ngwavaira dzakawanda muma 1990 kupfuura mumakumi amakore akapfuura.” Nenzira yakafanana, muUN Chronicle yaJune 1991, mutungamiriri weWorld Meteorological Organization akati: “Kwakarerekera kwakajeka zvikuru. Kuvambira muma 1960 kusvikira kuma 1980 . . . , kwave kune wedzero yakapetwa kashanu muuwandu hwengwavaira huru dzomusikirwo, uye wedzero yakapetwa katatu mukurasikirwa kwakakwana mune zvemari.” Ichigovera murangariro muduku pamusoro penhau yacho, World Health, magazini yeUN World Health Organization, yakati: “Mienzaniso yengwavaira dzomusikirwo nemiuyo yadzo inoparadzanya inogona kurondwa munhau yose. Zvisinei, sezvo zana ramakore rechi 21 rinosvika, tinotarisana nomuvhenganiswa unochinja wemigariro yezviverengero zvokuberekwa, nzufu, hosha, uye yezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo noruzivo rwokugadzira zvinhu iyo inoita kuti zviverengero zvakawanda zvavagari vapasi zvive zvinotapurwa zvikuru nesimba renhamo dzose dziri mbiri dzomusikirwo nedzinoitwa nomunhu.”
Munhu upi noupi anopa ngwariro kuzvinoitika zvazvino haasati achishamiswa nokutaura kwakadaro. Zvinobudisa nhau hazvitongoshaiwi nhau dzinokatyamadza, kungava kuputika kwegomo muPhilippines, kudengenyeka kwapasi muCalifornia, mafashamo muBangladesh, nzara muSomalia, dutu muHawaii, kana kuti masaisai muNicaragua. Hakutongopfuuri mwedzi pasina mushumo wengwavaira mukona rimwe renyika kana kuti rimwe.
Vamwe vanhu vanoramba ikoku sokusingakoshi. Ivo vanoita nharo kuti wedzero iri pachena mungwavaira munguva yedu inongova zvayo nemhaka yokushuma kuri nani kana kuti nokuchengeta zvinyorwa kuri nani. Ivo vanoitazve nharo kuti vanhu vakawanda vari kutambura nengwavaira nemhaka bedzi yokuti kune vanhu vakawanda nhasi. Ko idzi nharo inhau yakazara here?
Cherechedza chinotaurwa munyaya yeNew Scientist yanokorwa mashoko pamusoro apa. “Kwaiva nengwavaira 523 dzakashumwa muma 1960 uye 767 muma 1970. Pakasvika ma 1980, chiverengero chacho chakanga chasvika 1387.” Inopfuurira kutsanangura kuti “rutivi rwewedzero iri pachena mukati mamakore gumi apfuura inogona kuparirwa nokujeka kukuru zvikuru mukushuma ngwavaira muChina neSoviet Union.” Ipapo inowedzera, kuti: “Kunyange zvakadaro, chiverengero chacho chiri kukura.” Wedzero huru muchiverengero chengwavaira haigoni kunzi inoparirwa nokushuma kuri nani kana kuti kuchengeta zvinyorwa kuri nani kwoga.
Uyezve, UN Chronicle yaMarch 1992 inoshuma, kuti: “Mukati mamakumi maviri amakore apfuura, vanhu vanenge mamirioni matatu vakarasikirwa noupenyu hwavo uye vamwe vane mamirioni 800 vakatapurwa no‘ruparadziko, nhamo nokutambura’ zvakaparirwa nengwavaira dzomusikirwo.” Ikoku kunoreva kuti anenge mumwe muvanhu vanomwe vari vose vanogara pasi pano akatapurwa norudzi rwakati rwengwavaira kana kuti nhamo. Ikoko kunokatyamadza zvirokwazvo uye kunosiya nzvimbo duku yokupanikira kuti yedu inhambo yechinjo nokusaterama.
Sezvo Bhaibheri richideya kutaura nguva yakadaro yenhamo huru, kunoreva here kuti Mwari anosakisa ngwavaira nokutambura zvinobva mazviri? Vanhu vazhinji vanofunga kudaro. Asi chii chinoratidza maidi? Uye chinokosha zvikuru, chii chinoratidza Bhaibheri?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Butiro: W. Faidley/Weatherstock
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]
Middle photo: Mark Peters/Sipa Press
WHO/League of Red Cross