RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/1 pp. 2-4
  • Apo Ngwavaira Dzomusikirwo Dzinorova

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Ngwavaira Dzomusikirwo Dzinorova
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ngwavaira Dzomusikirwo—Mwari Ndiye Anosakisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ngwavaira Dzomusikirwo—Chiratidzo Chenguva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/1 pp. 2-4

Apo Ngwavaira Dzomusikirwo Dzinorova

Accra, Ghana, July 4, 1995: Madzvotsvotsvo muanodokuva makore 60 akaparira kufashamira kwakakomba. Vane 200 000 vakarasikirwa nechinhu chiri chose, 500 000 vakarasikirwa nemisha yavo, uye 22 vakarasikirwa noupenyu hwavo.

Kobe, Japan, January 17, 1995: Kudengenyeka kwapasi kwakapedza masekondi 20 chete kwakasiya zviuru zvafa, makumi ezviuru akuvadzwa, uye mazana ezviuru asina misha.

San Angelo, Texas, U.S.A., May 28, 1995: Madutu nechimvuramabwe zvakaparadza guta iri ravagari 90 000, zvichiparira zvakaparadzwa zvinofungidzirwa kuva zvinokosha mamiriyoni $1 200.

TIRI kurarama mune inganzi nhambo yengwavaira. Mumwe mushumo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose unoratidzira kuti munhambo yamakore 30 kubvira muna 1963-92, nhamba yavanhu vakaurawa, vakakuvadzwa, kana kuti vakaparadzirwa nengwavaira yakawedzera neavhareji ye6 muzana gore rimwe nerimwe. Mumiriro wezvinhu usingafadzi wakaparira UN kuzivisa ma1990 se“Makore Gumi Enyika Dzakawanda Okuderedzwa Kwengwavaira Dzomusikirwo.”

Chokwadika, simba romusikirwo—rakadai sedutu, kuputika kwamakomo, kana kuti kudengenyeka kwapasi—nguva dzose hariunzi ngwavaira. Mazana anoitika gore rimwe nerimwe pasina kuvadziko kuvanhu. Asi apo kufa kukuru nekuparadzwa kwezvinhu kunobatanidzwa, nenzira yakarurama inogona kunzi ngwavaira.

Kuwedzera kwengwavaira dzomusikirwo kunoratidzika kuva kusingadzivisiki. Bhuku rinonzi Natural Disasters—Acts of God or Acts of Man? rinoti: “Vanhu vari kuchinja mhoteredzo yavo kuti ive inotapurwa zvikuru nengwavaira dzakati, uye vari kuzviita vamene vasina kudzivirirwa zvikuru pangozi idzodzo.” Bhuku racho rinopa muenzaniso wokufungidzira: “Kudengenyeka kwapasi kusina kusimba mutaundi rezvitangwena rine dzimba huru dzakavakwa nezvidhina zvedhaka dziri parutivi pemumanimani mune mawere kungasanobvumikisa kuva ngwavaira kana toreva nezvenzufu dzavanhu nokutambura. Asi ngwavaira yacho mugumisiro zvikuru wokudengenyeka kwapasi kana kuti weidi rokuti vanhu vari kugara mudzimba dzine ngozi zvakadaro panzvimbo ine ngozi zvakadaro here?”

Kuvadzidzi veBhaibheri, kuchine chimwe chikonzero nei kuwedzera mungwavaira dzomusikirwo kusingashamisi. Anodokuva makore 2 000 apfuura, Jesu Kristu akafanotaura kuti “kuguma kwenyika” kwaizoratidzirwa, pakati pezvimwe zvinhu, ne“nzara . . . nokudengenyika kwenyika kunzvimbo zhinji.” (Mateo 24:3, 6-8) Bhaibheri rakafanotaurawo kuti mukati me“mazuva okupedzisira,” vanhu vaizova vanozvida vamene, vanoda mari, vasina chidakadaka chomuzvarirwo, uye vasingadi runako.a (2 Timotio 3:1-5) Aya mavara kazhinji kazhinji anoparira kuti munhu apesane nemhoteredzo yake, achiita kuti vanhu vave vasina kudzivirirwa zvikuru pamasimba omuzvarirwo. Ngwavaira dzakaitwa navanhu dzinoparirwawo nenzanga isina rudo umo vazhinjisa vanofanira kurarama vari.

Sezvo pasi redu rinova rine vanhu vazhinji zvikuru, sezvo kuita kwomunhu kunoisa vanhu mungozi huru zvikuru, uye sezvo zviwanikwa zvapasi zvinorega kutarisirwa zvakanaka nenzira inowedzera, ngwavaira dzichapfuurira kutambudza munhu. Kugovera yamuro kunopa denho, seizvo nyaya inotevera icharatidza.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemashoko akawanda pamusoro pechiratidzo chamazuva okupedzisira, ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, mapeji 98-107, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Pamusoro: Information Services Department, Ghana; kurudyi: San Angelo Standard-Times

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO:Maxie Roberts/Courtesy of THE STATE

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe