Unorava Magazini Here?
1 Vafundisi vakaroorana muAfrica vakanga vane izvi zvokutaura nezvemagazini edu: “Nharireyomurindi inotibetsera kuramba takamuka mumudzimu mundima yedu. Tinokurudzirwa nokuwana simba muchinyorwa chimwe nechimwe.” Unoonga zvikuru magazini edu zvakafanana here? Uye unodisa kuarava zvakadaro here?
2 Zvinoda nguva yakati kuti kugadzirira nyaya dzemagazini dzinogona kuraviwa mumaminiti mashomanene chete. Uchiziva izvi, uchangoravawo zvako nyaya dzacho, kutarira mifananidzo, kana kuti kurava nyaya dzinokufadza apo napapo here? Takachenjera kana tikaita zvinopfuura izvozvo. Tinofanira kunyatsoverenga nokunyatsonzvera nyaya dzose dziri muzvinyorwa zvemagazini edu. Nharireyomurindi imagazini yedu inokosha inotipa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. Mukai! ine nyaya dzinofadza nedzinodzidzisa panhau dzakasiyana-siyana. Zvatinodzidza kupfurikidza nokurava magazini aya hazvingotisimbisi bedzi mumudzimu asi zvinotishongedzerawo kuita basa roushumiri tichibudirira kupfuura zvatiri kuita. Kana isu pachedu tiri varavi vakatendeka, tichava vanodisa kugovera magazini acho kune vamwe.
3 Nzira Dzokuvandudza Nadzo Miitiro Yokurava: Ungavandudza here kuti usasara shure pakurava magazini? Hezvino zvikarakadzo zvakaonekwa nevakawanda zvichishanda. (1) Ronga rudungwe rwenguva dzose rwokurava. Kupfurikidza nokungotsaura maminiti 10 kana kuti 15 zuva roga roga bedzi kuti urave, uchashamiswa kuti unogona kurava zvakawanda sei pashure pevhiki. (2) Iva nemuitiro wokuramba uchiziva zvaunenge warava. Zvimwe unogona kuisa chiratidzo pamavambo enyaya imwe neimwe yaunorava. Kana ukasaita izvi, ungasarava dzimwe nyaya kana kuti magazini yose chaiyo. Zvinokosha kutanga muitiro wokurava unokushandira ndokuomerera kwauri.—Enzanisa naVaFiripi 3:16.
4 “Muranda wakatendeka, wakangwara” nokuchenjera akachinjawo nokuchinja kwenguva kupfurikidza nokubudisa nyaya dzinobata nezvinhu chaizvoizvo zvinodiwa nevanhu. (Mat. 24:45) Chokwadi, magazini acho anga ane nyaya dzine chokuita noupenyu hwedu. Kufambira mberi kwatinoita mumudzimu kunodzorwa zvakanyanya nemiitiro yedu yokurava zvinhu zvaMwari. Vanowana nguva yokurava magazini ose vakachengeterwa chikomborero chakakura chomudzimu.