RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Baba Venherera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ratidza Kuva Nehanya Ne“nherera”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mhuri Dzisina Baba—Kuita Kuti Dzisavepo
    Mukai!—2000
  • Mhuri Dzisina Baba—Chiratidzo Chenguva Yacho
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Sezvo Bhaibheri kazhinji kazhinji richidudza “mukomana asina baba,” (NW) ko ikoku kunoratidzira itiro hanya shomanene here nokuda kwavasikana?

Zvamazvirokwazvo kwete.

New World Translation of the Holy Scriptures inoshandisa chitsama chamashoko chokuti “mukomana asina baba” mundima dzakawanda idzo dzinoratidzira itiro hanya yaMwari nokuda kwavana vasina mubereki. Mwari akajekesa iyi itiro hanya mumitemo yaakapa kuna Israeri.

Somuenzaniso, Mwari akati: “Imi vanhu hamufaniri kutambudza chirikadzi ipi neipi kana kuti mukomana asina baba. Kana mukatongomutambudza, ipapo kana akatongochema kwandiri, handingatongokundikani kunzwa kuchema kwake; uye kutsamwa kwangu kuchamuka zvamazvirokwazvo, uye ndichakuurayai zvamazvirokwazvo nomunondo, uye vadzimai venyu vachava chirikadzi uye vanakomana venyu vakomana vasina baba.” (Eksodho 22:22-24, NW) “Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari naShe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba neanotyisa, usingatsauri munhu kana kuti kugamuchira fufuro, anoita rutongeso nokuda kwomukomana asina baba nechirikadzi.”—Dheuteronomio 10:17, 18, NW; Dheut. 14:29; 24:17; 27:19.

Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzinorava kuti “mwana asina baba” kana kuti “nherera” muidzi ndima, nokudaro dzichibatanidza vakomana navasikana. Zvisinei, kushandura kwakadaro kunofuratira mavara anowanika mushoko guru rechiHebheru (ya·thohmʹ), riri muchimiro chomunhurume. Panzvimbo pezvo, New World Translation of the Holy Scriptures inoshandisa kushandura kwakarurama “mu[va]komana asina baba,” sepaPisarema 68:5, iro rinorava kuti: “Baba wavakomana vasina baba uye mutongi wechirikadzi ndiMwari munzvimbo yake inoyera.” Chichivakirwa pakunzwa kumwe cheteko kuchiHebheru chikuru, chimiro chomunhurume chechiito muPisarema 68:11 chinorumbidza kurava kwokuti: “Vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji-zhinji.”a

Kunyange zvazvo “mwanakomana asina baba” kuri kushandura kukuru kwaya·thohmʹ, ikoku hakufaniri kurangarirwa sokunokarakadza kusavapo kwokuitira hanya vasikana vasina mubereki. Zvikamu zvamashoko zvakanokorwa mashoko nezvimwe zvinoratidza kuti vanhu vaMwari vaikurudzirwa kutarisira vanhukadzi, chirikadzi. (Pisarema 146:9; Isaya 1:17; Jeremia 22:3; Zekaria 7:9, 10; Maraki 3:5) MuMutemo, Mwari akabatanidzawo nhauro pamusoro pechisarudzo chokutonga icho chaisimbisa nhaka nokuda kwavanasikana vasina baba vaZerofehadhi. Kutonga ikoko kwakava murairo nokuda kwokubata migariro yakafanana, nokudaro kuchitsigira maruramiro evasikana vasina baba.—Numeri 27:1-8.

Jesu haana kusarura nechimiro chomunhurume kana kuti chomunhukadzi mukuratidza mutsa kuvana. Panzvimbo pezvo, tinorava, kuti: “Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira. Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa, akati kwavari: ‘Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.’ Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza.”—Marko 10:13-16.

Shoko rechiGiriki pano rinoshandurwa kuti “vana vaduku” riri muchimiro chisiri chomunhurume kana kuti munhukadzi. Rimwe duramashoko rakakurumbira rechiGiriki rinotaura kuti iri shoko “rinoshandiswa pamusoro pavakomana navasikana.” Jesu akanga achiratidzira fariro inowirirana inoratidzwa naJehovha muvana vose, vakomana navasikana. (VaHebheru 1:3; enzanisa naDheuteronomio 16:14; Marko 5:35, 38-42.) Kunofanira nokudaro kuzivikanwa kuti zano riri muMagwaro echiHebheru pamusoro pokutarisira “vakomana vasina baba” rakaenzana nezano pamusoro penzira yatinofanira kuitira hanya nayo vana vose vasina mubereki kana kuti vabereki.

[Mashoko Omuzasi]

a Tanakh yechiJudha inorava, kuti: “ISHE anopa murairo; vakadzi vanounza mashoko iboka guru.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe